30/09/2025
Zvidhoma zvamuka chibhebhenenga mumhuri . . . zvoshinha nevanhukadzi, kukonzera rufu
September 30, 2025
MHURI inogara kuOverspill, kuEpworth inoti yatambudzwa nezvidhoma izvo zviri kushinha nevanasikana pamwe nevaroora pamadiro uye nekukonzera rufu zvisina tsarukano.
Pamusoro pezvo, vemhuri iyi vanoti vanorohwawo nezvivanda kana kuti zvidhoma izvi.
Mhuri iyi, iyo inobva kuMalawi, inoti yakafirwa nevabereki vayo baba naamai kare.
Sekuru Fraction Nota, avo vaiva baba vemhuri iyi, vakashaika mugore ra2000 uyewo mudzimai wavo, Mbuya Menalla Pangeti Nota, vakashaika muna2019.
Mwanasikana mumhuri iyi, Mai Agnes Nota (54), vanoti vakaberekwa vari gumi nevaviri asi vasara vanomwe.
“Takaberekwa tiri gumi nevaviri asi izvozvi tasara vanomwe chete. Tinofa kuita sekunge masvosve, vanhu vanongorwara nguva diki-diki munhu wotofa. Vamwe vanofa vakatevedzana, dambudziko iri rapambira kuvakuwasha nekuvazukuru zvakonzera kuti tinangane huroyi semhuri,” vanodaro Mai Agnes Nota.
Vanoti kubva mugore ra2019, mumhuri yavo makashaika vanhu vatanhatu avo vanofa nguva imwechete yegore.
“Baba naamai vedu vakasiya vazukuru 52 asi tiri kutya kuti vanogona kupera nemafiro ari kuita vanhu.
Vanasikana vari kurambwa nekufirwa nevarume zvakare. Vanakomana vari kurambwawo nemadzimai, kwatinofamba zvinonzi hurombwa hwemumusha uyewo zvichikonzerwa nezvikwambo zvanetsa,” vanodaro Mai Agnes Nota.
Vanoti mukati mevanhu vakafa ava, mumwe akafa achipondwa.
“Hanzvadzi yangu Patrick Nota akafa achiita zvekupondwa mugore ra2006 kuRuwa. Vanasikana tinoitwa madzimai masikati kana usiku nezvinhu zvatisingaone, kusanganisira nevaroora zvakare avo vanoguma vava kutiza pamusha.
“Vanhu mumhuri vanoshayawo mabasa nekuburitswa zvisina tsarukano,” vanodaro Mai Agnes Nota.
Vanoti masvondo matatu akadarika, vakaona mashura paguva rababa vavo apo pakaiswa hari pamusoro yaiva nebakatwa mukati nemachira ane mavara.
VaFriday Nota (55) vanova mwana wechina mumhuri iyi vanotsinhira matambudziko aya vachiti vanoda kubatsirwa.
“Pakavigwa mutumbi wababa vedu, takaona paguva apa pakakandwa mari yesimbi yekudhara yemazuda. Mhuri yose hakuna anobata mari, tinorohwa nezvidhoma nekutizwa nemadzimai uyewo vanasikana vachitizwa nevarume. Pamusoro pezvo, tinofa zvisina tsarukano,” vanodaro VaFriday Nota.
Vanoti havana dzimwe hama muno sezvo vachiti amai nababa vavo vakabva kuBoma District, kuMalawi.
Isu vakuru ndisu tava kunangwa huroyi nevadiki, tikada kufamba tinobva tatanga kurwisana toga sezvo paine vamwe vanoti havadi kufamba ” vanodaro VaFriday Nota.
Mai Loveness Nota (41) vanoti vakaroorwa nevarume vashanu vachirambana navo pasina zvikonzero.
“Taona nhamo nekurambwa nevarume, seni ndakaita varume vashanu ndichirambwa mukati mevarume ava vatatu vakatofa kwasara vaviri ndivo vapenyu. Varume vava kutotya kutipfimba, vakawanda vanasikana vari kufirwa nevarume uye mumusha munonzi mune zvikwambo. Tinorohwa nezvivanda, hatiwane mabasa, tinoshinhwa nesu nevarume vatisingaone saka tinodawo kubatsirwa,” vanodaro Mai Loveness Nota.
Vanoti zvakare mhuri yavo inosangana netsaona dzemotokari dzakawanda zvikuru