04/12/2025
Mamuka sei Tete ndoshaya kuti ndodii
Ndakamitisawo musikana ari Form 2. Ini ndakasvika 'A' level so ndaitarisira kuwanawo akadzidza. So paakanditizira ndakaramba ndikamudzinga ndichibatsirwa nevabereki.
Akazotorwa neHanzvadzi dzake. Havana kumboita bongozozo neni, they acted like everything was normal. Akazonosununguka vana vaviri vakomana maTweens. ππ
Akazotorwa neHama dzake akaenda kuDurban. MaFacebook Pic anoratidza upenyu huri kufamba. It's been Ten years now haandikumbiri kana chipeneti chekupa mwana. Iye abatana kuita chisikana chaicho. Ini basa rakaramba kutamba πndakanyanya kutemba dzidzo.
Zvirikumufambira chose. Akatenga mota ndakatoionawo paakauya kumusha, akatouya nevana kumba achizotiratidza uye akati tinovatoresa maBirth certificate tikaenda nemota yake. Ndainyara zvakaipa ndigere mumota imomo ndichiona makanda avo nemapfekero ndichiCompare neutovo hwandaiti best outfit yangu.
Aitotaura neni like everything was normal. Sister vake ndovaingondikadadzvura ma1 word, vakandimaka zvekurevesa. Vana vaiva confused kuti ndianiko irori. Vachingotaura English varipamaTablets avo.
Tapedza akandipa hug π« pamberi pevana akati vana vaite saizvozvo. Ndokunditengera grocery re$100.00 rekunopa vabereki vangu. Ndokusvikondisiya pamba. I was out of words, what a blessing I have lost.
Ndakapiwa Number. Akati avakudzokera. Ndakamukumbira ruregerero akati aizondiudza afungei. Vabereki dzaingova nyadzi vavakunditi utore mombe mbiri unobvisa kuitira vana. zveShuwa ndakaendesa mombe idzodzo.
Ndakazofona ndichida kunzwa anotii nekuti tidzokerane akati, "Ndinotokuona sebhinya, zvandakaita pandakauya kuti utorese vana maBirth doesn't mean ndine basa newe ..stay in your lane".ππndirikutambura Hama dzangu, ndoita zvekudiiwo mukadzi wangu ndomuda tirere vana pamwechete ππ.