Sora nemiti

Sora nemiti Natural herbs

11/07/2025

ZVINOITWAWO CHERO NEMURUME 🫵🏻

POTO

“Moto Unodzokera KuPoto Yawo”

💬 Chinangwa:
Kuti murume awane mufaro ne kudya kwepamba – asafarire zvimwe kunze. Poto inobikirwa musimboti wemba, saka inotakura rudo, simba, uye zano remudzimu.

🍲 Zvinoitwa Nepoto paChivanhu:

✅ 1. Kupisa poto pamoto usati wabika sadza

Paunopisa poto, unotaura mashoko ako ane simba:

> “Rudo rwangu ngaruputike pano. Simuka moto wemba. Rudo rwako ngaudzoke pano ndini mukadzi wako anokuda akuna mumwe zvakare,,,wedzera mashoko arimumoyo mako uchtaura.”

➡️ Uri kupisa “pfungwa dzemurume” dzidzoke kwawakarapira (kumba).

✅ 2. Kushandisa Huchi mupoto isati yaiswa mvura

Dira 1 drop rehuchi kana mafuta mumadziro epoto usati wabika sadza.

izvi zvinosimbisa “rudo rinobva mukati” – murume anonzwa kudya kwako kuri kwechokwadi unozora moto uchiraira zvauri kuda ndokurapira kukuru.

✅ 3. Kupuruzira poto wapedza kubika uchitaura mashoko anofunga murume wako

> “Ndakubikira sadza reimba, sadza rerudo. Ndiwe wangu, uye iwe uchadya pano nekusingaperi.”

➡️ Izvi zvinobatsira kufambisa mashoko emweya kusvika pakudya kwaari.

✅ 4. Usanogeza poto yako nemvura yakasviba kana pane tsvina.

Poto inonzi inotakura mweya wemhuri, saka inofanira kugeza nemvura yakachena, ine mashoko ekuremekedza:

> “Ndokuchenesa poto yeimba, kuti ugare uchiunza mufaro, kwete kusuruvara.”

✅ 5. Paunopakura sadza remurume – Shandisa ruoko rwakachena uye pfungwa dzakanaka

Isa sadza rekutanga muromo wakatarisa kudanga kana panosungwa mombe .

Unogona kudira ruoko hushoma hwehuchi pamusoro uye worapira:

> Chidya pano, chigare pano. Rudo rwako ngarurege kubuda nepoto yangu.

> Waziva here kuti poto yaunobikira sadza ndiyo inobata simba rerudo? Nhasi ndiri kukuudza kuti sadza harisi zvekudya chete, asi iboka rerudo. Kana uchishandisa poto zvine njere dzechivanhu, murume haasi kufamba – anobatirira pauri.

✍️
Poto Inobikira Sadza, Asi Inobikirawo Rudo.

11/07/2025

Churu chemajuru

Torai ivhu rechuru chemajuru chiya chinenge chakamira kuenda mudenga moenda kunoisa nemukaka wembudzi mogeza nazvo kwemazuva matatu chete muchitaura zvamunoda kana musina wembudzi isai wemombe

Zvinobatsira

Mamarriages

Promotion kumabasa

Kubvisa minyama

Kune vanotengesa

11/07/2025
11/07/2025

KUNE ARI KUNGORARWA CHETE PASINA CHINOBUDA UCHINGOSIIWA

Tora chimwana chemuti unonzi mutsereketsi zvakareba izvo kuita brown modzvura kuzviita powder imwe yacho moisa mumafuta ekuzora netsiye yenyu

Zvimwe zvacho moisa mumvura yenyu yekugeza nemidzi yemunhundurwa muchidzinga mhepo dzekusaonekwawo paropa renyu

Muti uyu hausi musekesa pliz uye handina pic racho

11/07/2025

Red king onion

Chekai chekai red king onion moisa mupoto mocheka cheka garlic moisa imomo motora cup imwe yemvura modira

Mosvina muto wemalemon maviri akakura imomo mupoto moboiler mbichana mobura zvichipisa moisa uchi maspoon mana mokurunga monwa zvichidziya zvinobatsira
Pachirwere chedzihwa nekungoomerwa pahuro nevanongoti gruu gruu kunzwa kuvaiwa munzeve nemumhino (Sinus)

😍🫡💓✍️💓💓

Potai muchidya onion mbishi zvinobatsira pazvirwere nenhau dzepabonde apo kuti riite bonderere chairo 🫡

11/07/2025

KUTADZA KUBATA PAMUVIRI MUSHURE MEKUFIRWA NEMWANA ARI MUCHECHE.

