L Munjeri novels

25/05/2025

Happy Africa day

https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFCHIDDEN  PASSION Ssn1πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·STORY WRITTEN  BYMAI TAMIA071660...
24/05/2025

https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC

HIDDEN PASSION

Ssn1

πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·

STORY WRITTEN BY

MAI TAMIA

0716600241
0786677765

(Ssn1 free please share πŸ‡)

CHAPTER 06

Dennis

I couldn't believe zvese zvandaive ndanzwa apa nekuti ndaivepo pakaitwa postmortem yabamunini vangu, so how come kuti vanhu vanongouya vachiti hama yedu ndiyo yakauraya munhu, ndakamboedza chose nepandinogona kuonesa baba vangu but havana kana kuda kuteerera gogo ndivo vakamboitq kakundinzwisisa asi tete namudhara vaitobatsirana kupopota mudhara wangu aitoda zvekuuraya munhu chaizvo but vakazodzikama zvishoma nekunzwa kuti akapara mhosva yacho aive akafa kare so wekupa mhosva now paive pasina, changa chatovepo kuti tigamuchire muripo wacho waitaurwa.

"Vati vanoripa neMwanasikana mhandara achauya kuzobereka mumhuri medu odzokera", vakadaro Gogo Dad vangu vachibva vati "i want her ,not kumuda as wife but she will pay for her father's deeds. Uyo ndichamuonesa chitsvuku zvekuti paachabva pamba pangu achanoparidza kuti kuripa ngozi kwakaoma.

"Noo no Martin my son ini ndafunga kuti Dennis aroore hake musikana wacho nekuti mwana mudukusa uye she is humble and innocent so tikamupa Denny Haanyanye kusurukirwa iwe wachembera", vakadaro Gogo ndichibva ndaseka hangu "Gogo nyangwe zvikanzi zvaita sei I will never marry someone against her will ,especially izvi zvekuripisana ngozi izvi it's clear kuti mwana anenge atombunyikidzwa kuripa dzaasingazive zvachose inini count me out munyaya iyi handimo hangu", ndakadaro ndichibva ndatosimuka kubuda ndichienda kumatanga kumbonoona hangu zvipfuyo zvedu.

Kwaive kusina ariko hako ndikaziva vakomana vaive vaenda mudzimba dzavo. Ndaiedza chose kubvisa nyaya yekufa kwabamunini Cephas but yairamba kubuda mupfungwa the more I tried to ignore it is the more yandaifunga nezvazvo. I think family iyi ine misunderstanding yairi kuita chete coz kwandiri it's clear kuti bamunini Havana kana akavauraya zvachose, ndakabva ndafunga kutoenda kumhuri kwacho so that I can talk to them.

Ndakadzoka mumba ndokumbogara kanguva ndokuzoti "So mati vanhu vacho ndevekwani?"ndakaudzwa ndichibva ndati oky, ndakagara kanguva ndokuzoti "ndave kunoona Jeremia mukomana wandaitamba kubva ndiri mudiki pataiuya kumusha ndakadaro ndichibva ndatobuda ndikasiya vakuru vachironga nyaya dzavo.

Sezvineiwo ndakabva ndaita mahwekwe naye Jeremia aiita kumhanya "Hey where too",

"Ko wakauya riinhi nhai ndikumhanyira kababie Kadarika apa manje manje wena haa ikako ndakada hangu"

"Kkkkkkk imbomira mhani unozokaona"

"Noo kanyowani areas ndikutyira kuti kanogona kuenda kwakabva anytime", akadaro takabva tatanga kufamba hedu kuenda nekwaaive ataura kuye but ndakakasira kufunga kuti ndine kwandaida kuenda and ndaisada kuti anamudhara vazive kuti ndasvikako, so ndakabva ndamuti "iwewe chimhanya inini ndoda kusvika pamashops ndokufonera ndakudzoka ndonzwa kuti unenge uripapi apa, haana kuita nharo ini ndakatononoka ndataura coz mukomana akabva aita kumhanya zvekuti nguva diki ndanga ndisisamuone, kkkk ndofunga kakanaka kababe Kacho ikako kkkk.
Ndakasvika pamba pandaida ndichibva ndatoona pane vanhu vakawanda wanda panze.

Ndakavamhoresa ndichibva ndataura kwandaive ndabva vese vakaratidza kuvhunduka and ndakanyatsoona kuti hapana aindiziva ipapo.

"Tokubatsirai nei?", vakadaro vamwe baba ndichibva ndati "ndauya kuzonzwisisa nyaya yengozi yamataura iyi kuti yakafamba sei chaizvo coz as far as I know Cephas akafa nekuda kwehurwere", ndakabva ndatotaura ndichipedza but ndakaona vachitarisana tarisana zviye zvekuti iwewe daira iwewe daira vakazodaira vamwe Mai so vakati "Even isusu ndizvo zvatakanzwawo pakutanga mwanangu asi kaa ngozi yakataura yega izvezvi musikana wacho arikutauriswa nengozi aenda kumombe nevamwe, arikuda kuripwa mukomana", vakadaro vakatarira divi ndakanyatsoona kuti she was avoiding eye contact with me ndichibva ndaziva kuti something is fishy.

"Muri serious here nezvamuri kutaura or murikufungira inini hangu ndoti imboongororai musati maendesa mwana asina mhosva mahara, itai research muone kuti Cephas akafa nei?"

"Aiwa mwanangu isu takatozvitsvaga tikazviwana and takatozoona tsamba yaakasiya mufi wacho achitaura same thing so hatina choice asi kutongoripa zvipere", vakadaro vamwe baba ndichibva ndatoona kuti vanhu ava vaive vakatooma musoro ndakazongoti ok ndokusiyana nazvo.
Ndichibva ndaoneka ndokunzwa tete vacho vachiti "Aah musikana wacho abuda tamutuma dai wamuona pamwe waitomufarira zvobva zvangoreruka", handina kuvadaira ipapo ndakabva ndafamba kubva, sure vanhu vanonakidzwa nekurasa vana zvakadaro.

