11/07/2025
ZVINOITWAWO CHERO NEMURUME 🫵🏻
POTO
“Moto Unodzokera KuPoto Yawo”
💬 Chinangwa:
Kuti murume awane mufaro ne kudya kwepamba – asafarire zvimwe kunze. Poto inobikirwa musimboti wemba, saka inotakura rudo, simba, uye zano remudzimu.
🍲 Zvinoitwa Nepoto paChivanhu:
✅ 1. Kupisa poto pamoto usati wabika sadza
Paunopisa poto, unotaura mashoko ako ane simba:
> “Rudo rwangu ngaruputike pano. Simuka moto wemba. Rudo rwako ngaudzoke pano ndini mukadzi wako anokuda akuna mumwe zvakare,,,wedzera mashoko arimumoyo mako uchtaura.”
➡️ Uri kupisa “pfungwa dzemurume” dzidzoke kwawakarapira (kumba).
✅ 2. Kushandisa Huchi mupoto isati yaiswa mvura
Dira 1 drop rehuchi kana mafuta mumadziro epoto usati wabika sadza.
izvi zvinosimbisa “rudo rinobva mukati” – murume anonzwa kudya kwako kuri kwechokwadi unozora moto uchiraira zvauri kuda ndokurapira kukuru.
✅ 3. Kupuruzira poto wapedza kubika uchitaura mashoko anofunga murume wako
> “Ndakubikira sadza reimba, sadza rerudo. Ndiwe wangu, uye iwe uchadya pano nekusingaperi.”
➡️ Izvi zvinobatsira kufambisa mashoko emweya kusvika pakudya kwaari.
✅ 4. Usanogeza poto yako nemvura yakasviba kana pane tsvina.
Poto inonzi inotakura mweya wemhuri, saka inofanira kugeza nemvura yakachena, ine mashoko ekuremekedza:
> “Ndokuchenesa poto yeimba, kuti ugare uchiunza mufaro, kwete kusuruvara.”
✅ 5. Paunopakura sadza remurume – Shandisa ruoko rwakachena uye pfungwa dzakanaka
Isa sadza rekutanga muromo wakatarisa kudanga kana panosungwa mombe .
Unogona kudira ruoko hushoma hwehuchi pamusoro uye worapira:
> Chidya pano, chigare pano. Rudo rwako ngarurege kubuda nepoto yangu.
> Waziva here kuti poto yaunobikira sadza ndiyo inobata simba rerudo? Nhasi ndiri kukuudza kuti sadza harisi zvekudya chete, asi iboka rerudo. Kana uchishandisa poto zvine njere dzechivanhu, murume haasi kufamba – anobatirira pauri.
✍️
Poto Inobikira Sadza, Asi Inobikirawo Rudo.