Life Confessions

Life Confessions Come with your issues confessions of witchcraft, scary and frightening things happening in real life

Hie LC murume ane makore 35 ndine nyaya iri kundinetsa, ndakadanana nemumwe mukaradhi mwana akanaka iyeye LC handizive k...
28/11/2025

Hie LC murume ane makore 35 ndine nyaya iri kundinetsa, ndakadanana nemumwe mukaradhi mwana akanaka iyeye LC handizive kuti ndakava so blind sei zvekusvika pakudanana naye and kurara naye bonde risina kudzivirirwa, ndakatanga kuita mapundu panhengo yangu ndikatanga ku avoider bonde kumba nemukadzi, one month down the line ndaenda kuno tetswa ndikabatwa positive, ndiri kurwadziwa hama yangu, ndanga ndakazvi chengeta nguva yese iyi pandangoda kuti ndiyedzewo zvema babe ndabva ndabatira, i dont know kuti mukadzi kumba ndomuudza sei, ndikurwadziwa kuti mwana wevaridzi asina mhosva ozara here chirwere chaasina kutsvaga, ndakango furirikawo taenda out ne boys ndokupinda murelationship naye mubabe uyu, pfungwa dzangu hadzina kugadzikana, ndakaenda kuclinic ndikapihwa medication nanhasi handisati ndaitanga, apa mai tee vari kunetsera bonde ndiri kungoti handisi kunzwa zvakanaka, ndoita sei hama dzangu ndovaudza sei mai tee kuti ndizvo zviripo, sandiko kuparara kwemusha wangu hre ndibatsireiwo vehama

My people from Masvingo aiwa makapenga , makainzwa here nyaya ya chief vakaisirwa clamp nevakaoma vekanzuru vakati ini n...
28/11/2025

My people from Masvingo aiwa makapenga , makainzwa here nyaya ya chief vakaisirwa clamp nevakaoma vekanzuru vakati ini ndiri chief bvisa clamp iri mukomana akati aiwa ka ndiri pabasa mukuru, haana kuziva kuti zviuya zviri mberi, mvura yakangonaya 5 minutes chief vati ini zvekutaura handidi , mheni yakanorova kona yebuilding pakadonha brick rikano tsemura clamp chikava chishamiso muguta reMasvingo, vakomana vekanzuru hapana akazoda kumira ipapo haa k*k ende futi ka chii chakadaro nhai weduwe, zvoitwa sei zvemu zimbabwe nekuti vanhu vari kuti vakagonekwa ndava vanonyanya vakomana vekanzuru. haa masvingo mune zvinhu zvenyu henyu, guta riya ma1 chaiwo.

How are you LC ndini mai vaya vevana four vakanzi ibva pamba nemurume, ndati ndidzoke ne update, zvanga zvakaoma hama dz...
28/11/2025

How are you LC ndini mai vaya vevana four vakanzi ibva pamba nemurume, ndati ndidzoke ne update, zvanga zvakaoma hama dzangu kuti uri kufunga kuti ndakapotsa ndafa ku labour then boom ukunzi ibva pano nekuti wabara mumwe mwana sikana, ndinotenda zvikuru ana mama vari pano vakandipa mashoko ekuridziro makandisimbisa zvikuru ndakanzwa kunyaradzwa kuti handisi ini ndega ndasangana zvinorema kudai asi takawanda uye Mwari haasi wemunhu one, ndakazo taura nevabareki vangu vakati huya kumba ndakadzokera kumba nevana vangu vese, handina kuziva kuti pese apa pandainge ndakazvi takura murume atova nemumwe mukadzi waipengesana naye atovawo nenhumbu ine 5 months ndichibva akabva atouya kuzogara ndakangoti zvese mumaoko aMwari, nekuti chero ndikada kurwira what belongs to me now handina kana simba racho, ndangoti my healing first before anything else. Mwari vakatendeka havo so ndikayamwisa mwana for 3 months ndikubva ndatanga kuenda kubasa kune hama yakanzwa nyaya yangu akabatikana akati ndokupa basa, ende basa iri rinobhadhara, ndanga ndiri munhu akadzidza asi baba ava vaindi rambidza kuenda kubasa makore ese aya, chinhu chinorwadzwa kuti you give up everything ffor the man you love only to end up wasiiwa nemunhu wacho wawaifunga kuti he is my forever. so ndipo patava, vabereki havana kumbo taura naye vakango tuma bro yangu kuuya kuzondi tora, ndoda kukutendai mose nerudo rwenyu Mwari vakuitirei zvakanaka