Ndakadzoka kumba ndichibva ndabvunza mudhara kuti tiri kudzokera rinhi vachibva vati tave kutosimuka tichazodzoka kuzoita chivanhu chacho weekend. Takaoneka nanaGogo tichibva tapinda munzira tave kudzokera takaona Jeremia achitaura nemumwe musikana but vairatidza kuti havasi kuwirirana zvachose sezvo ndirini ndai driver ndakangoridza Huta ndokurova Pasi.

Mudhara wangu vanga vati dzikamei zvishoma unlike patauya. So ndakati "but dad I think nyaya iyi Yoda kuitwa investigation yakakwana until we find the truth ava vanhu vari up to something ava bamunini Havana kuurayiwa", ndakadaro Dad vachibva vati "kuuraya munhu hakusi kudzipa or kubaya nebanga noo, inogona kurova mbama munhu anga agara akufa unotove responsible for his death , so ivava kutotaura kwavaita varikuziva zvese zvakaitika and am telling you kamwana kavo ndiko Kacharipa matadzo ese you know me well kuti handiregerere vanhu vakadaro mahara.

"Oky"

Ndakatoona kuti kutaura zvangu but hapana kana chavari kuzoteerera kubva kwandiri zvachose.ndakaisa radio on ndokufamba tichinzwa hedu radio takasvika ave manheru ndokutenga chikafu mutown kwave kudarikira kumba kunorara hedu. Asi ini handina kana kurara nyaya yataive tafambira kumusha yairamba ichitambudza my inner part yaindiudza kuti I must do something but ndingaitei kana vanhu vane situation yacho varamba kubatsirika.

Coz ndanga ndichiri student Dr by that time asi zvese zvakaitwa ndaiziva ,yaa ndakabva ndafunga kuti ndaive ndakatochengeta medical report yacho, ndakanhonga macar keys angu nekutonanga kuoffice ndakatozotarisa nguva mushure mekubvunzwa naguard wepahosptal kuti kwakanaka here? It was 3am.

Ndakangoti yes ndaita emergency kumba so ndine zvandiri kuda kutora kunorapa patient yacho.
Ndakapinda mukati ndokutsvaga mapapers andaida ndokubva ndabuda kudzoka kumba, "urikubva kupi this hour ?", vakabvunza dad ndichibva ndatovhunduka ko ivo vanga vamuka this early why?

"Ndiri kubva kuOffice ndine mapapersandanga ndichida ",

"Zvekutadza kumirira kuchene here nhaiDennis?",he asked ndikati "kuchichena ndinenge ndine a lot of work
So iwowu ndiwo mukana wacho wandatowana.

Ok

"Ko imi mamukirei this time", ndakabvunza vachibva vati " kurota Cephas for the first time kubva zvaafa he didn't say anything but he was looking unhappy ndofunga ave kuda kuripwa it's true",

End of chapter

WhatsApp Group Invite

https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFCHIDDEN  PASSION Ss1πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·STORY  WRITTEN BY MAI TAMIA07...
24/05/2025

https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC

HIDDEN PASSION

Ss1

πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·

STORY WRITTEN BY

MAI TAMIA

0716600241
0786677765

Ssn1 free please share πŸ‡

CHAPTER O5

ALIAH

ndakaramba ndakagara hangu ndichiteerera zvavaida kutaura tete vacho but vakatora nguva vachitsenga tsenga mukanwa pave paye vakazotura befu ndokunditi endai mundichereroo mvura yekunwa. Ndakasimuka pandaive ndokupinda mukitchen umo ndakasvika Mai kupa vachitsvaira tsvaira.
"Tell me tete makuona sei kumba kwacho, haa ndirini nyangwe zvikanzi kunoripiswa ngozi ndoenda ndichimhanya uku ndokunonzi kupinda musugar kwamave kuita manje,aa akauraya munhu iyeye akagona mufunge", vakadaro ndikatadza kana kuzvibatanidza ndakabva ndatoona kuti dzinenge dzakatamba nepwere zvechokwadi, ndakachera mvura yandaida ndokubuda hangu without saying a word ndakasvika tete vatosimuka kuda kutevera kwandaive ndaenda.

"Ndanga ndotoshaya kuti uchiri kuitei?" Vakadaro ndichibva ndati "ndanga ndichisuka cup yacho" I lied kuti zvipere vachibva vazoti.

"6years ago baba vako vachiri vapenyu vakarwa nemumwe murume ainzi Cephas Muza vakamukurira vachibva vamuuraya ndokutiza, Cephas uye akazonhongwa muroad inobva kumashops akafa and by that time hakuna akaziva kuti akafa nei semunhu aidhakwa vamwe vakati idoro vamwe vakati moyo vamwe vakati aive nesugar, isusu hatina zvataiziva panguva yacho takatoenda kurufu munhu akaradzikwa zvakanaka, but last year pakafa baba vako, takafamba kumaporofita uko takasvikoudzwa kuti vakauraya munhu uye munhu wacho adzoka kuzoparadza dzinza rese", vakabva vatura befu ini ndikanzwa kutya nazvo.

"So you mean everyone is going to die?", I asked ndokubva vati "Yes, but there is a solution ngozi yacho yakahukwa ikataura kuti inoda mhandara inonoroorwa mumhuri iyoyo obereka mwana mukomana ikoko kana achinge asisade obva hake", pavakadaro ndakabva ndaziva kwaienda nyaya yavo ndikanzwa kurwadziwa.

