24/10/2025
Kuroorwa kwangu 🤗
Semunhu akaberekwa kwa Marange tsanangudzo dzaingoburuka ku church ndaingonzi Vig awufe wakaroorwa ndakaroiwa nezitete remumusha .zvakadaro zvisineiwo rimwe gore takayenda kumusangano wegore we church.Takanakirwa kani musangano uyu wakanakidza vanhu vakawanda vakawuya zvisineiwo urimusi we china tiri pamusangana takagara kuma bag ndakatanga kuita nyaya nevamwe tichiseka vamwe, mai vechikuru ndipo pavakangoti ah ndakufarira ufunge ndine hanzvadzi yangu iriko inoda mukadzi hana kubvira aroora 🤗.vakanditi kana ndabvuma ndaizove mukadzi wake uye pfuma yaizono bviswa nekuchimbidza ,ndichinzwa izvo ah ndakadanganyika breen🤣semunhu ayida kurorwa plus ndakafunga tsanangudzo dziya ndikati satan manje wairasa ndazoroorwa .urimusi we Sat musanganano uchipera Sunday takabva tatiza pasusangano na tete vemurume Mai Zviko .
Takasvika Shurugwi kwaiva kumusha kwavo. ndakagara unenge mwedzi ndipo pavakanozivisa vekumba .Murume wangu wacho ndakasvika zvichinzi ari Harare ayizowuya.Mumwe musi akayerekana awuya nechibhagi musha wese ukabuda ukanomu chingura ku gedi nezvivana zvepo zvaingo daidzira 🗣🗣🗣 mukoma! mukoma! madzoka asvika ndichinomuti bha wanikwe munhu wacho hana kunyatsoti kwesere 🤦🏻♀️ndakashaya zvekuita kana kwekuyenda zvimbo ndaisaiziva ,waiti chero uchitawura naye zvimwe zvacho zvaisanzwikwa ,mumwe musi ndokumubvunza kuti maiva ku Harare kupi akati ah andikuzive ku Harare vana mama vakati ndigare muhosi ndisabuda ,vaindivigira chikafu ndirimo imomo,masoja emuviri wangu akatora kuzorora kwechinguvana ndakanzwa kupera simba misodzi ichibuda tete mai Zviko vakandinyaradza vakati murume wako uyu ndewako wega(sezvo asina kukwana) uye vaizondibetsera pazvese zvinodiwa. Murume wacho ayitova wekufungira zvese 🤦♀️ apana chaitawo ega ndewekutoteverera ,nguva yacho kwaisava nema foni ekuti ndaizofona kumba .ndakagara nemunhu wandaisada kana kutarisisa kuti ndinga roorwa naye.mazuva akapindana ikavemwedzi akava makore Mwari vakatirangarira nevana 8 mudiki wacho aripamukaka ndipo pakashaika murume wangu ayishanda kuchikorokoza zvino mine yakadirika ivo ndokudhirikirwa asi ndotenda Mwari nevana vangu vakanaka.
mai zviko ndine chigumbu navo vakandi nyengera kutizira😏 hama yavo isina kuti kwesere