20/09/2025
Muzukuru wangu asi waive wapindwa neyi chaizvo?" Mbuya asked tasara tangopusa Yolanda natete vake vabuda.
Misodzi ndaiinzwa yavakuda kubuda. Ndakairwisa kuti isabude. Ndichizviudza kuti shinga ndiwe wakazvikanyira wega. Apa mazuva aive asisauye Yolanda ndaichema ndega husiku. Ndiyo yaitove first time yangu kuchemedzwa nemukadzi. Ndaitoona kuti this time haadzori moyo. "Edgar!" Mbuya vakadeedza ndikaita kuzunza musoro ndokuti," mbuya Yolanda ndinomuda hameno wo zvakangondibata ." Vakati," usati waita zvawakaita izvozvo zvekudanana namai vake dai wakatanga wafunga zvekuti unomuda." Tichiri kutaura kudaro sekuru vakabva vatopinda. Vakagamhiwa nemukadzi wavo nekunongedza $1 raive rasiiwa naYolanda pamagumbezi ipapo randaive ndisina kana kuda kumbogumha. Vachiti," aipihwa gupuro Edgar Stores wedu." Mbuya vaive nekakudenha vaisatarisa nguva yekuita mamwe majokes.
Sekuru ndokuti," aah kana ndimiwo muzukuru wenyu akazarura huru yadzo chaiyo." Vakacheukira kwandiri kwakuti," Saka bhuruwayo yese iyi mahure zvawo aive apera zvekusvika pakuchiva mai vemukadzi wako?" Ndakangobhwayira-bhwayira ndichishaya mashoko ekuzvi defender nawo. Vakati," Edgar unogumbura fani, mukadzi akanaka kudaro chaizvo waive washoreyi paari? Ko Ivo vakadzi vevanhu vaneyi chaizvo? Unombovanzweyi? Handiti hanzi wawakazvarisa anemurume?" Ini zii futi mbuya ndokuti," ko Edith anopenga here ? Angatadza kuzoona mwana wamai vake iye apinda mubhuruwayo?" Ndaive ndanzwa kuti Edith arimu Bulawayo. Aive auya kuhama dzemurume wake. But ndakaziva kuti Yolanda aive amuudza nyaya yese vaiwirirana zvisingaite. Hazvina kumbondishamisa kusauya kwake. Chero ipo panyaya yaKeith akanditukirira. Mama nababa vangu vaive soft munhu aitotaurisa ndiye Edith iyeye.
"Edith is right, very right Edgar uyu anofanirwa kumbopihwa punishment yakasimba kuitira kuti azive kuti zvaarikuita izvi hapana arikuzvifarira. Ikezvino wakuuya everyday kuchipatara kuno kunge munhu asina mukadzi wake. Mai Junior ndirikuda vaenderetu vasamucheuke muzukuru wangu uyu haana njere. But handioni achidzoka munhu akanyarara ukaona atsamwa kumudzora hakusi nyore" Ndisekuru vakadaro.
Hapana kana aindinzwira tsitsi. Tete vaYolanda ndivo vakazodzoka vachiti," erhe kutorivara phone yabamnini iyi yatanga tauya nayo nhai." Havana kutombomira pavakaitsveta . Tikasara takanyararidzana.
Pakapera visiting hour vakabva vaenda. Ndikasara ndichinzwa kuremerwa. Ndakaisa gupuro randaive ndapihwa muka cabinet kangu. Kwakutora phone yangu ndokuita on. Whatsapp yangu yaive ya expire zvayo. Data ndaive ndisina ndakawana ka airtime ndiko kandakashandisa kufonera Nigel. Mazuva iwayo aitove kuZvishavane kwaive awana basa. Paakadaira akangotanga nekuti," mudhara madii? Urisei muviri mazuvano?"