Thanks for being a top engager and making it on to my weekly engagement list! 🎉 Nyashaa Mugweni, Nyasha Amanda Kamushind...
28/11/2025

Thanks for being a top engager and making it on to my weekly engagement list! 🎉 Nyashaa Mugweni, Nyasha Amanda Kamushinda, Constance Mazhawidza, Maud Ruzvidzo, Makheyi Angela, Tandiwe Piti, Priscilla Ndoro, Linda Dubayi, Tinashe Mai Dawn Munyonga, Dambudziko Zanza, Judith Shoko, Kundai Mahunyepa Mahunyepa, RuvaRakanaka Mangwanda, Tracey Madiwa, Tafadzwa Makwinja, Selina Bobo, Natalie Ruramai Kahla, Precious Mangwiro, Tania Vheremu, Nyarai Makina, Precious Nerwande, Mamoyo Tee Jambwa, Mazvita Mhuka, Lucy Chiduza, Debrah Nhire, Waylon Matjan, Mai Vegirls Senior, Memori Manyemwe, Margret Sithole, Angeline Mavuto, Faith Sithole, Pamela Pkay, Ellen Chifeya, Nyasha Ngwira, Beverly Ginger, Charlotte Munaka, Pretty Dube, Shila Mugabe, Blessing Ziro, Calitas Mugwisi, Tecla Machina, Wisdom Kawanza, Stephen Madamombe, Diriginal Nkomo, Gillian Msasa, Theresa Mugabe, Evelyn Kabwazi, Sheilla Mbulanje, Tatenda Sengamayi, Localmade Muzembi

Hie admin post as hide ndoudawo kubvunzwo vamwe kana ndakatadza nditsiureiwo.ndakaita vana vaviri nemurume takasiyana he...
24/11/2025

Hie admin post as hide ndoudawo kubvunzwo vamwe kana ndakatadza nditsiureiwo.ndakaita vana vaviri nemurume takasiyana he was abusive ndasiya kudaro ndakagara nevana vangu ndazowanawo mumwe murume takagara nevana baba vacho hava chavaiita for vana vavo ndakazorwara ndakagara muchipatara mwedzi wese pandakabuda muchipatara vana vaive vaendeswa nasisi vangu kuna tete vavo ndisingazive .zvinhu zvakange zvandiomera nekuti murume pandakaita nguva muchipatara naiyewo kushanda akambomira achitarisa ini ndairwara so ndazobuda vana vazodzoka havo asi zvinhu zvanga zvakaoma tangoti garei murume akawana basa kunze ndokuenda aenda kudaro ndokubva ati ini ndava kure ukarwara hapana anokutatisa ndakawana Mari wotevera zvadaro ndazoendesa vana kuna baba vavo nekuti ini handina Mai baba vangu vangu vanotorwara vatova ne10 years vachirwara ndaendesa vana vaye ndakavasiya zvakanaka pakuda kukwana mwedzi tete vevana Vaya vakatanga kundituka vakataura havo zvakawanda ndazongochinja number nekuti zvanga zvakundikanganisa vana vaye vakazoendeswa kunatete vamwe twin wababa vacho asi vakabva andiblocka vanhu vese vanoramaba kuti nditaure nevana vangu gore ratikwana ndisina kutaura nevana kana picture zvaro handina anondipa ndofunga vana vangu zuva nezuva

Admin please hide me, ndine nyaya iri kundishaisawo peace, ndoda kubvunza vana vari pano kuti how do you feel kusarudzwa...
22/11/2025

