18/09/2025
Rufu!
Kana pane chinhu chimwechete chinotyiwa nemunhu wese pasi pano, rufu.
Ndiro dambudziko gurusa pasi pezuva. Rufu haruna mukuru kana mudiki, mupfumi kana murombo, mukobvu kana mutete. Tese tichafa!
Dzimwe nguva ukafunga nezve rufu, unonyatsoona wega kuti zvese zvatinoita pasi pezuva hazvina maturo. Chokwadi tiri kudzingirirana nemhepo. Zvese hazvina maturo.
Ko iye rufu akambobvepiko? Hapana here zvatingakwanise kuita kuti timukunde? Ko nei Mwari akaisa chidokwadokwa chekuda kurarama nekusingaperi matiri?
Ok, regayi tidzokere kumashure, kwazvakatangira pakutanga. Zvakatanga pakutanga; Musikavanhu paakasika munhu nemufananidzo wake. Shoko rinoti,
"And God said, Let us make man in our image, after our likeness: and let them have dominion over the fish of the sea, and over the fowl of the air, and over the cattle, and over all the earth, and over every creeping thing that creepeth upon the earth." - Gen.1.26
Adam akasikwa nemufananidzo waMwari kuti ave mwari wemhuka nezvisikwa zvose zvaMwari pano pasi pezuva. Panguva iyi, rufu anga asati aveko. Kwanga kusina matambudziko.
Asi Adam anga akapihwa mutemo mumwechete naMwari wekuti asadye muchero waiva pakati-kati peGarden reEden. Anga akanzi naMwari ukadya muchero uyu unofa.
Sezvo Adam anga ariye mwari wepano pasi, uye akasikwa nemufananidzo waMwari, anga akapihwa zvekare sarudzo yekutedzera kana kusatedzera mutemo uyu. Adam, ainge akapihwa simba naMwari rekuita zvaanoda pano pasi samwari.
Satan, uyo ainge akadzingwa kudenga naMwari, akauya kuna Adam ari nyoka. Munongoiziva nyoka kuti simba rayo riri pamuromo uye mumuromo mayo munobuda poison. Nyoka yakamufurira kuti adye muchero, uyo waainge akarambidzwa kudya.
Ndiwo mawuyiro akaita poison yechivi, chakakonzera rufu...
Asi Mwari, nenyasha dzake, anga aine solution. Shoko rake rinobva rati,
"For the wages of sin is death; but the gift of God is eternal life through Jesus Christ our Lord." - Rom.6.23
Solution iyi yakatanga kuziviswa Abraham. Mwari akamuvimbisa kuti achave baba wemarudzi uye mununuru wedu Jesu Kristu achauya kubudikidza nerudzi rwake. Abraham akazvara Israel. Israel akazvara vakomana 12, umwe wevakomana ava ainzi Judah. Rudzi rwaJudah ndirwo rwakabuda vana David, zvichiyenda zvakadaro kusvika kunana Joseph, vanova baba vaJesu panyama.
Asi Jesu haana kuzvarwa panyama ba, no. Mweya Mutsvene waMwari wakapinda mudumbu remhandara, Mary, pakazvara mwanakomana waMwari, uyo anova Jesu. Jesu haana kuzvarwa nenyama, asi neShoko raMwari raakataura kubudikidza nevaporofita vake. Vano funda nezve Shoko raMwari vanoti, zviporofita zvakanyorwa mushoko raMwari nana Isiah, Jeremiah, Hosea, etc, pamusoro paJesu zvinodarika 300.
Hama dzangu, ichokwadi kuti mubairo wechivi rufu! Asi, ani nani anotenda kuti Jesu akakunda rufu, uchawanirwa nyasha naMwari, achakunda zvivi, uye achararama nekusingaperi.
Yes, Jesu ndiMwari! Ani nani anotenda maari achararama nekusingaperi.