22/07/2026
*GWATISIYARUSHAMBWA*
_naBlue Lion Mushynet_
+26774710481
CHITSAUKO 15
Varwi vakanga vakamirirwa nana Horiyamuponda vakasviko mira vava p**o nerusvingo. "Hazvinei kuti mauya makatungamidza mhandu dzedu, zvizivisei kwamabva nechinangwa chamafambira muno mumuzinda wamambo Mukomberanwa. Itii ga ga nhunha dzenyu tione kuenderera mberi nehurongwa hwedu," akadaro Horiyamuponda achidaidzira. Matemera akanga ari pakati pechikwata chakabva kumavirira. Akanga abereka tsoka pamwe chete nana Tsekeya, asi iye nevamwe havana kuzoenda kwaishe Zishiri. Vakabatwa vagere mugwindingwi vachibvunzana muzinda wavangaenda kunopotera vachitsvaga rubatsiro rwemauto ekurwisa vana Horiyamuponda. Vamwe vakanga vava kudemba kuti dai vabatana naTsekeya, zvimwe Chamakarara aichimbidza kuzonunura muzinda wavo. Sekuziva kwedu kuti chara chimwe hachitswanyi inda, muono wekutevera vana Tsekeya wakashaya vatsigiri ndokubva watsvetwa parutivi. "Nhau yekuvimba nemunhu umwechete yakaipira kuti akakugonera, unodzimara waona vamwe sevasina yamuro. Zuva raanoshandura ruvara, unoshaya kwekutiziza sezvatiri kuita. Haisi nyore kuti umwe munhu wausina kumbobata naye pamwe chete atirimuke pazvinokuremera. Nhasi uno tava kushaya kwekupotera nekusabata pamwe chete neimwe mizinda." Ndiwo amwe emashoko akanga achitaurwa naMatemera asati aziva kuti vakombwa nevarwi. Vakaponeswa nekuchimbidza kuzvidukupisa mushure mekunge vaona pasina rimwe zano rekupoya naro. Vana nyakuvabata, havana kuda kuramba vachitambisa nhambo, mushure mekunge vaudzwa kuti vawana dzamira nemhuri. Matemera nevamwe vake vakatorerwa zvombo zvose ndokunzi vakokera, uku miseve yakavanongedza. Chaitezvi senhungamiri yechikwata chakanga chichibvunzwa nana Horiyamuponda, akatanga nekupfira misariridzwa yemakwati aakanga achitsenga. "Hurongwa hwaunoreva hauna kukosha sevana vangu vamakaita nhapwa. Mukachimbidza kuvaregedza munenge mandirerutsira kudzokera pamudyandigere ndisina kuteura ropa. Zviri kwamuri nekuti ini ndinodzana chero mhando ipi yengoma yamunenge maridza," akadaro Chaitezvi achisimudza nhovo yake mudenga. Mambo Mukomberanwa vakaviruka nehasha ndokusimudza muswe webere mudenga. "Mukomberanwa izita rekuti parichataurwa mazera ose nemizinda yakatsaukana munodedera. Vamwe venyu kana madzokera ndinoda munovazivisa kuti mambo Mukomberanwa huriri husingaitwe dambe nahwo," vakadaro vachizunza muswe webere. Matemera nevamwe vake vakapfochoka vachienda kuna Nyautonge. Chaitezvi nechikwata chake vakanga vayambirwa pamusoro penhau iyi, asi hapana shanduko yavakanzwa pamiviri yavo. Mambo Mukomberanwa nemauto avo, vakaita gahadzo vachiona pasina chakanga chaitika kumuvengi wavo. "Sekureva kwandamboita kuti handina kufambira hondo, asi ndakafanana nenherera inodya chainenge yaburir---." Mashoko ake akagurisirwa panzira nemiseve yakatepfenyurwa nana Horiyamuponda. Vatatu vavo vakaumburudzwa nayo miseve, asi mizhinji yakasvikoti