VOA Shona

VOA Shona ‎ VOA Shona WhatsApp channel: https://whatsapp.com/channel/0029VaDYjU589infeR8WL90b
(561)

09/26/2025

LiveTalk chirongwa chemaminetsi makumi matatu chinobuda paterevhizheni chamunokwanisa kufona muchipa pfungwa dzenyu. Zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika nekunze zvakasungunuka kuchaya nhare zvichipa pfungwa dzazvo pane zvinenge zvichiitika munyika. Chirongwa ichi chakanangana nekudzidzisa nekupa chayedza kuvateerei panyaya dzakakosha munyika uye tinenge tichitaura nevehurumende, vanopikisa, vakazvimirira voga nenyanzvi mune zvakasiyana siyana. Musakanganwe kuva nesu muchinzwa nekuona chirongwa ichi Muvhuro kusvika Chishanu pamasaisai anoti 1800-1830UTC, kubva nenguva dz8 kusvika 8-30 manheru.

09/23/2025

Mutungamiri weUkraine, VaVolodymyr Zelenskyy, vakati chikwata chavo chiri kuramba chichitaurirana nevakuru muhurumende y...
03/15/2025

Mutungamiri weUkraine, VaVolodymyr Zelenskyy, vakati chikwata chavo chiri kuramba chichitaurirana nevakuru muhurumende yeAmerica uye vachiti Russia inofanirwa kumanikidzwa kuita hurukuro dzerunyararo dzinovaka. Vamiriri vepamusoro kubva mugungano renyika nomwe dzakabudirira reG7 dzinotungamira hutongo hwejekerere vakakurudzira Russia neChishanu kuti igamuchire hurongwa hweAmerica hwekumisa kurwisana neUkraine kana kuti yotarisana nekuwedzerwa kwezvimwe zvirango.

03/15/2025

Nhau dzedu dzanhasi, Mugovera Kurume 15, 2025.

03/15/2025

Vhidhiyo yekuurayiwa kwaitwa mutevedzeri wemukuru wechikwata chinopfurikidza mwero cheISIS, Abdallah Maki Mosleh al-Rifai, kana kuti “Abu Khadija,” pamwe neimwe nhengo yechikwata ichi. Vaurayiwa nemauto eU.S. Central Command muIraq.

(Vhidhiyo muzinda weWhite House)

Muzinda weWhite House wazivisa kuti mutevedzeri wemukuru wechikwata chinopfurikidza mwero cheISIS, Abdallah Maki Mosleh ...
03/15/2025

Muzinda weWhite House wazivisa kuti mutevedzeri wemukuru wechikwata chinopfurikidza mwero cheISIS, Abdallah Maki Mosleh al-Rifai, kana kuti “Abu Khadija,” pamwe neimwe nhengo yechikwata ichi vaurayiwa nemauto eAmerica. Vaurayirwa muIraq. (Mufananidzo muzinda weWhite House)

Breaking…Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika MuAmerica VaMarco Rubio vanoti mumiriri weSouth Africa muAmeric...
03/14/2025

Breaking…Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika MuAmerica VaMarco Rubio vanoti mumiriri weSouth Africa muAmerica VaEbrahim Rasool havachabvumidzwe kupinda muAmerica mushure mekunge vati mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vanoda kuita zverusaruraganda. Hatisati tanzwa divi reSouth Africa panyaya iyi. (Mufananidzo VaMarco Rubio, X)

Ngatibatane paVOA Shona Channel paWhatsApp 👇🏾

https://whatsapp.com/channel/0029VaDYjU589infeR8WL90b

Address

330 Independence Ave., SW
Washington D.C., DC
20237

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when VOA Shona posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share