04/02/2026
Makadiyi henyu ndirimukadzi anogara ku SA, ndoitawo zvekuhodha ndichitengesa ku Zimbabwe ndichiitawo mari, ndine driver we bus re DNC anonzi Thomas Mtengwa wandinoshanda naye kutumira staff yangu yekutengesa kuzimbabwe, Kubva kudhara ndichishanda naye ndisina kana kumboita problem naye, asi dambudziko rakatanga pandakati my sister ariku zim amupemari kuti awuye nayo kuno mushure mekunge tamboshandisa Mukuru bank tikaona kuti ririkubata mari yakawandisa, so my sister gave him give 1960us dollars plus 5000r kuti andipe kuno ku SA, mushure mekunge wapihwa mari haana kuzobatika that was last year, 3 weeks after wapihwa mari nekusabatika akazofona achiti angaakasungwa arikutoenda ku court akati mari akashandisa kubhadhara mapurisa, akati mari anobhadhara asi hapana chakabuda, akamboti akutengesa mota asi hapana chakabuda, ikozvino haadayire phone yake, kuma bhazi tanzwa nekuenda asi arikutiza, ndokumbirawo kubatsirwa kana pane anoziva paanoga Titende kumbakwake tibatsirikewo, vanhu vekumbabhazi kwake it seems they are protecting him, Saka ndinofunga kuti tikaziva paanogara tingabatsirike, thank you so much kune vachabatsira