Admin please hide me, ndine nyaya iri kundishaisawo peace, ndoda kubvunza vana vari pano kuti how do you feel kusarudzwa nemubereki wako akakuzvarwa zvekusvika pakuona kuti nomatter how much i try handidwe vane wavo wavanoda, ndine bundu riri pamoyo ndiri kutadza kana kuregerera, ndine makore 26 years ndogara nemubereki, vakaramba kuti ndiende kuno lodger ndaida kuenda for the sake of my peace of mind, ndoenda kubasa asi kubvira ndishande handina kana one chandakaita nemari yandoshanda, chese chinodiwa pamba chinotengwa neni ndine brother hombe kwandiri anodiwa zvekuti namama yake mari akai bata anononwa doro haatenge kana sugar mumba still he is loved kana asina mari anotopihwa, ndinoudzwa mashoko anorwadza nomatter how much i try kuvanatsira, dzimwe nguva ndinotombo funga kuti kufa kuri nani, ndine zvakawanda zvandakaita pamba asi she never appreciated, handikwanise kana kuzvitengera hembe bcz of ma needs ekumba, ndikasatenga hapana anotenga, yavo mari vanoshandisa zvavanoda, im lost, ndaneta hama dzangu, mashoko chaiwo, just imagine your own mom vanokutuka kuti ndosaka usina kuroorwa vezera rako vane vana, but im trying wani 😭😭, ndinombo funga kubva ndoenda kure chaiko kusina hama, handizive kuti ndodii hama dzangu, ndangoti ndiuyewo ndizo taura zviri kundinetsa. im stressed

LC wakadi mwanangu ndaona nyaya iri kutaurwa pano yevarume vanoramba vana , zvinoitika muhupenyu mwanangu ndangoti regai...
22/11/2025

LC wakadi mwanangu ndaona nyaya iri kutaurwa pano yevarume vanoramba vana , zvinoitika muhupenyu mwanangu ndangoti regai ndikuudzei zvakandiwira, ndiri gogo vane 65 years ndine vazukuru 10 nevanasikana 6, ndainge ndakaroorwa nababa ndiri mwana mudikic chaizvo, tikaita vana vedu vose, pakazvarwa we number 6 baba ndipo pavaka buda vakandisiya nevana vachiti ndakunombo tsvaga mwana mukomana shuwa vakabuda havo ndikati fambai henyu baba, kuzvara vana 6 haisi nyore kuti munhu azokuudza kuti hapana zvawakaita, pavaka buda vamwe vana vanga vatoti amhu, ndakasara nevana vangu ndikashanda ndikachengeta vana vakadzidza chaizvo, chinozo nyanya kutipa shungu inyaya yekuti unonzi vana ava hapana zviripo, mashoko iyawo anokupa shungu yekuti unoenda pamberi paMwari woti zviratidzei Baba, shuwa God showed up for us, me and my kids, one ari ku Netherlands ndiye mukuru wacho, one ari kuUnited Kingdom, wechi 3 ari kuSA ane basa rake rakanaka chose she is a boss, one ari kuFrance, two vari muno muZimbabwe, gotwe ndi lawyer anoshandira paCourt iri muno muHarare, vana vangu chidadiso LC, baba vaya vakazo dzoka kumba vaona kuti ndakudya rifa, ndakati aiwa dzokai pamba ndepenyu hatiku rambidzei, asi mumwe nemumwe ane bedroom rake, ndino kwira ndege ndichitenderera kunyika dzakasiyana siyana ndogona kugara kana half yegore ndisipo pamba, baba ava vanenge vari vega, now vanoona kunge vana vanova sarudza asi aiwa hapana kana bond racho nevana, vakazosara voyaruka ivo vasisipo so ndongoti kuna ana mai vari pano ukawana wapihwa mashoko nevanhu ngaaku sundire kuna Mwari vaudze zvese ramangwana harizivi kanwe, kwavakaenda kuya baba vana variko hakuna kana one anova yeuka, vanoto chengetwa nevasikanaka ivava vavakati handina zvandakaita, ndege chaiyo havaizive, vakambo sheedza dare kuti vana vanondi sarudza vana vakati baba chitotendai kuti tinoto kupai chikafu nekuku pfekadzai otherwise maifanira kuzvionera nekuti takakura musipo, so hameno now vanongo dzungaira varipo pamba, post for me

