sis Vig

sis Vig Strong. Smart. Mebho.
(7)

Nditeiwo makorokoto 🔥🤗
22/11/2025

Nditeiwo makorokoto 🔥🤗

13/11/2025

"When one door closes, another one opens."

06/11/2025

Zve BRING BACK LOST LOVER zvinoshanda here?

06/11/2025
Kuroorwa  kwangu  🤗Semunhu akaberekwa kwa Marange tsanangudzo dzaingoburuka ku church ndaingonzi Vig awufe wakaroorwa nd...
24/10/2025

Kuroorwa kwangu 🤗

Semunhu akaberekwa kwa Marange tsanangudzo dzaingoburuka ku church ndaingonzi Vig awufe wakaroorwa ndakaroiwa nezitete remumusha .zvakadaro zvisineiwo rimwe gore takayenda kumusangano wegore we church.Takanakirwa kani musangano uyu wakanakidza vanhu vakawanda vakawuya zvisineiwo urimusi we china tiri pamusangana takagara kuma bag ndakatanga kuita nyaya nevamwe tichiseka vamwe, mai vechikuru ndipo pavakangoti ah ndakufarira ufunge ndine hanzvadzi yangu iriko inoda mukadzi hana kubvira aroora 🤗.vakanditi kana ndabvuma ndaizove mukadzi wake uye pfuma yaizono bviswa nekuchimbidza ,ndichinzwa izvo ah ndakadanganyika breen🤣semunhu ayida kurorwa plus ndakafunga tsanangudzo dziya ndikati satan manje wairasa ndazoroorwa .urimusi we Sat musanganano uchipera Sunday takabva tatiza pasusangano na tete vemurume Mai Zviko .
Takasvika Shurugwi kwaiva kumusha kwavo. ndakagara unenge mwedzi ndipo pavakanozivisa vekumba .Murume wangu wacho ndakasvika zvichinzi ari Harare ayizowuya.Mumwe musi akayerekana awuya nechibhagi musha wese ukabuda ukanomu chingura ku gedi nezvivana zvepo zvaingo daidzira 🗣🗣🗣 mukoma! mukoma! madzoka asvika ndichinomuti bha wanikwe munhu wacho hana kunyatsoti kwesere 🤦🏻‍♀️ndakashaya zvekuita kana kwekuyenda zvimbo ndaisaiziva ,waiti chero uchitawura naye zvimwe zvacho zvaisanzwikwa ,mumwe musi ndokumubvunza kuti maiva ku Harare kupi akati ah andikuzive ku Harare vana mama vakati ndigare muhosi ndisabuda ,vaindivigira chikafu ndirimo imomo,masoja emuviri wangu akatora kuzorora kwechinguvana ndakanzwa kupera simba misodzi ichibuda tete mai Zviko vakandinyaradza vakati murume wako uyu ndewako wega(sezvo asina kukwana) uye vaizondibetsera pazvese zvinodiwa. Murume wacho ayitova wekufungira zvese 🤦‍♀️ apana chaitawo ega ndewekutoteverera ,nguva yacho kwaisava nema foni ekuti ndaizofona kumba .ndakagara nemunhu wandaisada kana kutarisisa kuti ndinga roorwa naye.mazuva akapindana ikavemwedzi akava makore Mwari vakatirangarira nevana 8 mudiki wacho aripamukaka ndipo pakashaika murume wangu ayishanda kuchikorokoza zvino mine yakadirika ivo ndokudhirikirwa asi ndotenda Mwari nevana vangu vakanaka.

mai zviko ndine chigumbu navo vakandi nyengera kutizira😏 hama yavo isina kuti kwesere

Murisei ndodawo help nyaya yangu yakamira so. ndakarambiwa nemukomana ndokuyenda pane vamwe sekuru vandakanzwawo nembiri...
21/10/2025

Murisei ndodawo help nyaya yangu yakamira so. ndakarambiwa nemukomana ndokuyenda pane vamwe sekuru vandakanzwawo nembiri kuti vaizvigona zvekudzosa vadiwa chero vane ma 10 years vanovadzosa .ndakayendako ndakanzi huya nezvipfeko zvenyu nditambe dare racho uye ne 20 dollars chete .ndakaitsvaka 20 mari ndikayenda musi wekutanga ndakanotemerwa nyora .musi wechi 2 ndakanonzi ndigeze pamharadzano musi wechi 3 ndokupuwa zvandakapuwa zvidori zviviri zvaka sungwa netambo ye hembe dzedu ndokunzi ndigeze nazvo ndapedza ndonokanda mu drainage uye kwandisingambofe ndakasvika ,ndaka geza ndikakwira bus ndakananga Bulawayo ndakaswera ndichitenderera kutsvaka kusvika ndawana main whale ndikarasira munamato uya ndikadzoka kumba .zveshuwa zvakashanda munhu wangu aka kanzura marooro akarega kuroora musikana wainge ava kufambidzana naye takapengesana zvakare asi dambudziko randakawona munhu wangu akachinja ane hasha chinhu chidiki chaitomugumbura zvekudaro uye kuroora ayingoti Vig ndichawona kuti ndodii ,ndakadonza dzinenge 2 years chabuda apana munhu asi kutawura zvekuroora zvadaro ndakazowana anondida problem baba ava asai kuda kurambiwa uye kuroora kwacho avade andichazive kuti ndodii sekuru vaya vakabva pavaigara uye kwandakarasira mhiko iya andichakuzive ndodiko makazeni🤦‍♀️

Zvichanaka 🤗
13/10/2025

Zvichanaka 🤗

You with the wrong person again 😁😅
06/10/2025

You with the wrong person again 😁😅

06/10/2025

Zvekunzwa mafindifuva ndezvekushaya 🤦‍♀️

03/10/2025

Yuwi October ngaachipera tadzidza zvakawanda

Address

Gaborone

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when sis Vig posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share