25/09/2025
makadii ndoziva kuti moziva chivanhu ndosaka ndauya pano.ndatove neconfusion kuti pandakaresva ndepapi sekuru .Ndiri mukadzi ane23yrs Ndakaroorwa muna December last year ndikambogara navamwene murume ari Joni so muna March ndopandakazotevera ndakaitawo lucky ndikawana basa April . So pese apa ndaishand andichi chengeta mari last week ndakaita shopping ndikapeka mabag ndikaisa kubus.Tete ndovakatambira mabag 1 vakaendesa kumba kwedu rimwe rikaenda kwavamwene problem tete vakandiisira message kuti why wakatengera baba zvivharangozi ,handina kumbopindura ini ndakaresva here nekuti pandaiveko kumusha baba namai mabh*urukwa avo aiinzwisa tsitsi akananikwa pawaya. Ndakatotengera vese naamai.Murume akutiwo wakadii kutanga wandibvunza ini handina kumbozvifunga ndakangoti since vave vabereki vangu it's my duty semwanawo wavo but nyaya yacho yakutokwidzwa makata.Amai vakangosenda message vachiti wakaita basa mwanangu bag rakasvika.