DZIDZISO: Kune avo madzimai vakambobereka mwana akafa achiri mucheche.Nhasi uno mbereko yakuramba chikonzero chinogona kukonzeresa .Mwana wenyu paakanovigwa guva rake rinenge rakadzikiswa. Guva remwana mucheche haifaniri kudzika kusvika kana mu waist munenge matoroya mudzimai haabereki hama dzangu kusvika abatsirwa.
Chepiri mukadzi afirwa nemwana mucheche anofanira kusvinira mukaka panappy yemwana wake uye kana afushirwa anofanira kudhonza mbereko pamusoro pekuguva remwana wake. Batsirai hama dzedu dzirikutambura nedambudziko iri

11/07/2025

Vakadzi

Vasina mafeelings

Vasinganakirwe nebonde

Vasingatote panguva yebonde

Torai cucumber mocheka cheka nemakanda acho

Mocheka cheka garlic ,
Mocheka cheka tsangamidzi (ginger)

Huchi

Moisa cup yemvura mupoto boil kusvika zvaita vane mablender moblender kusvika zvatetepa kuita bota

Monwa kwemazuva 6

11/07/2025

Vanodikitira vakara

Sanganisai mvura inodziya netablespoon apple cider vinegar

Monwa musati marara

GOD BLESS U

11/07/2025

*Kusuka muviri wemunhurume?*
Kusuka muviri wemunhurume kuitasei?
Pachivanhu or pachiherbalist kubvisa tsvina kumunhurume zvinoreva kubudisa mabody toxins or tsvina inenge iri mumuviri wemunhurume izvo zvinoita kuti tsinga dzinofambisa ropa dzitadze kufambisa zvakanaka uye kuti dzimwe nhengo dzemuviri dzitadze kuita basa nemazvo.
*Munhurume anozivasei kuti muviri vavakuda kusukwa or body flashing?*
- Kuneta pakuita bonde
- Kushaiwa mafeelings or Kushaiwa zemo rebonde (low libido)
- Nhengo yake inomira zvisina simba or kusatomira zvachose
- Kukurumidza kutunda
- Kutadza kukoira zvinepower panguva yebonde.
- Kuita bonde shoma (kuita marounds mashoma pabonde)
- Kuita weti inobuda furo shoma or isina furo (furo rinokonzerwa nemabody toxins anenge ari muweti zvichireva kuti furo kana riri shoma zvinoreva kuti mabody toxins haasikubuda ese mumuviri).
- Kana murume achiita weti isina pressure uye isingadariki or haisviki pa1m uye haikwanisi kuchera kakomba pasi.
- Kurwadziwa nemusana mushure mekupedza kuita bonde.
- Kufemeruka zvakanyanyisa panguva yekuita bonde.
- Kukurumidza kuvata vapedza kuita bonde.
*Chii chinoita kuti muviri wemunhurume uite mabody toxins or uite tsvina?*
- Chikafu chatinodya especially kunyanya kudya nyama mazuva ose zvinoita kuti makidneys edu aremerwe nekubvisa tsvina (amonia) mumuviri mushure mekugaiwa ( digestion yemaproteins) kwenyama yatinodya yakawandisa.
- kusanwa mvura yakawanda.
- panosangana murume nemukadzi kana mukadzi ari kuperiod (either achangotanga or achangopedza). Vamwe vakadzi mazuva avo ekuenda kuperiod anongochinja chinja kana kuti anonoka kupera or vanoita vachimbobudisa ropa zvishoma nezvishoma ( kunonzi kuspoter ). Saka murume anogona kuti aripakati pekuita bonde mukadzi obva aenda kuperiod or murume anoita bonde nemukadzi zuva raapedza kuenda kuperiod.
- Kuita bonde nemukadzi achangobva kuzvara or asati apedza 6 to 8 weeks azvara or asati anyatsopedza kubudisa mvura dzese dzemuchibereko or chibereko chisati chachena

30/11/2024
*Kana uchinetswa nemudumbu*  Tora vinegar woyisa mumvura womwa munopora nekukurumidza, half cup water, 2 teaspoon of vin...
30/11/2024

*Kana uchinetswa nemudumbu*

Tora vinegar woyisa mumvura womwa munopora nekukurumidza, half cup water, 2 teaspoon of vinegar.

Address

Beitbridge

Telephone

+263715292964

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Sora nemiti posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share