The Tsongoz

The Tsongoz We are one big happy family 🇿🇼🇿🇦

06/12/2024

Finally, mission accomplished

06/12/2024

Almost time to sleep with Junior and Kirsty vamwe vari busy kubhuya

Bro manyama....nevanji wachoKundiso the big brother!!
28/11/2024

Bro manyama....nevanji wacho

Kundiso the big brother!!

This is now second from first 😂 I mean second born and deputy parent number 2 - NENYASHAVane ziso hombe samai🚶🚶🚶
28/11/2024

This is now second from first 😂 I mean second born and deputy parent number 2 - NENYASHA

Vane ziso hombe samai

🚶🚶🚶

Second from last....the naughty one and daddy's girl KIRSTYIyo mekapu 😂😂
28/11/2024

Second from last....the naughty one and daddy's girl KIRSTY

Iyo mekapu 😂😂

Junior - LIKE FATHER LIKE SON😍😍😍😍
28/11/2024

Junior - LIKE FATHER LIKE SON

😍😍😍😍

Chapter 10 – Where is Raphael?  Pakapfuura mamwe mazuva maviri Norman asina kunzwa kubva kunaRaphael kana kunaVictoria. ...
22/07/2022

Chapter 10 – Where is Raphael?

Pakapfuura mamwe mazuva maviri Norman asina kunzwa kubva kunaRaphael kana kunaVictoria. Zvakamushungurudza zvekuti akanga ava kutoronga rwendo rwekuenda kuKwekwe kunonzwisisa kuti chii chaitora nzvimbo. Akatambira runhare rwaibva kudare reHigh Court akakumbirwa naMagistrate kuti asvikeko. Akatumirwa masamanisi. Zvakamunetsa kuti inyaya yei yaari kudanirwa kuHigh Court uye kuhofisi kwaMagistrate.

Akaendako nenguva dzaanga anzi asvike akaona kuinaSandra, Zvikomborero, Robson, Mandipaka Jnr, William, mapatya Patrick naPatson uye vanamai wavo vese. Akaseka hake achibva aziva nyaya yaanga adanirwa.

“I was expecting this,” akaseka achitaura naSandra “We have no choice,” Sandra akamupindura.

Sandra nevana vababa wake vakabatana kekutanga muhupenyu hwavo vakabva vatsvaga gweta rinovamirira semhuri. Vakanga vagara mwedzi yakawanda vasingazivi kuti zviri kufamba sei naizvozvo vakaungana vakaronga kuti vatsvage gweta rinovabatsira kumanikidza Norman kuverenga wiri rababa wavo. Vakapinda muhofisi yaMagistrate vaei vatatu, Norman, Sandra negweta ravo, Edson Maraidza. Maraidza naNorman vakambochuchisana kwemakore manomwe mumatare edzimhosva uye pavasangana pese Norman aihwina nyaya dzevanhu vaaimirira. Norman akazorega zvekunomiririra vanhu kumatare edzimhosva ava kuendesa vafana vaadzidzisa basa vanenge vapedza chikoro vachitsvaga ruzivo rwepabasa. Mumwe wevafana ava aive Raphael mwana wake akambosangana naMaraidza akamiririra hama dzemurume dzaida kutora musha wakasiiwa nemwana wavo kubva kumudzimai wemufi. Norman akaseka nyaya yatongwa mwana wake akahwina.

“Maraidza, we meet again,” akadaro Norman vachigara pasi muhofisi yaMagistrate Friday Chakanyuka. Chakanyuka aizivawo Norman sevanhu vakashanda vese makore akawanda uye Chakanyuka pane imwe nguva akadzidzisa Norman paUniversity. “We meet again,” akapindurawo Maraidza

“Okay, gentlemen and lady,” Magistrate vakadaro, “Ngatigadzirisei nyaya iri mberi kwedu nhasi. Maraidza.”

“Your Honor, my client here auya nenyaya ye will rababa wavo riri mumaoko of my learned friend here, their father passed away about three months ago and left a will in the hands of my learned friend here, but up until now, he has not called the family to read rhe will and distribute the estate of the deceased Mr. Mandipaka Mashoko, that is why we have approached the court to help us.”

Magistrate Chakanyuka vakagutsurira musoro.

“Mr. Chifamba, is it true that you are in possession of the last will of Mr.

Mandipaka Mashoko.”

“Yes your Honor, I am the executor of Mr. Mashoko’s estate.”

“Why have you not executed your duties?”

“I am following the wishes of the deceased, your Honor.”

“What wish is that, Norman? To see us suffer? Is that his wish or your wish? ” Sandra akabvunza

“Miss Sandra, I want order in my office. This is not a beer hall.”

“I am sorry your Honor.”

“Mr. Mashoko, continue.”

“I have a letter which was written by the deceased my Lord, he asked me to fulfill his last wish before the will can be read.” Mandipaka akapindura.

“Can we see that letter?” Maraidza akabvunza

“Unfortunately my Lord, handikwanise kuratidza chero munhu tsamba iyoyo. It is confidential.”

“Excuse me my lord,” Sandra akadaro, “I would like to apply for grant of probate that is why we are here. Our family is falling apart as we speak, and for all I know Mr. Chifamba does not care. I would like to applybfor him to be disqualified as the executor of my father’s estate on the grounds of conflict of interest.”

“Conflict of interest?”, Magistrate Chakanyuka vakabvunza.

“Mr. Chifamba is a shareholder in the company and I am sure my father has left him something and he knows it.”

“My Lord, I may own some shares in the company, but Miss Mashoko’s argument is baseless, besides I have not seen the contents of the will yet, which makes me wonder how Miss Mashoko came to know that I was mentioned in the will.”

Vakambokweshana muhofisi imomo apa panze mhuri yaMandipaka vakanga vaneta nekurindira. Mushure memaawa maviri vakaona vobudamo. Vose vakati dzvamu dzvamu vachida kunzwa kuti zvanzi kudii.

“Takamirira kudzoka kwaRaphael kuti will rizoverengwa,” Sandra akaudza vamwe.

Vakazobva ikoko Sandra akanounganidza mhuri yavo kumba kwavo.

“Robbie, pane tsamba ikunzi yakasiya yanyorwa nababa, tsamba iyoyo ndiyo iri kuita kuti will risaverengwa.” Sandra akadaro

“Itsamba yei iyoyo?”

