Augustson Panashe Stories and Novels

  • Home
  • Augustson Panashe Stories and Novels

Augustson Panashe Stories and Novels Stories of love the way we live it, not the way Movies show it 🧡🪝

➖️ *OPPOSITE ATTRACTS* ➕️*WRITTEN BY: AUGUSTSON PANASHE (Mr Classy)*App and calls 📍 +263 78 491 0703*© 2025 Augustson Pa...
21/12/2025

➖️ *OPPOSITE ATTRACTS* ➕️

*WRITTEN BY: AUGUSTSON PANASHE (Mr Classy)*

App and calls 📍
+263 78 491 0703

*© 2025 Augustson Panashe (APMC Stories). All rights reserved. Characters and events are fictional.*

https://www.facebook.com/share/1Z3qLWKeA5/

CHAPTER 4

COLLIN

Hana yangu yakatanga kurova. Karen stood there, confused about what I was showing her. I whispered:

Me: Road inobva kumashops.

Ndakahwanda kumashure kwemota yamai vake, ndakakotama pasi. Karen was acting suspicious, achitarisa tarisa.

Karen: Hakuna chinhu wani Collin?

Me: Usatarise kunoku wakundimakisira wangu. Mudhara vako avo vakutosvika pagedhi regreen iro.

Karen paakacheuka, ndakamuona achipererwa. Ndakanzwa kufemereka kwake.

Karen: Tiza vasati vakuona Collin. Hii haa nhasi havana kuuya nemota Mwari vangu kani.

Aitaurira pasi, even though baba vake vaiva 100 metres away. Pavakasvika pagedhi, ndakaramba ndakahwanda handina kutsukunyuka. Baba vaKaren face yaigara iri serious, kuita kunge munhu akubva hondo.

Baba Karen: Karen hausi kundiona?

Pakavadaro, ndakanzwa ropa rangu kumhanya muviri wese.

Karen: Oh sorry dad, ndanga ndisina kukuonai.

Akafamba zvinyoro, makumbo ake achidedera. She hugged him and said:

Karen: Makasimba here dad? Ko nhasi hamuna kuuya nemota, maisiya kupi?

Havana kuwana nguva yekumupindura nekuti Jaden akabuda gedhi.

Jaden: Mudhara mauya, ko mota iripi?

Baba Karen: Haugone kumhoresa vanhu here iwewe? Ndotokumhoresai ka imimi? Wakapedzisira kundiona rinhi?

Jaden: Sorii dad, makadini zvenyu?

Jaden airatidza kufara paakaona baba vake. Ndakanyarara ndiri kuseri kwemota kuti ndisaonekwa. Vakapinda vese mugedhi. Pandakati ndisimuke, gedhi rakavhurwa zvakare. Baba Karen vakadzoka panze, vachiuya kumota yandaive ndakahwanda. Kamumvuri kavo kaitooneka vachiita kunge vatosvika pandiri, but vari kuseri kwemota. Ndakanzwa door remota ravhurwa. Vakatora something handina kuziva chii, vakadzokera mugedhi. Ndakasimuka ndakamhanya kuenda kumba. Ndakasangana naGarry akandidaidza, but handina kumira nekutya, ndakangodaidzira:

"Time time king pakashata."

Ndakasvika pamba ndichivhura door nekupinda muroom mangu. Ndisati ndatura befu, ndakabva ndadaidzwa:

Mom: Collin, Collin.

Handina kupindura nekuti ndaimbotura befu. Dikita raiyerera mumusoro. I took a towel ndakapukuta.

Mom: Iwe Collin haunzwe ndokudana here iwe?

Handina kupindura, ndakavhura door ndikaenda panze pavaiva. Vaitora hembe dzavakanga vawacha makuseni. Vakanditarisa vachiona shena yandaiva nayo, vakadzungudza musoro.

Mom: Wanga uri kupi? Wachera mvura yandakuudza masikati?

Me: No mom, but ndakageza ndoenda kunochera izvezvi.

Mom: Wambogeza nemvura yaani first? Zvaunondishura mwana iwe. Mvura yaenda makuseni zvaunoziva, manya unochera mvura kuchibhorani apa kwakazara vanhu. Zvekuti unodzoka nguvai handinei nazvo, chandikuda kuona mabuckets ose akazara.

Me: But mom nda...

Mom: Mom mom kudini? Mmm tanga wageza hako ukunhuwa dikita.