"So kubva pamakaudzwa until now hamusati mawana mwana wekuendesa ikoko here?", ndakabvunza vachibva vati "pane tsamba yakasiya yanyorwa nababa vako takatoiwana last week rega ndinotora" vakadaro vachibva vasimuka kupinda mumba yasekuru ndokudzoka netsamba iyo vakasvikondipa.

"I'm very sorry kuti wauya mumusha uchitarisira something better but zvinhu hazvisi kufamba sekuda kwedu", vakadaro ndichibva ndatambanudza tsamba iye maoko angu achibvunda.

DEAR FAMILY

IM SORRY KUTI MUCHASARA MOZIVA WHAT I DID NDISISIPO PANYIKA, I KILLED CEPHAS , SO NDODA MUSARE MONORIPA NEMWANA WANGU MUSIKANA ONE, NDINE VANASIKANA VATATU VARIPANO VAVIRI NEMUMWE WACHO ASIPO ALIAH ASI NDINOVIMBA ACHAUYA HAKE MUMUSHA SOON, MUSANORIPA SEKUDARO VANA VANGU VESE HAVAFE VAKAWANA RUGARE NO MARRIAGE NO JOBS NO HEALTH VACHARARAMA VARI MOMBE DZEMASHANGA SO KUNE ANE MOYO NDODA AGAMUCHIRE KUENDA KWAMUZA.

Ndakapedza kuverenga tsamba iye ndave kuchema,ko vakadii kusiya vapedza nyaya dzavo vachiri vapenyu nhai?
"It's okay tete vanoenda masisters angu", ndakadaro ndichipukuta misodzi tete vachibva vati "mukuru ane mwana haana murume umwe wacho ndiye arikungotevedza mabar so hapasisina mhandara kunze kwako, you are our saviour hupenyu hwedu hwatove mumaoko ako now kutisunungura kubva kumhuri yekwaMuza",vakadaro vachibva vatanga kuhwihwidza kuchema.

"I'm sorry muzukuru handaida kuti tionqne zvakarema kudai asi chekuita hapana mhosva yakatoparwa kare, kungotenda hedu kuti kumhuri yacho kwauri kuenda kune rugare chairwo", vakadaro ndichibva ndatanga kuchemawo ndanga ndisati ndatombofunga chinhu chinonzi murume zvachose, now ndasvika mukati mehondo yakakura kudaiso iyi, ndakqmbofunga kusimuka ndobva hangu pamusha pacho but ndakafunga zvaive mutsamba no marriage ,no job no happiness so nyangwe ndikatiza ndosvikepi ndichitiza mumvuri wangu hapana chave kutodiwa now kushinga ndotongoita zvirikudiwa ko ndingaite sei nhai nherera haina choice panyika.

"I will go", ndakadaro misodzi dzave nzizi pamatama.

Tete vakaita kujamba nemufaro ndokundisimudza zvese zvekuti vaichema vakatombokanganwa kufara kunge vaifarira zvitsvene.

Dennis

Ndakanzwa kufara chose nekuona Memo but ndakafara as friend zvekuti takambotamba ndaive ndisisinei nazvo hangu, asi iye ndakaona aitove nedzimwe pfungwa, we exchanged our digits vachibva vazooneka zvavo kuenda ndokusara tiri tega.

Manheru ndarara ndakabva ndarota that girl again but this time anga asiri kuchema aifamba akananga mugomba chaimo ave kutoda kuwira ndakabva ndamubata ruoko achisvikowira pandiri ndakabva ndapepuka zvakadaro, "who is she nhai?", ndazvibvunza zvekare but mhinduro haina kuuya ndakabva ndatosimuka ndakananga kumba kwapastor kunozvibvunzira, unfortunately ndakasvika vasipo ndichibva ndambotenderera hangu ndokuzodzoka kumba dzatove 9, ndakasvika mudhara vachifamba up and down the yard ndikashaya kuti kwauyei coz izvi vaizviita kana vakatsamwa mostly.

"Whats wrong?", I asked him vachibva vati "I will kill someone today,"

"Daddy!",

"Let's go ndanga ndakatomirira iwewe",vakataura nezwi rairatidza kuti vaive vakadumbirwa nehasha dzisingaite.

"Let me drive", ndakadaro mushure mekuona kuti vaisave stable zvachose ini hangu zvekufa handisati ndave kutomboda,Havana kana kundidaira vakaramba vachimhanyisa Mota yavo nguva diki taive tabuda muguta reharare tatora Mazoe road ndichibva ndangofembera kuti kwaive kumusha chete kwataienda.
"Daddy you you need to calm down", ndakadaro vachibva vati "calm down my foot, just stay queit kana usina zvekutaura.

Ndakabva ndatopeta muswe ndaona kuti shasha yaive yakatsamwa takasvika kumusha munguva diki diki ini ndaive ndongotenda mwari kuti tasvika tiri vapenyu.
Patakatora road inoenda divi rekwedu ndakaona musikana wandakafananidza neuya wandorota akatsiga mvura but ndakakasira kuisa pfungwa yacho divi ndakangoti kufanana kwevanhu.
Takasvika pamba ndikaona gogo natete vachibuda mumba and vese vakaratidza kushamisika nekutiona.

"Asi manga magara muri munzira kani patafona ", vakadaro Mbuya ndichibva ndangoseka seka nhando

'Where are they?", vakadaro baba vangu vachifambisa kuenda mumba.
"Ngatigarei Pasi titaure mwanangu hasha hadzina zvadzinovaka idzi",

Ini ndaitove murima hangu ndakabva ndabata tete ruoko kuti vasarire kumashure.

