21/12/2025
➖️ *OPPOSITE ATTRACTS* ➕️
*WRITTEN BY: AUGUSTSON PANASHE (Mr Classy)*
App and calls 📍
+263 78 491 0703
*© 2025 Augustson Panashe (APMC Stories). All rights reserved. Characters and events are fictional.*
https://www.facebook.com/share/1Z3qLWKeA5/
CHAPTER 4
COLLIN
Hana yangu yakatanga kurova. Karen stood there, confused about what I was showing her. I whispered:
Me: Road inobva kumashops.
Ndakahwanda kumashure kwemota yamai vake, ndakakotama pasi. Karen was acting suspicious, achitarisa tarisa.
Karen: Hakuna chinhu wani Collin?
Me: Usatarise kunoku wakundimakisira wangu. Mudhara vako avo vakutosvika pagedhi regreen iro.
Karen paakacheuka, ndakamuona achipererwa. Ndakanzwa kufemereka kwake.
Karen: Tiza vasati vakuona Collin. Hii haa nhasi havana kuuya nemota Mwari vangu kani.
Aitaurira pasi, even though baba vake vaiva 100 metres away. Pavakasvika pagedhi, ndakaramba ndakahwanda handina kutsukunyuka. Baba vaKaren face yaigara iri serious, kuita kunge munhu akubva hondo.
Baba Karen: Karen hausi kundiona?
Pakavadaro, ndakanzwa ropa rangu kumhanya muviri wese.
Karen: Oh sorry dad, ndanga ndisina kukuonai.
Akafamba zvinyoro, makumbo ake achidedera. She hugged him and said:
Karen: Makasimba here dad? Ko nhasi hamuna kuuya nemota, maisiya kupi?
Havana kuwana nguva yekumupindura nekuti Jaden akabuda gedhi.
Jaden: Mudhara mauya, ko mota iripi?
Baba Karen: Haugone kumhoresa vanhu here iwewe? Ndotokumhoresai ka imimi? Wakapedzisira kundiona rinhi?
Jaden: Sorii dad, makadini zvenyu?
Jaden airatidza kufara paakaona baba vake. Ndakanyarara ndiri kuseri kwemota kuti ndisaonekwa. Vakapinda vese mugedhi. Pandakati ndisimuke, gedhi rakavhurwa zvakare. Baba Karen vakadzoka panze, vachiuya kumota yandaive ndakahwanda. Kamumvuri kavo kaitooneka vachiita kunge vatosvika pandiri, but vari kuseri kwemota. Ndakanzwa door remota ravhurwa. Vakatora something handina kuziva chii, vakadzokera mugedhi. Ndakasimuka ndakamhanya kuenda kumba. Ndakasangana naGarry akandidaidza, but handina kumira nekutya, ndakangodaidzira:
"Time time king pakashata."
Ndakasvika pamba ndichivhura door nekupinda muroom mangu. Ndisati ndatura befu, ndakabva ndadaidzwa:
Mom: Collin, Collin.
Handina kupindura nekuti ndaimbotura befu. Dikita raiyerera mumusoro. I took a towel ndakapukuta.
Mom: Iwe Collin haunzwe ndokudana here iwe?
Handina kupindura, ndakavhura door ndikaenda panze pavaiva. Vaitora hembe dzavakanga vawacha makuseni. Vakanditarisa vachiona shena yandaiva nayo, vakadzungudza musoro.
Mom: Wanga uri kupi? Wachera mvura yandakuudza masikati?
Me: No mom, but ndakageza ndoenda kunochera izvezvi.
Mom: Wambogeza nemvura yaani first? Zvaunondishura mwana iwe. Mvura yaenda makuseni zvaunoziva, manya unochera mvura kuchibhorani apa kwakazara vanhu. Zvekuti unodzoka nguvai handinei nazvo, chandikuda kuona mabuckets ose akazara.
Me: But mom nda...
Mom: Mom mom kudini? Mmm tanga wageza hako ukunhuwa dikita.
Me: Okay.
Mom: Chipinda nedish rehembe iri mumba.
Ndakambobata muchiona ndichikokera simba. Ndakapinda naro mumba, ndikageza then ndakatora bhara nemabuckets angu seven ndakaenda kuchibhorani. Ndakasangana naGarry achipusha bhara rakewo kuenda kunochera mvura.