"Muviri urikupora wangu, asi moyo ndiwo usingafe wakapora zvawo. MaiJunior andipa gupuro ende face yandaona nhasi haisi yaYolanda wangu maya." Akaseka zvishoma ndokuti," isn't it what you wanted here? Hamuna here kuti kunze uko kunevakadzi vanemoto?" Ende ndizvo zvandaimuudza mukufarisa ndichifunga kuti Yolanda aizogara achinzwisisa. I never thought kuti richasvika zuva chairo rekurambwa naYolanda. Ndaizviudza kuti ndakamungwarira zvekugona kumurova nemanupulation. Yolanda aive that kind of a person aigona kungopfuudza chinhu chero chamurwadza life yotoenderera mberi. Nigel mazuva ekutanga aisamufarira Yolanda achiti anodada. But mazuva ake aakagara kuBulawayo achizoenda naKeith aive akugara achinditi," bro makazviwanira mukadzi wenyu anonzwisisa." Aitodaro panyaya yaKeith.
Ndakanzwa," hello! Muchiripo here mudhara?" Kwakuti," yeah ndiripo wangu." Akati," mudhara ndakuudzai reality ka? Makabhayiza big time, asi ndivo vekupisa vamaireva here ambhuya vedu ava?" Akabvunza achitoseka ndikati," yeah ichokwadi kuti nhamo yeumwe hairambirwe sadza. Shamwari hausi serious iwewe kuseka ndiripama 1 akadai. Ndatokufonera semfanha wangu hoping kuwana wo kusimbiswa."
Akatowedzera kuseka hanzi," shamwari I thought urikutofara ka kuti finally wakuzoita madiro nevanopisa ava? Tell me bro, raambhuya rinodii? I've never heard it from the horse's mouth, from munhu akambokwira ambhuya. Zvinhu zvandinongonzwa hangu muma streets umu. Tell me vanotopisa chaizvo kutopfuura moto, hot like a blast furnace? Ndirikuda madetails broe, maybe ndingangoitawo ambhuya vakangodaro daro ndiwane mukana wekulambasta." Ndakacutter ndatoona kuti munhu arikundiseka uyu.
Kufunga Petronella wacho she wasn't even half beautiful as Yolanda wangu. Ichokwadi chiye chekuti unozoona kukosha kwechikorobho warasa mvura. Kuedza kufananidza Yolanda nevanhu vese vandaive ndakambodanana navo she was the best panezvese.
Ndaingove neproblem yekuti ndikadanana nemunhu ndaifarisa ndasvika pakushoropodza mukadzi wangu hoping kuvhurirwa gumbo rese.
Ndakademba ndichademba zve ndigere pabed. Ndakazotora macrutches angu kwakumbofamba famba exercising. Ndaida kupora fast ndibude ndiedze kugadzirisa upenyu hwangu. I had lied ndichiti ndine problem yaida kufambirwa in front of Yolanda. But ndava ndega ndakatombofunga kuti maybe ndaitove nayo zveshuwa.
Kuedza kufunga chainakidza pana Petronella kunze kwemari yake ndakachishaya.
Ndakamborova zviround exercising. Ndakazozorora kwakuedza kuisira Yolanda message ndaida kuedza kunakurira Petronella nyoka mhenyu ndizvichenure," babe ungandivenga hako handirambi. Asi mainini vako vaye ndivo vakandivinga vachindi ekitira. Vanhurume unongoziva kuti hatitane kuwira miyedzo iyi. Plus shamwari ukatarisisa uchaona kuti munhu uyu ndaisave nedhiri naye kana. Iwe ndiwe munhu wandinoda nekuti vaindipa mari yandaiuya nayo kumba kwauri. Munhu uyu taimushandisa , sha the least you can do is to stand by me. Plus handina hangu zvandakamboita navo kana. Zvakangogumira mukubatana maoko chete. I know hapana chandingakuudze ukabvuma mukadzi wangu. Wambofunga here mwana wedu Junior shamwari kuti life yake ichafamba sei? Shaa dzora moyo kani, this time ndirikuda muchato newe unyatsoona kuti unodiwa zvakadii neni? Ukakwanisa kunzwisisa problem yandiinayo shamwari upenyu hwedu hunonaka. Unondibatsirawo semumwe wako toifambira." Ndakaiverenga message iyoyo ndikainzwa ndega kuti Yolanda wangu aizoiverenga agonzwisisa.
