02/03/2024
*💔SOLUTION FOR BROKEN HEART💔*(dai ndakaziwa)
https://chat.whatsapp.com/LANWnHSKjhc7Tgxn2mYhzW
*Kindly follow me on page*
https://www.facebook.com/profile.php?id=61552314023138
*A STORY CREATED AND WRITTEN ✍️✍️✍️BY ROWELY J NYAMATSANZA*
________________
Contact us On: 📱📱:0716558831
0788347798
*(READ ,COMMENT AND SHARE)*
*CHAPTER 04*
*💔MAI RUWARASHE💔*
Ndakasvika kumba ndichiita kufemereka pamusoro ,ndakangosvika nekuenda mubedroom mangu ndichinotora mari iyo yainge iri $80us painge pashota $20 neyainge yataurwa nen'anga iya.Ndakanzwa kupererwa kuti ndoina kupi aezvo musi uyu ndainge ndisina kunotengesa zvinhu kuflee market kwangu .Ndakambogara pabed ndokubva ndafunga kunokwereta imwe mari kuna mai Preah.
Ndakuda kubuda mubedroom mangu ndakabva ndanzwa knock padoor ndokubva ndanovhura door ndokuona ari Preah aivepo.
"Maswera sei mai Ruwa"akadaro ndichitopinda naye mumba."ndaswera ufunge ndanga ndikuda kutouya kumba kwenyu ,variko here amai vako"ndakadaro,"mhamha havako ndavasiya vachigadzirira kuenda kumusha sekuru vashaya ,ndanga ndatotumwa kuno kuti ndikumbirei mari chero yamunayo sezvo vasina mari inokwana kunotenga zvinhu zveparufu"akadaro ,ndakaratidza kupererwa kwazvo ndokubva ndati "iii inga zvakaoma hapasi harigute chokwadi ko vafa nei.Zvisinei tora $50 dollers iyo vonobatsirikana kumusha ikoko,ko iwe ukuenda here"ndakadaro ndichimupa mari iya akatenda kwazvo."ini handisi kuenda ndikusara ndakachengeta pamba ,maita basa ini regai ndichiende kumba pamwe vatodzoka vakandimirira "anodaro ,ndichibva ndati "ufambe zvakanaka uvamhorese ,ndingadai ndanovaona asi pane zvandikuda kumboita".Preah hapana zvaanozotaura anotanga hake kufambisa achienda kumba kwavo.Imba yandaigara neyana Preah dzainge dzisimbori kure nekure.Taigara imomu muHarare tiri kuChitungwiza.Ruwa ainge ari mukuru kuna Preah negore rimwe chete ,Preah aiwe form 2 uyuwo Ruwa ndiye ainge atosiya chikoro panzira ari form 3.
Ndakasimuka pasofa randainge ndakagara ndokubva ndasimuka hangu kuenda kumbonorara ndichizorodza pfungwa.Nyama dzangu dzainge dzotondirwadza ,pamba pandaigara painge pakakura kwazvo painge potoda mushandi vebasa anosara achidiridza maruva uye nekucleaner pamba.Chaiita ndisamutore inyaya yevakomana vemuHarare ,ndaitotya kutora tsotsi chairo .Vazhinji vacho vaitoputa zvawo mbanje nekumwa zvodhaka zvaitovakanganisira hupenyu hwavo.Ndakarara ndichingofunga nyaya iyoyo yekuti mukomana vebasa ndaimuvanepi ,sezvo zvainge zvondiremera ndiri mumwe chete.Ndakamboda kuti ndinotore Sheron asi ndakaona kumutora gore risati rapera zvainetsa sezvo kumaschools kwacho kwaitonetsawo kuvana nzvimbo pakati peterm.Sheron ndainge ndotoda kuti agare kunoku ndichimudzidzisa hunhu netsika chaivo nemagariro.Ndaisada atedzere matsimba amukoma vake.Ndakazvironga kuti ndaizomutora awe form 2 ouya ogara kunoku.
