Life Confessions

Life Confessions Come with your issues confessions of witchcraft, scary and frightening things happening in real life

ndibatsireiwo zvinoita here kuroora musikana asiri virgin ndiri jaya rakazara ndine 24 yrs musikana ane 22 yrs, tsinga y...
07/12/2025

ndibatsireiwo zvinoita here kuroora musikana asiri virgin ndiri jaya rakazara ndine 24 yrs musikana ane 22 yrs, tsinga yacho inozodambuka here ndikasangana nemunhu asiri virgin?

Shout out to my newest followers! Excited to have you onboard! Tandiwe Sankani Tapera, Noemah Tee Mpofu, W***y Tee Check...
06/12/2025

Shout out to my newest followers! Excited to have you onboard! Tandiwe Sankani Tapera, Noemah Tee Mpofu, W***y Tee Checks, Olmert Gwirize, Elizabeth Nyemba, Simba Zenda, Lisah Mutepa Madzvimbo, Rumbidzai Jeremiya, Nigel Kudzaishe, Rosca Nyamukondiwa, Ronald Muchochomi, Beauty Simango, Paddington Pd Mapfumo, Justice Mapanga, Memo Mpedzi, Patience Ndlovu, Robert Chigovera, Fadzi Nyawo, Chipo Mutunduru, Adelah Candice Horses, Varaidzo Magara Mutsika, Vimbai Chrisnache, Miriam Koto, Tawanda Chirume, Ephraim Taru, Taryroh Vee, Owen Griffith, Filton Chirandu, Tarisai Huni Kwangwari, Peter Aniva, Queen Liana, Precious Fadzai, Gamuchirai Gondo, Samantha Sammy Sammy, Khanyie Mabena, Vimbainashe Mashonga, Davison Chada, Evelyn Dube, Sanather Mssibanda Hutu, Patty Mkandi, Takudzwa Manhando, Ashley Ruvimbo Munemo, Mucha Murambiza, Nobleman Banda, Nyari Chabata, Rach Munyoro, Clowei Patra, Lisha Perekwa, Ropafadzo Mugurasave, Rumbidzai Muzarurwi

Helo lc please for me, ndine nyaya inondinetsa, ndakadanana nevamwe pastor two years ago, ndaita zvese for this pastor o...
06/12/2025

Helo lc please for me, ndine nyaya inondinetsa, ndakadanana nevamwe pastor two years ago, ndaita zvese for this pastor only to be dumbed vawana zvinyowani, ndakavatengera mota baba ava yandaiti tinofamba tese nyore, now mota iyoyo vanokwidza vamwe vanhu, pamberi pechurch ndanga ndakati ndatengera baba mota sechipo nekuda kwebasa ravanobata, ndikanotora mota yangu pane chakaipa here ndisingataure hangu zvakawanda nekuti ndiri kurwadziwa, havanga ndidye kudaro kunge matemba then later dumb me like that, ndibatsireiwo vehama ndikuda mota yangu, pastor ava varipo kuChitungwiza

hie lc hide me, ndine nyaya inondinetsa ndakakura tichigara kumusha pava nemakore zvapo, ndine makore 36, ndakakurira ku...
05/12/2025

hie lc hide me, ndine nyaya inondinetsa ndakakura tichigara kumusha pava nemakore zvapo, ndine makore 36, ndakakurira kumhondoro, pamba pedu paiva nemombe dzakawanda uye taiva nevafudzi vemombe vatatu, nyaya yakaitika ndeyekti baba vangu vakandi bata chibhaaro, vakaramba vozviita ndakanga ndava ne16yrs kusvika ndabata mimba vakandi tsinhidzira kuti ndisave nani wandinoudza, ndaita mimba vakandipa kumufudzi wemombe aifudza pamba pedu iye haana kuramba akati zvake zvaita, ndakazobara mwana, akafanana neni zvisingaite mukomana akatoreswa birth nemufudzi wemombe asi kutaura chokwadi haasi mwana wake, nyaya yandiudza pano mufudzi wemombe uyu hupenyu hwakazo chinja tarambana hedu akuda kutora mwana kuenda naye kuAustralia ndomuudza sei kuti haasi mwana wake mwana wababa, ndiri kunzwa mandiri kuti nditaure cchokwadi ndiko ndiwane peace nekuti nyaya iyi inondidya moyo, baba variko vakaita accident iko zvino vanogara pa wheelchair mama vakashaya, ndoitaura sei nyaya iyi, ndiye ega mwana wandakaita handina kuzoroorwa futi kana kuita mwana