“Norman haana kutaura kuti inei, asi angoti tsamba iyoyo ndiyo in some kind of a last wish yababa. We must find it.”

“Yeah we must find it.”

Mandipaka achisvika kumba akanovhura safe kwava kutora wiri raMandipaka achibva arigadzika patafura asi haana kurivhura. Akambovhura hamvuropu achibva amboda kuburitsa wiri yaMandipaka iyo yaanoona kuti rakanga ringori peji rimwe asi anobva aidzosera.

Anoirongedza mubhegi rake raanofamba naro.

VICTORIA akamukira kuchipatara muKwekwe. Akaita zvekuvhunduka achida kutiza asi akabatwa nemumwe nurse anga arimo muwadhi imomo.

“Hey, relax.”

“Ndiri kupi? Please musandiuraye!!” akavhumuka Victoria.

Nurse uyu akadana chiremba uyo akauya achimhanya. Phyllis paakanzwa kjti shamwari yake yamuka nayewo akauya achimhanya vachipinda mu-ward umu. Vakamuona akagariswa pamubhedha ipapo.

Victoria paakaona Phyllis akafara chaizvo.

“Hkw long have I been here?” akabvunza

“Two days. We were all worried about you,” Phyllis akapindura.

“What happened?”

“We were just in time to save you.”

Phyllis akanga apopotera mapurisa akavaratidza tsamba yekubasa kwaaishanda vakavhunduka. Vakatora motokari ikavhetemufswa vachitevera Victoria. Chakamubatsira ndechekuti nguva yavakapfura muKwekwe ndiyo nguva yakange ichitobudawo mapurisa saka vakanga vangori kumashure kwaVictoria mbichana. Vakaenda mapurisa mashanu vatagu vaive matikitivha vaine pfuti. Pavakasvika vakasiya motokari nechekure kwava kuzosvika netsoka nguva yakapunyuka Victoria. Paakamhanya akanowira mumaoko emumwe mupurisa. Varume mhondi ava mumwe wavo anga asimuka achida kutiza ndiye akaridzwa nepfuti pagumbo. Victoria akabva afenda ipapo akaita mazuva maviri ari muchipatara.

“So what happened to those bastards? Ko Raphael akawanikwa here?”

“Vakasungwa, vatori kumapurisa izvozvi.”

“I need to go there now.”

“No you can’t, you have to be discharged first. Besides, unonoiteyi ikoko mapurisa akuita basa ravo.”

“Phyllis, I need to know what happened kunaRaphael, thkse bastards obviously did something to him.”

Zvisineiwo, chiremba akaongorora Victoria akaona kuti aikwanisa hake kuenda sezvo akanga angovhunduka zvakaitika.

“I have been through a lot more than this,” akadaro achizama kuzvisimbisa kuti akanga aita mazuva maviri akarara muchipatara.

“You fell into a coma love, that’s why we were worried,” Phyllis akamutsanangurira achityaira motokari yaVictoria vachibva pachipatara. Vakaenda kumapurisa vakanosangana nemupurisa aiita nyaya iyi, Detective Gumede. Akaenda navo kuhofisi kwake.

“We are still interrogating the suspects,” Gumede akatsanangura, “We are not sure kuti body yatakanotora ndiyo yaRaphael.”

“What? Pane body?”

“Yes, but hatisi kuziva kuti ndeyaani because hapana identification and the body is in an advanved state of decomposition. Saka yakaenda ku post mortem.”

“What if it’s Raphael?”

“No Vickie, haasi Raphael,” Phyllis akadaro achisimbisa shamwari yake.

“Don’t get my hopes high Phyllis, Raphael could be dead.”

Chaivawo chokwadi. Vakomana vakanga vasungwa ava dzaive mhondi dzaizivikanwa asi mapurisa vanga vasingakwanisi kuvabata nekuti vainzvenga. Victoria akaenda naPhyllis kumba kwake uko kwaakanopihwa imba yekugara. Akafonera Norman asi haana kumuudza zvekushaikwa kwaRaphael.

Mangwana acho Victoria akafonerwa naGumede kuti vasangane kuKwekwe General Hospital. Vakamhanya vese naPhyllis vakawana Gumede akamira panze.

“What happened?”

“We are not sure but vakomana vaya vatiendesa kumwe kwavaponda munhu vakamukanda mumugodhi, saka tikufungira kuti angave Raphael…” haana kupedza Victoria anga aakutomhanya kupinda mukati. Phyllis akamubata ruoko.

“Let me see him, aripi?”

“Come with me, aiswa ku mortuary,” akadaro achibva apinda navo mukati achitsanangura, “Post mortem results akabuda. That body belonhs to another business man who was murdered six weeks ago so I pray thatv this is not your Raphael.”

Victoria haana kukwanisa kana kutaura chinhu aingofemera pamusoro achitevera Gumede kusvika kumochari. Vakapinda kwaive kuine mutumbi waitaurwa nezvavo naGumede. “Vickie, maybe you shouldn’t…”

“Shouldn’t what Phyllis? Shouldn’t what?”

Vakatungamirwa nemushando wemumochafi kunoratidzwa mutumbi uyu. Victoria akatanga afema achibva agutsurira musoro kuti uvhurwe.

Hana yake yaingobika manhanga zvekuti kana Phyllis aiinzwa kurova. Phyllis akamumbundikira. Pakavhurwa mutumbi uyu, Victoria akakatyamadzwa kwakutanga kuchema. Haana kuzombotarisa rwepiri akabva abuda panze achiteverwa naPhyllis. Akanogara panze achibva atanga kuhwihwidza ari ipapo shamwari yake ichimunyaradza.



Norman anga achangopedza kudya apo nhare yake yakarira. Akatora nhare yake akaona ari Victoria aifona.

“Victoria, what is happening there, mese naRaphael bvamangoti zii ikoko.”

“Uhm, baba am sorry, ndiPhyllis, friend yaVictoria. I have bad news.”

Norman akasimuka paaive agere chiso chashanduka. “What’s going on?”

“Raphael was murdered.”

Mashoko aya akanobaya Norman uyo akabva abvisa nhare yake panzeve achiigadzika pasi iye kwakubva agara pasi. Akatanga kuhwihwidza murume mukuru.