Me: Okay.

Mom: Chipinda nedish rehembe iri mumba.

Ndakambobata muchiona ndichikokera simba. Ndakapinda naro mumba, ndikageza then ndakatora bhara nemabuckets angu seven ndakaenda kuchibhorani. Ndakasangana naGarry achipusha bhara rakewo kuenda kunochera mvura.

Garry: Yoo elder madii.

Me: Safe wangu.

Garry: Wanga uchitizei that time yandakuona.

Me: Haa horror king.

Garry: Makuba here? Haa mamhanyiro amanga muchiita kaa tiudzei kana makuba tichinje shamwari pane time coz police inozotibatanidzira kutamba nemi kaa.

Akatanga kuseka, akambomira achigadzira bucket raiva mubhara raida kudonha.

Me: Unondiona kunge mbavha here Garry? Miswai bamunini.

Garry: Kana kuti wabatwa nemukadzi wemunhu, oh ndazofunga hauna kana musikana futi kungomhanya kunge Mbappe ari offside

Me: Ndotadza kuita musikana nei manje chibaba?

Garry: Ah hameno maybe wakarambidzwa namuchembere vako plus mhomz yako ndeyekereke kaa.

Me: Haa wangu, iwewe hauna kana musikana but busy kunditsoma.

Takasvika pachibhorani tikamira line. Paiva pakazara nekuti mvura yaiva yaenda makuseni. Takamira tisingataure, apa zuva rakutonyura. Then Garry akandibata shoulder akati:

Garry: Iwe hona top iyo.

Akadaro achinhongedza nemusoro kuroad. Ndakacheuka ndikaona vamwe ambuya vaitengesa madomasi.

Me: Top ipi chibaba?

Garry: Baba maziso enyu aya akuda ma carrots hausi kuona mwana uyo here?

Akandibata achinditenderedza musoro, ndakaona mumwe mwana aisvika pachibhorani akabata bucket one. Ndakaramba ndakamutarisa ndakanzwa moyo wangu uchirova. She was slim from her waist kuenda kumusoro, but pakudzika her hips aiva nema curves aitevera ka dress kaive akapfeka kunge kekuma90's. Vanhu vakachera mvura asi vakomana vese vaingocheukira mwana. Inini ndainyepera kunge ndiri pafoni but ndaimutarisa nerimwe ziso. Ndakambofunga kumumhoresa asi izwi rangu rakaramba kubuda. Ndakatanga kudedera ndichida kuzama kumira zvakanaka zvisiri weird. Ndakachinja mastance ekumira, ndakaona Garry achipukuta dust pamapush, ndakamboda kuseka but zvaisaita.

Mabuckets edu akasvika pekuchera asi Garry akabvisa edu akaisa remusikana iyeye akati:

Garry: Cherai zvenyu.

Paakadaro ndakamhanya kunobata chibhorani ndikamudhaira. Bucket rake parakazara akangoti:

Her: Thank you.

Akatora bucket rake akaenda. Vanhu vaiva kumashure vakapopota nekuti takaramba takatarisa munhu pasina kuchera mvura:

People in the line: Tikuda kuchera mvura hamuzive munhu here.

Ndipo patakapepuka. Takachera mvura naGarry takatanga kufamba kuenda kumba.

Me: Iwe mwana uyu ndeupi mmm horror.

Garry: Handisi kutozivawo, manakirwa kaa mufundisi?

Me: Newewo ndakuona wanakirwa nemwana.

Garry: Uyu ndewangu manje.

Me: Hautozive zita remwana wakutoti ndewako haa king

Garry: Iwewe unoziva here?

Me: Maya, but soon

Hatina kutaura zvakawanda naGarry. Akaenda kumba kwavo ini ndikaenda kwedu. Ndakaona eight missed calls dzaKaren and a text:

"Hey Colli, wafamba mushe here? Daira foni kaa bhangu"

Ndakamuisira call me back because ndaisava ne airtime. She called:

Karen: Why wanga usiri kudaira my calls

Me: Ndanga ndichidya sorry, hope wasara bho hauna kupinda busy namudhara vako?

Karen: Nah but kutaura fair I was scared havadi kundiona nemukomana

Me: Kana neni dhara rako rondityisa

Karen: Ndikudaidzwa namom, call you later usasiye foni ndine nyaya.

She hung up.