zete panhovo dzakanga dzakagadzirwa nemukonde yakaomeswa ikatsemurwa. Nhovo idzi dzaitoda vakayamwa vakaguta nekuda kweuremu hwadzo. Vana Horiyamuponda vakaita manyemwe pavakaona muvengi achikuvama pasi. Akatumira boka rekutanga rakanga riine mauto anodarika makumi maviri. Chiriporipocho vakatanga kuumburudzwa nemiseve yakabva nedivi rekuchamhembe. Vashoma vavo ndino vakakwanisa kudududza. Chikwata chaHoriyamuponda chakanga chisina kutarisira kuti kuchamhembe kuchanyuka miseve. Vachiri mukukahadzika kudaro, imwe miseve yakabva seri kwematombo ekumaodzanyemba akanga ari p**o nerusvingo. Kudududza kwavakaita vachidzokera mukati merusvingo, varwi vechikwata chaChaitezvi vakanga vari kumberi vakashandisa mukana iwoyo kupfugama vachidzikisa nhovo dzavo pasi. Boka rakanga riri kumashure kwavo rakasara pamhene rakamira, uku miseve yakabairirwa pauta. Vakanga vakaita denderedzwa, asi uto rese raiva kumucheto rakanga rakabata nhovo nekubereka nhava kumusana. Mudenderedzwa umu makanga muine mitsetse mitatu yemauto. Mutsetse umwechete wakanga uine mauto gumi. Umwe neumwe wavo akanga akabata uta nenhava yemiseve yakanga iri kumusana. Kupfugama kwakaita vakanga vari mberi, vaivatevera vakatsveta nhovo pasi ndokutora miseve munhava dzevakanga vari mberi kwavo. Vaiti kana miseve yapera munhava, vemberi vaipa vaivatevera nhovo, ivo vodzokera kumashure. Kana vave kuda kuswedera mberi, boka remberi raisimuka mushure mekuudzwa nevaiva mumashure mavo. Mambo Mukomberanwa vakashamiswa nemurwiro werudzi urwu ndokubva varova nhetserwa. Kusvetuka kwavakaita vachibva parusvingo, ngundu yakadonha vakashaiswa mukana wekuinhonga nekuda kwemuseve wakanga wavavhunga. Kupitipidzana kwakaita amuto amambo Mukomberanwa, vazhinji vakapiringishana ndokudonha. Horiyamuponda ndeumwe wevakasvikirwa nechikwata chana Chaitezvi, ndokuedza kurwisa. Mushure mekutsondokotwa akasungwa mbiradzakondo. Vakanga vari kumaodzanyemba pavakaona mambo Mukomberanwa vachipfochoka, vakabva vamhanya vachitevedza rusvingo vari kunze kwarwo. Zvimwechete nevakanga vari kuchamhembe, vakamhanya vachienda kumabvezuva. Mambo Mukomberanwa kukura kwavakanga vaita, havana kure kwavakasvika vakanga vave kufemereka. Vakati vachinobuda kusuwo rekumabvezuva ndokuita mahwekwe nevarwi vaibva nekuchamhembe. Vakaedza kuzunza muswe webere, asi vakaerekanwa vanzi tiba nerima mushure meganyamuto ravasina kuona kwarakabva nako. Dama ravo rakasara rachenuruka semutetenherwa. Hapana akaita hanya nemuswe webere wakanga wadonha. Kushaurwa kwakaitwa rwumbo naTungebwe, uyo aitungamira mauto ekubata ishe Mukomberanwa vakanga vachitorwa samambo panguva iyi, kwakaita kuti chikwata chakanga chaenda kumaodzanyemba chirege kuramba chichitandanisa muvengi akanga apunyuka.
Mambo wenyu toita wekudiiko!
Heyayee toita wekuvavaidza!
Musiyandaita takaita wekudiiko!
Heyayee takaita wekugocha!
Uyu wacho toita wekudiiko!
Heyayee tonzwa naChaitezvi!