Shoko rekufa kwaRaphael rakasvika kune vemhuri yekwaMashoko rikatambirwa zvakasiyana. Norman haana kuzombopedza nguva, akabva anopinda mumotokari yake kwaakururama akaenda kuKwekwe kuti anozvionera ega. Akasiya Sandra ari panyanga kubasa. KunaSandra, hurongwa hwavo hwainge hwabudirira. Akadedza Robson vakapinda muhofisi yaNorman vachibva vatanga kubvangura vachitsvaga tsamba uye wiri asi havana kuzviwana muhofisi umu. Robson akakwanisa kuvhura sefa yemuhofisi vakawana musina futi.

“Kana muno musina, anofanira kunge akazvichengetera kumba kwake,” akadaro Sandra.

Robson akatorana nevakomana vake vachibva vaenda kumba kwaNorman. Vakagwejenura door kwava kupinda mukati. Vakabvujunura imba yose vachikanda-kanda midziyo yaNorman. Vashaiwa zvavaitsvaga nehasha vakapwanya imwe midziyo yaNorman mumba umu kwaakudzokera kunaSandra.

“Dhemeti. Kureva akufamba nazvo paari. But I am not worried, as long ndichiziva kuti zvii zviri pa will I don’t care. I will wait.”

Pazvinhu zvakanga zvasiiwa naMandipaka paakazofa zvaisanganisira kambani yake Mashoko Family Holdings iyo yaive nebazi remagonyeti nemabhazi, bazi rezvitoro, aive zvekare nemahotera maviri, garaji, kambani yegoridhe neyendaimani kuMarange uye yekuvaka nekutengesa dzimba. Pamusoro pazvo aive nezimba rakakura uye dzimwewo dzimba munzvimbo dzakasiyana muZimbabwe, kwese kwaingova nekambani yake aivaka dzimba. Aivewo nemotokari dzaisvika gumi nenomwe dzemhando yepamusoro. Pazvose izvi Sandra ndiye akanga akapihwa controlling share pawiri raakaba akaiitisa copy saka munhubaitoziva kuti nhingi nanhaingi vakapihwa chakati. Norman akanga akanzi aizotora imwe kambani yaainge ari shareholder ndosaka Sandra aida kuti abviswe pakuve executor asi zvakaramba. Iye akanga akavimbisa Robson kuti akamubatsira aizomupawo 10% mukambani umu.



Norman akasvika Kwekwe akabva ananga kuchipatara. Akawana Victoria naPhyllis vachiripo. Gumede akanga adzokera kuvasungwa vake achinobvunzurudza sezvo ava vakanga vatori ma serial killers. Mazita evaviri vakanga vasungwa ava ndiChamu naHosiah. Hosiah ndiye akanga apfuurwa pagumbo musi wavabatwa. Victoria akanga apihwa zvimwe zvinhu zvaRaphael naGumede.

“Baba, I am sorry.” Victoria akadaro kwava kutanga kuchema. Norman akamumbundikira.

“It’s not your fault, ndingadai ndisina kumurega achiuya kuno,” Norman akadaro achiedza kurwisa misodzi yake.

Vakaudzwa kuti vamire vozopinzwa mukati kuti vanoona mwana wavo.



Kumapurisa, Hosiah naChamu vakanga vanzwa nekudashurwa nemapurisa kuti vataure kune vanhu vese wavakauraya uye kune vamwe wavo. Hosiah akatoonekwa kuti ndiye aive mukuru wavo.

“Vapfanha, pano ndopamuchadura nemhosva dzamusati mapara. Kasikai kurira tione nditambe,” ndiGumede aidaro.

“Mukuru wangu, kutaura chokwadi kana mufesi wemota iyi akazofa hatisi isu takamuuraya. Isu takangomubira chete tikamusiya akararam musango,” ndiHosiah aidero

“Hamusati maakuda kutaura. Munhu wamakauraya mlti makamusiya akarara. Ariko kumochari uko izvozvi imi motofaura zvekumama. Mamisai vanhu vataure akomana!”

End of Chapter

Nhaka Ndeyani 7Written by Levie Tsongo®All rights reservedChapter SevenNorman akarongedzera rwendo rwekuenda kuHarare kw...
14/07/2022

Nhaka Ndeyani 7

Written by Levie Tsongo

®All rights reserved

Chapter Seven

Norman akarongedzera rwendo rwekuenda kuHarare kwaigara Cecilia. Raphael akasvika baba vake vasati vabuda.

“Baba, let me go kuHarare, imimi sarai muchigadzirisa mhuri iyi,” akadaro Raphael

“No, haungambogone kudzibatanidza nyaya dzacho kumberi uku,” Norman akapindura

“I am not dumb baba, ndingabva ndatadza kutsvaga munhu munyika ine vanhu?”

“Unotangira pai? At least ini ndakambogarako ndakambomuona.”

“Good, there is a starting point. Tell me what I need to know and I will go.”

Norman akatura befu achigara pasi. Chokwadi chiripo kuenda akanga asingade asi aizviita nekuda kuzadzisa chishuwo chasahwira wake.

“What I am saying is mhuri yaMashoko iri kuda guidance and the only person they can listen to ndimi. I could do it asi ndichiri mwana, havanditerere.”

Norman akagutsurira musoro akamutarisa. “You are truly my son.”

“Yes, wise like you.”

“Wise? No, uri chandagwinyira that is what I am referring to, chienda iwewe wacho. I will tell you where to begin with this search.”



Raphael akakweva chigaro kwava kugara pasi baba wake vachibva vatanga kumurondedzerera. Vapedza Raphael akaenda akanogadzirira kuenda kuHarare. Norman akasara kwava kutilutunura nhumbi dzake dzaanga arongedzera kuenda kuHarare. Norman akanga asina mudzimai kubva zvaashaikirwa nemudzimai wake amai waRaphael mutsaona yemotokari. Akabatsirwa kurera Raphael nehanzvadzi yake Spiwe uyo aigara kuRhodene kumaraini kwaMandipaka. Ndizvo zvakaita kuti ave nehukama hwakasimba nemwana wake. Raphael akanga asati awana. Aive nemusikana wake akanga ariwo gweta achishandira kuHarare. Ndiye waakafonera achimuudza kuti ainge achiuya kuHarare.