"What is it nhai tete?", ndakabvunza vachibva vati "pane vanhu vauya panhu vachiti hama yavo ndiyo yakauraya Cephas so munguva yese iyi taingoti akafa neliver cancer iye yaimutambudza huzivei kuti pane vakapedzisa", vakadaro tete ndichibva ndati "umm tete nyaya iyi kaa handifunge kana chiri chokwadi ini coz pakaitwa matests about uncle's cause of death ndaivepo ini vaive neliver cancer plus sugar, nedoro remumusha ravainwa riye hutano panga pasisina ,uyo arikunzi akauraya uyo pamwe anagosaidzira munhu anga akwanirwa nenguva", ndakataura chokwadi changu tete vachibva vati "ko madhokotera munoshaya chirwere here imi chero archway nezvinhu moti istrock asi izvi zviri pachena nekuti vati ngozi yacho iri kutotaura kumwana arikumba kwevanhu vacho"

Umm ndakangodzuma tichibva tazofamba kupinda mumba ndikawana baba vangu vakarumanisa mazino avo.

End of chapter 05

WhatsApp Group Invite

https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC *HIDDEN  PASSION* Ssn1 πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·STORY WRITTEN BYMAI TAMI...
24/05/2025

https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC

*HIDDEN PASSION*

Ssn1

πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·

STORY WRITTEN BY

MAI TAMIA

+263716600241
+263786677765

Ssn1 free please ❀️

share

CHAPTER 04

Dennis

Ndakadzoka kuhosptal ndatove nestress yakapfuurikidza zvisingaite munhu wandaigarorota ndaive ndamuona but anditsvedza ndisina kana kutaura naye chaiko chandaive ndabata raive zita rake kuti Aliah chete, so kana nyangwe ndikada kumutsvaga chaiko hapana matsvagiro nekuti vana Aliah vacho vakatowanda panyika. Ndakagara pahospital ndiine chivimbo chekuti ndichaona adzoka or mainini vake vachidzoka but hapana akadzokazve kwakasvika pakudoka pasina adzoka ndipo pandakagutsikana kuti aive atoenda zvechokwadi ndakavarairwa.
Ndakanzwa moyo wangu kurwadza muviri wese kuita kupera simba kuti rukutu zvekuti kana kudriver Mota yacho ndakatadza ini, ndakabva ndasiya ndaikiya ndokutsvaga taxi, kana pandakasvika kumba mudhara vakatoshama kuona ndisina Mota.

"Ko zvaita sei nhai?", he asked ndikati Mota yaita breakdown so yaenda namechanic", ndakanyepa kuti zvindibve ivo vachibva vati "Aah no problem waifanira kunge wandifonera ndauya kuzokutora remember uri mwana waMinister haufanire kukwira public transport it's not safe for you", ndakangobvumira kuti zvipere hangu ko kuve mwana waMinster nekuve mwana wateacher or wemufudzi wemombe what's the difference tiri vanhu vamwechete so handione pane kana dambudziko rekukwira kwandaive ndaita Mota.

"Wear something nice today tine mavistors pano", vakadaro baba vangu vakamira pamusuwo weroom yangu ndakabva ndaziva kuti vaive vanditevera.

"Ok"

Vakabva vafamba vachibuda ndikasara ndichipfeka golf t-shirt neshort hangu pamwe nemapush sezvandongoita always. Special vistors for who? And choshamisa pakunzi tine vaenzi chacho chii nhai zvekubva tapfekedzwa masuits pamba nxcaa mhani.

Ndapedza ndakaenda kukitchen ndikasvika Aunt Nancy vabika havo ndakangotora zvishoma ndokudya kwave kuenda kusiting room kwaive namudhara.

"Denny please wear something better", vakadaro ndichibva ndati "nditori boe sezvandiri izvozvi " Havana zvavakazotaura coz vaitoziva kuti ndine nharo dzinenge dzavoo futi"

Takagara kudaro ndakanzwa kusvika kwemota dad vachibva vabuda panze ndikasara ndakagara hangu, pasina nguva ndakaona door rovhurwa ndokubva ndasimudza musoro kutarisa kudoor ndakarohwa nehana kuona Memory nababa vake vachipinda padoor baba vake vaive best friend yadad ini ndaive ndakakura pamwe namemory tikatombofambidzana tichiri kuhighschool takazopararana oenda nadad naMom vake kuAmerica uku ndiko kutodzoka uku.Ini ndaive ndatokanganwa nezvake now.

"Memo!" Ndakadaro achibva ati "Denny!"

Ndakamhanya paaive ndokumbundirana naye zvenguva anaDad ndivo vakazotivhundutsa voseka madrama edu.
"What a surprise ", ndakadaro Dad vachibva vati "pandakauudza hauna kuzvitora serious .

"No ndazvitora serious Dad",
Ndakadaro vachibva vaseka havo takazobvunzana mufaro and everyone was okay nyaya yakangosuwisa chete yaive yekufa kwamai Memo and ndiyo reason yavaive vatodzokera kuZim iyoyo.

Otherwise munhu wese aive boe hake.

*Aliah*

Warm welcome ndinoiziva hangu kana neni ndakatodemba chandaive ndakatadzira kuziva hama dzangu karesa. "Murikudiwa namai Kupakwashe", vakadaro vamwe mainini ndichibva ndati "ndevapi Mai kupa vacho", she laughed ndokuti "vamauya navo zvee hamuna kutoudzana mazita aremerwa muroora wangu kkkkk",vakaseka zvekudairairana imba yese ndikanzwa kuvanyarira .

"Hauyo here uyo anoitwa kunzwa kuda kuputika naro guhwa, izvezvi amudaidzirei zvaariye atange kutumbura nyaya iye so zvikaenda nepamwe" vakadaro vainzi ndisekuru Tete vakuru vakuru vachibva vati "Gara pasi Aliah ,iwe muudze auye muno ataure zvaarikuda anomudii muenzi panze ipapo.

