31/10/2025
Hie Admin muri sei ndadzoka ndini muroora aiti ndikuda kunosiya vana kwatete. Tete vakaenda vakanotengera muroora wavo preparation yaidiwa, ndakaenda kumba kwavo ndikano va confronter kuti sei vari kufadza h**e remurume wangu vakandi pindura kuti pavakadanan vanhu ava vanga vasipo uye havatozive kwazvakatangira saka vaisogona sei kuvamisa patova nenhumbu ndakava tukirira pamberi pemurume wavo ndikati ndosaka musha wese muri pfambi nekuti muri kusupporter chih**e che brother yenyu vakanditi enda unopedzerana nemurume wako handinei nazvo zvamatadzirana nemurume wako vakati kna ndatumwa ne brother yangu handirambe bcz ndewe ropa ndikati manje ndauya kuzosiya vana musare mugarike nemuroora munyowani ndipo pavakasimuka vakati pano hapana mwana anosara nekuti muridzi wevana anga ari mupenyu vakanditi endesa kune murume wako not here, takatukana nekuudzana mashoko ndipo pandakazovabata tete ndikavarova mbama ndipo pakatangira hondo yacho weduwe ndakarohwa svisingaite handizive ndakatadzawo hre kuno confronta tete ava vanodzikira hadzvadzi yavo h**e, ndakarohwa handisi kunyepa vakati takurana nevana vako ndakadzoka kumba vakafonerana nehama yavo akauya akanditi kana wads zvekugara pano siyana nehanzvadzi yangu nekuti haisiriyo yakanyenga mukadzi uyu, dai ndine kwekuenda ndaenda hangu asi ndiri nherera hupenyu hwacho hwakaoma hama dzangu. Baba namai vakafa kumba kune 2 rooms kune bro yangu nemukadzi wake handina pandokwana nevana vangu ndasvika pakupererwa ndodemba kuti dai vabereki vakavakawo pakuru ndisiri kutsvinyirwa kudai umwe moyo untou zviuraye nevana uzorore asi ndotya kutadzira Mwari, moyo wangu uri kurwadza zvisingaite 💔💔may be ndine zvandakatadza pasi pezuva handizive 😭 now mumba hamuna kana chekubata nevana hatina pekutangira hameno ndizvo hre kuti kana usisade munhu unosafisa nevana vako, ndakaremerwa hangu