Victoria Marufu aigara ega kumasabhabha eMilton Park. Aive gweta raimirira vakuru vakuru vemadzikambani emuHarare asi dzimwe nguva ainobagsira vaya vanenge vasungirwa mhosva dzekumirira kodzero dzevanhu zvekuti nguva zhinji aigara akateverwa nemaC.I.O. Akambosungwa atevera mumwe mutori wenhau webepa rakazvimiririra mushure mekunge anyora nyaya yehuori mubepanhau ravo zvisina kufarirwa nevamwe vakuru vezvematongerwo enyika. Raphael akazoita zvekumutevera akamubuditsa mushure mekushandisa vamwe vakuru vepamapurisa waaizivana navo. Hazvina kumudzosa kumashure, akaramba akaramba akadzvanya.

Akafara chaizvo paakaudzwa zvekuuya kwaRaphael kuHarare. Anga ava nenguva asina kumuona sezvo nguva zhinji Raphael aive ari kuBotswana. Akakasika kubuda pabasa achibva amhanya kumba. Akapfuura nekuChoppies achitenga zvekunobika kumba. Akasvika kumba akabika akapedza kwava kunogeza akamirira Raphael uyo anga abva kufona achiti ave kusvika.

Raphael akasvika zuva roda kudzokera kuna mai waro akawana akagadzirirwa mafidyongo. Victoria akapemberera achiona mudiwa wake asvika. Vakagara vakadya chikafu chakanga chagadzirwa naVictoria vapedza, vakanogara havo muimba yekutandarira vari pasofa vakambundirana vachiona TV.

NORMAN asara akabuda akaenda kuhofisi yeMandipaka Family Holdings akawana Sandra, Robson naNamatirai vakagara vachiita kamusangano kavo.

“Sandra, just the person I was hoping to see,” akadaro achipinda muhofisi manga mugere vatatu ava.

“Norman, hausi kuona kuti tine meeting?” Sandra akadaro achichenama.

“I am going to forget that you just called me by name. Where did your respect go? This is not the way we raised you.”

“With all due respect, you just called me by my name first.”

“Baba Norman, how can we help you?” Namatirai akapindirawo achiseka.

“Okay,” Norman akadaro achigara pasi, “Ndauya kwauri iwe Sandra mwanangu nekuti ndiwe mukuru pavana vaMandipaka, ndiri kuda kugi tigadzirise mhuri, honai zvamuri kuita vana VaMashoko hazvina kana chimiro kunze uku.”

“The only thing that I want to hear from you nlw Norman, when are you reading my father’s will?” Sandra akabvunza.

Norman anotura befu. “Ndichamirira Raphael paanodzoka totangira ipapo.”

“Raphael mwana wenyu? What does the reading of my father’s will have to do with your son?”ndiRobson uyu akabvunza.

“Everything.”

Robson anotarisana naSandra, “Ari kuti kudiiko mdhara uyu?”

“My son was made the executor of your father’s estate. Panguva ino he is on a mission to help him to collect and identify all assets of this estate including beneficiaries,” Norman akatsanangura, “Saka I demand your patience and while we are at it, I am going to be steering this ship.”

“What ship? This company?”

“Yes. Kubva nhasi, everyone in this building is answerable to me. The state of this company should return back to where it was before the death of your father. Kureva kuti anga ari cleaner kana akaitwa manager, kubva nhasi akudzokera pakuva cleaner.”

“You are barking crazy you old man!!” Sandra akasimuka achipopota. “Who are you kuuya pano uchitiudza zvaunoda. This is my company and you know that. I do what I want and hire who I want.”

“Young woman, I am sure wakadzidza kupfuura izvi zvimagoritoto zvaunazvo muno, here is my contract with this company,” anokanda faira rakakora patafura achibva asimuka. “When you are done reading it I want to see you in my office and these stoogies must leave my building.”

Norman akavasiira contract iya akabuda. Robson akasara achivira nehasha nekuda kwekunzi goritoto kwaakaitwa naNorman. Sandra anotora contract kwakuivhura peji rekutanga achibva averenga.

“Sandie, iri kuti kudii?” Namatirai akabvunza.

“He is right, ndakambosangana nayo contract iyi.”

“So what? Handiti isusu will tinaro kare and we know kuti ndiani akasiirwa company? Let us get rid of him.” Robson akadaro nehasha.

“Still, we will have his son to content with.”

“What does this mean for us?” Namatirai akabvunza. Sandra akanga afurirwa namai wake kuti aifanira kutora vana vamai wake ovapa basa pakambani apa kuti awane vanozomutsigira pane zvaanenge ataura zvese. Naizvozvo akadzinga aive Chief Financial Officer akaisa Namatirai ipapo akanga asina kana chimwe chaanoziva. Iye Sandra ndiye aiita zvese chaaingoda panaNamatirai yaive signature chete. Robson akabva aitwa Chkef Operating Officer iye Sandra ari C.E.O. Zvikomborero haana kufadzwa nazvo akabva atorawo Edward akabva amuisa kubazi rake raaishandira rekumaneja magonyeti. Dzimba mbiri idzi ndidzo dzaiita hondo yekutonga kambani yaMandipaka. Vamwe vana vakanga vachiri vadiki zvekurwisana nevakuru vavo zvekambani. Sandra akaenda kunoona Norman kuhofisi yaive yababa wake iyo yainge yakavharwa kubva zvavafa. Akawana Norman agere pacheya yaMamdipaka.

“That was quick,” akaseka zvake Norman panopinda Sandra.

“Muri kumbozama kuita sei nhai baba?”

“Baba? Mmmm ndava baba manje? Gara pasi.”

Sandra akamboramba akamira akatarisa Norman. Akagara pasi.

“Kubva nhasi kana muchida kuti zvinhu zvenyu zvikufambirei semhuri, you must uniye the family. Zvamuri kuita zvekusweroyanika madhende enyu pa social media hazvishande. Ndanga ndisingade kushandisa simba iri randakushandisa nhasi but you forced my hand. Sandra, you know better not to bring a gangster into the company womuiga C.O.O, in fact ari nani akadzidza, Namatirai uyu, haana kana kusvika form 4, womuita C.F.O? Really?”

