08/03/2025
Ndauya nenyaya yangu Life In Crime :the Sins
Iyi inyaya yemusikana airarama hupenyu hwakazara nemhosva,hakuna chimwe chaaiziva kunze kwemacrimes .
Pindai muchannel musangane nenyaya iyi
Yava paSeason 2 ,season yacho iripo ine PDF uye machapters unosarudza chaunoda ❤️❤️❤️❤️
https://whatsapp.com/channel/0029VajSmePADTOCdEppjg0L
*GROUP 1*
https://chat.whatsapp.com/Js404N3KCVfJUn1UePbTyS
*GROUP 2*
https://chat.whatsapp.com/BUYGcjN2eUJK2BmJzt8NdW
*FACEBOOK PAGE*
https://www.facebook.com/profile.php?id=100083103680265&mibextid=ZbWKwL
*RV CHALEKA NOVELS*
🇿🇼0️⃣7️⃣1️⃣8️⃣6️⃣7️⃣9️⃣2️⃣1️⃣3️⃣
*LIFE IN CRIME*: _THE SINS_🔫⚔️
*NOTE* :This book is a work of fiction,Names,characters, businesses, places,events and incidents are my own imagination. ANY resemblance to actual persons,living or dead,or actual events is purely coincidental."
Season 2️⃣
*CHAPTER* 22
*Sky*
Takaona panze pebus pakakombwa nemapurisa zvese nemasoja .
Takamira zvino namai.Saunyama ,takafuratirana
Hana yangu yaiva yakurova ,uku ndiko kwaiva kubatwa kwangu
Dai tisina zvedu kukonzera a ruckus mubus .
Mrs Saunyama: pane paurikuona way out here
Me: way out papi ipapa,hapana apa
Ndakabva ndatosimudza maoko angu mudenga ,kuratidza kuti i was ready to surrender .
Umwe mupurisa alafamba akauya pataiva,ndokubva andiisa mahandcuffs ,same namai.Saunyama
Akataura mamiranda rights ,hameno kava kanganu ndichimanzwa ,ndakutomaziva ese nemoyo .
Takafambwa nesu kuenda pachirori chemasoja ndokubva takandwa imomo .
Hapana kana chandaiona muzirori ravo,raiva rakatovharila kwese .
Ndaingonzwa kuti tirikufamba .
But one chinhu chandakazviudza ndechekuti i will never sleep in a police cell .
*CIO HEADQUARTERS*
SIR vaiva pafone ,nemapurisa ekuGwanda
Sir: i hope you do.have good news
Officer: yes Sir ,we managed to apprehend two of the suspects at the bus terminal in Kwekwe
Sir : very well
Officer:right now.tiriku police station, we are trying to interrogate them
Sir : okay ,itai zvamunoita and make sure vataura ,before vauyiswa kuno
Call inobva yatokatwa,Sir vakabva vafonera Claire vachimuudza kuti Sky aiva abatwa uye aizouyiswa kuHarare the following day ,after interrogation yake .
*Gwanda Police Station*
Sky namai Saunyama vaiva muholding cell ,vakamirira officer aiva incharge nenyaya yavo .
Muholding cell ,Sky aitofunga kuti apa achapabuda sei,aiziva kuti the moment yaachaiswa mumaoko ema CIO ,kutiza jeri machances acho aiva madiki
Mai Saunyama nerimwe divi ,vaitofungawo escape plan .
Pakazouya umwe mupurisa akavavhurira chidoor chepa holdinb cell .
Akafamba navo vachienda mu interrogation room
Mu interrogation room umu ,maiva nepart yaiva nemapurisa ,ko ita mumwe maiva makagabhurwa nechiglass
Akatanga kupindamo ndiSky
Sky akagara ,maiva mune mupurisa ,musoja nemuCIO .
Mupurisa ndiye aiva akagara akatarisana naSky,vamwe vaviri ava vaiva vakamira .
