chishongo bae

chishongo bae for funny
jokes
lifestyle
anything good
(1)

Shout out to my newest followers! Excited to have you onboard! Memory Tariro Musumha, Osazuwa Derek, Divine Chidziva, Ge...
01/10/2025

Shout out to my newest followers! Excited to have you onboard! Memory Tariro Musumha, Osazuwa Derek, Divine Chidziva, Geoffrey Mose, Charity Kamhiripiri, Ma Hwe, Eddy Banks, Elizabeth Nyambura, Naitwa Yona, Joseph Chizema, Gabi Mhlongo, Yeu Kalongona, Karo Godspower, Love, Edwin Svaruka, Chi Hera, Li's MindMatters, Iyanu Sheriff, Everjoy dick

30/09/2025

Zvidhoma zvamuka chibhebhenenga mumhuri . . . zvoshinha nevanhukadzi, kukonzera rufu

September 30, 2025

MHURI inogara kuOverspill, kuEpworth inoti yatambudzwa nezvidhoma izvo zviri kushinha nevanasikana pamwe nevaroora pamadiro uye nekukonzera rufu zvisina tsarukano.

Pamusoro pezvo, vemhuri iyi vanoti vanorohwawo nezvivanda kana kuti zvidhoma izvi.

Mhuri iyi, iyo inobva kuMalawi, inoti yakafirwa nevabereki vayo baba naamai kare.

Sekuru Fraction Nota, avo vaiva baba vemhuri iyi, vakashaika mugore ra2000 uyewo mudzimai wavo, Mbuya Menalla Pangeti Nota, vakashaika muna2019.

Mwanasikana mumhuri iyi, Mai Agnes Nota (54), vanoti vakaberekwa vari gumi nevaviri asi vasara vanomwe.

“Takaberekwa tiri gumi nevaviri asi izvozvi tasara vanomwe chete. Tinofa kuita sekunge masvosve, vanhu vanongorwara nguva diki-diki munhu wotofa. Vamwe vanofa vakatevedzana, dambudziko iri rapambira kuvakuwasha nekuvazukuru zvakonzera kuti tinangane huroyi semhuri,” vanodaro Mai Agnes Nota.

Vanoti kubva mugore ra2019, mumhuri yavo makashaika vanhu vatanhatu avo vanofa nguva imwechete yegore.

“Baba naamai vedu vakasiya vazukuru 52 asi tiri kutya kuti vanogona kupera nemafiro ari kuita vanhu.

Vanasikana vari kurambwa nekufirwa nevarume zvakare. Vanakomana vari kurambwawo nemadzimai, kwatinofamba zvinonzi hurombwa hwemumusha uyewo zvichikonzerwa nezvikwambo zvanetsa,” vanodaro Mai Agnes Nota.

Vanoti mukati mevanhu vakafa ava, mumwe akafa achipondwa.

“Hanzvadzi yangu Patrick Nota akafa achiita zvekupondwa mugore ra2006 kuRuwa. Vanasikana tinoitwa madzimai masikati kana usiku nezvinhu zvatisingaone, kusanganisira nevaroora zvakare avo vanoguma vava kutiza pamusha.

“Vanhu mumhuri vanoshayawo mabasa nekuburitswa zvisina tsarukano,” vanodaro Mai Agnes Nota.

Vanoti masvondo matatu akadarika, vakaona mashura paguva rababa vavo apo pakaiswa hari pamusoro yaiva nebakatwa mukati nemachira ane mavara.

VaFriday Nota (55) vanova mwana wechina mumhuri iyi vanotsinhira matambudziko aya vachiti vanoda kubatsirwa.

“Pakavigwa mutumbi wababa vedu, takaona paguva apa pakakandwa mari yesimbi yekudhara yemazuda. Mhuri yose hakuna anobata mari, tinorohwa nezvidhoma nekutizwa nemadzimai uyewo vanasikana vachitizwa nevarume. Pamusoro pezvo, tinofa zvisina tsarukano,” vanodaro VaFriday Nota.

Vanoti havana dzimwe hama muno sezvo vachiti amai nababa vavo vakabva kuBoma District, kuMalawi.

Isu vakuru ndisu tava kunangwa huroyi nevadiki, tikada kufamba tinobva tatanga kurwisana toga sezvo paine vamwe vanoti havadi kufamba ” vanodaro VaFriday Nota.

Mai Loveness Nota (41) vanoti vakaroorwa nevarume vashanu vachirambana navo pasina zvikonzero.

“Taona nhamo nekurambwa nevarume, seni ndakaita varume vashanu ndichirambwa mukati mevarume ava vatatu vakatofa kwasara vaviri ndivo vapenyu. Varume vava kutotya kutipfimba, vakawanda vanasikana vari kufirwa nevarume uye mumusha munonzi mune zvikwambo. Tinorohwa nezvivanda, hatiwane mabasa, tinoshinhwa nesu nevarume vatisingaone saka tinodawo kubatsirwa,” vanodaro Mai Loveness Nota.

Vanoti zvakare mhuri yavo inosangana netsaona dzemotokari dzakawanda zvikuru

30/09/2025

Pattricia Jack havasivo here Mai chinyere vamukuti vapopota chaizvo varikuenda apo 🤣🤣🤣 paye pamotuka madofo e cat family musakanganwe kuzvimakirawo hudofo hwenyu nevanokupai nyaya

30/09/2025

Pattricia Jack hona nguva yapostewa 8hr vaposter kuti vasvika safe saka vamataranyika vazovaona nguvai cz felie aenda kwavamatarantika nhas Mira tikuunzire zvinemusoro

Mai tt nhas vakapfeka izvi kwamataranyika ko iwe PJ ukuzviwanepiko zvaukuudzwa k*kk
30/09/2025

Mai tt nhas vakapfeka izvi kwamataranyika ko iwe PJ ukuzviwanepiko zvaukuudzwa k*kk

Pattricia Jack  this pic ndine zuro ufunge   vanhu vakaona amai ava varivoga vakati vshairwa Mari ye ticket ah    k*kk n...
30/09/2025

Pattricia Jack this pic ndine zuro ufunge vanhu vakaona amai ava varivoga vakati vshairwa Mari ye ticket ah k*kk nhas vavatove kunigeria cz vanepost ine 12 hrs vasvika kare

Pattricia Jack   munhu akupa guwa muudze asaiushandise anokudonhedza chiremerera ipapa ndi  evidence chihera akupa ne gh...
30/09/2025

Pattricia Jack munhu akupa guwa muudze asaiushandise anokudonhedza chiremerera ipapa ndi evidence chihera akupa ne ghost k*k Mai tt vachiperekedza manigeria vavakapfeka green nhas vaenda Kwa Mr Mataranyika vavakapfeka dress Riya saka maNigeria azodzoka here nhas Iwo angambokwira ndege akaenda azodzoka kuzoita drama here

30/09/2025
*Imwe mweya inotitewera inobva pakuzvisheedza nemitupo*😂😂🙌
30/09/2025

*Imwe mweya inotitewera inobva pakuzvisheedza nemitupo*😂😂🙌

30/09/2025

Usati wachema nenyaya yekudyirwa bby wako tanga wazvibvunza kuti iyo relationship yacho inonzii nechishona😂

Hakusiko kunonzi kudyidzana here😂 saka ngatidyidzaneyi veduwe ndozviripo kuchema kureva hauchadi kudyidzana here😂😂

Address

Durban

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when chishongo bae posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share