Sandra haana kufara nekuuya kwaNorman pakambani apa. Namatirai naRobson vakaramba vachiuya kubasa asi vaiswera vakagara muhofisi maSandra. Norman haana kumuzorodza aigara akamugara matunduru. Petunia akauya kubasa ikoko achipopota asi Norman haana kupedza nguva yake naye, akangodedza security ikaita basa rayo. Zvinhu zvepaMashoko Family Holdings zvakatanga kushanduka nekuuya kwaNorman.

NHAKA NDEYANIChapter 6  CYNTHIA Mandipaka ava nemakore manomwe aroorana naPetunia akadanana nemusikana akanga ari _recep...
10/07/2022

NHAKA NDEYANI

Chapter 6

CYNTHIA
Mandipaka ava nemakore manomwe aroorana naPetunia akadanana nemusikana akanga ari _reception_ yeMashoko Investments. Cynthia akanga achangopedza zvidzidzo zvake paMasvingo Polytechnic College achibva angowana basa apa.
Akashanda kwemwedzi minomwe Mandipaka achibva atanga kumutsvetsva. Aivawo tsvarakadenga yaitorwa neatanga. Mwana aigona hake kupfeka iyeye. Akatanga achaendwa naye kunodya _lunch_ kuChevron zuva nezuva. Rimwe ramazuva vari mumotokari kudzoka, ndipo pakadanana vaviri ava.

“Tell me Cynthia,” akadaro Mandipaka achityaira, “Where do you see yourself in five years.”

“Uhm, I would like to study for a doctorate and hopefully get a promotion at work.” Akapindura hake musikana.

“How are you going to do that?”

“I have found some online universities so I will apply for a place. I will study in my free time and during lunch time.”

“I like you. You know exactly what you want in life.”

“I want to make my parents proud, sir.”

“Drop the act, Cynthia. You know you can call me by my name.”

“You are still my boss, despite taking me out for lunch every day. I hope that money will not be deducted from my salary because I need that money.”

“Relax, I am your boss, but I have a confession to make.”

“Confession?”

“Yes, please do not be offended but the truth is I love you Cynthia.”

Cynthia akavhura muromo nemaziso akatarisa mberi kwavanga vachienda.

“I know this came as a shock but you are beautiful, you are intelligent and you are smart. I like that in a woman. You are a go getter. A woman like you should be in a powerful man’s hands. Imagine what we could do together, we can take over worlds.”

Cynthia akaramba akanyarara achingoterera mashoko aMandipaka dzamara vasvika pahofisi. Pfungwa dzake dzakatanga kumhanya achifunga pamusoro pezvaitaurwa naMandipaka. Akafunga kuti zvaaida kuita iye zvaida mari yakawanda zvekuti haaipihwa pabasa yaive shoma. Baba wake vakanga vabatwa chirwere cheshuga vaida jekiseni rekuzvibaya zuva nezuva uye vaida chikafu vakanga vasingavhakwanksa kushanda mumunda. Mak wake vakange vaine chirwere chemoyo navowo vainzi vaifankra kjenda kuIndia kunorapiwa. Iye aida mari yekuti adzidze, aida yekubhadhara pamba paaigara, aida kuendesa munin’ina wake kuchikoro. Kudanana naMandipaka kwaimuunzira mari yakawanda. Asi manje Mandipaka ane mudzimai kumba…ko zvikabatwa? Akatarisisa akaona kuti kudanana naMandipaka kune zvakanaka kwaari zvizhinji uye aibe akagadzirira kupinda mazviri, asi manje zvinongotaurika here ipapo?

“ Please say something Cynthia,” Mandipaka akadaro vasati vabuda mumotokari.
Cynthia akatarisa Mandipaka kwava kutura befu. “Mmmm mandiomesera. Handizivi kuti ndotii?”

“Tora nguva yako ufunge nezvazvo, asi ndokumbirawo usaudze munhu about this.”

“Ndaamunhu mukuru, sir.”

Manheru acho mwanasikana haana kukwanisa kurara achizvibvunza ega kuti ichokwadi here kuti akanga anyengwa naMandipaka. Akazongozvishingisa zuva raitevera racho akaenda kuhofisi kwemukuru. Akamuudza kuti anomida nayewo. Mandipaka akafara kwazvo zvekuti akabva anomumbundikira. Vari pakati pekudaro gonhi rakavhurwa Norman achibva apinda. Cynthia haana kumira akabva atiza.

“Haasi receptionist wako here uyu?”

“Anonzi Cynthia mfana.” Akapindura achitaridza kufara chaizvo.

“Waakudya makonzo?”

“Aaargh Norman mhani, haikona kudira mvura moto wangu. Anyway have you prepared mapepa angu?”

“Yes ndinawo. Still hazvikutadzise kundiudza kjti ukuita sei nemwana uyu?”

“Zvimwe ndezvemeso muromo zvinyarare, zvawaona ipapa zvakatokwana.”
Norman akatarisa shamwari yake akaona iine mufaro kuita sechana chagengerwa chihwitsi.

Cynthia naMandipaka vakazoita nguva vachisangana mumahotera uye vachimboenda vese kumafuramhepo zvakakonzera vamwe vashandi kutaura. Cynthia paakabata pamuviri ndokubuda kwaakaita basa akabva atengerwa imba kuRujeko. Mandipaka akatumira vanhu kumba kwanaCynthia kunobvisa mari, runyerekupe rwukasvika kunaPetunia uyo akaenda kunopopota pabasa paMandipaka. Akazonyengetedzwa nemotokari uye mari yaakapihwa yefufuro nemurume wake achibva agamuchira Cynthia. Cynthia akabatsirwa mwana wekutanga mukomana akatumidzwa kuti Zvikomborero.

Paakazvara wechipiri ndipo pakamboita mutauro. Cynthia akanga akufambidzana neimwe shoroma yekuChiredzi yaiita zvekurima nzimbe. Petunia semunhu akanga arwadziwa kuti Cynthia ndiye aive nemwana waMandipaka mukomana aidiswa chaizvo naMandipaka aitya kuti Robson aizotorerwa nhaka, naizvozvo akamufumura pakaita makakatanwa vamwe vachiti mwana haasi waMandipaka. Iye Cynthia akabvuma hake kuti aidanana neshoroma yenzimbe iyi asi mwana akanga ari waMandipaka. Pakaitwa maDNA test mwana akabuda achinzi ndewekwaMashoko.