hie LC uri sei please post for me, ndakaroorwa mugore ra2015 murume wangu ndiye ega mwana mukomana mumhuri yavo nevasika...
22/11/2025

hie LC uri sei please post for me, ndakaroorwa mugore ra2015 murume wangu ndiye ega mwana mukomana mumhuri yavo nevasikana 2, isu tine vana vedu 4 uye mai vemurume wangu vapenyu variko kuMuzarabani, nyaya yandiudza pano LC inyaya inondinetsa kuti amwene vangu vakauya kumba vanoda kuserva nemwana wavo food mebedroom mavo, amwene nemurume wangu vanogona kuvharirana kana zve3 to 4 hrs vachitaura nyaya nemwanakomana wavo, ndakazo svika pakubvunza murume wangu kuti munenge muchimbotaura nezvei namai akanditi haunga nzwisise bond randinaro namai vangu, murume wangu anogona kutorara pasi munenge muna mama, ondisiya kubedroom, zvinotaurwa namama ndizvo zvinoitwa mu marriage yedu, she choose everything for her son, kana varipo even maboxer emwana wavo vanotora vachiwacha, vakazoti nyangwe zvidi hamufe makandi patsanura naPatson, ndane dzimwe pfungwa hama dzangu, ndoona kunge relationship is more than mother n son relationship, ndoita kunge ndiri pabarika navo amai ava, handizive kuti ndoita sei ndoigadzirisa sei nyaya iyi kuti ndiudze ana sekuru hanzvadzi yavo vanoto ityawo ndoita sei hama murume ndomuda

manheru akanaka lc, ndauya nenyaya yangu please hide me. baba vekumba kwangu uku handizive kuti ndoita sei navo, zviriko...
22/11/2025

manheru akanaka lc, ndauya nenyaya yangu please hide me. baba vekumba kwangu uku handizive kuti ndoita sei navo, zviriko hre varume kuti munhu anodhakwa zvekutadza kuziva kuti chimbuzi chiri pai, munhu anovhura door re wardrobe otoita wiwi, kurutsa, ndanzwa neku wacha, nhasi varohwa vauya vakadhakwa vapinda mumba memumwewo mu lodger vango svika neku vhura door neku kudubura mapoto zviriko hre nhai vanhu, izvezvi murume wacho ari kupopota zvisingaite akutoti unenge unodanana nemukadzi wangu kana ndisipo unombo mupinda, mukadzi wacho ari kungochema aah ndashaya kana zano nemurume akadai ndaneta hama dzangu

*FUNERAL ANNOUNCEMENT*  *Rev. Chitanda : Former Overseer (Chinhoyi)* It is with great sadnes that we announce the sudden...
21/11/2025

*FUNERAL ANNOUNCEMENT*

*Rev. Chitanda : Former Overseer (Chinhoyi)*

It is with great sadnes that we announce the sudden promotion to Glory of our dear father, Rev. Chitanda, the former Overseer of Chinhoyi Province this morning. Indeed he was a great Servant of God.

May the good Lord comfort Mother Chitanda, Family, Relatives and Friends, the entire AFM of Zimbabwe family and the whole ecumenical Church Fraternity in Chinhoyi and Zimbabwe at large. May his soul rest in perfect peace.

We will be kept updated on the funeral arrangements by the Chinhoyi Province.

Rev. N. Nhira, Dr
General Secretary

Nyaradzwai naMweya Mutsvene mhuri yeAFM.

Boat rainge rakatakura vashanyi raka kudubuka kuKariba, hapana hapo akakuvara vose vakasvika kuma hombe kombe emvura zva...
21/11/2025

Boat rainge rakatakura vashanyi raka kudubuka kuKariba, hapana hapo akakuvara vose vakasvika kuma hombe kombe emvura zvakanaka. Hanzi kwakango simuka mhepo inesimba ndokudonhedza chikepe.

Address

Doak Street
Germiston

Telephone

+27613263680

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Life Confessions posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to Life Confessions:

Share