Mupurisa : Ini ndinonzi
Detective Sergeant James ,Sky i believe urikuziva kuti wakasungirwei
Sky haana kupindura ,akazaramba akanyarara
Detective James: Sky ,ndingada kuziva ,pawakatiza mapurisa urikufarm ririkunze kweGwanda ,waitsvagei ipapo
Sky: ndaingofambawo
Detective vakasekerera,ndokuti
"Waingofambawo pakati pesango,wobva wangobudikira pamba inoshandiswa seHideout nemacriminals ,how ironic ,
Sky akatarisa kuside
Detective James vachibva vati "2 months ago,muarea yawakaonekwa uri makawanikwa mitumbi yevasikana 2 ,vakapfurwa nepfuti ,ungandiudzawo zvakaitika kwavari "
Sky:handina idea kuti murikutaura nezvechii officer
Detective James: okay,what is your relationship naMrs Saunyama, unovaziva sei
Sky: mrs Saunyama ndakangovaonawo that day ,ndokutiza tese patakanzwa magunshot
Detective James vakaramba vakamutarisa ,nhema dzaaipindura kana mugrade 1 anogona kutonyepa kudarika zvaiitwa naSky
Detective James: wakambopinda mudrug and human trafficking syndicate here
Sky: no
Detective: very well Sky ,for the past 4 months,unokwanisa kundiudzawo here mafambiro ose awakaita
Sky akatanga kurondedzera kuti akatombogara muGwanda pairwara mai vake
Uye paakazobvakp
Detective James vakabva vati vanoda maAlibis kuti vaprove mashoko aaitaura
Sky akazobuditswa muroom,ndokubva Mai Saunyama vapindamo
Vakabvunzwa mibvunzo yaiva yabvunzwa Sky ,asi vakanga vasiri kutaura chokwadi
Detective James vakabhoikana ,saCkaire,vaiva nesharp mind ,panyaya dzekuferefeta nyaya zvese neinterrogation vaiva skilled .
Pavaitaura nevakadzi vaviri ava ,vaitoona kuti vanhu vacho havasi willing kutaura chokwadi .
Pavakapedza ,vakabva vafonera Claire
📞: Agent Claire,vanhu ava havasi willing kutaura ,but ma answers avo ,mugrade 1 can answer zvitori nani ,since you said they are yours ,they will be transported tonight
Claire📞:thank you Detective, and im sure i will make them talk
*Jake*
Iyi ndiyo first time yangu kuva on the run ,from the police .
Ini naSky tanga tisiri kuwirirana ,but i can't help but worry kuti arikupi .
Ko kana akabatwa nemapurisa .
Already Maria maTony vakabatwa ,i hope vane hana dzakasimba vorega kuti fumura ,handifungi kuti police ine concrete evidence yekutipinnira nyaya .
Sam kubva zvatatiza ,arikungochema
Anoitawo kunge mukadzi .
"Iwe Sam ,nyarara"
Sam: ndinyararre,how Jake,ndonyarara ini ndiripa wanted list ,ko vabereki vangu
Me: haaa wangu,vabereki vako handiti wakanovaona manheru ,saka unoda kuchemei
Ini naSam takakwanisa kutotiza tichidzoka kuNorton,news dzisati dzazara kuti tiripa wanted list .
Patakabva pafarm ,taiva takabatirira muzasi mezirori remapurisa .
Vaisearcher musango vachitisvaka,isu takagara muzasi memota yavo .
Ndakaenda kuimba yevabereki vangu,upstairs yavarikuvakisa imo muno muNorton ,kunonzi KuRuvimbo ,ndiko kwatiri kugara naSam .
Manheru tinobuda kunotsvaga zvekudya .
Ndakatombozama kutracer Sky ,asi haasi kubatika paphone .
Last location yake ,ndepaakaita money transfer .
Sam: Jake,ko vamwe vedu varikupi,ndosaka Sky aiva akautaura zvekuda kusiyana nenyaya iyi,zvakangobvawo newe necousin yako ,urikuona kuti watipinza muhot soup
Me: Sam,handina wandakamanikidza ini,inyaya yekuti zvinhi zvakangobackfire chete ,but ndine plan ,tinotiza muno muZim ,tozodzoka kana after 10 years, nyaya idzi dzinenge dzavharana wangu ,
Sam akadzungudza musoro,ndokuutsikitsira .
Ndakatora chiphone changu ,ndokubva ndafonera Mike ,mupurisa wataiwirirana naye
"Boss Mikella,kwakadii, hauna idea yekuti Sky aripi here wangu," ndakamubvunza mushure mekunge angodaira kuti hello
Mike: pakaipa wangu ,Sky akabatwa kuGwanda ,arikuuyiswa kuHarare nhasi manheru ,
Me: sh*t,hapana way here yekuti timuvhomore
Mike: hapana mafana ,kana achinge atopinda mumaoko emaCIO pakaipa
Me: bhoo
Ndakakata phone ndikagara pasi .
Ndaiva ndatopera simba .
I know Sky anondiona sasexbuddie wake chete ,but pafair ini ndinomunzwira shuga ,Sky ndinomuda zvekurevesa .
