24/05/2025
https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC
HIDDEN PASSION
Ss1
π₯¦π·π₯¦π·π₯¦π·π₯¦π·π₯¦π·π₯¦π·π₯¦π·π₯¦π·π₯¦π·π₯¦π·π₯¦π·π₯¦π·
STORY WRITTEN BY
MAI TAMIA
0716600241
0786677765
Ssn1 free please share π
CHAPTER O5
ALIAH
ndakaramba ndakagara hangu ndichiteerera zvavaida kutaura tete vacho but vakatora nguva vachitsenga tsenga mukanwa pave paye vakazotura befu ndokunditi endai mundichereroo mvura yekunwa. Ndakasimuka pandaive ndokupinda mukitchen umo ndakasvika Mai kupa vachitsvaira tsvaira.
"Tell me tete makuona sei kumba kwacho, haa ndirini nyangwe zvikanzi kunoripiswa ngozi ndoenda ndichimhanya uku ndokunonzi kupinda musugar kwamave kuita manje,aa akauraya munhu iyeye akagona mufunge", vakadaro ndikatadza kana kuzvibatanidza ndakabva ndatoona kuti dzinenge dzakatamba nepwere zvechokwadi, ndakachera mvura yandaida ndokubuda hangu without saying a word ndakasvika tete vatosimuka kuda kutevera kwandaive ndaenda.
"Ndanga ndotoshaya kuti uchiri kuitei?" Vakadaro ndichibva ndati "ndanga ndichisuka cup yacho" I lied kuti zvipere vachibva vazoti.
"6years ago baba vako vachiri vapenyu vakarwa nemumwe murume ainzi Cephas Muza vakamukurira vachibva vamuuraya ndokutiza, Cephas uye akazonhongwa muroad inobva kumashops akafa and by that time hakuna akaziva kuti akafa nei semunhu aidhakwa vamwe vakati idoro vamwe vakati moyo vamwe vakati aive nesugar, isusu hatina zvataiziva panguva yacho takatoenda kurufu munhu akaradzikwa zvakanaka, but last year pakafa baba vako, takafamba kumaporofita uko takasvikoudzwa kuti vakauraya munhu uye munhu wacho adzoka kuzoparadza dzinza rese", vakabva vatura befu ini ndikanzwa kutya nazvo.
"So you mean everyone is going to die?", I asked ndokubva vati "Yes, but there is a solution ngozi yacho yakahukwa ikataura kuti inoda mhandara inonoroorwa mumhuri iyoyo obereka mwana mukomana ikoko kana achinge asisade obva hake", pavakadaro ndakabva ndaziva kwaienda nyaya yavo ndikanzwa kurwadziwa.
"So kubva pamakaudzwa until now hamusati mawana mwana wekuendesa ikoko here?", ndakabvunza vachibva vati "pane tsamba yakasiya yanyorwa nababa vako takatoiwana last week rega ndinotora" vakadaro vachibva vasimuka kupinda mumba yasekuru ndokudzoka netsamba iyo vakasvikondipa.
"I'm very sorry kuti wauya mumusha uchitarisira something better but zvinhu hazvisi kufamba sekuda kwedu", vakadaro ndichibva ndatambanudza tsamba iye maoko angu achibvunda.
DEAR FAMILY
IM SORRY KUTI MUCHASARA MOZIVA WHAT I DID NDISISIPO PANYIKA, I KILLED CEPHAS , SO NDODA MUSARE MONORIPA NEMWANA WANGU MUSIKANA ONE, NDINE VANASIKANA VATATU VARIPANO VAVIRI NEMUMWE WACHO ASIPO ALIAH ASI NDINOVIMBA ACHAUYA HAKE MUMUSHA SOON, MUSANORIPA SEKUDARO VANA VANGU VESE HAVAFE VAKAWANA RUGARE NO MARRIAGE NO JOBS NO HEALTH VACHARARAMA VARI MOMBE DZEMASHANGA SO KUNE ANE MOYO NDODA AGAMUCHIRE KUENDA KWAMUZA.
Ndakapedza kuverenga tsamba iye ndave kuchema,ko vakadii kusiya vapedza nyaya dzavo vachiri vapenyu nhai?
"It's okay tete vanoenda masisters angu", ndakadaro ndichipukuta misodzi tete vachibva vati "mukuru ane mwana haana murume umwe wacho ndiye arikungotevedza mabar so hapasisina mhandara kunze kwako, you are our saviour hupenyu hwedu hwatove mumaoko ako now kutisunungura kubva kumhuri yekwaMuza",vakadaro vachibva vatanga kuhwihwidza kuchema.
