
09/06/2025
Hallo tete ndibatsireiwo nhai
ndatadza here. Ndaka heka phone yemurume wangu, ndaida kuona kuti munhu waarikudanana naye ndizvo here zvandikufunga. Ndakaona zvirizvo arikutoda kuroora day ndi nhasi. So ini ndomirira averenga ma message ndopandopindawo ndoverenga. Mari yeroora bhangu aive ne 5k musikana akamupa 2k kuti iite 7 zvityise.
Ndaitsvaka mari iyi all along ndichiishaya ndofunga yaive ku office yakauyiwa nayo nezuro. Babe racho rakaisa message kuti wadii nemari uyu akati ndasiya mumota pasi pe seat rako. Meaning mother's seat. Ini ndakamuka na 2am afa nehope ndikanotora mari ndikacherera mu garden kwakusiya mota isina ku lockwa.
Zvino Shasha izvozvi iri kugeza kuda kubuda ini ndatovabikira riri sadza chairo kuti pavanorohwa ne shock vange vadya. Ndatadza here nhai ini akandibisira 1.5k ndakunopa baba namai vangu roora vadye . Dakuona ini achandibvunza here zvemari apa musikana atoti saloon now doing make up with my girls.
ADMIN'S RESPONSE : WELDONE MWANA WEHANZVADZI NDIWE UNOMIRIRIRA WOMAN'S LEGUE 👏👏👏