Ndakangoita sekudaro nekuti ndaive muenziwo so ukasvika pamba pevanhu ukanzi mira unotomira ,ukanzi Gara unototi ugare Pasi.

And vacho vaindida Havana kuzombouya kuzotaura zvavaida ndikatoona kuti anenge makuhwa zvechokwadi avaida kutaura,ndakarara mukitchen imomo pamwe nanatete.

Husiku ndarara ndipo pandakarota Mai vangu vachichema, she was trying to tell me something but vakatadza zvachose zvekuti ndasvika pakupepuka vasina zvavataura. Ndakanzwa kubhoikana coz ndaive ndamutswa natete.

"Dzatove past 4 idzi, ngatimukei Aliah tiite Basa unofanira kujaira Basa racho kuitira kwaucharoorwa", vakadaro ndikatadza kuvapindura, ini ndichiri kutofunga zvekuchikoro ivo ndipo pavava kutofunga zvekuroorwa, handina hangu kuramba ndakamuka ndokubatsirana navo kutsvaira ruvanze kunze kwakazonyatsochena tatopedza zvese pamwe nekuisa mvura pachoto yekuti vanhu vageze kumeso.

"Unoshanda wena zvandanga ndisingafungire zvachose vasikana vazhinji vakakurira kutaundi hapana zvinobatika asi iwewe Aiwa wandidadisa, zvekuti vekwaMuza vachafara zvekuti", vakadaro ndichibva ndati "ndevapi", she laughed ndokuti "kwaSahwira wangu mhiriyo vakadaro vachitsenga tsenga mukanzwa ndikaziva kuti ndaive ndanyeperwa ipapo.

Handina hangu zvandakazotaura ini, tapedza kudya ndakanogeza ndamirirwa natete vakuru Vaisada kusiyana neni zvachose mheno ndirwo rudo here or after that takazofamba ndichiraridzwa dzimba dzehama pamwe nekuminda, vakabva vazondinongedzera kumhiri kwaive neimba iri muzasi megomo chaimo taive Kure asi zvaioneka kuti paive paita zvemba huru chaiyo isingakodzere kuva kumusha. "Ndiko ndoda uroorwe muzukuru wangu zvikangodaro chete tagarika ufunge hako", vakadaro ndichibva ndati "Aah rugare rwunouya nekudaro here tete kana mwari akati tichagarika zvinongozviita zvega",

"No hakusi kudaro but pane zvakaitwa nababa vako before he died, yes zvinhu zvakaipa but it was a blessing in disguise nyangwe kwauri it's a blessing, unoti such rich people vangatadze kukuendesa kuchikoro here", vakadaro ndichibva ndaramba ndakanyarara.

I will tell you everything kana tasvika kumba Aliah and I hope you will understand it very well",vakadaro ndichibva ndati okay but pfungwa dzangu dzanga dzatove Kure kuresa chaiko, vanhu ava vari greedy zvekudaro nhai, vakutoona vagarika nekuda kwekuti ndaroorwa ikoko, ko vaziva kunani anondida nhai? Ko even nyangwe akaveko vaziva sei kuti vanopa vanhu zvinhu zvekudaro.

Takasvika pamba ndakutonzwa kubhoikana hangu nekuti zvinhu zvekudaro handidi hangu
"I know it's hard for you to believe but please here me out muzukuru

End of chapter 04

WhatsApp Group Invite

https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFCHIDDEN PASSION Ssn1https://chat.whatsapp.com/H537onMscqDAXVOsPR5X8AπŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦...
24/05/2025

https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC

HIDDEN PASSION

Ssn1

https://chat.whatsapp.com/H537onMscqDAXVOsPR5X8A

πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·

STORY WRITTEN BY

MAI TAMIA

0716600241
0786677765

(Ssn1)

Free please share

CHAPTER 03

Not eddited ma mistakes mogadzirisawo pakuverenga

Aliah

Luck chipatara chaisave Kure nekumba otherwise ndaisvika makumbo azvimba nekumhanya chaiko. Mainini havana kumira ndaivanzwa vachidaidzira kumashure kwangu but handina kuvamirira zvachose vakatozosvika pamba ndasvika kare apa ndanga ndakunyatsonzwa kuti ndaneta kwete zvekufungidzira kadzungu kaive kadzoka zvekare zvekuti ndanga ndisisakwanise kana kumira zvakanaka. Ndakagara pasi mainini vachibva vasvikondibata ruoko.
"Mwanangu zvave kutoda kuti ushinge moyo kuitira ramangwana rako, hongu zvinorwadza moyo asi shinga inzira yedu tese uye meandero ndiwo anosiyana pamwe nenguva yedu, asi tofanira kuchema netariro" vakadaro vakazomira kutaura vave kutochemawo ndikaona naivo vaive vabatikana. I tried my best kuzvishingisa but zvaive zvakarema hama dzangu. Kana kudya chaiko ndakatadza zvachose nekuti pahuro ndainzwa sekunge pane bundu riripo pahuro.

Zvakaitwa zvakaitwa zvese ini handina kana chandaiona zvachose nekuti ndaisaziva ramangwana rangu richazovei. Sezvineiwo nguva yakakwanira tichibva tabuda kuenda kunoradzika Mai vangu.

Takaenda tirimumota dzakasiyana siyana ndokuzosangana kumberi, ini ndaingoteverawo kunge mumvuri ndiri pane vamwe asi ndaive Kure Kure chaizvo, kufunga zvakawanda so hope dzandaive ndarota dzanga dzichitaura idi nhai.
........

Ndiko kwakave kuparadzana namai vangu ikoko, zvinhu zvese zvakazonyatsove clear pakugovewa kwemidziyo sekuru vanemba yatiri kugara vakabva vati varikuda kusiya vakiya musha wavo so ndaifanira kuenda nagogo. Gogo vacho vakabva vatiwo havakwanise kuenda neni nekuti havazivi chiso chababa vangu.

