Mr Frozen Stories

  • Home
  • Mr Frozen Stories

Mr Frozen Stories Frozen Nation is a page dedicated to life stories faced by people in life. Other stories are just pure imagination.

Some stories are based on true life stories but edited by the Author to make them exciting and conceal the identity of the actual people.

👩🏼“Ndewani Mwana uyu?”👱‍♀️“Ndewa Memoe”👩🏼“Ko uyu akagara pasi?”👱‍♀️“Naye futi ndewa Memoe"👩🏼“So ko aya maTwins aya ke?”👱...
16/06/2025

👩🏼“Ndewani Mwana uyu?”

👱‍♀️“Ndewa Memoe”

👩🏼“Ko uyu akagara pasi?”

👱‍♀️“Naye futi ndewa Memoe"

👩🏼“So ko aya maTwins aya ke?”

👱‍♀️“Navo futi ndeva Memoe”

👩🏼“Kanty aripi Memoe wacho?”

👱‍♀️“Ndiye uyo ari mumunda akabata mwana”

👩🏼“Uyo ane nhumbu?”

👱‍♀️“Yah”

👩🏼“So uyu mwana akabatwa newani?”

👱‍♀️“Naye ndewake”

👩🏼“Yho hayi regai ndibude”

👱‍♀️“Yeah rega ndibude newe”

👩🏼“Uchienda kupi nhai?”

👱‍♀️“Ndr kutevera mwana wechikoro”

👩🏼“Ndewani mwana wauri kutevera?”

👱‍♀️“Naye ndewa Memoe?”

👩🏼“Memoe wacho mwana waMhamha vako?”

👱‍♀️“Hayi ini ndinoti gogo kuna mhamha vaMemoe”

👩🏼“So uri mwana wani?”

👱‍♀️“Ndiri first born yaMemoe”

Usanyima vamwe iwe waseka🥹

09/05/2025

What's your take?

Send a message to learn more

UP NEXT!!
24/03/2025

UP NEXT!!

23/10/2024

TODAY MAKES THE END OF MY JOURNEY AS A WRITTER. THANK YOU ALL FOR YOUR SUPPORT.

Send a message to learn more

Zvairwa Vasara Part TwoChimbambaira chakaputika guys ndiona face yese plus mukanwa mazara ropa, nzeve dzainge dzavhara a...
18/10/2023

Zvairwa Vasara Part Two

Chimbambaira chakaputika guys ndiona face yese plus mukanwa mazara ropa, nzeve dzainge dzavhara and handina kukwanisa kana kutaura. I remember falling down then light out. Regai ndikuudzei kuti Takafamba sei to Moza

Takasimuka kubva paschool pedu kuma 12pm, paive ne four trained soldiers and 30 school kids kusanganisira nevamwe from ma school aive mu area. The plan was kuti tifambe kuenda kure zuva risati ranyura uye shoko risati rasvika kumuvengi kuti mu area mamboonekwa ma gandanga. Takafamba zuva iroro tiri zii, to avoid kuonekwa taifambira musango. Tainzi kana tave kuyambuka road tofamba ne reverse munhu wese. Izvi zvaiitirwa kuti kana muvengi akaona matsimba aitevera ne wrong direction. Kuma 5Pm tanga tafamba mitunhu, tsoka dzorwadza and ka motivation kange kopera manje. So taifunga kuti tichanzi let’s rest tidye, plus taifunga kuti team iri raive nekwavanga vasiya food ko taizivei.

Tsoka dzakarohwa kusvika kuma 8 pm zvikanzi ngatimbozororai pano, painge pasina mvura kana food. I remember mumwe musikana achikumbira food zvikanzi matotanga hondo so, muhondo hamudyiwe, tichazodya kana tawana rusununguko. Takanzi kana muine nzara torai rwodzi rwemuti wainzi mupfuti, ukautsenga nyota inodzikira plus simba rinomboti wedzerei mbichana. Hazvina kutora nguva tainge tatorara musango imomo nekuneta. After maybe three hours takamutswa nemhere, pane one kukomana ainge arumwa nenyoka pa gumbo. Painge pasina anorapa, mushonga kana chii zvacho and airatidza kuti he was in pain. Pkatanga kufungwa kuti todii, vamwe vakati ngatimutorei tidzokere naye, ma soldiers akaramba zvikanzi mukabatwa munozotaura kuti vamwe varipi. Akaramba oridza mhere, takamboendza kumunyaradza but haa Zvakaramba.