"I'm sorry muzukuru handaida kuti tionqne zvakarema kudai asi chekuita hapana mhosva yakatoparwa kare, kungotenda hedu kuti kumhuri yacho kwauri kuenda kune rugare chairwo", vakadaro ndichibva ndatanga kuchemawo ndanga ndisati ndatombofunga chinhu chinonzi murume zvachose, now ndasvika mukati mehondo yakakura kudaiso iyi, ndakqmbofunga kusimuka ndobva hangu pamusha pacho but ndakafunga zvaive mutsamba no marriage ,no job no happiness so nyangwe ndikatiza ndosvikepi ndichitiza mumvuri wangu hapana chave kutodiwa now kushinga ndotongoita zvirikudiwa ko ndingaite sei nhai nherera haina choice panyika.
"I will go", ndakadaro misodzi dzave nzizi pamatama.
Tete vakaita kujamba nemufaro ndokundisimudza zvese zvekuti vaichema vakatombokanganwa kufara kunge vaifarira zvitsvene.
Dennis
Ndakanzwa kufara chose nekuona Memo but ndakafara as friend zvekuti takambotamba ndaive ndisisinei nazvo hangu, asi iye ndakaona aitove nedzimwe pfungwa, we exchanged our digits vachibva vazooneka zvavo kuenda ndokusara tiri tega.
Manheru ndarara ndakabva ndarota that girl again but this time anga asiri kuchema aifamba akananga mugomba chaimo ave kutoda kuwira ndakabva ndamubata ruoko achisvikowira pandiri ndakabva ndapepuka zvakadaro, "who is she nhai?", ndazvibvunza zvekare but mhinduro haina kuuya ndakabva ndatosimuka ndakananga kumba kwapastor kunozvibvunzira, unfortunately ndakasvika vasipo ndichibva ndambotenderera hangu ndokuzodzoka kumba dzatove 9, ndakasvika mudhara vachifamba up and down the yard ndikashaya kuti kwauyei coz izvi vaizviita kana vakatsamwa mostly.
"Whats wrong?", I asked him vachibva vati "I will kill someone today,"
"Daddy!",
"Let's go ndanga ndakatomirira iwewe",vakataura nezwi rairatidza kuti vaive vakadumbirwa nehasha dzisingaite.
"Let me drive", ndakadaro mushure mekuona kuti vaisave stable zvachose ini hangu zvekufa handisati ndave kutomboda,Havana kana kundidaira vakaramba vachimhanyisa Mota yavo nguva diki taive tabuda muguta reharare tatora Mazoe road ndichibva ndangofembera kuti kwaive kumusha chete kwataienda.
"Daddy you you need to calm down", ndakadaro vachibva vati "calm down my foot, just stay queit kana usina zvekutaura.
Ndakabva ndatopeta muswe ndaona kuti shasha yaive yakatsamwa takasvika kumusha munguva diki diki ini ndaive ndongotenda mwari kuti tasvika tiri vapenyu.
Patakatora road inoenda divi rekwedu ndakaona musikana wandakafananidza neuya wandorota akatsiga mvura but ndakakasira kuisa pfungwa yacho divi ndakangoti kufanana kwevanhu.
Takasvika pamba ndikaona gogo natete vachibuda mumba and vese vakaratidza kushamisika nekutiona.
"Asi manga magara muri munzira kani patafona ", vakadaro Mbuya ndichibva ndangoseka seka nhando
'Where are they?", vakadaro baba vangu vachifambisa kuenda mumba.
"Ngatigarei Pasi titaure mwanangu hasha hadzina zvadzinovaka idzi",
Ini ndaitove murima hangu ndakabva ndabata tete ruoko kuti vasarire kumashure.
"What is it nhai tete?", ndakabvunza vachibva vati "pane vanhu vauya panhu vachiti hama yavo ndiyo yakauraya Cephas so munguva yese iyi taingoti akafa neliver cancer iye yaimutambudza huzivei kuti pane vakapedzisa", vakadaro tete ndichibva ndati "umm tete nyaya iyi kaa handifunge kana chiri chokwadi ini coz pakaitwa matests about uncle's cause of death ndaivepo ini vaive neliver cancer plus sugar, nedoro remumusha ravainwa riye hutano panga pasisina ,uyo arikunzi akauraya uyo pamwe anagosaidzira munhu anga akwanirwa nenguva", ndakataura chokwadi changu tete vachibva vati "ko madhokotera munoshaya chirwere here imi chero archway nezvinhu moti istrock asi izvi zviri pachena nekuti vati ngozi yacho iri kutotaura kumwana arikumba kwevanhu vacho"
Umm ndakangodzuma tichibva tazofamba kupinda mumba ndikawana baba vangu vakarumanisa mazino avo.
End of chapter 05
WhatsApp Group Invite