11/10/2025
JOHN 15.18-19
(18 Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga ini, isati yakuvengai imi.
Kana maiva venyika, nyika yaida vayo; zvino zvamusati muri venyika, asi ini ndikakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai.)
Achitaura Jesu anoti ukangoona nyika yava kukudai imi vashumiri zivai kuti mapesana naMwari.A true preacher of God anotaura pfungwa yaMwari anopesana nezvinoda nyika(Rom 12.2 Do not conform to the pattern of this world, but be transformed by the renewing of your mind. Then you will be able to test and approve what God’s will is.)
Asika tinavo vanhu vaMwari varikudiwa nenyika zvekuti chose chaanoda anopihwa nevanhu.Saka uchatsiura sei chivi kunyika kana iriyo irikukupa zvaunoda.Mwari apererwa here zvokuti angatendera satan kumubatsira kuchengeta vashumiri vake.Jesu achitaura anoti muchavengwa nenyika nekuda kwevhangeri asi nyika iya yava kutida vashumiri tarasika papi.Ukaona mushumiri adiwa nenyika ziva kuti apesana naKristu(2 Tim 4-3).
The church has moved from being a church to a religion mweya mutsvene akatama muchurch dzangosara ndimi chete dzisina mududziri futi.Takakonesa nyasha dzaMwari tikadziita hutera.
Tinovanda muzvivi tichinyepera kurarama pasi penyasha asika nyasha hadzipo kuisa kutera kuvanhu.Hana yairova kutadzira Mwari yakaendepi,wakaendepi moyo wairevesa pawakagamuchira Jesu.
Angotaura nendimi ototi atove mufundisi,agona kuimba atove mufundisi.Its high time we turn to Jesus Christ and understand that the goal is for eternal life not material things of this world
Muridzi weupenyu arikuuya,hazvidi tigadziririre here hama yangu hatizivi musi nenguva