
12/10/2025
Hie Vamushonga vamwene vangu vandigura kunorira rwendo rwuno, kufonesa vanhu varikumusha zvikanzi Mai varwara kuno, tikati rega tiise mari vaende kuchipatara, mwana wacho kureva murume wangu akati rega vambouya varapwe muno, amai vakauya zvakanaka vakotokwanisa mimwedzi mitatu varikuno, aiwa mazuvaano ndiripabarika guru chairo, Mai vane 84 yrs, kana tirivaviri masikati tinenge tirirait asi kana kwakudoka vanotanga ma dhirama avo, kana ku bedroom kwavo avatodi kurarako, vanobva vatanga kuti chino changu charwadza apa pangu pazodai vachidaro vanondopinda mu bedroom medu vobva vandobvisa dzavakapfeka vosara ne pitkot ende avana matyira, ndikavaudza kuti mhai mwana wenyu akuda kuzorora vanoti ngauye arare padivi pangu , aaah vasikana izvozvi tatova nevhiki Mai vachitinokera kuti ndivhurirei ndinotya kurara ndega tovhura vobva vauya padivi pemwana wavo vorara, kana iri wknd asingaendi kubasa mwana wavo ahabudi mu bedroom zvekumhanya anenge achiti arikuda kuzorora saka ini ndinobva ndaendawo ku bedroom kuya todotanga kutamba nemurume vakangonzwa ndichiseka chete vanotouya vonoka tikadaira vobva vati munhu akazvitakura hafaniri kutamba mutambiro waurikuita iwewe, chiuya kuno undibikire zvandinoda, ndikaenda kwavari vanobva vati gara pasi usiye murume azorore, nhasi vamukira kuimba kuma 4 am tikati ko zvadini mhai zvikanzi amhusikundi Bata zvakanaka pano, munondibata semuranda, ndikati asi mhai munoda kuti tikubatei sei inga tirikuzamawo wani zvikanzi ndikafa andizorori ndichakumukirai, aah ini ndatozvishayawo ini kuti Mai vanodei veduwe, asi iiiih tirikuedzawo nepatinogona napo, asi mai varikuti tirikuvaregerera, aiwa vasikana ndipeiwo zano pamwe paripo pandinovatadzira ndisingazivi hangu