02/12/2025
━
https://whatsapp.com/channel/0029VaBl4yuA89MrSEoWkc42
━━━━━━━━━━━━━━━━━━
♡ ㅤ ⎙ㅤ ⌲ 🔕
ˡᶦᵏᵉ ˢᵃᵛᵉ ˢʰᵃʳᵉ ᵘⁿᵐᵘᵗᵉ ᶜʰᵃⁿⁿᵉˡ
*MASHIRIPITI*
WHITTEN BY T💘K
0676358650
TEAM WORK
T💘K
0676358650
BAX💫
0651762329
AND
TIAN AKA MAMA MILAN
0730252632
━━━━━━━━━━━━━━━━━━
CHAPTER 2
RACHIDA
Kumhanya mhanya kwaiita bamukuru kwanga kwakandityisa chii zve change chaitika kumudiwa wangu? Vakadzoka vakabata rimwe plastic vakapinda mukati this time ndakati handimiswe ini", ndakamhanya ndichinopindawo imomo hama weee ndaka screamer ndaona Sidney ayiswa rimwe zi paipi pamuromo rimwe richiiswa kuzasi ma dripi zvunhu zvakawanda wanda zvazvangozara paari.
"Nhai mai Sidney nzeve dzenyu dzakarohwa kuhondo here kana kuti makambovhundusirwa nezviremwa remwa? Ndati garai panze nevamwe budai muno" Bamukuru vakandibvunza nehasha ndakati nhasi kana vachiuraya ngavauraye zvavo.
"Murume wangu arimuno bamukuru saka ndine mvumo yekugara muno muchida musingadi ndogara na Sid kusvika chiremba vapedza zvavarikuita."
Ndakapindura ndichitoenda kuseri kwaivo kachituro ndikazvitsiga ipapo nhai mutemo rudziyi wekuti mukadzi anodzingwa haatenderwi kuva nemurume wake panguva yakaoma.?
"Mai Sidney handidi kupedzerwa nguva nekuda kwehu stubborn hwako buda mumo urikuvhiringa doctor."
"And i said i'm not going anywhere bamukuru handisi kuvhiringa doctor ndakangogara pano ndakatarisa murume wangu saka vavhiringwa papi? In fact ndimi murikutovavhiringa nekutaurisa kwamurikuita ikoko" Bamukuru vakapererwa vakabva vanyarara kuti zii nhai munhu wepi anoda kuita hupenyu hwevamwe vanhu chitoyi? Who the hell he think he is kundimisa kuona murume wangu nxaaa"
Ndakagara imomo ndiri zii kusvika vapedza zvavaiita doctor vakatura mafemo voti.
"Zvichiri zve accident here izvi? Handinzwisisi zvachose. Ahachakwanisi kuita weti ma injection arikudzoka ahasi kupinda mumuviri zvekuita chaizvo ini sachiremba handichazivi."
"Doctor murikuti kudiiko? Kana imi musisazivi zvekuita anozoziva ndiyani? Sidney anofanira kupora doctor ikakakamwana kadiki kachiri kuda kudzidza zvakawanda kubva kunababa vake Sidney has to be alright doctor."
"Ndonzwisisa zvamurikunzwa as a wife madam asi handingakwanisi kukunyeperai kuti murume wenyu anoita right izvo zvakutongoda musiki pachezvake."
"Nhai Mwari saka anodya sei nezunhu ramaisa mumhino make iroro nhai chiremba?" Ndakabvunza ndichida kunzwisisa chiremba vanga vanemoyo murefu zvavo, vakatsanangura zvese kwandiri ini hembe yanga yatota pachifuva nekuchema. Takazobuda visiting hour yapera nai vaibvunza arisei mwana wangu but tese nabamukuru taishaya kuti topindura kuti kudii takangoramba tiri zii. Takasvika kumba pakagadzirwa kudya kwemangwanani ini appetite ndandisina chaidzika nepai chikafu uchinyatso kuziva kuti zvunhu zvakaita manyamire nerongo? Zvunhu zvazvisina kumbomira zvakanaka kana ndakangotora glass remvura ndokumwa at least ndikamwa mvura ndinowana simba rekufamba kutaura zvese.
Ndakaenda kuroom kwangu ma memories ayiflasha mupfungwa how happy we were nemurume wangu tichiita kunge ma best friends but, kubva last week iyo ndabva kumusha zvunhu zvazvachinja tatakungorwa every now and then pamwe pacho ndaiona kuti zvatirikurwira hazvina kana nebasa rose like the other day Sidney kupopota kupotsa kundirova because ndini ndakatanga kumuka ndikaenda kunogeza iye ndokuzosara achimuka hanzi wandinonotsa kubasa why wanogeza before me kwakutonetsana kwaizvozvo, like musi waazoita accident tataita big fight makuseni acho chero akazoti sorry pafoni asi yanga yatodeuka hanzi nevakuru yadeuka ahiorereki. Ndakademba kuti dai ndisina kumborwa naye zvimwe angadai aripano. Ndakatora foni yangu wanike Sidney akabvisa ma groups ese ema novels nee music neese andandinawo adilita manumbers eze angosiya ehama chete. Ndakasvotwa kusvika pekupedzisira zvino number dzaMadzimai vaya ndonodzitorepi chaizvo?