admin post for me, ndiri murume ane makore 34 years ndine mudzimai ane makore 28 nevana vaviri 2 girls, ndakaitawo gumbo...
04/12/2025

admin post for me, ndiri murume ane makore 34 years ndine mudzimai ane makore 28 nevana vaviri 2 girls, ndakaitawo gumbo panze ndikaita small house, handina kuziva kuti ndiko kutanga kwematambudziko mumba mangu, taidanana zvakanaka nemukadzi uye ndaimuitira zvese zvaanoda asi handizive sei andifungira mweya wakaipa andisunga nhengo yangu, kumba haisi kushanda asi ndikaenda kwaari iri kushanda, ndafunga kuenda kumapurisa kuno mhan'ara nyaya iyi nekuti anondisungirei, achiziva kuti ndine mukadzi kumba, ndiri kurwadziwa apa kumba hakusisina rugare, unoziva chimiro chese unobva nekuti unenge uri kuziva nyaya dzako, now ndakada kutsiura vanhu pamba handicha nzwika sababa mukadzi ari kupindura rough hanzi endai munotonga kwmakasungwa not here, handisisina chimiro mukadzi akundi treator semwana chaiye, chandava kutya kuti anogona kuhura nekuti akutaura mushonga chaiwo ndoita sei vehama

🎉 I earned the fan favorite badge this week, recognizing me for consistently having meaningful conversations with my fan...
03/12/2025

🎉 I earned the fan favorite badge this week, recognizing me for consistently having meaningful conversations with my fans while sharing unique, relatable content!

admin post for me,ndakasiirwa zvinhu nambuya vangu vasati vafa, ndakasiirwa basket ranga rine chuma chine red, white and...
03/12/2025

admin post for me,ndakasiirwa zvinhu nambuya vangu vasati vafa, ndakasiirwa basket ranga rine chuma chine red, white and green beads, ndakasiirwa jira re black ne jira re red vakati muzkuru izvi ndizvo zvichaku chengeta usafa wakaudza munhu, that is 10 years ago ndine 23yrs now ndine 33 years handina kuroorwa handina mwana, i realise kuti zvinhu izvi zvandi affector zvakanyanya muhupenyu hwangu, zvinhu zvese zvikamira, ndiri kurarama a lonely life, ndafunga kuudza baba kuti mai vavo vakandipa machira handichaziva kuti ndodi nawo, ndiri kutya futi kuti vanondoti zvee ndakuda kupomera mai vavo huroi uye havasisipo kuti vazvidairire, handitozivewo kuti ndoita sei pari zvino, ndibatsireiwo vedare

hie lc please hide me, nhai hama ndekupi kwandinga enda namai vangu for counseling, she has been in an abusive marriage ...
03/12/2025

hie lc please hide me, nhai hama ndekupi kwandinga enda namai vangu for counseling, she has been in an abusive marriage for many years, vanga vakango garira kuti isu vana tikure asi iih zvakavauraya, my mother she is a broken woman, vakatoita sevari kurasika njere, baba vanorova vanotuka vanhura zvese zvaunga fungira mai vangu vakaitirwa zvino ndakavatora vakamboda kupopota mdhara kuti mmunhu ngaagare pamba pake ndakavaudza kuti mdhara ndokurovai ndakura manje kana maidherera moms ini ndoku blastai, mama vari kumba kwangu now asi mdhara has been sending messages kufone yavo kuti dzoka kumba, mama vakudawo kuenda so ndati vasati vaenda ndivatsvagire vanhu vanoita counseling pamwe vangaite zviri nani vakaremerwa, zibaba iri ndakarivenga kusvika pekupedzisira

hie lc post for me, pamwe ndinga wane kubatsirika padare , ndiri murume ane makore 48 ekuberekwa ndaka kurira kuKaroi nd...
02/12/2025

hie lc post for me, pamwe ndinga wane kubatsirika padare , ndiri murume ane makore 48 ekuberekwa ndaka kurira kuKaroi ndine vana 5, 4 girls nemukomana 1, ndainge ndakaromba kuMoza manje ndakatyora mhiko dzacho ndakadzokera kuMozambique sekuru vakati pakutoda ropa remunhu kuti nyaya dzangu dzigadzirisike, ndakati ropa hazvinetse ndanga ndafunga kuisa mwana wamukoma ari kuUnivesity manje sekuru vakaramba vakati vakuda mwana wangu first born musikana, ndikati sekuru hazviite mwana wangu akabva kuchata manje manje ndiwe wamuri kuda, ndiri kurwadziwa hama dzangu hazvigone kuti mwana wangu Maka afe ndavati zvitori nane ndife ini ndini ndakatora mhiko yacho, ndakabvako ndisina kupedzerana nasekuru, hama dzangu hana yangu iri kugara ichirova dai vatora havo inini vasiya mwana wangu nekuti hazvigone kuti afe, ndoita sei vehama kana pane vanhu vanibatsira ndiepeiwo manhamba ndinoenda kwese kunonzi kunobatsirwa nekuti now pandiri chinogona kundiuraya iBP ne fear hazvina kumira mushe, ndiri kutya kufa neniwo ndibatsirei hama dzangu

