28/11/2025
Hie LC murume ane makore 35 ndine nyaya iri kundinetsa, ndakadanana nemumwe mukaradhi mwana akanaka iyeye LC handizive kuti ndakava so blind sei zvekusvika pakudanana naye and kurara naye bonde risina kudzivirirwa, ndakatanga kuita mapundu panhengo yangu ndikatanga ku avoider bonde kumba nemukadzi, one month down the line ndaenda kuno tetswa ndikabatwa positive, ndiri kurwadziwa hama yangu, ndanga ndakazvi chengeta nguva yese iyi pandangoda kuti ndiyedzewo zvema babe ndabva ndabatira, i dont know kuti mukadzi kumba ndomuudza sei, ndikurwadziwa kuti mwana wevaridzi asina mhosva ozara here chirwere chaasina kutsvaga, ndakango furirikawo taenda out ne boys ndokupinda murelationship naye mubabe uyu, pfungwa dzangu hadzina kugadzikana, ndakaenda kuclinic ndikapihwa medication nanhasi handisati ndaitanga, apa mai tee vari kunetsera bonde ndiri kungoti handisi kunzwa zvakanaka, ndoita sei hama dzangu ndovaudza sei mai tee kuti ndizvo zviripo, sandiko kuparara kwemusha wangu hre ndibatsireiwo vehama