Pasina chinguva takaona malights mudenga achiteverwa ne noise yechikopo kopo. It was coming in our direction, takanzi wese ane hembe chena bvisa woirarira right now.

In a matter of seconds tainge tabvisa hembe tavapa pasi semadzvinyu aripamushana. Helicopter rekutanga rakadarika, rechi two ndiro rakationa dzikati dzorira pfuti. Paingo ridzwa ichimwaya mabara, pakangonzi munhu wese titevere, guys takamhanya husiku iwoyo tichitevera ma soldiers edu. Takamhanya maybe zvekuma 20 KM husiku iwowo, taiti kubaiwa neminzwa, kumarwa kumeso, makumbo, kurovera mumatombo. Takazomira tayambuka rwizi rwunonzi mukumbura tave pedyo ne Moza. From 30 Kids tanga tave 17 chete. Kusvika nazvino hameno kuti vamwe vakaendepi and panga pasina nguva yekutsvaga. Munhu wese yainge yangove misodzi kuerera takati zii pasina anotaura. This is the time yazvakapinda mupfungwa kuti ndiyo inonzi hondo. Takangomira kwema minutes ndokubva tasimudzira kufamba.

Tave kusvika kunotangira Moza takasanaga nerimwe dambudziko. Pane mukomana aifamba ari mberi kwangu akatsika chimbambaira mai kani. Chakaputika munhu makuumbo rikaita ma piece mapeace kusvika muwest umu. My front yese yakazara ropa and I think rimwe rakatopinda mukanwa. Noise yandivhara nzeve kwema minutes ndikabatwa nedzungu and I fainted. I remember ndichizomuka ndakaberekwa ne one of the soldiers, handizive kuti uyu wekuputikirwa vakaita sei naye.

We walked

Takazosvika painzi pamhiripiri rinova zita ravaipa pa area paiitwa pickup. Now we had crossed to Moza. Takasvika paye tokuwana paine a lorry that was waiting for us. From there we were taken to chimbodza inove camp ye training. Takasvika zuva roda kuvira. Tichangosvika takabva tapihwa porridge rehupfu. Kana wane nzara zvinhu zviye zvinonzka weduwe. After three hours tikapihwa Sadza ndokunzi chirairai, paive pasina dzimba, tairara mumupanda. Kana wakaneta haumbozvifunga zvekuti hapana imba, all we wanted was rest for a week, how naïve. Mangwanani kusati kwanyatsoedza takamutswa nekudirwa mvura. Takangonzwa Recruit muka, hondo yauya!! Ndiko kutanga kwakaita training.

To be continued....

Zvairwadza Vasara Part OneMoms vakapihwa mucheka wembama vakanowira pachikuva musoro uchinopinda muhodzeko ichibva yaput...
14/10/2023

Zvairwadza Vasara Part One

Moms vakapihwa mucheka wembama vakanowira pachikuva musoro uchinopinda muhodzeko ichibva yaputsika. Vakaedza kusimuka ndokuwira pasi zvekare, ndakaona mukadzi mukuru ongoti bwai bwai ndiye mizodzi mokoto. Hapana chinorwadza sekuona mai vako vachichema uri mwana. Let me start from pakatangira nyaya yocho.

It was 1973 ndiri 17 years, gore iri hondo yaipisa especially kumusha. Ndaigara kuchesa in mt Darwin na moms and mdara anga ari kuma farms kubasa. Saka every night vanhu vaienda kwainzi ku keep, yaive fence yekuti maipinda mukati morara ikoko…like a durawall makachengetedzwa nema soja. Izvi zvaiitirwa kuti vanhu vasabikire magandanga kana kuti vana mukoma husiku. Munhu wese was supposed kuti anenge ave ku keep kuma 7 pm and sometimes kuma 6 paiitwa patrol pachionekwa kuti hamuna kubika food yakawandisa here. Kwaiti kukabikwa food yaifanira kudyiwa yese ichipera pasina zvinosara.

