
17/08/2025
Ndikazvifunga ndorwadziwa💔. Ndakarambiwa nenyaya ye kuzvara vasikna mufunge. Ndakazvara matwins panhumbu yangu yekutanga, ndakatovazvara normal. MaSecond born aiva ft matwins but ndakavaitwa operation. Murume haana kufara nazvo kt ndirikuzvara vasikna. Matwins paakasvika 2yrs ndakanzi ndiite nhumbu ndikaramba nekuti Ndakamborwadziwa paLast pregnant yAngu saka ndaida kumbozorora. Murume akasvika pakundiramba, vamwene vachitotaurawo mashoko andainzwa, hee ngaende tomudii munhu asingakudzi dzinza ngayende zvake tisvage mumwe. Vamwene vaidaro zvavo asi vakazvara vasikna 8 mukomana 1 anova murume wangu, murume wangu ndiye number 7. Ndakatutiswa zvinhu zvangu ndikanzi usasiya vana vako handichengeti vasikna ini. Ndakachengeta vana vangu ndoga, murume akazoroora mumwe Mukadzi akamuzvarira matriplets vasikna but vakazosiyana nemukadzi iyeye hamheno chii chakashupa. Handina kumwe kwandakazoroorwa ndaingochengeta vana vangu. Vana vatokura vakaroorwa vese , vese vakabvisirwa pfuma. Murume avakuona kt ndagarika akuudza vana vangu kuti kana muchida kuenda Kuna Mai venyu huyai mutange mandiudza, mobva mataura nezvamoda kundovapa ndozokupa mvumo, ukangoenda zvemusoro wako unozozvionera ende ukazozvionera ndinenge ndichida mombe kuti ndibvise zviri pauri. Vana vakarambirana nazvo so pane mwana akazouya pandogara without mvumo yabba vake ndokuita bofu. Manje arikuti handina mombe yandinopa bba Ende handidi kt vapihwe mombe , ndoda munhu we Go back to sender kna zvikakona ndingatoramba ndr bofu. Chinorwadza bba ava ndechekuti ndagarika nekuda kwevanasikna vangu, matriplets avo ese arikuita zvekumitiswa cht cht. Ndodiiiwo ini ndichatobatwa BP nehunhu hurikuitwa nabba ava.
MeliRoll 's pic