Ndakaenda paWhatsapp ndichida hangu kuti ndimboone kuti hapana novel rainge rasendwa here mugroup Dream Novels 02 ,ndakaona munyori vacho aisa Pfumo raMazorodze iro rainge rave kutengeswa ,ndakarwadziwa kwazvo asi ndakatoona kuti kumutengera ndiko kwaitove kumusimudzira sezvo aiwe mwana mudiki kwazvo.Ndaitoshamisika kunzwa kuti iform 1 anodzidza naSheron ,haa ndainge ndongoti dai ndamuona ndochaingowe chishuwo changu.Zvisinei ndakabva ndatomusendera mari yake ,ndokuona yatika ka1 pandainge ndamusendera screenshot yeproof of payment .Haa ndakarwadziwa kwazvo ndakatoona kuti aisawe online ,book ndaizotoriona zvemangwana ssN 2.Zuva rainge rotodoka ndokungobuda mugudza muya ndokungodya machips andainge ndasobika mangwanani.Ndakamapedza ese ndokunyatsa kunzwa parere moyo ndokubva ndanorara ndiri mundangariro dzekuti mukomana vaRuwa ndaizomurwadzisa sei ,ndainge ndofunga kutomusungisa chaiko.Veduwe handidi kukunyeperai ndainge ndarwadziwa zvakanyanya apa Ruwa ndovandainge ndakatarisira zvihomba asi haa ,zvainge zvapinda musango.Ndakazongorara ndofunga zvekunotsvaga mukomana vebasa.
Ndakamukira mangwanani ndokupinda mumota mangu,ndokubva ndaenda hangu kuflee market kwangu uko kwandakabva nda.........
*💔TINASHE💔*
Ndakasiya Ruwa odzokera kumba ini ndokubva ndasara ndiri paBustop paya ,vamwe vainge vatoripovo taitosvika zvekuma 13ikoku.Kwandaigara kwaiita kunetsa mabhazi vaiti ukatojumanavo naro mumwe musi votofara nekuti raisafamba everyday.Kwaingofamba bhazi rimwe chete iro raGomwe rainokusvitsa maRusape kana kupfurira vonanga Harare.
Ndakabva ndatoenda paiwe nerimwe boys raitoratidza kuti raida kutoendawo .Vanhu vose vainge vongonditarisa tarisa ndainge ndotofeeler out of place ,ndakatarisa zvandakapfeka ndikatoona zvakanakawo vani ko chii chaiita vanditarise ????ndaingozvibvunza ndega .Ndakabva nsanogara hangu kwangu ndega ndotofunga kuti ko basa ndaizorivana here ko Ruwa vacho aisara achichengetwa nani ,ko ndikashaya basa mwana vaaizozvara taizomuchengeta nei.Ndainge ndongodema demba ndakascika pakuzvituka mumoyo mangu ,vabereki vangu vainge vakafa nekuda kwangu .Ndakaerekana ndongoti dai ndakaziwa ndakaterera zvandaiudzwa ,ndakasvika pakutsumba kungoti dai ndazviuraya ndaenda hangu ,ndaitoona sekunge kutofa zvinenge zvaitove nani.Mwana aizozvarwa naRuwa ndiye vandaitonzwira hangu Tsitsi kuti ndikazviuraya anonochengetwa nani ,ozokura here asina baba.Ndainge ndisitomborina kana chinhu ndingori tsuro yemubhuku,vamwe vangu regai ndakuudzai usazofe vakamitisa vana vevanhu uchiri mwana ,uye uri kuchikoro.Ukazviita uchaona hako ,unoomerwa nehupenyu regai ndikurumei nzeve ndichidaro .Vabereki vedu vari kutarisira zvakanaka panewe hazvinei kuti vakanaka here kana vakashata ,hazvinei kuti vakatsvuka here kana vakasviba.Hazvinei kuti unogona