Drastic.com.

Drastic.com. Dear Friends. My only prayer for you is that you realize that you will always be beautiful in my eyes. I love you all.
(2)

South Africa is cursed. Cheroikatamba bhora semadhimoni inongodzoka kumusha isina kwayasvika. Ngavagadzirise hukama hwav...
06/17/2026

South Africa is cursed. Cheroikatamba bhora semadhimoni inongodzoka kumusha isina kwayasvika. Ngavagadzirise hukama hwavo nedzimwe nyika dzepasi rose. Handina kuti chii kana kuti chii.

Vanhu murikuiteiko veduwe. Koshesaiwo hupenyu hwevamwe.
06/16/2026

Vanhu murikuiteiko veduwe. Koshesaiwo hupenyu hwevamwe.

06/05/2026

Zvikasashamisa haasi Mwari. Church history ye Victorious Generation International Ministries ya Prophet Kudakwashe Jose

*BATISISAI IZVI VAZUKURU MOSE**KUKOSHA KWEMOMBE YEHUMAI*      _By Sekuru vaTJ_ Mombe yehumai idare rakazvimirira rinofan...
06/05/2026

*BATISISAI IZVI VAZUKURU MOSE*

*KUKOSHA KWEMOMBE YEHUMAI*

_By Sekuru vaTJ_

Mombe yehumai idare rakazvimirira rinofanirwa kukosheswa

Nhau iyi haife yakagezwa kana kusiiwa nemvura kana kuenda kumakereke woti zvatopera haichabviswa.

Kune vazhinji varikusiya nhau yemombe iyi isina kubviswa nemhaka yokuti vanenge wooti tava kunamata.

Kune vamwe varikuti varikunetswa nezvikwambo nekutsvaga huroyi, asi huroyi pasina .... iri mombe yehumai.

Baba vakafa vasina kupedza kuroora vana ndimi munoroora mai wenyu kupedzisa pakasiiwa nababa wenyu.

Makore atoorarama aya nhasi uno hapachina vanobatana kugadzirirsa kana kuripira nhau dzkasiiwa nana baba vasina kupedza kuripira kuti hupenyu hwevana hunake, zvinova zvnosimudza mhepo.

*MOMBE YEHUMAI INOKONZERA MATAMBUDZIKO API KANA ISINA KUBVISWA?*

1. Hurombe kuvanakomana hapana chinofamba

2. Kusaroorwa kwevanasikana, kunyangwe vakapinda mudzimba havagare zvakanaka, kushorwa, munyama, nekupomerwa nhau dzinoita asvike pakusiya musha

3.Kushaya mbereko kwevanasikana kwavanenge varorwa

4.Kurwara rwara kuparadzwa nekufa nyore nekuda kwekushaya vhumbamiro yembereko, mbereko ine basa guru kwazvo rekuvhambira vana, kurambwa kubarira pasi ( kubereka vana vachingofa)

*INOBVISWA SEI*
MOMBE yehumai inoenda kuna mbuya mai wabereka mai wako.

Kana mbuya vasisipo inopihwa kunyangwe mwana mudiki waunoti mai mumusha maberekwa mbuya iwoyo.

Mombe yehumai inoenda nembudzi yemunongedzo haibviswe iri yoga, painobviswa inofanirwa kusumirwa mai vatambira mombe yavo vanofanirwa kuirova nemukombe kana kuifura nemvura kuratidza yasvika vaiona.

Mombe yehumi inofanira kubviswa iri tsiru ( mombe hadzi isati yambobereka)

Vamwe vanoti inotarisirwa kusiiwa yakadaro kana yabviswa kusvika yabereka, kana yabereka inozoitwa anonzi madiro ndipo painouraiwa. Kana yaurayiwa mukwasha anopihwa bandauko rake kududza zvirango zvake zvapera.

Nhasi uno vamwe varikubvisa ari makwati (mari) kana kubvisa yobva yaurayiwa nokuti vamwe havana kumusha asi hazviwanzopera mushe. Takuchinyanya Chirungu chacho vadikani. Go back unogadzirisa go, go back, kkkk back ku factor reset chaiko ugoona kuti hazvifambe here ..

Usati watsvaga muroyi chimbozvicherechedza paumire.......Chishona hachina short cut.

06/05/2026

Munhu anerudo anofanirwa kushanyira hama kanadzawirwa netsaona. Apa ndakangandashanyira shamwari yangu yakavhunika gumbo patsaona yavakaita nebhasikoro. VaNhongo vanogara about 25km kubva kumba kwedu. VaNhongo vanogara mu village maNhongo kwaMunyikwa. So ndakavashanyira ndichindovasimbisa. Itiraiwo hama neshamwari seizvi.

