18/10/2023
Zvairwa Vasara Part Two
Chimbambaira chakaputika guys ndiona face yese plus mukanwa mazara ropa, nzeve dzainge dzavhara and handina kukwanisa kana kutaura. I remember falling down then light out. Regai ndikuudzei kuti Takafamba sei to Moza
Takasimuka kubva paschool pedu kuma 12pm, paive ne four trained soldiers and 30 school kids kusanganisira nevamwe from ma school aive mu area. The plan was kuti tifambe kuenda kure zuva risati ranyura uye shoko risati rasvika kumuvengi kuti mu area mamboonekwa ma gandanga. Takafamba zuva iroro tiri zii, to avoid kuonekwa taifambira musango. Tainzi kana tave kuyambuka road tofamba ne reverse munhu wese. Izvi zvaiitirwa kuti kana muvengi akaona matsimba aitevera ne wrong direction. Kuma 5Pm tanga tafamba mitunhu, tsoka dzorwadza and ka motivation kange kopera manje. So taifunga kuti tichanzi let’s rest tidye, plus taifunga kuti team iri raive nekwavanga vasiya food ko taizivei.
Tsoka dzakarohwa kusvika kuma 8 pm zvikanzi ngatimbozororai pano, painge pasina mvura kana food. I remember mumwe musikana achikumbira food zvikanzi matotanga hondo so, muhondo hamudyiwe, tichazodya kana tawana rusununguko. Takanzi kana muine nzara torai rwodzi rwemuti wainzi mupfuti, ukautsenga nyota inodzikira plus simba rinomboti wedzerei mbichana. Hazvina kutora nguva tainge tatorara musango imomo nekuneta. After maybe three hours takamutswa nemhere, pane one kukomana ainge arumwa nenyoka pa gumbo. Painge pasina anorapa, mushonga kana chii zvacho and airatidza kuti he was in pain. Pkatanga kufungwa kuti todii, vamwe vakati ngatimutorei tidzokere naye, ma soldiers akaramba zvikanzi mukabatwa munozotaura kuti vamwe varipi. Akaramba oridza mhere, takamboendza kumunyaradza but haa Zvakaramba.
Pasina chinguva takaona malights mudenga achiteverwa ne noise yechikopo kopo. It was coming in our direction, takanzi wese ane hembe chena bvisa woirarira right now.
In a matter of seconds tainge tabvisa hembe tavapa pasi semadzvinyu aripamushana. Helicopter rekutanga rakadarika, rechi two ndiro rakationa dzikati dzorira pfuti. Paingo ridzwa ichimwaya mabara, pakangonzi munhu wese titevere, guys takamhanya husiku iwoyo tichitevera ma soldiers edu. Takamhanya maybe zvekuma 20 KM husiku iwowo, taiti kubaiwa neminzwa, kumarwa kumeso, makumbo, kurovera mumatombo. Takazomira tayambuka rwizi rwunonzi mukumbura tave pedyo ne Moza. From 30 Kids tanga tave 17 chete. Kusvika nazvino hameno kuti vamwe vakaendepi and panga pasina nguva yekutsvaga. Munhu wese yainge yangove misodzi kuerera takati zii pasina anotaura. This is the time yazvakapinda mupfungwa kuti ndiyo inonzi hondo. Takangomira kwema minutes ndokubva tasimudzira kufamba.
Tave kusvika kunotangira Moza takasanaga nerimwe dambudziko. Pane mukomana aifamba ari mberi kwangu akatsika chimbambaira mai kani. Chakaputika munhu makuumbo rikaita ma piece mapeace kusvika muwest umu. My front yese yakazara ropa and I think rimwe rakatopinda mukanwa. Noise yandivhara nzeve kwema minutes ndikabatwa nedzungu and I fainted. I remember ndichizomuka ndakaberekwa ne one of the soldiers, handizive kuti uyu wekuputikirwa vakaita sei naye.
We walked
Takazosvika painzi pamhiripiri rinova zita ravaipa pa area paiitwa pickup. Now we had crossed to Moza. Takasvika paye tokuwana paine a lorry that was waiting for us. From there we were taken to chimbodza inove camp ye training. Takasvika zuva roda kuvira. Tichangosvika takabva tapihwa porridge rehupfu. Kana wane nzara zvinhu zviye zvinonzka weduwe. After three hours tikapihwa Sadza ndokunzi chirairai, paive pasina dzimba, tairara mumupanda. Kana wakaneta haumbozvifunga zvekuti hapana imba, all we wanted was rest for a week, how naïve. Mangwanani kusati kwanyatsoedza takamutswa nekudirwa mvura. Takangonzwa Recruit muka, hondo yauya!! Ndiko kutanga kwakaita training.
To be continued....