Ndakaitumira husiku kuma 9 . Ndaida isvike ari ega ndaisada isvike anevanhu. I knew kuti vanhu vekwavo ndivo chete vaimuita awomese musoro kudaro.
Yakaita delivered message yangu ndikarindira mhinduro kusvika ndaona kuti haisi kuuya. Zvakazoita zvemazuva ese kuisa mamessages asinga wane mhinduro. Macalls ayi ignore, ndaive ndazokumbira Nigel kuti andiisirewo airtime.
Whatsapp ndaive ndaisa ndikaedza kuwhatsapp futi asi mhinduro ndaingonyimwa aingoverenga osiya. Ndakaedza kumbobvunza mwana hoping kupindurwa tobva tatangira ipapo. But chero iyoyo yacho yakangoverengwa ikasiiwa pa read.
Mama vakazouya vakandidembera kunge vachachema. Ndakazobuda muchipatara but life yaive yakaoma ndichitoda help especially pakugeza apa. Asi ndaingoita zvandinogona zvandisingagone ndaingosiyawo. Mama ndizvo zvavaiita vaingoita zvavanokwanisa. Rent yepandaigara ndiyo yakatanga kunetsa. Ndikatanga kutengesa zvinhu one by one. Kuenda kumusha problem yaive pamari yekukwirisa tichidzoka kureview kuchipatara.
Hama dzaibatanidza batanidza asi ndichitukwa. Mwana wangu handina kumbomuona kana. Mama ndivo vakazomboenda kuMorningside kunomuona. Lucky vakatomupihwa kuti vauye naye for weekend apa aive akutodzidza kuMorningside ikoko. Ndipo pandakaziva kuti Yolanda aive asisimo muZimbabwe. Ainzi akaenda kuDurban ndikanzwa moyo wangu uchitsemuka. Ndaive netarisiro yekuzoonana naye togadzirisana. Asi kwacho kwaaive ava ndakaona ndega kuti uku ndiko kuruza uku. Mama vakatoti," wakazvikanganisira mwanangu apa unofunga papi paangadzoka kwauri iye atove kwaari ikoko?"
"Don't worry mama ndinotaura naye chete." Ndakavapa zvivindi zvenhema ndisingatozive kuti ndaizotaura naye how chaizvo. Nekuti hapana kana one wekwavo aida kunzwa nezvangu.
I had a good time nemwana wangu though paive pasina mari. Vakazomudzorera gogo vake. Ndiwo mwedzi wataifanirwa kuenda kumusha namama. Taive takumbira kuMpilo kuti ndipote ndichienda kureview kuchipatara chekumusha.
Sekuru vakabatsira kutora zvinhu zvangu zvaive zvasara. Nigel naEdith ndivo vakabatanidza mari yekuenda kumusha. Ndivo zve vaipota vachitipa mari yekubatsirika. Ini ndaive ndisati ndasimba kufamba chaiko.
Ndakatanga kumutsoma Yolanda pawhatsapp ipapa since iri iyo yega nzira yekutaura naye. Still haana kumboda kundipindura. Ndaizongomuonera pama statuses ende aive atochinja. Ndaingo screenshoter ese mapictures ake ndowunganidza mugallery mangu. Munoziva unoita desperate zvekusvika pakufunga kuroya chaiko.
Option yandaive ndasarirwa nayo ndeyekuenda kun'anga or muporofita kuti ndidzore moyo wamai Junior. Rimwe zuva ndakati ndichiisa message kwakuona ichiita one tick. Profile picture yaingove yake yakudhara yaaive akaisa Junior. Mazuva akapindana, mavhiki, mwedzi zvikapindana ingori one tick ndikaziva kuti munhu wangu handisisina any contact naye. Aive atochinja number.