Zvisineiwo, mukufamba kwenguva nemakore Mandipaka akazoitawo tsvakurudzo yake ega akazvibata kuti Edward akanga asiri mwana wake asi haana kuzvitaura. Akangobvisa Cynthia chinyararire muhupenyu hwake akamuvakira imba nekumupa mota. Edward akanga oita hake zvekudhakwa kubva ari kuchikoro. Mukoma wake, Zvikomborero ndiye aitomboitawo zviri nani akadzidza akawana basa pakambani pababa wake.

Zvikomborero aishanda mubazi rinoona nezvekufamba kwemagonyeti ekuMashoko Haulage Trucks. Akanga akaita dhigiri reFleet Management akazoita zvakare Business Management. Akanga ari munhu asina mashoko mazhinji uye aiita madhiri ake ega.

Baba wake vaimufarira kubva ari mudiki. Akazvarwa nguva imwe chete naRobson asi vakanga vakasiyana nemwedzi miviri ariye mukuru. Akakura achitamba naRobson zvekuti hukama hwavo hwanga hwakanaka, hwaingokanganiswa nanamai wavo vairwidzana.
Paakangozokonana nababa vake kubatwa pamadhiri ake aaiita achishandisa magonyeti ababa wake anoyambuka achienda kunze kwenyika. Aiita basa rwkuisa mabhokisi efodya uye vasikana vechidiki pese paienda magonyeti aya mhiri kwaLimpopo. Madhiri aya ndiwo aimupa mari yekuti akwanise kuzvivakira zimba raityisa vagari vekuRujeko vose. Mandipaka aishamisika ofunga kuti pamwe aiba mari yekambani. Ndipo paakazomurongera achida kuona kuti mari yake inombobvepi. Vakapotsa vamukanda zvibhakera chaizvo musi wavazvibata.

“Human trafficking? Huh? How dare you Zviko?” akapopota Mandipaka akamudzvinya pahuro. Aiita kubvunda nehasha.

“Baba I am very sorry, handichazviita futi.”

“I want you to be arrested and locked up for good. Vana vevamwe vanhu vauri kuba uchinovatengesa. I can understand zvefodya not VANHU MHANI ZVIKOMBORERO!!!”

“Baba no please, ndinovaregedza vese vadzokere kumba kwavo.”

“Ava? Ko vamwe wavakaendesa kare huh?”

“Baba ndivo vekutotanga ava, ndiri kutongozvizamawo kekutanga.”

Ainyepa hake Zvikomborero nekuti kakanga kasiri kekutanga achiita izvi. Aishandidzana nemunin’ina wake Edward. Vaiisa mumapepa kuti vari kutsvaga vasikana vebasa muma shopu nemudzimba kuDubai vadaro vasikana vaiuya vaibva wavatora wovagi mukuenda nekuSouth Africa. Vasvikako vainotengeswa voendwa navo kudzimwe nyika kunoitwa varanda.

Edward akanga ajoiniswawo zvinhu izvi namukoma wake mushure mekunge anunurwa kubva kune vanotengesa zvinodhaka vaida kumuuraya. Aivakwereta mari yakawandisa. Mukoma wake akabva amupa basa rekutsvaga vasikana vechidiki avo vaisiya vaudza hama dzavo kuti vakuenda kuDubai kubasa.

Mandipaka ndizvo zvinhu zvaigara zvakamupa hurwere nekufungisisa kushaiwa kana mwana mumwe zvake waaiti uyu ndiye kwaye. Bridget waakaita naye mapatya haana kumbobvira ada kuti Mandipaka ave muhupenyu hwavo. Zvaiva nani hazvo Patrick naPatson vakanga vasati vapindwa nehupenyu sehwemadzikoma avo uye vakakura vachigara namai wavo. Bridget akanga akatoroorwa nemumwe murume asi Mandipaka vana vake aichengeta nekuvaendesa kuchikoro. Bridget akabhowekana nekuti akanga anyeperwa naMandipaka kuti akange asisina mudzimai kumba asi paakazvizviziva kuti Petunia achiri mukadzi wake, akaenderera mberi nehupenyu hwake.

Mushure mekufa kwaMandipaka, vakomana ava Patrick naPatson vakanga vachangopinda kuyunivhesiti kuSouth Africa vakadzoka kuzoviga baba wavo. Vese vakanoungana pamba paMandipaka vakamirira nhaka.

Vakanobatira pamotokari mbiri dzavakatora vachiti vaizodzokera nadzo kuSouth Africa. Zvikomborero airwisanawo naSandra nhau yekupinza Robson basa waizikanwa kuti haana kana chaanoziva. Yakanga iri hondo yakamirira kutanga pakati pevana vaMandipaka sezvo Zviko naEdward vaizvitiwo havatangike.

WhatsApp Group Invite

MBINGA Chapter 32Andrew naChiedza vakazama kuti vaiswe pane imwe flight  asi ndege dzese dzevhiki iroro dzainzi dzakazar...
06/07/2022

MBINGA Chapter 32

Andrew naChiedza vakazama kuti vaiswe pane imwe flight asi ndege dzese dzevhiki iroro dzainzi dzakazara. Vakanzi vadzokere kumba vaizofonerwa kana pakange paita mumwewo anenge akanzura. Andrew akazvishingisa semurume asi ainzwa achida kuchema. Kudakwashe ndiye akavatakura achinovasiya kumba. Hapana akataura chinhu vose vaive vakadumbirwa neshungu.

Vakapfuura painge pafira motokari yavo vakaona yatobviswa kare. Kudakwashe akanga afonera shamwari yake makanika uyo akaenda achimhanya. Akanga atosiya imwe motokari yaaigadzira paakaona ari Kudakwashe aifona nekuti aiziva kuti aibhadharwa mari svinu.

Vakasvika kwaMverechena. Andrew chaakakwanisa kungotaura chete kutenda Kudakwashe achibva aenda mumba. Haana kana waakataura naye akanaga kuimba yake. Mabhegi akatoburutswa naKudakwashe akazotorwa nevashandi vepamba panaAndrew. Chiedza akaenda kunaKudakwashe.

“Kuda, thanks for your help.”

“You are welcome. Call me if you need anything.”

