Life and Wisdom

  • Home
  • Life and Wisdom

Life and Wisdom Our God is able

17/02/2025
05/02/2025

2 Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.

'VAROMA 12:2'

*Mangwanani akanaka* _ngatifambei mukururama vadikani tisafananidzwa nevenyika ino vanoita zvakaipa ndizvo tigowana riponeso_

12/01/2025

Mwari vakanaka nguva dzese

12/01/2025

15 Kudonha kusingaperi pazuva remvura zhinji Nomukadzi anokakavara, zvakafanana.
16 Anoda kumudzivisa, anodzidzisa mhepo; Ruoko rwake rworudyi rwakabata mafuta.
17 Simbi inorodza simbi; Saizvozvo munhu anorodza chiso cheshamwari yake.
19 Chiso sezvachinotarisana nechiso mumvura, Saizvozvo moyo womunhu unotarisana nomunhu.

Ipai Jehovha kudzo yakafanirwa nezita rake; Namatai kuna Jehovha nenguvo tsvene.MAPISAREMA 29:2 *Mangwanani akanaka*
09/12/2024

Ipai Jehovha kudzo yakafanirwa nezita rake; Namatai kuna Jehovha nenguvo tsvene.

MAPISAREMA 29:2

*Mangwanani akanaka*

07/12/2024

*SHOKO RANHASI*

John 14 vs 15 Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.

Ropafadzwai vana vaMwari.... muzuva ranhasi Mwari vakutaura nesu vachiti kana muchindida chengetai murairo yangu ...... tichirarama panyika yevapenyu tinoona kunge kuchengeta murairo yaMWARI azvigoneke asi honai murume ainzi Job 1 vs 1 Kwakanga kuno munhu panyika yeUzi, ainzi Jobho; munhu uyu aka­nga akakwana, akarurama, aitya Mwari achinzvenga zvakaipa..... munhu uyu akangofanana nesu angaari wenyama semanzvengero atoita takuda kutadza kana tatadza tinoti ndaizoita sei ndiri munhu wenyama ko mnhu wesimbi ndeupi .... Hamawe tichirarama panyika ngatisapihwei pressure nevanhu vanotadzira Mwari .... kuzvichengetedza mazuano kunzi uri Jaya kana mhandara zvakumakisa asi Mwari vanotii [1 Vakorinde 7 vs 9].... mazuano wakuona vanoenda kuchurch vachinwa doro nekuraradza Sunday ouya kuchurch mnhu oparidza oimba akadhakwa hake Mwari vanotii [VaEfeso 5 vs 18].... Hupombwe hwazara hatichatye Mwari murume ane mukadzi unoona achinoita hupombwe same nemukadzi ane murume akuita izvozvo kuita vakomana nevasikana vari muma relationship avasikuvimbika mweya weku wasterana time uchinyepera kuda munhu usingamude hko huroi ihwohwo ngaregei kuroya kudarooooo shoko rinotii[Exodus 20 vs 14] chinoita kuti tirarame sevanhu vasina njere kana sevanhu vakafanana nebag rebenzi hatizivi shoko uye takarinzwa hatirirarame taneta nevanhu vanonamata vanovengana vanoshorana vanoroyana vanopomba vane hasha vanoti hatinzwarwo vasina rudo ikoko kusararama zvinodiwa naMwari kusateedzera murairo yaMwari ... tinozvinyepera kana tichiti tinoda Mwari isu tisingachengete murairo wake .... Mwari rudo asi iwe ahuna rudo ne hama yako shamwari vavakidzani ahuna rudo navo unozoda Mwari vausingaone sei iwe uchitadza kuna mnhu kana vanhu vaunoona .... tinoparidza tinoimba tinotambira Mwari tinoenda kuchurch asi murairo waMwari hatisi kuchengetedza ngatiedzi kwazvo kuchengetedza murairo waMwari ndozvoratidza kuti tinoda Mwari kwete kuenda kuchurch chte kana kuimba nziyo dzaMwari kana kuparidza kana kutambira Mwari .... nekuti maSatanist anogona kutoparidzavo anogona kutoimbavo anogona kutoendavo kuchurch asingachengete murairo asi isisu vana vaMwari ngatisiyaniswei neve Rima kana tada Mwari ngatisiyei zvakaipa zvinyangadzo zvivi tide Mwari wedu namabasa Ida wekwako sekuda kwaunozviita Ida Mwari wako nemoyo nepfungwa nebasa nezvese zvako .... chaita nyika dziite hondo kushaya rudo .... chaita vanhu va cheater kushaya rudo ... chaita kuti vnhu varoyane vatukane vashorane vanhu vasatambire ivo vashanda kushaya rudo ... kuti nyika Ireme kugara chaiko kune vanozvifunga vasingafungevo vamwe kushaya rudo .... l encourage you vana vaMwari ngativei nerudo patikurarama ngatichengetedzei murairo waMwari

