13/07/2025
Joy muzukuru(nevese vari mumasituations akadai),
You dont follow me asi ndoziva tsamba iyi uchaiona.
Chekutanga ndinoti,ndine hurombo nezvauri kusangana nazvo muzukuru,asi Mwari waunonamata akagara ataura kuti marriage is full of challenges.
Sekufara kwawakaita musi uya uchichata,ndiyo level yekuchemawo inoitwa mumarriage.
Mumarriage ukasaita dambudziko rembereko ukasavengwa nehama,ukasahurirwa,haaa unoshushwa,kuchengerwa,kunyimwa mari,nzara yebonde,kupihwa mitemo ine gumi,kutongwa nedemo,nhamo chaiyo,kutambura chaiko,haushaye chako🤣🤣🤣🤣🤣
Murume akasatamba hujaya,anozohutamba mave mumba and zvinorwadza nekuti hazvisi fair kwauri.Hakuna munhu akakodzera kuhurirwa nekuti kunorwadza.
Chechipiri,Murume akanaka chipfambi chake chisati chafumurwa,chikangofumurwa chete,ave kutoita worse mhuka.
My advise ukabata kuti murume aita chipfambi zvitori nani kuita fuza risingazive ,wongwarira than kumubvundora nekuti akutozolooser the little respect newe.Varume vakabatwa vanoita worse,I dont know why asi ndozvinoita demon racho rehumbwa kana rakubata.
Saka ndiri kuti ndiko kutanga kwedambudziko remoyo.Chero akati kunyepa,ndozvavari varume,hakuna anobvuma kuti ndinohura,chero ukamubata anongoti ,it was not me.Motto yevarume inonzi usafe wakabvuma chihure,saka haambofe akabvuma,anongoramba achinyepa.Asi iwe ndiwe uri musituation,chito changamu changamu muzukuru.Muratidze kuzungaira asi wakangwarira zvaasingaone,kuziva or kufungira.shiri inozongofa one day.(unongona kutozomusiya,wahealer,wapora,warongeka,urimo mumba imomo).
Chero akakupa password yephone,pfambi dzinoudzwa kunzi ndini ndinokutanga,ndini ndinokufonera,haumise munhu azvipira kuk***adzisa nechihure.(saka usapusa,ngwara asi usamuratidze kuti wangwara,kwaari ita fuza).
Murume wako akangodzimara aita dambudziko rekuravidza mumwe asiri iwe,hauchamugone.chero ukaudza president,no one can change murume asarudza kupomba.Usafe wakanyeperwa kunzi udza baba,udza amai,hakuna anomugona.The more vanhu vauri kudaidza kuti vamutonge,ndiko kutomuitisa nhinhi kwauri kuita.Anotoita worse,nekukuvenga more.Anotowedzera kuk***adzisa pese paanotongeswa.
Pamberi pevanhu anonyepedzera kuita munhu bhoo,vachingoenda anoita opposite.saka siyana nekumugarisa matare,simba,uchiunganidza,vana vachikura uri fuza hako.
Sarudzo yake iye akatoita, inova yekukucheater,because mumoyo wake watova munhu wake anoita zvaanoda newe.
Kumuregerera kutomuudza kuti wedzerai chihure.(unomuregerera,ita Mwari ndigonesei,vanokugonesa).
Saka ndodii nhai Aunty Jean?
Une sarudzo mbiri muzukuru.
1.Kutomusiya nekuti,chihure hachisiike zvekumhanya,varume vamwe vanochinja nekukura,vamwe vanofa vachihura,handizive kuti uyu ari papi.Asi zviri kwauri kufa nebitterness uchihurirwa or kusiya wonamatira mumwe kana achikurova, kwete kuhura chete.murume haasirwe chihure,asi kusakuchengeta,kukurova kukushungurudza iwe nevana,ndipo paunosiya,wamborwisawo kuti imba imire,kwete kanoverengeka.Munhu kadzi haubvutirwe chingwa pamuromo,unombomirizika.
Ini ndiri against kuti umusiye maringe nesituation yako,ehe inooneka kuti unodzvanyirirwa uye hauna access nemari.Ndakaona uchigomera uri muchitoro uchitsvaga mbatya dzemucheche uye ne dzakiki.Hakuna murume ane rudo anomirira chando chitange or huzvere kuti asiye mukadzi in pain kunotsvaga mbatya dzevana.ungadai wakaita izvi mimba isati yakura.Murume asingamukire kubasa anokusiya uchigomera kubikira mumwe mwana bota,hakuna rudo rwakadaro.