Ndichaita plan chete yekuti atize mumaoko emaCIO .
Paheadquarter pavo pari easy kupinda ,ndodealer naKule vangu varimo mukati imomo ,i hope havana kupiwa transfer .
*2 days later*
Sky ,Mrs Saunyama ,vaiva vava kuHarare ,varikuCIO headquarters.
Vaiva vakagara mu interrogation room ,vakatarisana naClaire .
Mai Saunyama Pavakaona Claire achipinda ,vakaita kudumbirwa nehasha .
Claire ndiye aiva auya pamba pavo under false pretense ,aiva auya kuzofeya feya ,izvo zvakaita kuti murume wavo asungwe uye afire mujeri .
Vana vavo chaivo vakasungwa nekuda kwake .
Vaiva vakazviudza kuti Claire vachamuuraya chete ,
Zvingatora makore but vaizomubata ,chance yavaiva vawana ,ndiyo iyoyi yakavhiringwa vachibva vabatwa .
Claire: okay Sky ,Madeleen Saunyama, im sure you all understand why you are here ,handina nguva yekutambisa ,ndirikungoda kuti mundiudze zvandiri kuda kunzwa. Whatbis your connection both of you
Sky naMrs Saunyama vakatarisana asi havana kupindura
Claire : i hate to repeat ladies ,ndipindurei
Sky: takangosangana
Claire: Sky ,you were seen with her,Muggles ,Mupani, Henry ,Nicholas ,Maria,Sam,Tony and Jake ,murikuChikurubhi,a few weeks later ,her sons escaped from jail ,and the only answer you can come up with is _takangosangana_
Sky,you use a fake ID , making you the prime suspect to most robberies in Norton and two in Harare, care to explain
Sky: i don't know what you are talking about
Claire: Sky ,you had your tattoo altered ,because you knew we were after you
Sky: again ,i Don't know what you are talking about
Claire: mmmm okay ,the name Simblo???does it ring a bell ,he is ready to tastify against you ,and he gave up the proof already
Ropa rose remutsinga dzekuneso kwaSky rakatombogwamba ,asi haana kuzviratidza kuna Claire kuti aita kakuvhinduka .
Claire: Mrs Saunyama, What were you doing i. GWANDA
Mrs Saunyama: ndaiva ndaenda kunopaona ,shamwari yangu Mai Mupani ndiye aiva andituma kuti ndinoona pamusha pake
Claire akasekerera ",Lovely
And Mrs Mupani denies being the owner of that plot ,"
Akabva aenderera "zvamakatumwa ,maiziva here kuti Mupani,Henry ,naNicholas vaiva vanzi vafa ,ndiko kwavaiva ?"
Mrs Saunyama: no
Claire: makatizei pakauya mapurisa
Mrs Saunyama: ndakangopanicker
Claire akabva abuditsa mapictures avo naMuggles
"How are you connected to Muggles?"
Mrs Saunyama: we just met ,ndaenda kunoona vana vangu kuChikurubhi
Claire: you just met ,and you were arranging for their escape
Mrs Saunyama vakashama muromo vachida kutaura ,asi Claire akabva atarisa kuna Sky
"Sky,look carefully"
Raiva picture rake ,akapfeka mask ,day rakanzi Vana Mupani varikuda ambulance kubva kujeri ,aiva akapfeka saAmbulance attendance
Sky: handisirini
Claire:and ini handina kuti ndiwe ,ndangoti look ,
Claire akasimudza phone yaiva muInterogation room ,ndokufonera John akapinda .
John achingopinda ,achitarisana naSky,Sky anovhunduka
"Justin!!!!!!!" ,anosheedzera nezwi raiva rakazara kukanuka
Claire : meet Agent John,Sky ,we just want you to cooperate, we have all.the proof,the calls you made ,all your plans ,just cooperate, and you might get a lighter sentence
Sky akatanga kufunga kuti day raakasiya phone yake kumba kwaJohn,yaitova setup
John aiva achinjanisa maphone
Sky akasimuka pasina aiva akatarisira ,ndokubva adzipa John nemaoko ake aiva handcuffed ,cheni yemacuffs ndiyo yaiva muhuro maJohn
Akatozokatanurwa nemamwe maCIO akamhanya muInterogation room,mushure mekunge Claire abaya button
Claire akabva agarisa Sky pasi ,ndokupukuta dikita .
Sky aiva akagara akatarisa macameras aiva muroom iyi
*End of Chapter*
Munobhowa nekusada nemaReactions
Chapter 23 ichange iri semi finall or final