One day kwakasvika tsamba from mdara vachiti vaizouya kupera kwemwedzi. The day he was supposed to come bus ravo rakanonoka kusvika apa moms vanga vatobika food including ya mdara. Mdara vakasvika kumba kuma 6.30 manheru tatopedza kudya asi food yavo yanga iripo. Vachangobva kusvika tichiri kuvakwaziva ndipo pakatanzwa knock yekutanga padoor. Tichiri kutoedza kuona kuti ndiani door rakarohwa rikavhurika ndokubva papinda two white soldiers ne one black one. Havana zvavakataura vakangonanga kumapoto ndokuona kune rimwe Sadza rasara apa paine ma plates arikuratidza kuti pambodyiwa. The black guy ndiye akabva aisimudzira nyaya achishevedzera nderani Sadza iri, murikuita basa rekupa magandanga Sadza ka imi. Moms vasati vambokwanisa kupindura vakaigadzwa mbama nechekumeso. Mdara pavakaona babe ravo rorohwa vaka regai nditsnangure, vakasimuka vakati aiwa ishe wangu nderangu ndichango…. Vasati vapedza kuraura vakabva vanamwa nacho chibhakera pamuromo. Shasha yanga yakapfeka hat ikanowira uko kabhachi kongopesvukira. Vasati vambosimuka vakabva vatsikwa ne boots pachest ndakaona murume mukuri maziso ave kubuda vachitadza kufema.

Sevana hapana chataikwanisa kuita, mboma dzakati dzotanga kunaya kumnhu wese, zvaisinei kuti uri mwana. Ndakarwadziwa mun’ina wangu aive ne three years akarohwa nemboma mumusoro ndokubva awira pasi. Ndipo pavakazotisiya, vakarasa food ndokuti tinha takanga ku keep misodzi ingori mokoto mokoto family yese. Mfana wangu airatidza kuti aive akuvara musoro nekuti ainge obuda ropa mumhino, we tried kuti tibvumidzwe kuenda naye kuchipatara asi takarambidzwa. Husiku hwese hatina kurara tichichinjana kutarisa mwana uye kuisa towel nyoro mumusoro make because temperature yake yainge yakwira. Pakazosara kwaenda mwana ainge ogomera kufema kwave kunetsa. Takabuda ndokuenda kumba kunogeza. Ini nemumwe mumfana wangu ainditevedzera aine 15 years takanzi tiende kuchikoro. Baba na mai ndokubuda nemwana voenda kuchipatara

Pa breaktime shoko rakasvika zvikanzi dzokai kumba izvozvi kumba kwaita rufu. Hama ndakachema, chokwadi mwana wamai vangu kufa chiri mwana mudiki kudaro uye asina mhaka. Chainyanyisa kundirwadza ndechekuti chataikwanisa kuita hapana, wekuudza kana wekuchemera panga pasina. Sezvo rufu rwaisatenderwa kuti ruitwe husiku we were forced to bury him same day dzimwe hama dzisati dzatomboziviswa because tsamba yaitora mazuva kuti izvike. Ndakaita svondo rese mwoyo wangu uchibaikana, taizosvikepi nelife yakadaro.

One day after two week, kuchikoro kwakasvika magandanga vachitaura kuti vairwirei. Ipapo ndipo pandakaona solution to all my problems, ndakaudza mun’ina wangu kuti uudza baba na mai kuti ndinokumbira ruregero asi I need to revenge mwana wedu naizvozvo ndave kuenda kuhondo. Ngakaudza vanamukoma ( magandanga) kuti I was ready to go navo kuhondo sezvo vaive munzira kuenda nevamwe vaida kumoza. I joined them, little did I know what was waiting ahead. Bdipo pakatangira nyaya yese manje apa takananga moza netsoka

To be continued

Address


Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Mr Frozen Stories posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Shortcuts

  • Address
  • Alerts
  • Claim ownership or report listing
  • Want your business to be the top-listed Media Company?

Share