“Yeah, I will. Thanks also for understanding about the baby.”

“I am sorry you missed your flight.”

“Yeah, I feel bad for him.”

“He will be fine.”

Kudakwashe akabvapo akaenda hake kumusha kwake uko kwakanga kwava kupedziswa kuvakwa. Taffy ndiye akanga
akutungamira pabasa raiitwa ipapo.

“Boss, next week munenge maakugara muimba yenyu iyi,”
akadaro Taffy.

“Yeah, you guys have done a good job.”

“Too bad our boss died in your turf, panotoda kuchenurwa
musateverwa nemweya wake.”

“Do you believe in that mdhara?”

“Zvinhu zvinongovawo muchivanhu chedu.”

“Munoita zvechivanhu?”

“Sekuru wangu in’anga huru kuChipinge uko, ndakakura
ndichigara navo. Saka zvizhinji ndinoziva.”

“Aaah great, but don’t worry about me, ndine zvihombe zviri
pandiri.”

“Hooo, haaa kana makadaro pakanaka.”

Taffy akadzokera hake pavakomana vake vanga vachiisa mahwindo. Kudakwashe akanotarisa chikoro chake chaivakwa paive nemusha waGodobori. Basa rakanga rafambawo chaizvo. Akabvapo akaenda kumba kwasabhuku Nyakudya akavawana vachiveza mipini yemapadza avo.

“Mdhara Nyakudya ndeipi yako.”

“Ah mhoro sahwira, ko uri kuno hako?”

“Ndiripo mdhara, ndandichimboona basa rangu kuti
rikufamba zvakanaka here uko.”

“Ko mukomana wandakanzwa kuti akafira pamusha pako
makanochengeta zvakanaka here?”

“Hongu, achengetwa nhasi kuseni.”

“Akafa nei?”

“Akaita heart attack, hanzi anga agara ainetswa nechirwere
chemoyo.”

“Oooooh okay. Vanhu vari kunyanyofa sterek muno Chasura.
Iko baba wako wakambovaonawo?”

“Baba wangu vakafa.”

“Kuda, baba wako George, baba waJoana.”

“Inga mukutaura kuti baba waJoana not baba waKuda,
hausiwe here mdhara wakaviga baba wangu?”

“George ndakamuona baba wako, ari kutambura. Ari kurwara
zvisingaite. Haukwanise kumubatsirawo here?”

“I don’t care about that man, zvikwambo zvake zvakamurova
pane asingazvizive?”

“You used to have a kind heart, iko zvino waomesa moyo wako sedombo Kuda, waimbove munhu akanaka, waibatsira vanhu vese mumusha muno, iko zvino hauchina hanya nemunhu Chasura.”

“Sabhuku, pwanyai twumba twenyu twese utwu ndikuvakirei
imba pano, maybe even a private clinic yenyu nemhuri yenyu
chete.”

“Usanzvenga nyaya yangu.”

“Ndozvandavinga pano kwete zvako zvawaakundiudza
zvaGeorge.”

“Endesa baba wako kuchipatara vasati vafa ukazozvidemba.”

“Mdhara tambika newe, saka imba yangu ichipera ndikuuya
pano, sabhuku wangu anofanira kugara muimba yakanaka.”

“Handisi kuda imba yakanaka ini, ndinoidii ndachembera
kudai?”

Kudakwashe had redeemed Nyakudya from the curse Judith had put the whole village under. Pavanhu vese vakanga vagamuchira chinhu kana mari kubva kunaJudith paakauya pese mumusha umu haana chine musoro chaaiita. Nyangwe anenge atanga kuita zvemabhizinesi hapana raibudirira.

Vanhu vakanga vachitambura zvisingaite mumusha umu, kunyangwe zvirimwa zvavo zvaingoomera mumunda pasina
chaibva.

Kudakwashe akakumbirira Nyakudya akanzi aifanira kuchekeresa vana vacheche izvo akaita achibvisa mhuri yaNyakudya pakutambura uko. Musha wese waingoti zvaikonzereswa nemweya yevanhu vakafira paGodobori kunyangwe kufa kwevanhu kwese.

Andrew zvaakasara kumba kwake, haana waakataura naye. Paitovewo nedare raive rakagarwa revakuru wemhuri yekwavo. Akangopinda mumba achidhumha zvinhu kunyangwe musikana webasa aive akatakura zvinwiwa zvaaiendesa kuvakuru akangosundirwa uko achiwisa zvinhu zvese pasi. Akapinda mumba make akabva akiya musuwo.

He began screaming so loud and kicking stuff in his room. Vanhu vose vakamhanya ikoko asi vakawana musuwo wakavharwa. Chiedza akasvikapo vachizama kuti Andrew avhure musuwo. Vaingomunzwa achipopota achitukirira nekukava zvinhu.

“Muroora ko chii chaitika? Tanzwa kuti maenda wani?”

“Mmmm, zvaitika nhasi anga ari mashura chaiwo, tasvika tikanzi ma visa edu haasi valid, saka tasiiwa nendege, asi yaenda akaonekwa kuti anga atori valid, patazama kutsvaga imwe flight ah, hanzi dzese dzakazara,” akatsanangura Chiedza, “Saka chikumbiro changu kuti dai mambomusiya apedze shungu.”

“Ngaasazvikuvadza hake.”

“Don’t worry, he will not.” Chiedza ndiye akazosara akamira pamusuwo achiedza kunyengerera Andrew kuti avhure musuwo vakuru vakabva vadzokera kumusangano wavo.

“Ndozvandanga ndichikuudzai,” sekuru wavo vakadaro, “Izvi zvaitwa nemidzimu yenyu. Andrew ndiye akasarudzwa nemidzimu yenyu kuti atore hushe uhwu saka vasina kumubvumira kuenda.”

“Zvino anobvuma here iye akamboramba?”

“Hapana imwe nzira, kana achida kuzama masimba emidzimu yedu musiyei akadaro.” Sekuru vakadaro, “Isu taedza zvese zvaramba, regai midzimu iite basa rayo.”

Chiedza akaenda kuimba yevaenzi uko kwaakawana kusina munhu achibva avata hake pasofa.

CHIEF HWATA ndivo vakazodzikamisa vanhu vakanga vachitukana ava. Vakagarisa vanhu vose pasi.