Anooneka even muitiro wake pamavideo nemashoko aanoburitsa kuti ane rushusho.(maonero anguwo hangu,pamwe ndiri wrong,asi asi hazvina hazvo basa nekuti iwe muzukuru wangu unomuda munhu wako akadaro.)
B.ukasiya uyu munhu kungomutarisa chiso chake,anotaridza kuva murume akaoma,zvoreva kuti uchatambura nevana ava vaviri ukamusiya,mhando yake handione ichizokurangarira kana marambana saka pafunge ipapo.
Anotoziva kuti hauna kwaunoenda,uchamugarira achihura.varume vanokupima vasati vatanga kukuhurira.Vanotoziva kuti haiwa uyu haaende anogara anondida.
C.Dai uine zvakowo zvekuita,waishandira vana vako.
Asi zvisinei sarudzo ndeyako,asi ndiri ini iwe ndaishingirira vana vomboti samhukei,asi kana ari kukurova,siya hako Joy.
2.Kugara naye wonamatira kuchengetedzwa naMwari uye kupiwa simba rekukunda muedzo uyu.
Handidi kukunyepera kuti Mhinduro inouya,vamwe takazotiza isati yauya,Mwari vakatipa mufaro.Zvakare handidi ufunge kuti,ukangohurirwa wotiza,imba inoshingirirwa.unozosiya hako asi warwawo hondo yako.
Haungoti kuhurirwa nekutiza,asi kana uchirohwa,kuhurirwa,kunyimwa mari tiza.kana chiri chihure chete,unomboshingirira uchinamata.Kana achikurova,muendere kumapurisa,unopiwa peace order so that mugare mese asingakurove.asi kana mave nepeace order ari.munhu ane violence,becarefull anokuuraya.(again iwe ndiwe unoziva situation yako better).
Asi kana wazvipira kugara,chisiya madrama ekumutevera kumjolo wake or k***a nemabhishu or kumupopotera adzoka,or zvekumuchemera,hazvichinje chinhu.watova chimunhu chake.(chiita changamu changamu muzukuru kuronga plan B yako even in 10years time,start now).vakadzi vazhinji mudzimba umu varimo asi busy kuronga tsoro dzavo muchiti vati kufara izvo vari kuronga kutiza.
Chero ukachinja mupfekero,muvhuriro wemakumbo,marecipe ese,hauchamunakire,kunonaka ndiko kuri kubirirwa kwete iwe wife.(vanoti zvekuba zvinonaka ka).saka usazvipe presure muzukuru,chihure chake,hausi problem.dzoro rake ndiro dambudziko rechinhu chake,kwete iwe.
Kana wazvipira kugara,chitamba nemabvi zvandambotaura.
Kana wazvipira kugara take care of your health,know your body and status.get checked regulary for bp,sugar and depression.(Make sn effort to live for ypur children).
Achakuhurira zvekuti unoti kufa kuri nani.Kana wazvipira kugara wotosunga dzisimbe,nekuti hakuna munhu anonakirwa nechihure senge achangochitanga.As iwe unoraramira vana vako,saja usabatikane nemijolo yake.
Mashoko angu ekupedzesera,usafurirwe nevanhu,vanokusiya wave kuroya,ukamuuraya or kuurayisa(this is SA,newe Giri becarefull,unofira mjolo uyu).
Ziva kuti chihure isarudzo yake,hazvireve kuti pane chakashota pauri,or haunake,or hauna magaro,or wakasviba,zvinongoreva kuti dzake pfungwa dzine error,handigone kugudzikana,dzinenge dzembwa,dzinoda kuchinjanisa vakadzi.
Wakakwana Joy and uri mukadzi musvinu,akasvika,akanaka,ane hunhu.ukawana murume akatendeka,uri queen chaivo.
Saka usafe wakazvitarisira pasi nekuda kwebenzi ragarwa neshave rehumbwa.
Usanyeperwe kunzi kune n'anga or muporofita anopedza demon rehuhure,hakuna,nekuti isarudzo yaaita hake,achiziva,achida kuti ucharwadziwa,kuti arikuk***adzisa.
Uripo,iva neaccount yako,nemari yako,urongewo hupenyu hwako.
Asi vana vadiki Joy,dai wamboshinga,handi nyore asi shinga.(zvekugariswa matare nekuudza vanhu,siyana nazvo,unongosekwa nekunyadziswa).Hausiriwe wega watanga kuhurirwa or wekupedzisira.
To all young girls,dont rush into marriage,these boys will change after marrying you.Get education,get your life sorted before settling down.
Varume vanochinja vazukuru.
Kugara nhaka huona dzevamwe vazukuru.Takabveyo kumhunga hakuna ipwa.
Akuruma nzeve ndewako
Ndini vatete vako muzukuru❤️