Life and Wisdom

  • Home
  • Life and Wisdom

Life and Wisdom Our God is able

06/09/2025

Celebrating my 9th year on Facebook. Thank you for your continuing support. I could never have made it without you. 🙏🤗🎉

17/08/2025
05/02/2025

2 Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.

'VAROMA 12:2'

*Mangwanani akanaka* _ngatifambei mukururama vadikani tisafananidzwa nevenyika ino vanoita zvakaipa ndizvo tigowana riponeso_

12/01/2025

Mwari vakanaka nguva dzese

12/01/2025

15 Kudonha kusingaperi pazuva remvura zhinji Nomukadzi anokakavara, zvakafanana.
16 Anoda kumudzivisa, anodzidzisa mhepo; Ruoko rwake rworudyi rwakabata mafuta.
17 Simbi inorodza simbi; Saizvozvo munhu anorodza chiso cheshamwari yake.
19 Chiso sezvachinotarisana nechiso mumvura, Saizvozvo moyo womunhu unotarisana nomunhu.

Ipai Jehovha kudzo yakafanirwa nezita rake; Namatai kuna Jehovha nenguvo tsvene.MAPISAREMA 29:2 *Mangwanani akanaka*
09/12/2024

Ipai Jehovha kudzo yakafanirwa nezita rake; Namatai kuna Jehovha nenguvo tsvene.

MAPISAREMA 29:2

*Mangwanani akanaka*

07/12/2024

*SHOKO RANHASI*

John 14 vs 15 Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.

Ropafadzwai vana vaMwari.... muzuva ranhasi Mwari vakutaura nesu vachiti kana muchindida chengetai murairo yangu ...... tichirarama panyika yevapenyu tinoona kunge kuchengeta murairo yaMWARI azvigoneke asi honai murume ainzi Job 1 vs 1 Kwakanga kuno munhu panyika yeUzi, ainzi Jobho; munhu uyu aka­nga akakwana, akarurama, aitya Mwari achinzvenga zvakaipa..... munhu uyu akangofanana nesu angaari wenyama semanzvengero atoita takuda kutadza kana tatadza tinoti ndaizoita sei ndiri munhu wenyama ko mnhu wesimbi ndeupi .... Hamawe tichirarama panyika ngatisapihwei pressure nevanhu vanotadzira Mwari .... kuzvichengetedza mazuano kunzi uri Jaya kana mhandara zvakumakisa asi Mwari vanotii [1 Vakorinde 7 vs 9].... mazuano wakuona vanoenda kuchurch vachinwa doro nekuraradza Sunday ouya kuchurch mnhu oparidza oimba akadhakwa hake Mwari vanotii [VaEfeso 5 vs 18].... Hupombwe hwazara hatichatye Mwari murume ane mukadzi unoona achinoita hupombwe same nemukadzi ane murume akuita izvozvo kuita vakomana nevasikana vari muma relationship avasikuvimbika mweya weku wasterana time uchinyepera kuda munhu usingamude hko huroi ihwohwo ngaregei kuroya kudarooooo shoko rinotii[Exodus 20 vs 14] chinoita kuti tirarame sevanhu vasina njere kana sevanhu vakafanana nebag rebenzi hatizivi shoko uye takarinzwa hatirirarame taneta nevanhu vanonamata vanovengana vanoshorana vanoroyana vanopomba vane hasha vanoti hatinzwarwo vasina rudo ikoko kusararama zvinodiwa naMwari kusateedzera murairo yaMwari ... tinozvinyepera kana tichiti tinoda Mwari isu tisingachengete murairo wake .... Mwari rudo asi iwe ahuna rudo ne hama yako shamwari vavakidzani ahuna rudo navo unozoda Mwari vausingaone sei iwe uchitadza kuna mnhu kana vanhu vaunoona .... tinoparidza tinoimba tinotambira Mwari tinoenda kuchurch asi murairo waMwari hatisi kuchengetedza ngatiedzi kwazvo kuchengetedza murairo waMwari ndozvoratidza kuti tinoda Mwari kwete kuenda kuchurch chte kana kuimba nziyo dzaMwari kana kuparidza kana kutambira Mwari .... nekuti maSatanist anogona kutoparidzavo anogona kutoimbavo anogona kutoendavo kuchurch asingachengete murairo asi isisu vana vaMwari ngatisiyaniswei neve Rima kana tada Mwari ngatisiyei zvakaipa zvinyangadzo zvivi tide Mwari wedu namabasa Ida wekwako sekuda kwaunozviita Ida Mwari wako nemoyo nepfungwa nebasa nezvese zvako .... chaita nyika dziite hondo kushaya rudo .... chaita vanhu va cheater kushaya rudo ... chaita kuti vnhu varoyane vatukane vashorane vanhu vasatambire ivo vashanda kushaya rudo ... kuti nyika Ireme kugara chaiko kune vanozvifunga vasingafungevo vamwe kushaya rudo .... l encourage you vana vaMwari ngativei nerudo patikurarama ngatichengetedzei murairo waMwari

Prayer

Mwari itai tigone kurarama sezvamunoda... pamazuva mashoma asara itai tikudei tide hama neshamwari nevavengi wedu sezvamunotaura mushoko nezita raJesu Amen

God bless you all

1 Naizvozvo rashai zvakaipa zvose, nokunyengera kwose, namano, mano negodo, nokuchera kwose, 2 savacheche vachangoberekw...
07/12/2024

1 Naizvozvo rashai zvakaipa zvose, nokunyengera kwose, namano, mano negodo, nokuchera kwose,
2 savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa;

'1 PETRO 2:1

26 Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa; 27 musapa Dhiabhorosi nzvimbo.  'VAEFESO 4:26-27' *Mangwa...
01/12/2024

26 Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa;
27 musapa Dhiabhorosi nzvimbo.

'VAEFESO 4:26-27'

*Mangwanani akanaka*

33 Asi tangai kutsvaka vushe hwaMwari nokururama kwake, izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.  'MATEO 6:33' *Mangwanani ...
30/11/2024

33 Asi tangai kutsvaka vushe hwaMwari nokururama kwake, izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.

'MATEO 6:33'

*Mangwanani akanaka*

Address


Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Life and Wisdom posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to Life and Wisdom:

  • Want your business to be the top-listed Media Company?

Share