Pasina ten minutes I received a text from Dave:

"King svikai paden pangu ndikuziva zvamukuita"

The End

➖️ *OPPOSITE ATTRACTS* ➕️*WRITTEN BY: AUGUSTSON PANASHE (Mr Classy)*App and calls 📍 +263 78 491 0703*© 2025 Augustson Pa...
15/12/2025

➖️ *OPPOSITE ATTRACTS* ➕️

*WRITTEN BY: AUGUSTSON PANASHE (Mr Classy)*

App and calls 📍
+263 78 491 0703

*© 2025 Augustson Panashe (APMC Stories). All rights reserved. Characters and events are fictional.*

https://www.facebook.com/share/1Z3qLWKeA5/

CHAPTER 3

KAREN

Collin akandisiya kumba kwedu pagedhi musi wandakanetsana naDavid. Musoro wangu wairwadza nekuchema kwandakaita. Before ndapinda mumba ndakatanga ndapukuta musodzi kuti mom vangu namukoma vangu vasazvione kuti ndambochema. Hana yangu yairova muviri wese usina simba asi ndakangoshinga kupinda mumba. My brother was standing akamira pedyo neTV akabata remote and my mom was sitting pasofa raive rakatarisana neTV. Ndakavamhoresa vese then:

Mom: Wanga uchichemei Karen?

Pandakabvunzwa izvi hana yangu yakawedzera kurova but ndakangozvishingisa kunyepa

Me: Ani?

Ndakapererwa nezvekutaura nekutya, my brother was just standing akangonditarisa

Mom: Ndiani mumwe anonzi Karen munomu ndati wanga uchichemei Karen?

Me: Ndanga ndisingacheme mhamha

Ndakapukuta kumeso zvakare ndichifunga kuti maybe vaive vaona musodzi

Mom: Jaden haisi kuita here TV yacho? Wakutondivharidzira kana isiri kuita chibva ipapo and iwewe Karen wati wanga uchichemei?

Jaden akabva pamberi peTV akaenda kunogara pasofa. Hapana chaakataura apa ini hana yaingorova chete

Jaden: Kana munhu ati anga asiri kuchema mukuda akutii ehe ndanga ndichichema here mhamha?

Mom: Iwewe une mwana here pano? Hee ukwane wanzwa Jaden 9 months unodziziva here iwewe? Wakuda kundikwidza BP chibva ipapo

Mom vaiva vatotsamwa vakuita kufemeruka then vakandituma kunovatorera mvura nyaya yakapera ndakapinda mu room mangu. Pandakavhara door ndakazongoona mabvi angu aguma pafloor nekuti akanga apera simba. Ndakatanga kuchema zvakare ndichifunga David and the fight we had. Dave ndaimuda nemoyo wangu wese hakuna mumwe munhu wandaida. Akangochinja nekanguva kadiki pandakamboenda kucourse nekuti he was no longer the guy I fell for.

Ndakaenda kunogeza ndava kuvhura door Jaden akandidaidza:

Jaden: What's wrong Karen? I know wanga uchinyepera mhamha chii chikunetsa hanzvadzi yangu

Jade aiva munhu aisada kundiona ndichishungurudzika kana kuona kunge ndisiri kumuudza zvinhu nekuti aida kubatsira. Akambopindana nenjodzi huru musikana wake paakabatwa chibharo like 4 years ago. Saka aisada any silly mistake or kunzwa kuti ndine mukomana nekuti aitya kuti same mistake he did mumwe munhu aizondidaro and aisada kunzi akatadza kuzondichengetedza

Me: Hapana bro nothing serious

Jaden: Vakomana? Zimukomana rako riya?

Ndakakongodzungudza musoro ndichiramba. Jaden namom vaiziva Dave but Jaden aisada kunzwa nezvake, aingoziva zita. Vaive vasina kunetsana but iye aisangoda ndiite mukomana chete saka kumuudza zvainetsa zvaizokonzera zvakawanda.

Pandakapinda mumba ndakazora mafuta ndikachinja but ndaisafeeler zvakanaka so ndakafonera Collin but haana kudaira phone. Ndakazomuisira text

"Collin ndikuda someone to comfort me, can you come over pagedhi pedu? Please 🙏"

Haana kupindura but ndaiziva kuti anouya. Collin was everything to me because aindinzwisisa kudarika munhu wese even mukomana wangu Dave. Collin was always there for me ndaisada kumushaya nekuti aiva sahwira wangu mukuru.

