30/06/2025
Shoko rine simba
"In the beginning was the Word, and the Word was with God, and the Word was God." John 1:1
Muchishona, shoko ririkuti pakutanga, kwakanga kuine Shoko. Shoko iri ranga rina Mwari, uye Shoko iri anga ari Mwari.
What? Do you understand hudzamu hwe statement rawabva kuverenga? Read it again!
Ukaramba uchiverenga John 1, unosvika pakanzi,
"And the Word was made flesh, and dwelt among us, (and we beheld his glory, the glory as of the only begotten of the Father,) full of grace and truth." ~ John.1.14
Go read the whole book of John for yourself. It's one of my favorite books in the Bible.
I'm one of those people who don't subscribe to shona sayings. Not to disrespect vana sorojena vakaita come up with the sayings; I'm just saying some shona sayings haana huchenjeri huri maari. Unonzwa munhu achiti, "chara chimwe hachitswanyi Inda". Umwe woti, "mbeva zhinji hadzina marishe". So what's the point? I don't subscribe to such layman statements.
But if there's only one shona saying I fully subscribe to 100%, it is the saying that, "mashoko ane simba!". I strongly believe kuti mashoko ane simba raainawo. Especially shoko rinobva mumuromo waMwari.
The problem is, Vatendi vazhinji havatendi kuti Bible iShoko raMwari ende havazvinzwisise kuti Shoko raMwari ndiMwari. Why ndadaro? Because they don’t take it seriously, they don't read it, kuratidza kuti they don't even understand what it is.
But kana chiri chokwadi chakataurwa naJohn paverse 1 iyo kuti shoko raMwari ndiMwari, nei vatendi vazhinji vasingariverengi? Nei vatendi vazhinji vachingoita mahwekwe neShoko once a week, musi weSunday kuChechi? Nguva yavo zhinji, vanenge vachitsvaga kufadza nyama; nendarama, nezvokudya, chingwa. Vanokanganwa zvakasiya zvataurwa naMambo Jesu pavakati, "man shall not live with bread alone, but with every Word that comes from the mouth of God."
Havazvinzwisise kuti Chingwa chehupenyu (rinova Shoko raMwari) chakakosha kupfura chingwa chekwa proton or bakersInn or chikafu chipi zvacho. So they end up vakurarama hupenyu hwekutsvaga chingwa chekungozadza dumbu bedzi, instead yekutsvaga chingwa chehupenyu.
Kunewe mutendi arikuverenga message ino, shoko rangu kwauri nhasi nderekuti:
"Idya Shoko raMwari kudarika madyiro aunoita chikafu. Gara uine nzara neshoko raMwari but at the same time gara wakaguta neshoko. Usamire kudya shoko. Usafinhwe neshoko. Shoko raMwari ndiMwari pachake. Saka ida shoko kudarika madiro aunoita chingave chinyi zvacho pasi pezuva. Kana ukadya shoko zvakanakanaka, zvimwe zvese zvinozotevera. Vanhu vanofanira kuti vakakuwona, vanowona Mwari - anova Jesus - nekuda kweshoko rinenge riri mauri."
Shoko rakatinakira sevatendi. Vatendi vazhinji vanorarama hupenyu hunorwadza nekuda kwekushaya shoko. They think vachazofara vayenda kudenga...
It is my sencere opinion that kana uchitenda muna Jesu, asi usina Shoko: ehe kudenga unoyenda hako asi zvinokunetsa kuti uunze denga pano pasi. Unorarama hupenyu hwakangofanana nemunhu asingatendi. Unoramba uchingotenderera muma cycles; subscribing to sayings like, "rugare tange nhamo." You'll never experience unexplainable joy and peace kana usina Shoko, but unexplainable troubles, challenges, and setbacks.
Idya Shoko raMwari shamwari yangu! Why? Because Shoko raMwari ndiMwari uye Mwari ndiye samasimba ose.