Hi LC can you please send  as hide on your group.Ndoda kupindura hide ataura kuti akafonerwa nesekuru vake achiudzwa kut...
02/12/2025

Hi LC can you please send as hide on your group.Ndoda kupindura hide ataura kuti akafonerwa nesekuru vake achiudzwa kuti amai vake muroyi.Zviriko mufunge hazvingogamuchirike kana ari mubereki wako.Ini amai vangu pavakafa ndopatakaziva kuti vaiva muroyi vakasanduka kufuta munhu kubuda makushe kunge mhuka takanovaviga wava kutonhuwa havana kuitwa kana body viewing ini ndega ndini mwana akavaona coz nemadzisahwira nababa vangu.Vakafa vasina kurwara zvinonzi vakatemererwa zvipikiri vaenda kunoroya zuva ravakafa vakatoswera vachimhanya manya vachiita basa ravo repamba semazuva ese vachiziva havo kuti ndozuva ravo rekupedzisira.Vasati vafa pane nguva yakamborwara hanzvadzi yangu for a long time vakazoudza muroora vangu kuti vanhu vakuda kuti ndidye mwana wangu asi ndazviramba ndopakapora hanzvadzi yangu ndakambofunga kuti muroora wangu arikunyepa zvaakandiudxa asi ndakamutruster coz munhu uya anotya Mwari ndakazozvibvuma ndaona chitunha chaamai vangu vasanduka.Haa it's hard to believe it up to now I still can't believe it. Hanzi vakasarudza kuti better vafe ivo pane kuuraya vana vavo takazvarwa tiri 7 nanhasi takangokwana.Asi zvese izvi hazvina kuchinja rudo rwangu kwavari I still love her as my mother.She was a bubbly person vaiva nerudo ,she was a giver as well hapana aiuya pamba pedu akaenda asina kudya even to strangers vaitovadaidzira vachidarika paroad kuti huyai mudye.Vaitoenda kuchurch evangelical vaitopfeka uniform vari amai veruwadzano saka zviriko izvi.Vangu amai zvinonzi ndewerudzi huroyi hwacho.

post for me lc, nhai hapanawo anoziva vanorapa cancer amai vangu vakunzi vane cancer yepa liver, tatopererwa semhuri, so...
02/12/2025

post for me lc, nhai hapanawo anoziva vanorapa cancer amai vangu vakunzi vane cancer yepa liver, tatopererwa semhuri, so tafunga kuti tiite zvema herbs isati yapararira, kana pane vane idea please drop your tag mu comment section ndingatende zvikuru pakawana anoti batsira semhuri. thank you

Hie LC ndini ndina mai vari kupomerwa kunzi muroi, ndavafonera mama vari kungochema handicha zive kuti ndoita sei apa nd...
02/12/2025

Hie LC ndini ndina mai vari kupomerwa kunzi muroi, ndavafonera mama vari kungochema handicha zive kuti ndoita sei apa ndiri kure, ndazofonera mumwe mwana wehanzvadzi yamama kuti andiudzewo kuti zvikufamba sei ati ehe zvikutaurwa ndizvo mai vako vatori nezvinhu zvavanga vanazvo zvakato torwa nemuporofita hapana akandiudzawo zvese izvi, apa handichaziva manje kuti mama vakufungei, zvekuti muroi kana kuti havasi mai vangu ndovada vakadaro manheru anhasi ndakuto kwira bhazi ndakaenda kuzimbabwe nekuti handizive kuti vanofunga zvipi mama nenyaya iyi ndoda hangu kunge ndiripo pana mama, she is my everything ndini ndega mwana wavo, dai Mwari vandibatsira ndasvika mai vangu vachipo, ndiri kunzwa kutya handizive kuti fear iyoyo iri kubva kupi kuti vanogona kufunga kuzviuraya nenyaya iyi,post for me

Address

Doak Street
Germiston

Telephone

+27613263680

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Life Confessions posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to Life Confessions:

Share