Hapana kuita 10 minutes Collin texted:

"Ndakutosvika"

Pandakabuda panze ndakamira pagedhi. Ndakazongonzwa Jaden achiti

"Mukomana",

ndakatarisa kuti ndiani airehwa ndikaona Collin. Hana yangu yakatanga kurova. Ndakaswedera padhuze ndakanzwa Collin naJaden vachinetsana:

Jaden: Ndati ndiwe ani? Ukutsvagei pano

Collin: Musandibate hembe kaa mukoma vangu ndisiyei titaure zvakanaka

Jaden aiva atomubata hembe akamuisa pamota. Aifungira kuti ndi David nekuti aisaziva face yake. Ndofunga aiva akatomirira panze kuti ndiani aizonditsvaga.

Me: Jade siya mwana wevanhu nhaiwe

Collin aiva akabatwa asiri kurwisa asi achingoda kuti Jaden amusiye. He was not fighting at all, he was chilled achida kuti vanzwanane

Jaden: Ndiye munhu anga achikuchemedza ka uyu Karen? Hee? pindura

Jaden aive atotsamwa ndaitonzwa kufemeruka kwake. He was breathing fast nehasha ukuwo Collin was just staring at me mumaziso ake makazara kutya.

Me: Kuchemedzwa naniko Jade siya munhu uko nhai

Jaden: Iwewe wati unonzani?

Collin: Collin

Jaden: Ukutsvagei panapa Collin?

Me: Zvine basa rei newe ah siya munhu dakuvaudza mom

Ndakadaro ndichifamba kuenda kugedhi ndichida kuenda kunoudza mom because Jaden aisanzwisisa. And kuona Collin akabatwa kudaro zvaindirwadza. Ndakadeedzera mom vangu vakauya panze vakaona Jaden akabata Collin.

Mom: Nhaiwe Jaden une mamhepo here iwewe? Unotsvaga ngozi here? Siya mwana wevanhu

Jaden: Haa mhamha munongomirira vakomana vaKaren imimi handisikumusiya

Mhamha vakafamba vachienda kwakanga kwakamirwa naJaden naCollin. Collin akanga akanyarara. Jaden akasiya Collin paakaona mom vasvika padhuze:

Mom: Unoshungurudzirei mwana wevanhu? Kahunhu kanenge kababa vako wakakawanepi

Collin: Maswera sei mai Karen

Mom: Mwanangu ndirinani, sorry zvako handina kuziva ndozvanga zvichiitika panze pano

Jaden: Mudhara dakuvaudza kuti munomirira vakomana vaKaren. Mwana akamitiswa tichabvunza imimi

Mom: Nyarara Jaden wakuda kurohwa manje, usafunge kukura kwawaita ndokutya zvee? Haumuzive Collin iwe? Mwana wamai Mukasa?

Mom vakazivira Collin kuchurch. Mom vake nevangu vaipinda same church. Jaden aiziva mai Mukasa not Collin nekuti aisarudza church.

Jaden: Ndanga ndisingamuzive

Mom: Enda mumba tone, dzungu rakakuwandira

Vakadaro vachiudza Jaden, akapinda mugedhi. Ndakasara naCollin panze. Ndakatura befu, ndichida kuti hana yangu idzikame and Collin aiva akamira padhuze neni akanyarara maziso ake achingotarisa kuroad.

Ndaida kutaura asi mashoko akaramba kubuda. Collin's presence comforted me because it was calm kunge ndiye aiva bako rangu rekuwanda naro. Pasina chataitaura but taitonzwanana nekupindurana murunyararo imomo. Later i apologized nezvaive zvaitika, akangoti

"It's okay Karen, no problem".

Me: Ko Garry handina kumuona nhasi aripi?

Collin: Asara naDave

Ndakangoona Collin achimhanya kunohwanda. Ndakatarisa tarisa kutsvaga chaakatizira. Collin akadaidzira:

"Tarisa kuroad"

The End

07/12/2025

What's your say on chapter 2?

➖️ *OPPOSITE ATTRACTS* ➕️*WRITTEN BY: AUGUSTSON PANASHE (Mr Classy)*App and calls 📍 +263 78 491 0703*© 2025 Augustson Pa...
07/12/2025

➖️ *OPPOSITE ATTRACTS* ➕️

*WRITTEN BY: AUGUSTSON PANASHE (Mr Classy)*

App and calls 📍
+263 78 491 0703

*© 2025 Augustson Panashe (APMC Stories). All rights reserved. Characters and events are fictional.*

https://www.facebook.com/share/1Z3qLWKeA5/

CHAPTER 2

COLLIN

Panguva yandaitaura naDave pakaita knock padoor, takaramba takanyarara tichida kunzwa kuti ndiani first, but then pakarohwa imwe knock zvine chisimba, hana yangu yakarova.