chikoro kana kuti haugoni ,mese mongodiwa zvakafanana.Ndakazongoerekana ndonzwa kuti "ko chibaba vakagara apo ukuenda here ,zvavakangobata shaya kasi vafirwa " ,ndakaerekena ndonzwa conductor odaro ini ndiri kundangariro dzangu.Kusvika kwainge kwaita bhazi handina kana kumbokuona ,ndakatora mukwende vangu ndokubva ndamhanya apa mukati mainge matozara nechekare ndokubva mabhegi angu aiswa kubhuti ndokubva ndatoita zvekugara pakadoma.Zviya zvekuti kunyara kudii imi ndakatozvisiya,ndainge ndachitarisana nevanhu vese manje conductor ainge achiri padoor achidaidzira"Rusape ,Harare ,Mbare ......"aingodedzera nedzimwe nzvimbo dzandisingaziwi ini ndaingoti ndaienda kubasa kuHarare chete.Bhazi rakarohwa ini nditori mundangariro dzangu ndikufunga nhamo dzangu.Bhazi raiita kunonzi kumhanya kuya zvekuti haa chero vanhu vaimbotaura vainge vanyarara vaita zvekuita kakurara vari kunakirwa nebhazi.Kwedu kwaitowe kumusha veduwe kutokwira xhero kamota kadiki zvako vaitonzi uri mupfumi.Zvisinei takasvika kwaRusape zuva richangotanga kurova nhongonya.Conductor akabva ati "vabereki mari dzebhazi ,vari kusara muno i$6 chete vakupfurira Harare moisa $15 tokusvitsai kuMbare kana nevamwe vanoda kudzikira zvakare kuChitungwiza asi movedzera $1"anodaro ini ndokubva ndanotora mari yangu $15 yekuti ndibva ndasvika kuHarare.Vamwe vakaburuka ,vamwe vakutopindawo vaida kuenda Harare ndainge ndonakirwa nekuona mazimota aivepo uye nemashop ainge akakura vamwe vaitengesa ,vainge vangorimo mubhazi umu.
Bhazi rakatanga zvakare kumhanyiswa ,apa nzara yainge yoruma zvino.Ndakangotenga maApple maviri ndokubva ndatogara hangu ,pari zvino ndainge ndave pasit ,ndainge ndabva pakadoma.Takazosvika kwainzi kuMbare zuva ratonyura ,apa ndainge ndoona zvimabhanana zvainge zvakaora apa marara akangoraswa.Painge patone vanhu vanoputa fodya ,ndakabva ndati ndainodzikira kuChitungwiza sezvo ndakaona kuti umu maitove nematsotsi.Ndakasvitswa kuChitungwiza,ndokubva ndatobuda ndotsvaga pekurara.Ndakafamba ndokubva ndaona paiwe nezvimakadhibhokisi ndokubva ndangosiya chibhegi changu nekutorara ndisina kana gudza ndongoti ndaizotsvaga basa mangwanani acho .
Ndakamuka mangwanani ndiine mbovo apa ndainge ndakarohwa nechando.Ndakangotsvaga pandingavane mvura ndokupavana ndokubva ndageza kumeso kwangu ndokubva ndatanga kufamba mumisika ndichitsvaga basa apa ndichirishaya.Ndaimbofamba nemudzimba asi ndairishaya ,rakazoti zuva roriva nhongonya apo pandobva ndaenda pane mumwe mukadzi aiwe mutsvuku akaita kakusimba achitengesa hembe.Ndakamukwazisa ndokubva ndamuudza kuti ndaitsvaga basa akabva ari raivepo, ndokubva anditi tanga vandipa chitupa chako tozotaura zvese nekwaunobva......
*End of Chapter 04*
*Drop your comments*
*MaComments enyu anondipa simba rekunyora mufunge*
WhatsApp Group Invite