Chokwadi vanhu vakatanga kurongedza vachienda kudzimba dzavo kusamganisira gogo mainini Juliana ndivo vakasara neni.
"I'm sorry Aliah nezvakuwira dai ndine imba yangu ndaikutora hangu but pachokwadi asi sezvaunoziva ndinogara nagogo vako so pakatoipa zvatingatoite pano ndave kukupa Mari iyi oenda kumusha kwenyu", vakadaro mainini ndikaona riri zano rakanaka chose sezvo kwekuenda paive pasina Chikoro kwanga kwatove kusiira ipapa ndoona mberi kana vachinge vakwanisa kundiendesa ndoenda mberi kana zvaramba zvarambawo hazvo ndingadii ivo Mai ndafushira.

Ndakapihwa $20 namainini vachibva vandiudza kuti baba vangu vanoita Elias Nyama uye vanobva kuchiweshe ndizvo zvavaingoziva chete. Ndakavatenda nekubva tatobuda tese sezvo pamba paive pakiiwa ndasiirwa bag panze ndakabva ndazopesana navo mutown vakasiya vandikwidza Mota dzinoenda kuChiweshe kwacho. Hondo yakazovepo pakuti kuChiweshe papi chaipo.

Ndakabvunza Mai vandaive ndakagara navo vachibva vati vanoziva vamwe anaNyama variKuHoward, ndakabva ndavati vandibatsire nemadirectiions vakabva vati ndiko kwavaienda divi racho, so zvakandiitira nyore takasvika tose ikoko tichibva taenda nepamba pavo tichisiya zvavaive nazvo vakabva vati vaida kundiperekedza kunosvika pandaida pacho.

Paisave parefu kwete asi zvinhu zvakabva zvaramba kuita nekuti mumhuri mavo maive musina kana mumwe zvake aive nezita rakadaro vakabva zvandipedza mafuta, pamba ipapo vakabva vatiudza kuti kune vamwe varikwaNzvimbo here what what tikavatenda ndokubva panamai vaye asi vakati hazvichaite kuti ndiende kwaNzvimbo zuva iroro sezvo kwaive kwakudoka so semunhu aitsvaga zvoda kufamba kwakachena.

I agreed with her ndichibva ndabvuma kurara pamba pavo, vaive munhu akasunguka zvisingaite zvekuti for a moment ndakatomboona sekunge ndinamai vangu nyakubereka.

Kana kurara zuva iri ndakarara hope dzakanaka chose kwave kuzomuka ndichiperekedzwa kunokwira Mota. Ndaifunga kuti zvichangoita easy kunanga pandaida kuenda handina kunge ndaziva kuti Nzvimbo yacho yaive yakakura, ndakaswera zuva rese ndichingobvunza ndichishaya zuva rave kutodoka ndipo pandakaratidzwa vamwe Mai vaive pamusika vachinzi vanobva kwaNyama kwacho zvakabva. Ndakaenda pavari ndokusvikotanga ndatenga mvura yekunwa coz nyota chaiyo yaive yandirova, ndisati ndapedza vakabva vati "nhaiwe ndingabvunzewo?", ndakati bvunzai henyu.

"Mafanana na Tete Portia Nyama zvisingaite asi mune hukama navo here?", she asked ndikatura befu ndakabva ndatoziva kuti apa ndasvika kumusha apa.

"Handitozivi ndiri kutotsvagawo baba vangu vanonzi Elias Nyama so ndaswerera kubvunza vanhu ndatozoudzwa nezvenyu nedriver weimwe Honda soo", ndakadaro vachibva vati "Aah nditezvara vangu asi vakashaya gore rapera paseri kwasara vanababamukuru Nana tete kumusha Portia wandiri kutaura uyu atori mwana waElias", vakataura vachirongedza zvinhu zvavo zvekumhanya mhanya kuita sekunge vari kutiza mapurisa vakatakura zvese vachinoisa mune imwe shop vachiita kumhanya chaiko ndakatozoguma ndoseka nekuona mukadzi mukuru achitadza kugadzikika.

"Handei tete", vakadaro vachitora bag rangu ndokundibata ruoko vachifamba neni .

"Mufunge vanhu vanonofara kumusha uku baba venyu vakafa vachingotaura nezvenyu mufunge", vakadaro vachiburitsa fon yavo ndokutanga kufonera vanhu ndaingonzwa "helloo huyai kwababa izvezvi" vaibva vakata vofonera umwe vokata vofonera umwe. Apa ndaiita kuzvuzvudzwa zvekuti ndaive ndotevera ndichinzunzutira chokwadi panyika pane vanhu vanoda makuhwa mufunge Mai vakandikandisa mapfumo Pasi ivava ndatenda zvangu.

Takafamba chinhambwe chaicho asi takapafamba nguva diki diki nekuda kwespeed yataive nayo chaiyo takazosvika pamba paive pakazara vanhu vakamira mira panze zvese zvairatidza kuti vanhu vanga varohwa neconfusion hombe chaiyo coz vanga vangofonerwa kunzi huyai pakati izvezvi.

Patakasvika ndakaona munhu wese achiratidza kuvhunduka vakanditarisa ndikaziva ndaive ndakafanana nevanhu vekumba zvechokwadi, takapinda mumba ndokukwazisana ndichibva ndazotaura nyaya yangu paye ndokutambirwa zvakanaka chose.