Takaramba takatarisana naDave maziso achibvunzana kuti:

"Ndiani akamira padoor?"

Dave whispered "Ndiani?"

Ndakangodzungudza musoro nekuti ndaisaziva, because Karen ndaiva ndamusiya kumba kwavo pagedhi chaipo, kuti aiva adzoka? Izvo ndaisaziva.

Munhu wacho aiva padoor akaramba akanyarara kubva paakanoka door. Mumba maDave maiva neclock ndainzwa ichitenderera:

"Tik...tok...tik...tok...tik....tok" zvinyoro nyoro then yochinja, "tik....tik...tik" ichimhanya, ndainzwa every movement in the room, nekuti taive takanyarara, pasina kana kutsukunyuka.

Dave was sweating, aingopukuta dikita mumusoro make. Waisafungira ndiro gomana raityisidzira musikana waro. Chinhu chese chaifamba mumba ndaichinzwa even mutsindo webete chaiwo. Asi chakanyanya kutivhundutsa inyaya yekuti taifunga kuti ndibaba vaKaren. Mudhara iyeye aisava nenguva to negotiate with anyone, muraini rese hapana aimunzwisisa his movements, aisabatika zvekudaro kumaraini and her daughter Karen aisatiudza basa rababa vake, but pakamboitwa makuhwa ekuti aiva muCID but hapana aiziva chokwadi.

Dave akandibata bendekete akandiratidza sign yekuti ndivhure door but iye akarara pasi akapinda pasi pemubhedha. Mutoro wese wakanga wasiirwa inini kuti ndivhure door kana kuti kwete. Ndakafamba four steps kuenda kudoor muviri wese uchibvunda. Pandakati ndirove imwe step ndakanzwa,

"Vhurai door ndikuzviziva murimo"

Hana yangu yakaita seichatsemuka panguva iyoyo, ndakaita shock kunge ndagwinwa nemagetsi. Ndakafema rufu pakanguva ikako, asi voice raiva raGarry ndiro rakazondidzikamisa. Ndakambomira kanguva ndichitura befu ndakazovhura door, Garry akapinda mumba akati,

Garry: Ko unenge uri wega muno why wanga usiri kuvhura door?

Me: Haa wangu hanty ndavhura

Garry: Mmm ukumboitei muno wakazvivharira wega Collin hauna kana musikana

Paakadaro Dave akabva abuda pasi pemubhedha. Takaramba takamutarisa when he was rolling, akasimuka akagara pamubhedha, Garry akangotarisa chete achiratidza kuti aisanzwisisa zvikuitika,

Garry: Ko elder mukubva pasi pemubhedha bho? Mmm guys what's going on? Makuvharirana asi?

Garry pese paaitaura aingozhinya omboita kunge akuda kuseka, ukuwo Dave ainge agara akabata musoro

Me: iiii elder pazvese? Iwe wakusaiza manje Garry

It was funny though kusvikira vamwe varume vakazvilokera door, vovhura door late futi zvinenge zvichitoda a real explanation

Garry: Asi makurova madrugs here boys? Dave wakabata musoro makubhema ka chibaba?

Akatanga kuseka achirovanisa maoko, uye kudzungudza musoro

Dave: Wangu tatogaya idhara raKaren or muchembere wangu coz haa horror apa iwewe unenge uchiita majokes

Garry: Vachitsvagei ko mudhara vaKaren? Ndati makudhakwa here? Kana kuti mabira vanhu toziva takutamba nembavha

Zvakandiitira funny kunzi tairova madrugs nekuba, I laughed ndichigara pamubhedha, ndikati,

Me: Atanga kuchemedza mwana mufesi wako uyu, achatipinza busy one day

Garry akaisa bag raaakanga akabereka pamubhedha, akaenda kunomira padoor, akati,

Garry: Hanzi mwana aita sei futi Mambo David tiudzei? Makungonakwa kaa nekuchemedza mwana wevanhu?

Dave: Hauvazive here anaCollin vanongotaura chero zvavafunga

Me: Mmm wangu saka wanga wakahwandei pasi pemubhedha?

