10/11/2025
ππππAkauraya Mwana Wamaiguru Akatora chibereko ππππ
Tete ndauya ndini wamapa number mukati ndikuudzei zvakaitika. Pliz mazita nzvimbo country ndicharasisa asi ndofunga ivo vava havo kuziva k*ti ndini. Ndaive ndiri musingle mom ndokusangana nemurume uyu aichinjanisa mota ane zvinhu zvake takadanana chaizvo asi kuroora akange asingadi akange ane mudzimai wake. Ndakabva ndamuendera kun'anga ndikanopiwa muti wek*ti afunge kundiroora. Zvakaitika sekudaro asi maiguru vakambotsika madziro vakasvika pakubva pamba vachigara kwasisi vavo vakazodzoker kumba kwavo ini zvangu ndange ndisingagaripo murume ndiye aindiudza. Baba Shantie mukadzi wavo vaimuda zvavo plus iniwo handina kuda kumbovarambisa. Mai Shantie vane imba kunyika ino vane salon voti spaza yemaspathlo. Iniwo ipapo ndailodger ndakanobvisirwa wo kumusha hama dzikafara kunge pabvisirwa mhandara ipapo ndanga ndine mwana wangu musikana ari mudiki kuna Shantie ne2yrs mwana asiri wababa Shantie. Apa pose pandaidanana nababa Shantie ndaigara munzvimbo imwe navo so ndaroorwa ndakati ngaachinditengera imba kune imwe town zvakambonetsa but zvakaita hazvo. Ndakazotangawo k*ti ndaidawo kuitirwa business ndokubva ndavhurirwa kaspaza shop. Haaaa zvanga zvisingambonyanyi kufamba kani but murume aisupporter zvake both family sorry I forgot kukuudza k*ti mai Shantie vanga vane 3 kids 2 girls ne1 boy. Ini ndakazobatsirwawo boy boy wangu plus ini ndanga ndisingaendi kwamaiguru ivo vasingauyi kwangu havatokuzivi asi ini pavo ndopaziva hangu. Vana ndovaiuya nadaddy vavo vombotorawo vangu voenda navo kwamaiguru mai Shantie .haaaa please forgive me my sister handinyatsogona kurondedzera dear. Ini ndakazofunga kuvakisa marooms ndokuisawo malodger 3. Ndakazoda k*ti businnes rikure ndokudzokera kun'anga iya ikati hazvinetsi ndaifanira k*tanga ndavhura business randaida ndikataura nemurume k*ti abdibatsire ndivhure tarven. Zvakafamba hazvo ndokudzokera kun'anga kuye ndopavakati vanoda chibereko chemwana asati azvara k*ti tarven izoita macustomer plus vaindibatsira futi nespaza k*ti ifaye. Ndakabhara matsotsi akatora Shantie achibva kuschool ini ndange ndirimo mumota macho ndovakanouraya vakangipa parcel yangu yandakazoenda nayo kun'anga. Ndakapiwa gaba raiva nepiece yechibereko nemvura nemushonga zvandaifanira kunokusha mutarven nemuspaza ndisina kupfeka bhurugwa makuseni seni plus ndisati ndaenda k*toilet ndakaita zvese zvikafamba gaba iri ndaifanira kuzoricherera kuseri kwemba ndikaita yooo handingarondedzeri zvese but business raifambisa ndakatenga mota 4 yemwana wangu musikana now ava ne19 years dzimwe 3 ndedzangu ndopandaiti ndichapawo boy boy imwe. Manje vana maiguru vanenge vakazofamba nek*ti mwana akangotsakatika haana kudzoka kuda ndokwavakanomumutsa ikoko ava kuuya mumba mangu ini ndinotomuona k*ti uyu dzimwe nguva anenge achiuya pandiri ndotanga kumhanya nemba yose. Vhiki yapera mwana wangu akamuka akarara pasi akatofukidzwa zvese. Murume akambotanga achiti ndava kupenga kuenda kumadoc wanei ndiri right. Kuda akazoziva nek*ti ndinenge ndichingoti Shantie shantie. Ikezvino no bussiness spaza ndakatovhara zvangu ndoyairi kushanda panga pasisatengwi. Malodger akabva vaiti kana vakarara vainzwa madoor achivhurwa ovharwa kusvika vabva. Nezuro sisi vakauya vakatora vana ndasara ndega kana mari yacho handichina murume foni haipindi ndakaenda kumba kwacho maiguru vakati handi mune yenyu imba dzokerai. Ndaiva ndaenda ndichida k*taura nemurume atore vana ndokuzopa hangu sisi vangu kana hope handirari ndinombonwa masleeping tablets but Shantie andikunda. Ndaikumbirawo vanobatsira kwete vanoda kundidyira mari nditsindikire mweya uyu ndatambura n'anga yakambondipa mushonga kukusha asi anongouya ndakaenda kune umwe akauya akacherera mishonga pamba asi Shantie ari kungouya izvezvi manheru anotouya aaaa ndofunga wanzwisisa dear chindipaiwo help kunyora kuri kundinetsa please help me please unongondipa manumber paApp iyoyi kana wapiwa
Tete::: manje panzvimbo nenyika marasisa k*ti muri kupi dai majekesa
Don't forget to follow for more ππnyaya dzinotyisa ππ