Ndakapotsera foni kwakadaro uko misodzi ichingoti dododo. Mhama vakauya nemwana.
"Musakangamwa kuti munemwana kaa vasikana mwisa mwana uyu muroora."
"Mhama handina kana simba rekumubata mwana wacho ndipei" ndakafirira kutambira mwana kudai uyo mhere kwetsu kunge ashunyiwa.
"Nyarara muzukuru wangu koo zvaitaseiko nhaiveduwe?"
"Huya umwe mukaka baby come to mom" Ndaiedza kuda kumutora akaridza mhere futi.
"Muroora wangu mwana ahasi kukuda zvimwe inyaya yokuti wabva kuchipatara imbogeza nemunyu" Ndakamhanya ku kitchen kunotora munyu ndikadzoka ndakapinda mu bathroom ndakatanga ndageza nesipo muviri wangu wese ndokuzogeza nemvura ine sauti, ndapedza ndakaedza futi kutora mwana but still ayingochema ndikamubata zvainge zvondinetsa ini kuti mwana wangu anochema kuuya kunamai vake asi kunevamwe asingachemi zviriko here izvozvo?.
"Handichaziviwo muroora rega tinomupa bhodhoro" Takadungamidzana namhamha kuenda ku kitchen ndakamuitira mukaka kwakuupodza ndikapa mhamha kuti vamupe pfungwa dzangu sedungamunhu dzanga dzvakutenderera mwana wangu arikuvhunduka akauya pandiri murume arimuchipatara with pipes in all over his body. Chero misodzi ahibudi unonzwa kuti pano ndasvika pakupererwa chaiko ndakapinzira mai vangu nyakutumbura nhare.
☎️Hello mai Sidney varisei vamwe nemukwasha wangu nemuzukuru wangu?"
📞Ba Sidney akaita accident mhamha uye mwana arikuramba kubatwa neni."
☎️Hezvo unondiudzeiko nhaiwe? Zvimwe wakabva wakaberetswa zvidhoma kuno kumusha unovaziva vanhu vekuno vanoroya ava chero masikati wadii kumboenda kumadzibaba unobatsirwa ndakambokuudza kungoti ahunzwi."
📞 Please mhamha kumadzibaba kweiko? Munoziva handi believe in all that ndoenda kunodiikoko? Plus zvekuberetswa zvamurikutaura ndezvenhema izvo hazviko mhamha ndakufonerai ndichidawo comfort yamai vangu imi makundiudza nonsense."
☎️Hadzisi nonsense ndirikutokuudza samai vako Rachidha asi ahutereri urinhinhe sechinyemba uchademba zvako 1 day kana zvakumomotera mhezi usamboti mhamha pamutsvubvu panemushavhi bye bye." Ayikaka vakabva vatodambura nhare for real ndakasvotwa zvisingaiti ndainge ndakatarisira kuti mhamha vangu vachandiudzawo zvekuita zvisvinu ivo vakundiudza zvekuenda kumadzibaba ndosvika ndoudzwa zvekunzi mai vako ndivo muroyi this and that. Ini kubva ndichikura i've never believe mukanamata. Ndakaona mai vangu vachinamata kubva ndirikadiki kusvika ndakura asi handina kuona any good results nekunamata kwavo ikoko vachipfeka bhachi reruwadzano baba vangu vakangofa wani hanzvadzi yangu yakangonyangarika nekunamata kwavo ikoko saka what's the use of it? Kubva ipapo nekuona kutambura kwaiita mai vangu handina kumbobvira nda believer mukunamata futi.
Well ndakatarisa mwana anga arara akabatwa namhamha ndakabva ndaenda kunogadzirira zvekuenda kuchipatara ku visiting hour yemasikati ndichidarika nepa door pamaiguru nabamukuru ndakanzwa vachinetsana.
"Ahuzivi zvekutaura mai Mishi my brother is in hospital and iwe uri worried nemari how selfish are you?"
"Ndini ndakavamanikidza kunoroora muroyi here? Ndini ndakavati vaende kunotsvaka mukadzi kuGandavaroyi ini ndakavaudza kuti mukadzi wavo anoroya vakaramba kunditerera let him suffer."
"Mai Mishi usada kundifosa kukurova wazvinzwa unoti let him suffer wakangamwa kuti ibrother yangu?" Misodzi yangu ahina kubuda ndakanzwa hasha instead, ndaiziva kuti maiguru vakandivenga vanofunga kuti ndini ndodiwa navamwene but vangandivenga kusvika pakuti murume wangu arimuchipatara fighting for his life voti let him suffer? So maiguru vano believer kuti ndirimuroyi? Koo hino zvandisingaziviwo kana mukwenzi we flue nhai Mwari? Ndaitaura ndega ndichienda kuroom kwangu. Ndakachinja hembe sezvo ndandageza kudhara ndikaenda ku dining vanhu vese vavako maiguru vachindipa ziso rekuti bhasvopo, takaenda ku hospital visiting hour ya 1 iya takasvika ma doctor ma nurse achimhanyidzana ku ward yevarume takapinda mamuna Sidney wanike...
End of chapter
# Mashiripiti
of love
# Novels na T💘K aka Mhamha Ak ❤️ also