Dave aiva munhu airasirira vanhu nyoka mhenyu, wakatomusekerera waigona kutosara ndiwe une nyaya. Inini ndakanga ndamujaira zvangu hunhu hwake, I told Garry zvese zvakaitika kuna Dave naKaren and kuperekedza kwandakazoita Karen kumba kwavo.

Garry: Oh that's why musina kuvhura door nhai? Saka Dave munongogona kuchemedza vakadzi chete, asi ma1 akatanga munohwanda pasi pemubhedha? Inga uri gwara

Garry aingoseka pese paaitaura. Garry aisatya Dave aitomutsiura nyangwe achimutuka but Dave aisateerera zvinotaurwa nevamwe.

Kudhara Dave was really a good guy tichikura, aitove munhu ari funny aitonzwisisa but zvese zvakachinja pakaenda Karen kuCourse. Akatanga kungochinja pakaenda Karen kunoita Course yetwo years. Karen though was patient, sweet, and caring. Mukomana akasara achimbomirira munhu wake, vaifonerana everyday until phone yaKaren yakanga yakusaita.

Dave akatanga kufunga kuti Karen aiva awana mumwe mukomana, and he felt so disrespected. Dave akatanga kutsamwa nekuti aida kunzi ndiye anotonga relationship yavo. Karen asati aenda kuCourse Dave aisada kuti aende saka paakazoona phone yaKaren yakusaita he was crushed nyangwe asina kutsvaga reason why, ndakambomuudza kuti maybe phone yabhebhi wako yakafa but aisada kuteerera.

Pakauya Karen kuholiday Dave akaudzwa kuti phone yakanga yakafa, ndipo pakaudzwa Karen kuti asadzokere kunopedza course yake vakatombonetsana asi Karen nekuda munhu akazongosiya course, inini i tried kutaura naKaren ega kuti asateere zvinhu zvese zvinotaurwa naDave aite zvinofadza vabereki vake but haana kunditererawo

Ndaizviona zvese zvaiitika uye zvaindirwadza kuona Karen achinzwaro but hapana chandaikwanisa kuita. Vakatanga kungorwa nekuda kwaDave but Karen was strong airamba akavimbika nyangwe zvidini. Zvaindibata kuona Karen achiramba achida Dave because ndaishaya kuziva kuti haasi kuonawo here kuti ndiye ega akufirira, I felt sorry for her.

Rudo zvaro asi ndakaona kunge Dave was insecure takambomuudza inini naGarry siya munhu aite zvinhu zvinomubatsira muhupenyu kumberi uko, asi Dave didn't want his girlfriend to follow her dreams but kuti ateverwe iye.

Later, Karen paakatanga kuzviziva kuti mukomana wake akanga akuita chihure it was too late, even though akashingirira pamunhu wake, asi Dave was completely a changed person.

Garry naDave vakatanga kutsiurana ndakagara pamubhedha ndichingoteerera. Karen akandifonera but handina kudaira. Akazoisa text:

"Collin ndikuda someone to comfort me, can you come over pagedhi pedu? Please Collin 🙏 "

Me: Boys, ndakumboenda kumba

Ndakanyepera vakomana nekuti ndaiziva Dave aisazonzwisisa if ndikati ndiKaren. Ndakasiya vakomana ndakaenda kumba kwana Karen, ndava padhuze ndakaona Raptor yababa vaKaren yakamira panze. Hana yangu yakatanga kurova, kutaura chokwadi baba vaKaren vaindityisa. Ndichiri mupanic mode ndakanzwa izwi rakakora:

"Mukomana"

The End

*Next Chapter Coming Soon*

07/12/2025
06/12/2025

Morning family

05/12/2025

Hey people 🗣

03/12/2025

Feeling sorry for Karen man 💔

➖️ OPPOSITE ATTRACTS ➕️WRITTEN BY: AUGUSTSON PANASHE (Mr Classy)App and calls 📍 +263 78 491 0703© 2025 Augustson Panashe...
03/12/2025

➖️ OPPOSITE ATTRACTS ➕️

WRITTEN BY: AUGUSTSON PANASHE
(Mr Classy)

App and calls 📍
+263 78 491 0703

© 2025 Augustson Panashe (APMC Stories). All rights reserved. Characters and events are fictional.

