01/10/2026
ANENZEVE NGAANZWE β οΈβ οΈπ
VIMBAI NAMWARI, ITYAI MWARI
paNyika paita nhume dzasatani wanyengeri wanoshambadzira zvekutsautsa kurombesa nemashoko ekunyengera .
Mashoko ekurudziro mukuvimba naMwari anobatsira Vanotenda achirwadza Vasingade kutendeuka. Svinurai meso murege kutsauka muchiona .
π Siyai zvekuteera wanoshambadzira zvekurombesa.
π Regai kuvimba nen'anga asiwimbai naMwari.
π Ngatishandei neSimba redu tichiita kuda kwaMwari kuti tione kubata kwakwe.
π Wanoshambadzira zvekutsautsa vanozviziwa kuti zvinozonetsa mangwana havaudze Vanhu chokwadi nekuti waripabasa.
π Kuromba hakupedze nhamo asikuterera Mwari nekuita kudakwaMwari.
π Kereke hadzisimbiswe nemishonga asi naMwari . Musaterera Vanhu Wanoshambadzira kuti wanopa simba .
π₯ Kushinga kugara nemishonga
π₯ Kushinga kuita zvidhoma uchisiya Mwari.
π₯ Anotadza nekuda haangaregererwe nekuti shoko ririkuti Vimbai naMwari.
Waiti wezvakaipa wachatongwa .ndinotenda kuneanzwa
Varipo nhasi paNyika n'anga dzinozviti dzinopfumisa mazuva matatu ,dzinozviti dzinopa masimba kuvanhu kutuwaite mabasa esimba . Hamadzinodiwa ngwarirai nekuti chiyedza nerima hazvidyidzane .Zvemishonga zvinoguma zvinozotambudza ,Asi kuvimba naMwari Hakuna dambudziko.
Pfungwa ngadzirege kunyengerwa nevanoita zvemishonga wachiramba Mwari . Satan anobata pfungwa , Ukaonamunhu anoita zvakaipa achiziva kuti Anotadza ziwaikuti akabatwa pfungwa naSatan.
Ukaona usingarangarire kuti MWARI MUTUNGAMIRI PAZVOSE unengenge wakabatwa pfungwa naSatan.
Hunyope hunokonzera kuti wamwe wanamate zvifananidzo , Vanenhamo wanowimba nemishonga inozowatambudza mangwangwana. Kusada kuvimba naMwari kwakonzeresa vazhinji kutadzira Mwari.
Ndiko kurashika kwamazuva ekupedzisira , Regai kuteedzera nekuti mumwe akadaro . Mashoko ekurudziro kuVanhu π
MWARI MUTUNGAMIRI PAZVOSE RWIRAI NEKUNZVENGESA WANOITA KUDAKWENYU ππππππππππππππππ
Mwari Tibatsireiwo...
A
M
E
N
SHARE ..... @