Pakanga pashota ngoma chete, asi vamwe vakanga vachirova nhovo dzavo netsvimbo. Vakasviko tsveta ishe Mukomberanwa mudare ndokunzi vaende kunopoteredza rusvingo kuitira varege kunyangirwa nemhandu. Tungebwe ndiye chete akasara pachikwata chakanga chabata ishe Mukomberanwa. Horiyamuponda akanokandwa muchizarira makanga makavharirwa Mushayi naGarika. Moyo waida kuti vambundikirane nana baba vavo, asi muviri yakaramba nekuda kwemarwadzo ekusungwa maoko nemakumbo kwavakanga vakaitwa. "Ndinogaro kuudza kuti usaite fungira mumoyo rwendo rwembwa. Tarisa wava kundishaisa zororo nekuuraisa mauto asina mhaka nekuda kwekuisa zvitanda munzeve pandinokuraira. Wonde kutsvukira kunze, asi mukati muzere masvosve. Kubva nhasi regai kutenda chose chinobuda mumukanwa memunhu. Tarisai manga maitwa nhapwa nekuvhevhetedzwa nenyasire iri panze apo. Dai pasina svikiro namambo Zvikonzi vakati vanoda Mushambarichakwata ndingadai ndisina kutsika kuno nekuti mukajaira kununurwa munoona zvose sezvakareruka." Garikai naMushayi vakanga vangotsikitsira pasi vachikumbira ruregerero. Umwe neumwe akanga achifunga zvaizoitika kana vairamba vari nhapwa. "Heya ndiwe wairehwa nesvikiro remuzinda wedu kuti unoda kurwiswa amwe madzimambo uchishandisa uroyi? Zvino isu hatina kufambira kuzotonga muzinda uno nekuti une vene. Mambo wedu vanoda kuripwa kubatwa kumeso kwavakaitwa, uye mutemo wangu kubva ndichiri gurukota guru, unoti uto rangu rose rarwa hondo rinowana chouviri. Ndine mashoko mashomane nemurume anonzi Shirinhema," akadaro achitarisa ishe Mukomberanwa. Pakashaya umwechete akatirimuka achiratidza kuziva munhu akanga abvunzwa. Nhambo iyoyo mambo Chinyamutatu vakagomera vakabata musoro. Nguva yese yavainge vakazvambarara mudare, hakuna akanga aita hanya navo. Ishe Mukomberanwa vakaedza kubhubha, asi vakanga vakasungwa neutare. Moyo wavo wakatsva vachiona mambo vari vapenyu. Shungu dzaishe Mukomberanwa dzakanga dziri dzekupfuudza wese ane chekuita neimba huru nekuti vaitya kuzopandukirwa. Mushure mekunge vana Tungebwe vaona zvuma zvakanga zvakashongwa namambo Chinyamutatu, vakavabatirana ndokuvagadzika pachigaro chavo. Chaitezvi akadzimara abuda panze kuno bvunza vasungwa vakanga vakaunganidzwapo. Vazhinji vavo vakanga vachiratidza kurasika njere, kunze kwemachinda amambo Chinyamutatu ayo akamuraira gwara rairurama kudzimba dzaShirinhema. Akasviko wana Shirinhema achigwesha, mudzimai wake achirwisana nekumusaidzira kuti asasvika p**o nechoto. Chaitezvi nemauto matatu vakamubatirana ndokumupwititidzira midzi yavakanga vabva nayo kumuzinda wavo. Vakatevedzera zvose zvavakanga vaudzwa nasekuru Nhengaregor. Kubengenuka kwaakaita akashamiswa kuona akasungwa nemakashu. Zviso nezvishongo zvana Chaitezvi zvakamusiya ava kubhubha achida kurwisa. "Kana musiri mbwende ndibvisei makashu tirwe sevarume. Chii chaitika kuti musvike pakundibopa kudai?" Chaitezvi nevamwe vake vakaseka zvinekakushora mukati. Vakaraira mudzimai wake kuti akurunge usvusvu kuti murume wake atsigire dumbu awane simba. Shirinhema akanga achihuta nenzara nekuti akanga asina chaakabovera mumukanwa kubva zuro mangwanani paakaenda kunorinda kuziva Chionandasvika. Mudzimai wake akanga aedza kumupaka, asi akarega aona kuti aidzimara arumwa. Kuzuzuma kwemuviri kwainyanya kukonzerwa nekusafamba zvakanaka kwaiita ropa mumuviri. Achipedza kunwiswa usvusvu hweupfu hwemapfunde hwakanyikwa mumvura hukavira. Akasunungurwa makashu ndokuramba akateramira zvakanga zvakaita mudzimai wake. "Ko sei Mamoyo asiri kutirimuka achiona takakombwa nemhandu? Zvichida vayenzi ava ihama, asi handina wandakanzwa kuti anogara kumuzinda unoshonga nhembe tsvuku idzi." Akanga achizvitemesa musoro nekuzvirerutsa kwakanga kwakaita vana Chaitezvi. Akambomira kubvunza achiti zvimwe