*Nhai vazukuru mange muchizviziva here kuti:..*1. Mushakabvu anovigwa neBonde/Rupasa/Rukukwe sechiratidzo chekuti murufu...
06/05/2026

*Nhai vazukuru mange muchizviziva here kuti:..*

1. Mushakabvu anovigwa neBonde/Rupasa/Rukukwe sechiratidzo chekuti murufu munhu anenge achinzi akarara kekupedzisira.
2. Mumba mune chitunha hamutsvairwi senzira yekupa mushakabvu ruremekedzo.
3. Mumba mune chitunha hamudzimwi mwenje semucherechedzo wekuti ava chiedza chedzinza
4. Guva harigari rakacherwa nokuti zvinotendwa kuti pane vanhu vanozogona kushinha
5. Mukadzi ane pamuwiri/mimba anovigwa mubani kana murwizi nokuti anonzi aenda nembesa mudumbu.
6. Munhu haavigwi neWatch nokuti anonzi nguva yake yakwana haasisina basa nechiringazuva.
7. Vanhu vanogeza maoko kana vabva kuMakuva senzira yekugeza mhepo dzavanogona kunge vatakurana nadzo kubva kumakuva.
8. Mukadzi kana akazvitakura haaendi kumakuva nekuti anenge achinzi ari mudumbu anogonha kutora mweya wewaenda, kana kutapurirwa mhepo dzakasiyanasiyana dzinenge dziri kumakuva.
9. Rupasa/bonde/rukukwe runopidigurwa semucherechedzo wekuti mufi arara neumwe mupanda wakasiyana nevanozokwanisazve kumuka
10. Kuradzika chitunha chemunhu mukuru mumba make mucherekedzo weruremekedzo chekuti mufi anofanirwa kuenda apedza shungu dzake dzekurara pamusha wake.
11. Munhu anovigwa akaisa musoro kumadokero uye akatarisa mudenga senzira yekuti mufi azoite nyore kutarisa mabvazuva kana omuka achisangana naJeso kana hwamandabyorira🙏🏻

Kana wawanawo chawadzidza isa comment sekuru vaTJ vagokupai zvimwe.

Hie good people. Uriku follower page yasekuru vaTJ  urikupi? ( from which town, country?) Usanyepawozve😅.
06/02/2026

Hie good people. Uriku follower page yasekuru vaTJ urikupi? ( from which town, country?) Usanyepawozve😅.

Thanks for being a top engager and making it on to my weekly engagement list! 🎉Unobva waona hama neshamwari dzinofamba n...
06/02/2026

Thanks for being a top engager and making it on to my weekly engagement list! 🎉
Unobva waona hama neshamwari dzinofamba newe mukutatarika nemukufamba nyore. Rambai makadero hama neshamwari dzasekuru VaTJ. Ndinokutendai nekusingagumi. Mwari wekudenga akuitirei nyasha.🙏
Mellissa Kumire, Jullie Miriro Nyasha Chidziva, Ethel Hondo, Vongai Hlupo, Tonderai Manhando, Anatolia Mapasure Mbedzi, Donald Tawanda Munokori Pesanai, Sharon Masuka Shezz, Spy Kidd ZW, Mhamha Rigel Rumbi Muridhini, Mai Kuku, Angela Viriri, Letwin Mupandawana, Nomatter Kamuchanyu, Shylet Nyamunda, Wimbayi Joyce Tadya, Pauline Gondo, Priviledge Sithole, Anointed Child, Vimbayi Moyo, Chiedza Hove Mabika, Joyce Mahiyana, Patience Rice, Amai Dhewa, Tabonga Mariba, Tarisai Shava, Melinda Makanaka Mpofu, Prisca Maurukira, Slivia Bafana, Bruce Wachi, Portia Mahuda, Med Bahjaphone, Sie Chimwai, Bridget Makore, Linda Matsotsora, Tatenda Zinzombe, Soneni Moyo, Angeline Kulambone, Polite Pendere, Patience Chasara, Beatrice Mudadiri, Christine Christine, Hloe Ncube, Loreen Si Nduna, Revesajoe Madhuyu, Ennia Mutandwa, Rosetari Kamanura, Josephine Chapfimvira, Kumbirai Tizirai, Pamella Shanduka

🎉 Facebook recognised me as a top rising creator this week!Ohhh! My dream!, some try, but only a few achieve. I am an ac...
06/01/2026

🎉 Facebook recognised me as a top rising creator this week!
Ohhh! My dream!, some try, but only a few achieve. I am an achiever. I've made myself proud because of you; I promise to keep up the good work. Please celebrate with me, congratulate me on my being recognised as a rising content creator.
👏👏👏

Mangamuchizviziva here kuti ava vose ndivana Annah Madhuyu❓✅Avo vane green dress rine belt vanonzi Annah Madhuyu ndisist...
06/01/2026

Mangamuchizviziva here kuti ava vose ndivana Annah Madhuyu❓

✅Avo vane green dress rine belt vanonzi Annah Madhuyu ndisister vasekuru vaTJ
✅Uyo akasunga duke mumusoro ndiAnnah Madhuyu ari sister yababaTJ

Ndizvo zvirikwedu

Address

3523 S Sundown
Spokane, WA
99206

Telephone

+27682100012

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Drastic.com. posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share