16/10/2026
Hide tete chitupa changu plz. Ndirimurume ane 43 years ndaita dambudziko Kumba kwangu , mupfanha anoridza marimba (keyboards)Ku church kwedu akuda kundiparadzira imba .Amai vekwangu havachazivi kana pekubata pamusana pemuchinda uyu ,mumba medu Zita rake ririkugara richi ringer chino ne chino Dai varume vese vaiita saZandah (not his real name) wemarimba dai church ichisumukira .Mukadzi wangu k*tonditi Dai maipfeka saZandah dai maitoonekera just imagine mukadzi achikudaro zvese zvataurwa Na Zandah kuchurch mukadzi wangu anotosimudza arimaoko maviri k*tsigira Ini ndakataura haatombondi sapote kana kushaura kuchurch Zandah anobva atoregedza k*tinya marimba asi wangu mukadzi kungoshaura Zandah anobvarura rimba serimba ,mu group rechechi ndakanyora mukadzi haaisi ma comments but Zandah vanotozora pakati pahwo vasaarira vari two ,handina hangu proof yek*ti vanodanana but rinemanyanga hariputirwi ndakambozama kumuonesa Kuti hona vanhu varikuzevezera nezvako but akatonomhang'ara kunamufundisi Kuti ndirikumupumha hupfambi ndakatozopedzisira ndak*tonzi ndine demon riripandiri rinoda kuitwa cast out ,Kuda Kuti nditaurewo point zvonzi siyayi Vana Zandah vakakurira muHarare imi makakurira kuzvishavane mozivei kana ndimiwo zvandafunga ndirikufunga kumutsa bongozozo paeaster kuchurch Kuti zvityise ndibudewo munewspaper sa amwe ndobva ndatoibuda church for good or ndingomuendesa Kumba kwaZandah vanoridzirana marimba ikoko mukadzi wangu tuchechi twemu Joni twamutenderedza