10/12/2024
*THINGS TO CONSTANTLY CHECK IN YOUR CHICKENS*
Mukaona huku kana nhiyo dzichibuda misodzi zvinogona kukonzereswa nezvinotevera
*matosi manyoro anenge achinonoka kubviswa ari pabedding
Matosi aya anobuditsa hwema hweAmmonia hunova hunoswinya kana kuvava (irritation) mumhino dzehuku kana nhiyo.
*Kusafamba zvakanaka uye zvakakwana kwemhepo inopinda nekubuda (Ventilation) panogara nhiyo kana huku.
Mhepo ikasafamba zvakanaka panogara huku kana nhiyo zvinoita dzitadze kufema zvakanaka uye zvinoita kuti dzihwa riwanike muhuku kana nhiyo. Mweya unenge irimo sezvarehwa pamusoro mweya wematosi (ammonia) hunokanganisa mafemero ehuku kana nhiyo (respiratory system)
Ndipo pakuzonzwa kakrrrr krrrr ipapo kana kuti flue.
โ
Ammonia ikange yazara muchirugu mushure mekusafamba kwakanaka kwemhepo (ventilation) inokonzera zvakare kuti temperature ikwire yemuchirugu uye oxygen pakadai inoitawo shoma zvakare.
โ
Munozoona huku kana nhiyo dzoshama muromo dzichifema zvakare
*Hunyoro hunowanikwa pabedding hunokonzera huku kana nhiyo dzicheme. Ammonia iyi inosimuka nekukurumidza uye inofinhura kana kufizura zvakanyanya. Mukaona dzochema, huku kana nhiyo dzinenge dzashatirwa kwazvo.
โ
Hunyoro uhwu ndiyo inonyatsobika utachiona hunokonzera manyoka akasiyana siyana muhuku:
*Manyoka matsvuku (red)
*Manyoka machena (white)
*Manyoka ebrown
*Manyoka egreen
Pakadai zivai kuti mapinda hosha dzinoda kutoti mukunye chaiko kuti dzipere.
Mukazoona
โ
maronda osimuka pahuku pamuchochoro
โ
kana pamuromo,
โ
nemhopo kana mapundu mumusoro wehuku
zivai kuti muri kukanganisa pakubata zvipfuyo zvenyu zvakanaka.
Ngaticherechedzei kugadzirisa bedding yehuku zvakanaka
Zvinokonzera kuvhara kwemaziso zvakati wandei uye mapundu pamaziso eziso ehuku (mhopo) zvinokonzerwa nezvakasiyana.
Mhopo iyi ndiyo inenge ichinzi fowl pox.
Kuvhara kwemaziso
-Zvinogona kukonzerwa nekusafamba kwemhepo zvakanaka (poor ventilation)
- Zvinogona kukonzerwa nehunyoro hunenge huri pabedding
-Zvinogona kukonzerwa nehuku dzinenge dzichidya matosi adzo ari manyoro
-Zvinogona kukonzerwa nekunonoka kuchinja bedding yehuku
-Zvinogona kukonzerwa nezvirwere zvakaita se Fowl pox kana Infectious Coryza
Mapundu pamaziso (Fowl Pox)
-Zvinogona kukonzerwa nekurumwa nemosquito inofambisa hosha yefowl pox
-Zvinogona kukonzerwa nezvose zvadomwa pakuvhara kwemaziso
Marapiro (Treatment)
โ
Ipai huku Coliflox kana yaita mapundu
โ
Ipai Respimint neColiflox kana neDoxin kana yavhara maziso
asi
-gadzirisai ventilation
-chinjai bedding nenguva
-musarasire mvura pasi munogara huku
-ngamusaite hunyoro munogara huku
-Matosi ngaabviswe nenguva
-Urayayi mosquito nezvimwe zvinoruma huku zvinobhururuka
Kudzivirira (Prevention)
๐ฃNgatipei huku vaccination yeFowl Pox neInfectious Coryza
๐ฃNgatiitei hutsanana pahuku dzehuku dzedu
๐ฃNgatiitei disinfecting zvakakwana munogara huku dzedu
๐ฃVentilation ngaive yakafanira
๐ฃUrayayi mosquito nezvimwe zvinoruma huku zvinobhururuka
chinjai bedding nenguva
๐ฃMusarasire mvura pasi munogara huku
Ngamusaite hunyoro munogara huku
๐ฃMatosi ngaabviswe nenguva