31/05/2026
💔AKANDITORERA MUKOMANA WANGU 💔
FINAL PART ✍️Tariro akagara pasi akanyarara kwekanguva.
Misodzi yainge yamira, asi kurwadziwa kwainge kwakadzika mumoyo make. 💔
Mukomana wake akaramba achiti,
“Baby please forgive me… ndinokuda.”
Asi Tariro akabva aseka zvinyoro nyoro. Kekutanga mushure memazuva mazhinji, akanga asisachemi.
“Love haisi kunyepa munhu waanokuvimba naye,” akadaro akatarisa vese.
Nyasha akaramba akafugama pasi achikumbira ruregerero.
Asi Tariro akabva afamba achienda mumba make ndokudzoka nebhegi rake. 😳
“Ndasiya zvinhu zvenyu. Imi muri perfect for each other.”
Mukomana wake akabva avhunduka.
“Uri kuenda kupi?”
Tariro akabva ati:
“Kwandichawana peace.” ✨
Baba vemukomana wake vakabva vati,
“Musikana uyu ane moyo wakachena. Makarasikirwa nemunhu akanaka.”
Tariro akabuda pagate asina kana kutarisa kumashure.
Mwedzi mishoma yakazopfuura… 🌍
Tariro akatanga business yake, life yake ikatanga kufamba zvakanaka. Akatanga kuzvida zvakare uye vanhu vakawanda vakatanga kumuremekedza.
Rimwe zuva akasangana nemurume aimuremekedza zvechokwadi — munhu aisamunyepera kana kumutengesa. ❤️
Meanwhile, Nyasha nemukomana uya relationship yavo yakazopera nekusavimbana.
Ipapo ndipo pakadzidza Tariro kuti:
“Dzimwe nguva vanhu vanokurwadzisa havasi kupera kwe story yako… vari beginning ye better life yako.” ✍️✨
THE END 📖