Garry: Yoo elder madii.
Me: Safe wangu.
Garry: Wanga uchitizei that time yandakuona.
Me: Haa horror king.
Garry: Makuba here? Haa mamhanyiro amanga muchiita kaa tiudzei kana makuba tichinje shamwari pane time coz police inozotibatanidzira kutamba nemi kaa.
Akatanga kuseka, akambomira achigadzira bucket raiva mubhara raida kudonha.
Me: Unondiona kunge mbavha here Garry? Miswai bamunini.
Garry: Kana kuti wabatwa nemukadzi wemunhu, oh ndazofunga hauna kana musikana futi kungomhanya kunge Mbappe ari offside
Me: Ndotadza kuita musikana nei manje chibaba?
Garry: Ah hameno maybe wakarambidzwa namuchembere vako plus mhomz yako ndeyekereke kaa.
Me: Haa wangu, iwewe hauna kana musikana but busy kunditsoma.
Takasvika pachibhorani tikamira line. Paiva pakazara nekuti mvura yaiva yaenda makuseni. Takamira tisingataure, apa zuva rakutonyura. Then Garry akandibata shoulder akati:
Garry: Iwe hona top iyo.
Akadaro achinhongedza nemusoro kuroad. Ndakacheuka ndikaona vamwe ambuya vaitengesa madomasi.
Me: Top ipi chibaba?
Garry: Baba maziso enyu aya akuda ma carrots hausi kuona mwana uyo here?
Akandibata achinditenderedza musoro, ndakaona mumwe mwana aisvika pachibhorani akabata bucket one. Ndakaramba ndakamutarisa ndakanzwa moyo wangu uchirova. She was slim from her waist kuenda kumusoro, but pakudzika her hips aiva nema curves aitevera ka dress kaive akapfeka kunge kekuma90's. Vanhu vakachera mvura asi vakomana vese vaingocheukira mwana. Inini ndainyepera kunge ndiri pafoni but ndaimutarisa nerimwe ziso. Ndakambofunga kumumhoresa asi izwi rangu rakaramba kubuda. Ndakatanga kudedera ndichida kuzama kumira zvakanaka zvisiri weird. Ndakachinja mastance ekumira, ndakaona Garry achipukuta dust pamapush, ndakamboda kuseka but zvaisaita.
Mabuckets edu akasvika pekuchera asi Garry akabvisa edu akaisa remusikana iyeye akati:
Garry: Cherai zvenyu.
Paakadaro ndakamhanya kunobata chibhorani ndikamudhaira. Bucket rake parakazara akangoti:
Her: Thank you.
Akatora bucket rake akaenda. Vanhu vaiva kumashure vakapopota nekuti takaramba takatarisa munhu pasina kuchera mvura:
People in the line: Tikuda kuchera mvura hamuzive munhu here.
Ndipo patakapepuka. Takachera mvura naGarry takatanga kufamba kuenda kumba.
Me: Iwe mwana uyu ndeupi mmm horror.
Garry: Handisi kutozivawo, manakirwa kaa mufundisi?
Me: Newewo ndakuona wanakirwa nemwana.
Garry: Uyu ndewangu manje.
Me: Hautozive zita remwana wakutoti ndewako haa king
Garry: Iwewe unoziva here?
Me: Maya, but soon
Hatina kutaura zvakawanda naGarry. Akaenda kumba kwavo ini ndikaenda kwedu. Ndakaona eight missed calls dzaKaren and a text:
"Hey Colli, wafamba mushe here? Daira foni kaa bhangu"
Ndakamuisira call me back because ndaisava ne airtime. She called:
Karen: Why wanga usiri kudaira my calls
Me: Ndanga ndichidya sorry, hope wasara bho hauna kupinda busy namudhara vako?
Karen: Nah but kutaura fair I was scared havadi kundiona nemukomana
Me: Kana neni dhara rako rondityisa
Karen: Ndikudaidzwa namom, call you later usasiye foni ndine nyaya.
She hung up.
Pasina ten minutes I received a text from Dave:
"King svikai paden pangu ndikuziva zvamukuita"
The End