11/12/2025
*📖THE AFRICAN APOSTOLIC CHURCH📖*
*(VAAPOSTORA VE AFRICA)*
*Muchiwi Village,Box 5 Murambinda*
*_Vanotenda mashoko amweya mutsvene 28February2020*_
*CHIVHU MHONDORO PROVINCE 13 DECEMBER2025*
*GUMHANO ROKUPERA KWEGORE TICHITENDA KUCHENGETWA NOKUTUNGAMIRWA MUBASA ROSE RAMWARI.*
📚 *Mumwe musi ndakazarurirwa, ndokuona munguva yeusiku,ndichirota ndava mu Court House mu Enkeldoorn, yava kunzi Chivhu , guta guru re Charter. Ndavamo ndakaona majesitiriti ari kuseri kwe kaunda ndikati kwaari, 'NDINODA TENDERO YOKUITA CHECHI*
*Iye akati, 'Kwete, handikutenderi.*
*Pakarepo timire kudaro,ndakaona muturikiri womu court achipinda nomukova wemberi wakanga wapinda nomubati. Wakati kumubati , 'Ko, uyu munhu anodeiko muno? Iye akati ,'Wati anoda chechi?*
*Akati, ' ko magomuti kudii?*
*Mubati akati, Ndamuti ,"Hapana munhu mutema anobvumirwa kuita Chechi"*.
*Muturikiri wemu court akati, Kwete _my worship_ , hapana munhu anorambidzwa kuita chechi nokuda kwekuti munhu mutema.*
*Zvino mubati wakatendera kuti ndiite chechi akati kwandiri, Ndipe bhuku rako. Ndakamupa _note book_ yandaiva nayo muruoko , akazarura ndokuita ma right matatu akaita sezvizvi.*
✅✅✅
*Tinemufaro mukuru kwazvo kukuzivisai kuti tichava neGumhano richatungamirwa na MWAZHA MUKURU BISHOP ALFRED KUSHAMISA MWAZHA mu Chivhu musi wa 13 December 2025 richaitirwa pa Chivhu Primary Gumhano iri ndere Chivhu/MhondoroProvince, Harare , Chitungwiza Provinces maguta nemaruwa MaBishop nevafundisi vose kuma Province ose, MAGAMBA makamirirwa vabatsiri veMutumwaPauro Mwazha*
*Tinokukokai mose hama neshamwari vakuru nevadiki pa Gumhano rekutenda Mwari akatichengeta gore rose ra2025, uye akatitungamira mubasa rose se Church ya Mwari,*
_Zvino Ishe Jesu wakati ataura navo, akagmuchirwa kudenga......., ivo vakaenda vakaparidza kwose kwose Ishe achibata navo achisimbisa shoko nezviratidzo zvaiva navoMarko 16vrs 19
_
- Vanorwara vanoporeswa
- Vasingabereki vanokumbirirwa vachiita vana
- Vane muterera kubereka vana vachifa unodzimwa nezita ra Jesu
- vasina mabasa vanopinda mabasa
- Vanonetswa nemweya yetsvina vanosunungurwa
- vanonetswa nemweya ye satanisim vanobatsirwa vachikunda
*Izvi zvinoita kune vanenge vatenda vakabhabhatidzwa muzita ra Jesu Kristu wakatuma Pauro Mwazha we Africa kuzorodza Vanotenda*
*_Kuti munzwe zvizere fonerai vatungamiri vanotevera*
_
☎️ *Rev Machiri +263772388970*
☎️ *Rev Ngorohwe +263775553181*
☎️ *Rev Utete +263773457518*
☎️ *Bishop Jimu +263774454863*