CHAPTER 1

DAVE

Fighting as a couple is one of the things that hurts a lot, worse musiri kunzwanana but muchidanana nemoyo wese. I told Karen kuti "handisikuda zvekunetsana newe", ndipo paakandikandira mashoko,

Karen: Just because ndakutsiura kuti chihure chako chanyanya wakuona kunge ndakukunetsa? Musikana wese angouya muraini muno unotoda kunzi wapindawo, but inini haudi kundiona ndakamira nemukomana, kungomira zvako Dave hautombodi unondipopotera but inini ndikakutsiura kuti zvanyanya ndakukunetsa right David?

Maziso ake anga akazara misodzi, achiita kudedera nekukama pese paaitaura

Me: Saka ndototya kutaura nevamwe vasikana nekuti uri insecure and unoteerera zvese zvawaudzwa usina proof futi, okay I will change ndoregedza kutaura nevamwe vasikana kunze kwako, wafara hanty?

Karen: Handina kumboti regedza kutaura nevanhu but ndikuda kudanana nemunhu I fell in love with David, manje iwewe ukaita kunge ndiwe wega unogona kucheata ukuzvinyepera wangu

(She was saying this akanditarisa mumaziso chaimo)

Me: Ukuzama kutii iwewe?

(She came closer, breathing heavily, this time she was crying zvaitonzwika)

Karen: Ukunyatsondiona here? Nditarise Dave ukufunga ndingatadza kuita vakomana hobho here inini? Wakuita uchikanganwa kuti vakomana vemuno vese vanondida even varume vevanhu, pese pavanondibvunza kuti ndine munhu I always will tell them yes i'm taken but iwewe you take it for for granted, U-u-unozviziva togara tichizvitaura and iwewe you know kuti handisi kunyepa but iiii ndofirei David?

(She started to wipe off musodzi aiva pamatama ake, maziso ake anga aita kutsvuka zvino)

Me: Shaa shaa wakunyanya, ndamboita sei, haunzwisisise madhiri ako

Karen: That's what I'm talking about, you don't care about zvese zvandataura Dave, ndine 20 years i can't waste my best years ndichida kufadza munhu asina basa neni, body ndeyangu plus wandidzidzisa kuti haudi kuteerera zvandokuudza, wanyanya kuenderera, ngatichisiyane hedu, this ends here but uchandifunga hako

Me: Ita zvawafunga shaa, zvakuita as if ndokunyengerera and stuff, danana nevanhu vacho ndakambokumisa here?

(Ndakataura zvine hasha mukati, pose pandaitaura aiva akangonditarisa, musodzi ichiyerera pamatama ake)

Karen: How did i end up falling for you ndotozvishaya, dai ndaiziva ndozvauchava ndisina kutambisa nguva yangu, hauna basa nemafeelings angu pese pandinotaura newe unondiona kunge mwana wako

Me: Ndambokuudza handisikuda zvekunetsana newe Karen hanty? Because ndinenge ndichiziva ndokwazvinoperera takunetsana

Karen: Unombondida here David?

(Akafamba achiswedera padhuze, maziso achiyerera musodzi, akandibata ruoko paabvunza mubvunzo)

Me: Ah

Karen: Say something now, wakungoti ah, hazvipindurike kaa? Wakapedza neni hanty zvako zvabho, removed my virginity now hauchandide right?

Handina kumupindura nguva yacho, pakabva papfuura kombi, conductor akabvunza if taida kukwira kuenda but i told him "maya hatisi kubaya tiripo" nekuti taive takamira padivi ne road. Payakapfuura ndakati,

Me: Ndakuenda kumba wangu

Karen: Hauna kundipindira David, ndati ndizvo zvawaida zvakaita hanty?

Me: Zvipi futi wangu?

Karen: Wanga usiri kuteerera zvandanga ndichitaura hanty?

Handina kumupindura pakabva pasvika Collin, takabva tanyarara iyewo akaramba akatitarisa akazoti,

Collin: Asi manga muchindinyeya kani? Ko Karen ukuchemei hama yangu?

Paakabvunza zvese aiswedera paiva pakamira Karen, iye paakazvinzwa akapukuta musodzi ndokubva ati "hapana". Collin akasimudza musoro akanditarisa akandibvunza,

Collin: Matanga kuchemedza mwana futi kaa mudhara? Safe here yamunenge muchiita iyi?