Vamwe tete vakabva vadaidzwa panze nababamukuru ndokuita nguva varipo kwave kuzoshevedza vamwe anababa ndokuita nguva varipo vakazodzoka havo pave nenguva tete vakuru vakabva vandidaidza panze ndokuti "muzukuru tafara chaizvo nekuuya kwako ufunge, handizivi ndingakuitirei kuti uone kufara kwangu Aiwa nhasi ndouraya jongwe rangu guru udye wega mwana we hanzvadzi yangu",
Ndakaseka zvangu vachibva vati "Gara zviye wanga uchiri kuenda kuchikoro here?",

"Hongu", I replied vachibva vati Aah bvaa zvakanaka "ko kakomana kanga kaveko here uko" vakadaro ndichibva ndaseka ndokuti "kwete" and for sure zvevakomana zvanga zviri Kure Kure neni chaiko"

"Saka kureva uchiri mhandara kaiwe", vakadaro ndikadaira nemusoro vakabva varidza mupururur ndokundibereka ,"Aiwa pinda mumba tinomhanyisa huku kani muzukuru"

Takapinda mumba vachibva vati "manake vanahanzvadzi, kuchema kwedu kuye kwadairwa" vakadaro ndikaona varume vakuru vakuhumana humana ndichibva ndangosiyana nazvo zvenyaya dzevanhu.

Don't forget to join our group
End of chapter 03

WhatsApp Group Invite

https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFCHIDDEN  PASSION Ssn1πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦STORY WRITTEN BY MAI TAMIA0...
24/05/2025

https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC

HIDDEN PASSION

Ssn1

πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦πŸŒ·πŸ₯¦

STORY WRITTEN BY

MAI TAMIA

0716600241
0786677765

(Ssn1)

Free book please shareπŸ‡

CHAPTER 02

Ndakabuda ndichifambisa zvekuti Mandy akatozondibata ndatobuda gate kare ndokuti "kwakanaka here Aliah?", ndakangoseka nhando ndokuti "Yes kwakanaka chose ko kungagoipei?",

"Ndaona mood dzako nhasi wanga usiri boe zvachose ndikati totaura tave kuenda kumba but ndatozoona waita kusvotoka chaiko",

"Ndine zvandiri kumhanyira kumba Mom vane zvavati vanoda kutaura neni",

"Aah it's okay then, but unongoudzawo vamwe coz ukaita kutiza zvoita sekunge ndine zvandakutadzira kaa"

Takazofamba hedu kuenda kumba tichitaura nyaya semazuva ese asi ini hana yangu yaingorova zvakadaro, Mandy ndiye aitanga kusvika so ndakamusiya ndichibva ndapfuurira kwedu uko ndakasvikoona pamba pakazara Zara vanhu. Ndichiri kugate ndakabva ndamhanyirwa naMainini Juliana vanove ndivo muninina waMom mudiki. Vakasvikondimbundira zvakasimba ndikatoshaya kuti boe here coz she wasn't like that before ,.hongu vaindifarira havo asi kwete zvekuzondimbundira zvakadaro, ndakangovambundirawo back ndokumirira kuti vandisiye but she didn't infact ndakatonzwa hembe yangu yave kunyorova nemisodzi ndichibva ndazvibvisa pavari ndokuvatarisa kumeso chaiko and she quickly looked away vachipukuta misodzi.

"Are you alright?", ndakavabvunza ndichidaro vachibva vatadza kuviga misodzi yavo nekuti yakatobva yaita manyemwe kubuda yave miviri chaiyo.

"Mainini chi", ndakabvunza vachibva vandibata ruoko ndokuti handei tinogara Pasi ndikuudze zvese zvaitika asi unofanira kushinga mwanangu nekuti zvaitika takavarairwa, kutonga ndekwamwari ufunge", vakadaro Mai vangu ndichibva ndati "umm'

Takafamba ndokusvikogara nechekuseri kwemba uko kwakabva kwauya vamwe vakadzi vatatu ndokugarawo nesu ikoko , vese ndakaona vachiratidza kundinzwira tsitsi chaizvo ndikatozvishayira mupanda.

"Aliah, tine hurombo nezvaitika ndanga ndatouya pano nekuda kwehope dzandarota husiku dzisina kunaka but ndasvikoona mhamha vako vakadonha pamusuwo apo vakafa", vakabva vawedzera kundibata zvakasimba ndichibva ndabvisa ruoko rwangu pavari zvine hukasha.
"Musiyane nekutamba nezvinhu zvisingasekese mave vanhu vakuru imi nxcaa", ndakadaro ndichitosimuka and they failed to stop me. Ndakafambisa kupinda mubedroom ndokuchinja uniform yangu mainini vakabva vatevera zvekare ndikati"mhamha vaenda kupi nhai?",

Havana kudaira vakabva vatarisa Pasi misodzi ichidonha. Ndakaedza kutsvaga Mom calling her name but havana kana kubudikira havo ndikati zvimwe mheno kwavaenda havo ,ava vanhu vaive pamba pedu vaive vakutondibhowa nekuramba vachisvika vachindibata maoko. Ndakapihwa sadza ndikaridya hangu waiting for my Mom but Havana kana kubudikira, infact hama nevavakidzani vakatotanga kuwedzera kuwanda pamba zvekuti ndanga ndakuita ndichirohwa Nehana coz kana mhamha vacho vanga vasiri kudzoka kwavaive vaenda kwacho, ndakatanga ndicharinga nzira asi hakuna zvakadaro vamwe ndovaiti Mom was in mortuary ini ndaingoti kutamba havo, nguva dzekurara dzakasvika mhamha vasina kuuya ndichibva ndangorarawo nevaive pamba ivavo kunze kwakachena zvakadaro ndipo pakasvika ana gogo vachichema mhere chaiyo, apa ndipo pandakatanga kugutsikana coz gogo vaisauya pamba zvekudaro and even kuchema kwavo kwaive real.