Prayer

Mwari itai tigone kurarama sezvamunoda... pamazuva mashoma asara itai tikudei tide hama neshamwari nevavengi wedu sezvamunotaura mushoko nezita raJesu Amen

God bless you all

1 Naizvozvo rashai zvakaipa zvose, nokunyengera kwose, namano, mano negodo, nokuchera kwose, 2 savacheche vachangoberekw...
07/12/2024

1 Naizvozvo rashai zvakaipa zvose, nokunyengera kwose, namano, mano negodo, nokuchera kwose,
2 savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa;

'1 PETRO 2:1

26 Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa; 27 musapa Dhiabhorosi nzvimbo.  'VAEFESO 4:26-27' *Mangwa...
01/12/2024

26 Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa;
27 musapa Dhiabhorosi nzvimbo.

'VAEFESO 4:26-27'

*Mangwanani akanaka*

33 Asi tangai kutsvaka vushe hwaMwari nokururama kwake, izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.  'MATEO 6:33' *Mangwanani ...
30/11/2024

33 Asi tangai kutsvaka vushe hwaMwari nokururama kwake, izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.

'MATEO 6:33'

*Mangwanani akanaka*

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.  'MAPISAREMA 136:1' *Mangwanani akanaka
30/11/2024

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

'MAPISAREMA 136:1'

*Mangwanani akanaka

28/11/2024

*Shoko Remanheru*

Ndangoti tiyeuchidzane : Munhu kana aenda kunotandara haavake imba kwaenda kunotandara asi anodzokera kumba kwake kune mhuri yake .
Hautakuri mapoto kuenda kunotandara nekuti hakusi kumba kwako. Pamunenge muchitandara dzimwe nguva munenge muchiseka muchifara zvakanyanya,pamwe pacho muchitukana,kana kunyeya etc asi zuva richingodoka mumwe nemumwe anodzokera kumba kwake hakuna anorambirapo. Nguva dzekutandara ishomashoma pane nguva dzauchagara kumba kwako.
Kubasa kwako, kuchikoro kwako,kwose kwauri zivai kuti tirikutandara kune zuva richadzokera mumwe nemumwe wedu kumba kumusha kuna baba vako.
Paunobva kumba kwenyu uchienda kunotandara ne shamwari une mitemo yawakaudzwa nababa vako ,mitemo iyi ukaityora paunodzokerako hamuwirane . Dzimwe nguva wabva pamba usina kudhakwa paunodzoka unenge wadhakwa , nababa vako hamudzwanane zvachose. Nekuti unenge watyora mutemo wawakaudzwa.
Tiri pano panyika tine zvatakaudzwa nababa zvinodiwa mumusha medu ,tikatadza kuzviteedzera nekunakidzwa nekamutandariro katirikusangana nako ngatizivei kuti one day patinodzokera kumba kwedu you will be answerable pa every action yawakaita urikumatandaro. Remember there is home to go. Kumba kunotoendwa no matter urikunakidzwa zvakadii.
Please don't make your father angry kana wadzokera kumba kumusha.
Heaven and hell are real...

Wana nguva yaunonamata

25/11/2024

Good evening everyone

"Bear with each other and forgive one another if any of you has a grievance against someone. Forgive as the Lord forgave you." - Colossians 3:13 (NIV)

Today, I want to remind everyone of the incredible power of forgiveness.
Let's release the weight of resentment and bitterness from our hearts and embrace the freedom that forgiveness brings.
In a world where grudges and divisions persist, let us choose compassion, understanding, and forgiveness.
Remember, forgiveness doesn't mean forgetting, but rather it's a courageous act of releasing the past to create a better future. As we forgive others, we pave the way for our own healing and growth. Let forgiveness be the guiding light that leads us to a more harmonious and compassionate world.

Stay blessed

Address


Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Life and Wisdom posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to Life and Wisdom:

Shortcuts

  • Address
  • Telephone
  • Alerts
  • Contact The Business
  • Claim ownership or report listing
  • Want your business to be the top-listed Media Company?

Share