Me: Mubvunze akumbochemei coz handisi kutozivawo chii chaari kuchemera ipapa

Collin: King ndimi makamira naye so ndingabvunze mumwe ani panapa? Zvakadhakwa but, Karen akuita sei Dave?

Karen: I've had enough of your friend, anongoda kundiona ndichichema pese, haanzwisise he acts like ndikumumanikidza kudanana naye but achida ndiite zvese zvaanoda

Me: Zvaunotaura unenge uchizviwana kupi haa miswa iwe wakundijairire manje wanzwa? Ndambokusekerera

Ndaitaura ndichienda kwaari, ndakamunongedzera nechigunwe, Collin akandibata akadzikisa ruoko rwangu akati "iiii chibaba hamusi makuzviwanza here? Karen huya ndikuperekedze kumba" then vakaenda inini ndakasara ndega. Ndainzwa hana yangu ichirova, hasha dzakazara coz ndainzi handinzwaro. Pavakanga vakusaoneka ndakazosara ndakuenda kumba

Collin was one of my friends, taitamba tiri three kubva tichiri vana vadiki because takakura nzvimbo one kuShamara. Mumwe wacho ainzi Garry, aifarira bhora kudarika zvimwe zvese, musi uyu aive aenda kumabhuza kubhora and Karen was my girlfriend, aindida zvekudaro zvandaiziva but inini ndaifarira kuita vasikana vakawanda asi Karen ndaimuda nemoyo wangu wose asi ndaisamuratidza ndaingozvichengeta mumoyo.

It's like ndakatanga kuziva Karen achine 16 years when she came kunogara kuShamara nekuti vakavaka imba yavo kumaraini kwedu and inini I was turning 18 years. Paakasvika achiri munyowani boys rese raimuda because body yake nemakore ake zvaisaenderana, and those days aivhaira. Inini ndakatowanawo number dzake pachibhorani, tingori tega. Pandakamukumbira number dzake akaramba akatora dzangu instead.

She texted me manheru acho, pandakangoona message yake i was excited. Ndakafonera Collin naGarry kuti ndivaudze kuti mwana anditanga, kutaura chokwadi ndakafara nyangwe hayo yaiva text yekuti "Hi it's Karen" ndakapindura text yacho after ndafonera boys rangu after like five minutes. Ndaingozhinya kunge benzi ndakamirira her reply, maybe I was still a teenager but I was excited. Kubva that day takatanga kutaura everyday, nyaya dzisina nechekuita nekudanana though. Mazuva iwayo ndaisapindura vamwe vanhu even shamwari dzangu chaidzo, because pandaitaura naKaren, she got me typing, ndodzima, ndonyora futi ndodzima ndichida kuyedza kumufadza, nekumufonera dzimwe nguva manheru until ndazomuudza ndokuda and she said she was feeling it too, that's how it all started. Taitaurwa nevanhu vese muraini and when she turned 17 we were really into it, into us, pazvinhu zvese taive malovers zvaisada kubvunzwa. Months went by we got intimate, figured she was a virgin and zvakasimbisa rudo rwedu.

Ndakazotanga kuchiva vamwe vasikana Karen paakamboenda kunomboita course, paakadzoka ndakaita kunge ndaive ndakuzvinetera here nekuti ndakange ndakuona vamwe vasikana, I was still a teenager maybe, because maziso angu akange akunyanya kuchiva vamwe vasikana. Handikwanise kutaura zvese zvakaitika because ndingapedze 5 years ndichitaura, nekuti takaita zvakawanda, kuenda nzvimbo dzakawanda, majokes akawanda, kumbonetsana nevabereki vake. Musi watakanetsana uyu, Karen aida kunzwisisa.

Pandakasvika pamba pedu ndakazvikanda pamubhedha ndakalocker door, pasina 10 minutes ndakanzwa knock padoor,

Me: Ndiani?

Ndakamuka pamubhedha ndichida kuda kuona ndiani aiva padoor

Collin: Baba vhurai door

Ndakafamba kusvika padoor ndakabata door keys, unlocked the and Collin akavhura akapinda.

Collin: Unenge uchimboita sei wangu? Wakutimakisira manje

Ndisati ndamupindura pakaita imwe knock padoor, takaramba takanyarara naCollin tichida kunzwa ndiani, pakarohwa imwe knock yakasimba then,

The End

Next Chapter Coming Soon

Address


Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Augustson Panashe Stories and Novels posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to Augustson Panashe Stories and Novels:

  • Want your business to be the top-listed Media Company?

Share