Ndakatombopindwa nekapfungwa kekuti maybe it's true but ndakazongoti haa it's just a dream coz Mai vangu hapana pavaizofa hazviite, ndakaswera ndakagara hangu panzvimbo imwechete ndakamirira kupepuka kubva kuhope dzandairota dziye and that dream change to be reality pakauya Mota yeNyaradzo yakatakura coffin. Vanhu vakachema zvinosiririsa asi ini handina chandakakwanisa kuita kutevera mumba mavakaisa coffin riye ndokusvikoti "ndivhurirei" vakamboramba vakanditarisa sevane zvavari kuverenga pandiri vanhu ndokutanga kukavadzana vamwe ndivo vaiti muvhurirei, vamwe vachiti kwete.

Vanhu vakaramba vachikakavadzana ndichibva ndaona kuti zvinganonoke ndokuvhura ndega vanhu vakarivara. Ndakatambirwa nechiso chamai vangu vachinge vakavata havo mufunge.

Ndakazvitsunya ndichida kuti ndimuke kubva kuhope dzandairota ndokunzwa kurwadziwa, ndakafamba kuenda kumadziro ndokuzviroveresa ndokunzwa kurwadziwa apa ndipo pandakagutsikana kuti this is reality . Ndakafamba kudzokera pacoffin riye ndokuti "Mom stop this now", ndakadaro ndichiedza kuvamutsa apa makumbo chaiwo aive akupera simba hana yangu ichirova zvisingaite. Mainini vakauya ndokundibata vachida kundibvisa paye ndakangonzwa kupera simba muviri wese zvakazotevera handina kuziva kwave kuzopepuka ndiri muhosptal mainini Juliana vachichema vari padivi pangu.

Pavakandiona kuti ndaive ndamuka vakabva vamhanya kunodaidza Dr vakauya vakadungamidzana . Dr wacho ndaingoona achinditarisisa zvakanyanya akaita ma test aaida pandiri ndokuti ndizorore hangu.
Achingobuda ndakabva ndarangarira kuti ndaive ndaguma kuona Mai vangu mucoffin around 5pm apa kunze kwaitoita semangwanani chaiwo.

"Mhamha what happened?", ndakabvunza vachibva vati "wakadonha zuro ndipo patakauya newe pano Dr vakati waita heart attack ",

"Mom vangu vavigwa here?", ndakabvunza misodzi yave kubuda manje vachibva vati not yet asi vanozorodzwa nhasi.

Handina kuzombomirira kunzwa zvimwe kwave kutobuda ndichimhanya mainini vakamboedza kundishevedza asi Havana kukwanisa kundimisa or kundibata chaiko coz speed yandaive nayo yaive yakatonyanya, chishuwo changu ndaida kusvika Mom vasati varadzikwa nekuti ndine zvandaida kutaura navo.......

*Dennis*

Hope dzekurota musikana uye dzaive dzakutondivhiringa zvisingaite coz ndanga ndave kungofunga nezvadzo zvakanyanya, who is she ndiwo mubvunzo waive wazara mumusoro mangu asi mhinduro ndaive ndisina zvachose.

Now ndanga ndakuti kuisa musoro Pasi ndobva ndaona musikana uye so zvanga zvatove worse kuratidza kuti zvine chirevo. Rimwe day ndichangobva hangu pabasa ndakananga kumba ndakafonerwa naSister Nancy vachiti ivo pane patient yauya emergency ndakabva ndangokonesa mota kudzoka pachipatara ndokumhanya muemegency straight, hana yakamborova zvekutadza kana kushanda chaiko ndichiona mwanasikana andinetsq kuhope arere pabed hake.

Ndakazozvishingisa kuti vanhu vasaone kuti pane zvaitika ndave kufocuser nekuti amuke ndigozowana kutaura naye one on one. Ndakaita matest andakaita kwave kuona kuti aive aita heart attack.

"Madam chii chaitika kwaari nhai?", ndakabvunza coz zvairatidza kuti aive avhunduka zvakanyanya

"Arasikirwa namai vake so anga asiri kuchema pese apa achiti arikurota nhasi pauya body ndipo paadonha"
Vakadaro ndichibva ndavati "kusachema kwaakaita ndiko kwakakonzera hurwere kukura kuchema kunobvisa bundu mumoyo munhu akasachema iye arwadziwa zviri very dangerous pahutano hwemunhu"

Ndakaedza nepose pandogona kumubatsira ndokuona kuti she was out of danger kwangosara kumuka chete drip ndakamuisa one kuti awane simba parakapera ndakabva ndamubvisa rimwe ndaizomuisa amuka ndakangosiya tsono iripo paruoko.

Kuti ndichienda kumba moyo wakarwadza kuti ndiende ndisati ndataura naye mwana uyu ndokuenda muOffice mangu ndakangoudza mainini vake kuti vanondiwana mupi akamuka asi ndaiita ndichimutarisa hangu.

Kunze kwakasvika pakuyedza mwana asina kumuka ,ndanga ndave kutotya zvisingaite ndipo pakabva papinda Mai vaye vachiti Aliah aive amuka.

Ndakamhanya kuye ndokuwana amuka zvechokwadi asi chiso chake chairatidza kushungurudzuka zvikuru so ndakaita ma tests and andakaita kusanganisa bp iyo yaive yakakwira zvisingaite.

Ndichibva ndaenda kunomutorera mapills ekulower bp yake but was shocked kudzoka muroom musina munhu, ndakabuda panze ndichibva ndanzwa kuti aive abuda achimhanya. Ndakapinda mumota ndokutanga kufamba nenzira ndichiti zvimwe ndovawana munzira asi handina wandakaona zvachose and to make matters worse ndanga ndisina address yekumba kwavo even fon number zvayo ndakabva ndanetera futi......

Join our group for more chapters
End of chapter

WhatsApp Group Invite

Address

Harare

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when L Munjeri novels posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to L Munjeri novels:

Share