mudzimai wake aizivisa vatatu ava, asi akadzimara arovera moyo padombo kuti abvunze." Rega hako kuzvidya moyo nekuti hatina chakaipa chairi kukurongera nemhuri yako. Svikiro remuzinda wedu rakatirairidza kuti tikusiye uchisesekedza mambo wenyu pakuyanana nevari kutsutsumwa pamusoro pemhaka dzavo. Zvikasadaro vagari vemuzinda uno vanodzimara vabatanidzirwa pamhaka isinei navo. Zvingadai zvaenda nepamwe dai tanga tisina ziso revadzimu rakatipanga zvekuita," akadaro Chaitezvi achimubhabhadzira papfudzi. Ruzive nemamwe machinda vakakangwa mate mukanwa vachiona Shirinhema achisekedzana nemhandu dzakanga dzavasunga. Vakapinda mudare umo mambokadzi vakanga vachitova musoro wamambo Chinyamutatu wakanga wakazvimba. Mambokadzi vakakatyamara kuona munhu wavakanga vaudzwa kuti njere dzake dzarasika achivapa rukudzo. Chero mambo pavakanzwa vasisatoviwi, vakacheuka kuti vaone chakanga chichitora nzvimbo. Vakasimuka pachigaro ndokutarisa Shirinhema man'anda akati tare tare pahuma. "Ndakazvireva ini kuti uri gonzo rinoruma richifuridzira. Nhasi uri kufamba nekusekedzana nemhandu vamwe vese vapera kusungwa." Mambo vakapupira furo pamuromo, uku vachisaidzira mambokadzi kuti vamire kumashure kwavo. Vanhu vese vakanga vari mudare vakangoti kana nazvo, zvikuru sei vana Chaitezvi nechikwata chake. Mambokadzi vakashanyirwa nepfungwa yekuti vadzore mambo, asi vakaona chiri chinyadziso. Vakanga vakarairwa kuti murume haapikiswane naye paruzhinji, asi kuti kana mava mumba menyu. Ishe Mukomberanwa vakanga vachikwenya mhuno nekasiyanwa kuti pakati pevaviri ava parambe pane kumukirana. Shirinhema akaramba akapfiga muromo wake, sezvo akanga ajaira kuti shiri ine muririro wayo haishanduke. Chaitezvi ndiye akapedza mhere mhere yaiitwa namambo Chinyamutatu. "Paya patinoti munhu akura, tinenge tichitaura kukura kwenjere kwete kwemakore. Mumuzinda uno wose hakuna anorongerana nemurume wamuri kutsoropodza uyu. Mukaziva kuti ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma, muchabata pamwe chete naShirinhema. Dambudziko revatungamiri munofunga kuti akupikisai muvengi. Nyasire ndidzo ndinoruma dzichifuridzira kuti dziswededzwe p**o. Chipangamazano wenyu ane dzakarodzwa, asi dambudziko riri pakukura mose kwamakaita. Haakwanisi kupokana nemiono yenyu nekuti anotya kukuzvidzai, uye kuputsa hushamwari hwenyu. Pangu ndazadzisa zvasarira imi kuti mupedzise basa ramakatanga. Mauto andasiya akachengetedza mupeta wenyu, akamiswa nemi kuti vazorore." Mambo Chinyamutatu vakadzamirwa nemashoko aChaitezvi, asi havana kuzvibuditsa pachena. Vakashandura nhau yakanga iri mudariro vave kubvunza muzvare wavo, asi vakaudzwa kuti vadzinganise tsuro imwechete. Chembere neharahwa dzakagadza masvusvu ndokurara vasvina. Vamwe vakanga vari kudziva ngoma, hosho nemagagada zvichizadzisa basa razvakagadzirirwa.
Unouya wega!
Mudzimu wababa!
Unouya wega!
Hautengwe!
Ukatsaudzira unoenda!
Hautengwe!
Denga rakanga rakashonga makore matema, ayo aivimbisa kuturuka kwemvura hobvu. Nzeve dzakaita sedzichadzimira nekuda kwemupande. Vanhu vakanga vachiyevedzwa nekudzanha kwaiitwa mudariro zvekuti hapana akaita shungu yekutarisa mudziva. Mumashambanzou Gwatisiyarushambwa akabuda mudziva Chionandasvika akashonga chuma chemahapa, icho chaakanzi asabvisa kunyangwe chikasvava. Chuma ichi chaisafanirwa kubatwa chero nani zvake kusvikira chaoma. Kana chichinge chaoma chaipiswa dota racho rozorwa patsvimbo yake yematare. Parukukwe rwaakanga akagara pakanga pakazara midzi, makwati nengundu. Uso hwake hwakanga hwashanduka ava kuzezesa kuringa ruviri. Vachibva padziva akasviko cherera midzi pamasiwo maviri erusvingo, teverere kudira mvura yaakabva nayo mudziva Chionandasvika. Vagari vemuzinda vakaita dungwe rongondo kunochera mvura muchisipiti ichocho.