06/08/2025
Zvakaipira kugara muwenera zvisiri pamutemo .
Magwaro haasiriwo ega anoita ubudirire,kubvuma kuudzika kutsiurika.Nharo/Kuchenama ndizvo zvaita vamwe vatadze kusimuka muhupenyu.
1.Unogara uchitya kusangana nevemutemo.
2.Haugare zvakasununguka semunhu ane magwaro.
3.Hauhoreswe maringe nekushanda kwako nekuti hauna mabepa.Unoshandiswa for nzungu.
4.Haukwanise kutora chitambi chekufamba nemota muwenera.
5.Vana vako havawane magwaro ehugaro hwemuno chero vaberekerwa muno.
6.Vana vako vachakura vachishandisa magwaro ekugara muno epasi pemuti.
7.Vana vanokundikana kuenderera mberi vachiwana rubatsiro rwekufundiswa pachena kunyangwe vachigona.
8.Haukwanise kutenga motokari zviri pamutemo,unotenga yoiswa muzita remunhu ane mapaper,kana akada kutiza nayo hauna zvaunomuita.
9.Hauna mukana wekuwana mari yekutenga midziyo mikuru yakaita sedzimba nemotokari dzemhando yepamusoro.
10.Unoshandisa mabhangi anotora mari yakawanda pakumashandisa nekuda kwekushaya magwaro ehugari hwemuwenera.
11.Mabasa akanaka haumawane usina magwaro.
12.Unogara uchibuda mari yekugadzirisa pasipoti pese pawaendera kumusha,kuti ukwire ndege chaiyo unifanirwa kutanga waburitsa pasipoti yako nekuipinza muno.ndosaka muchiona vazhinji vsnotanga vaenda kumusha nebhazi,vodzoka nendege,inhau yemagwaro.
13.Mikana yako mishoma pane mumwe wekwakwo ane magwaro.
Tinawo vakawanda,vasina magwaro ekugara muno asi Mwari akavasimudza,nrkuti vaitsiurika nekuudzika.
*Vakaunganidza mari zhinji vakatenga dzimba pasina zvikwereti,hongu imo muno.
*Vamwe vakatenga ground,vakavakisa.
*Vamwe vakawana vakadzi vemuno vakashandisa mukana iwoyo kuita zvinotyisa.
Vakangwara vasina magwaro vazhinji vakaisiya Wenera iyi,vakaenda kumwe kunze kuri nani,kwavakasvokopuwa magwaro enyoka idzodzo,izvozvi hupenyu hwavo hwakashanduka.
Vakangwara vamwe vedu vasina magwaro ,vakavaja kumusha vakaunganidza mari vakadzokera kumusha and vagere kuZimbabwe.
Vakangwara vanoda kugara muwenera zviri pamutemo,vanoita chikoro chinodiwa muno kuti uwane magwaro*critical skills.
Mijuru ine miromo yakapinza,yakachenama ingori muno,kuchenama kusaudzika kusada chikoro,basa chihure,kudhakwa,maparty enzara,photo shoot etc.Vamwe busy kuzvara nekuzvarisa vana vavasina plan nefuture yavo.
Inenge ichingoti hatiudzirwe zvekuita chero ichidja paboiled rice,kfc,chicken nechingwa chine poroni,kumusha havaende kudzidza havadi,kuenda kumwe kuri nani zvikwanisiro hapana,saka shungu dzinoperera pamuromo,kutukirira pasocial media nekuchenama kunge mujuru waswera uchichera churu chakaoma,ukatyora muromo🤣🤣🤣
Hongu tese takauya tisina,asi unokwanisa kuita zvinodiwa muno zvechikoro uwane magwaro,asi mijuru haiudzike,so many excuses,kuda kunzwirwa tsitsi,iwe wona zvekuita uchinje hupenyu,yes hunoshanduka ukamira kuchenama,woshanda nesimba.Bvuma kuudzika munhu.
Dhoiri rakana kopa iwe Mujuru!
Forgive me in advance,its my condition making me do this!