
22/07/2025
Haa Ndagara Pasi kuti teshe chaiko vadikani, Ndirikugarawo muno mujoni nemukadzi wangu nevana ini handishandi ndinotochengetwawo nemukadzi ane Saloon yake.Nekudaro mukadzi akashanda zveShuwa akatenga mombe mbiri nembudzi dzakati wandei kumusha achiti kana tazodzokera kumusha towana pekutangira. Akavakisa kitchen ndokuisa mushandi anotarisa zvipfuyo nepamba.Akabva aunganidza Mari ikasvika 40 thousand rands akandipa akati chiindai munovakisa 3 roomed bedroom modzoka ndichiunganidza imwe. zveShuwa ndakabvawo Joni kuuya Zim kuzovaka. Ndavamunzira ndakabva ndagaya Chimoko chandakambodanana nacho ndisati ndaroora madam. Anogara muHarare. Ndakamubata ndiri muBus ndikati Babe ndouyoko akafara zvisingaiti. Akanditambira paRoadport tikaenda kumba kwake. MaGrocery ese andaiva ndatengerwa naMadam ndikamupa.
Ndakaita mwedzi wese ndiri ikoko Madam vachiedza kundibata ndisingabatiki. Mwana aiva neLove zvake iyeye, ndaiita kudziisirwa maSlipers ndonzi pfeka anodziya Dade ungatonhorwa.Breakfast neSupper tainodya kuRestaurant kumba taidya lunch chete. Tichitetena amount. Yakapera Mari yese tsvai ndichibva ndakwira bhazi kuenda kumusha kunotengesa mombe nembudzi ndokudzoka Harare homwe dzakanuna tikaitetena Amount yacho yese.Mukadzi akaudzwa kuti hakuchina zvipfuyo kuno uye hapana chakavakwa akaita BP😞😞asi wekubvunza zvirikufamba sei panga pasina. Mari iya yapera takabva takonana neGirlfriend ndokudzingwa sembwa ndichibva ndaenda kumusha ndichingova Razaro.Ndakazotengesa maSolar nebhatiri ndokuwana Mari yeBus ndokukwira kudzoka SA. Ndakasvika pamba ndokutanga kubongomora mhere ndisati ndabvunzwa ndikati dhiyabhorosi watigona gwendo guno mukadzi ndisati ndapedza ndikanzi buda hako muno. Ndakamboda kuita nharo achibva afonera hanzvadzi dzake dzikauya ndikaburitswa mumba.😞Dzorai Moyo Mai Talent ðŸ˜hongu ndakamocha asi ziva ndinokuda nemoyo wese. Ndorarama nei ukandisiya zvaunongova ndiwe mbabvu yanguðŸ˜.
゚viralシ