“Handione chamunotukirana pano, tichangoita chivanhu chedu chatakakura machiri. Kugova nhumbi dzemushakabvu kunoitwa, ndizvo zviri muchivanhu chedu, kugara nhaka zvakare tichaita zvisinei nekuti iye mushakabvu aisatenda mune zvechivanhu chedu. Kwanhasi, tichambozorora, tichiri kuchema Wilson uyu, imi mava kuda kutourayana kare, nekuda kwezvamaita izvozvo,” vakadaro
Chief Hwata, “Iwe Charles, newe Marita, newe Lovemore, mucharipa mumwe nemumwe mbudzi mbiri. Handidi zvekujairirwa ini.”

Mhuri yakamboparadzana zvezuva iroro asi hapana akabva pamusha apa. Lovemore akaenda kunotaura naPanashe uyo aingove ainamai wake uye hanzvadzi yaWilson nguva zhinji.
Akamutora vakaenda padivi asi sisi waPanashe vakauyawo navo sekurairwa kwaakaitwa namai wake.

“Mbuya, there is something wrong with kule Charles mambozvionawo here?”

“Bamnini is only after pfuma yakasiwa namukoma wavo.”

“He does not deserve anything, hapana chavanofanirwa kuwana apa. Ndine copy ye-will rasekuru, make sure rinoverengwa before paitwa zvekugova nhumbi.”

“Asi nhai mzaya, nhumbi dzinogovewa hadzisi dzekupfeka chete here and not the properties and money?” akabvunza sisi waPanashe.

“Everything, panogohwa zvese, saka to stop that process the will must be read.”

“Okay, ngatitii the elders varamba kuti will riverengwe, voti ngapaite zvekugarwa nhaka, what then?”

“Will rinongoverengwa vanhu vagohwa zvinhu votora, then tozoita hedu zvenhaka,” akadaro Lovemore.

“Tichaona mangwana acho mzaya.”

“I will call lawyer rasekuru rosvika pano kuseni chaiko.”

“Thanks a lot mzaya.”

Pavainge voparadzana Charles akavaona achibva avamisa ipapo.

“Ndaizviziva kuti ndokuwanikidzai chete,” akadaro Charles.

“Kutiwanikidza tichiitei?”

“Manga muchiitei apa?”

“Sekuru, ndanga ndichitaura nambuya.”

“Mamuchitaurei? Imi maiguru hamusi kufanira kunge muri kune vamwe varoora? Murume wenyu achiri munyoro, achangobva kuvigwa makutoda kutanga kudanana ipapa?”

“Pana, let’s go.”

SisI waPanashe vakamubata kuti vabvepo.

“Hey, let’s go kupi? Mirai ipapo. Uyu muroora wepano, takabvisa zvose kumba kwenyu, as it stands, ndini murume wavo pano saka dzikamai,” Charles boasted, “I know makauraya mukoma wangu because of a will raakanyora achikusiirai pfuma yake yose.”

“Sekuru, kana mashaya zvekuita endai munobatsira vakuwasha avo kuvhiya mbudzi, handidi zvekunetsana nemi handichina mbudzi dzekuripisa.”

Lovemore akatorana nambuya wake vachibva vafamba vachibva apa. Nehasha Charles akaenda kuvakuru akatanga kuvaudza nhema pamusoro paLovemore achiti ndiye aidanana naPanashe uye aironga kutora pfuma yose yakaunganidzwa naWilson.

“Ndozviziva mondiona sendinorohwa nembanje but muchaona mangwana tabva kunobvunzira kuti handipenge inini,” akadaro Charles.

Vamwe vakanga vachimuterera nekuda kwemari yaaivapa
saka zvese zvaaitaura vaibvumirana naye.

ANDREW akati apedza shungu dzake akabuda mumba maanga achiitira nyakanyaka yose achibva atanga kutsvaga Chiedza. Vakuru vemhuri akatovaona vachakagara havo muimba yekutandarira asi haana kutaura navo akazowana Chiedza akarara hope chaidzo pasofa remuimba yevaenzi. Akatura befu achibva aenda ikoko kwava kunogara pasi nechekumusoro kwaChiedza.

Akamutsvoda pahuma achigara pasi. Chiedza akavhura maziso ake mushure mkunzwa kuti akanga atsvodewa pahuma uye kuti pane munhu ainge agara padhuze naye. Akapepuka achibva asimuka.

“Sorry, I didn’t mean to wake you up,” akadaro Andrew, “Are you okay?”

“Yeah, I’m okay. How are you feeling now?”

“Still sad, but I am feeling better now.”

Chiedza akadzika achibva agara pasi panaAndrew.

“I am sorry that we missed the flight, I hope kubasa vachakunzwisisa.”

“No, don’t be sorry. Maybe it is the ancestors trying to talk to me. I refused their offer to take over the chieftaincy, and they said I could die, at least they only made me miss my flight,” akadaro.

“Why are they forcing the chieftaincy on you?”

“Sekuru vakati pane vamwe vose no one was found worthy.”

Pakarepo, vakuru vemhuri vakabva vapindawo muimba
inotandarira vaenzi iyi. Chiedza akasimuka achibva azvigadzirisa, Andrew naye anosimukawo. Chiedza excuses herself and leaves.

“Andrew, are you ready to accept your destiny now?” babamudiki wake vakabvunza.

“Do I have a choice?”

“Is that a yes?”

“Muzukuru, usapikisana nevari pasi, zvine njodzi huru. Handiti waona zvaitika kwauri nhasi? Unoziva nemhaka yei usina kuurawa? Nemhaka yei vasina kukonzera uite tsaona?”

“Yes, because ndanga ndichifamba nevanhu vasina mhosva navo.”

“Kwete, vaigona kuuraya iwe, vachisiya vasina mhosva vachirarama,” vakadaro sekuru, “Hauna kuuraiwa nekuti ndiwe wakakodzera kutora hushe uhwu.”

“Crown me then, you and your ancestors win.”

Sekuru vakatura befu vakati kunanababa waAndrew, “Uyu
achatipa basa guru, nemhaka yei midzimu ichisarudza vanhu
vakaoma musoro?”

WhatsApp Group Invite

Address

69 Dan Sohuwa Street
Gordon's Bay
7100

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when The Tsongoz posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share