V. Mutasa stories

V. Mutasa stories Author and content creator.

Big shout out to my newest top fans! 💎 Kudzu Bote, Selina MasieDrop a comment to welcome them to our community,
22/01/2025

Big shout out to my newest top fans! 💎 Kudzu Bote, Selina Masie

Drop a comment to welcome them to our community,

22/01/2025

JONI RAKANDIONESA CHITSVUKU

STORY BY V.MUTASA//MAFUSIRE

CHITSAUKO 5

Takanga zvino tachingoti dzutu dzutu maziso sezvo takanga tapererwa.
Panguva iyi pakanga pasingadi kubvunza umwe kuti ko chii chirikuyitika nekuti wega waingoona kuti mari yashaikwa sezvo iriyo yaida kubudiswa muhomwe umu.

Munyori wematikiti akanditarisa ndokubva atarisa kunaJery kwakuti "Zvadiizve nhai mukoma?".
Ipapo Jery ayiratidza kuti aiva kunyika irikure mupfungwa dzake, ayiratidza kupererwa chaiko, uso hwake hwakanga hwatosuruvara.

Asati adavira Driver Jery akanditarisa ndokubva anyemwerera, kunyemwerera kwake kwakawedzera ndokubva ati pwaati zvake kuseka.
Akaseka Jerry zviya zvamai sekai asi ini handina kuona chaietsa nekuti ndaida zvekuenda Joni.

"Wapererwa ka Ronie, haa ndakubata wakaura mupfana kkkkkk, iripo mari usatya hako, akabva ati wii ruoko mubhurukwa ndokubva abudisa chitsama chemari.

Ndakangodzungudza musoro ndikaona munyori wemaTikiti achidzungudzawo nekuti Jerry akanga atitamba yakaipa.
"Usazodaro wangu".
Ndakadaro asi iye akanga atova mubishi kuverenga mari achisekerera.
Nechemumoyo ndakangoti iri zimwana iri.

Takabvunzwa Mazita tikanyorerwa matikiti umwenaumwe akabata rake asi taingoseka naJerry nenyaya yaakanga abva kuita.

"Exactly 12:30 bhazi rakasvika, uno musvesvenenga waro, ngarikure Bhazi revanhu apa raiva nemaketeni pamahwindo.
Nechemumoyo ndakangangoti ndatopinda Joni ini.

Takapinda zvedu mubhazi ndokusvikogara pachigaro apo takandoti tende tirivaviri ini naJerry, Mubhazi makangamakati zii kuita runyararro, waizongonzwa maphone achirira chete.
Tisu avo Bikita minerals tsvai, paMutendi tsvai, hezvo Roy takasvikomira ipapo.

Vamwe vakatenga tushiri netumichero ipapo asi isu takaramba tiri zii zvedu uye ini ndakanga ndisina kana kobiri zvaro.
Harina kunyanya kumira paRoy bhazi rakabva razvambura pasi isu tirimukati ndokundoti paTollgate pfee haaa ndiye ngori muMasvingo,.
Semunhu akanga asingazive nzvimbo ndaiita zvekuudzwa naJerry kuti tavapakati.

PaExor takadzika mumbazi ini ndirimumashure maJerry ndokubva tandopinda mumaToilet.
Chero chikafu ungadyiramo, makanga makanaka uye makanga makachena.

Takabuda paya ndokubva Jery atenga chikafu, chicken yakapiswapiswa.
Akatenga Pfuko zvibhotoro zvina pamwe nezvisuper zvitatu ndokubva tadzokera mubhazi.

"Ndisati ndakanganwa Ronie, bata apa mwana wamai, ikozvino tavakuenda kumapiripiti, kundongwavha".
Akataura Jerry achibudisa R200 ndokubva andipa.

"Waita bhoo wangu"
Ndakadaro ndichitambira mari iya.

"Pachedu".
Akadavira zvake Jerry ipapo bhazi rakabva rakasimuka
Rakarohwa Dutavanhu riya remanzeve makuru veduwee ini ndaifunga kuti kana urimuya unenge uchinzwa mutinhiro waro wese asi bodo, hazvina kudaro.
Ndaingonzwa kuti shiiii richienda bhazi.
Tisu avo ngundu pfacha nyaya dzaitsva nemukomana Jery aiva free spirity zvake.

Ayiti akati garegare omboti dzvutu doro rake raakanga abva naro paExor.
Ini ndaiita ndichizviona kuti umwe wangu wakuita achibatwa naro doro nekuda kwenyaya dzaakanga avakutaura.

Kwakanga zvino kwasviba mubhazi makati ziii, makanga munerunyararo zvekuti ini naJerry tisu tainzikwa kutaura mubhazi umu.
Takasvika paToll gate rekundopinda paBeightbidge ndokubva Jerry ati nyamwi kusimuka kwakurovarova madziro ebhazi nembama.

"Right Vabereki, special announcement from your boy Jerritaldo Sondombia, Kana tavambuka, tavaJoni uko mukandiona ndavan'anga siyanai neni handiti ka, zveJoni ndezveJoni, zvekuZim ndezvekuZim".
Akataura zvake achiratidza kurevesa asi vanhu vese vaiva mubhazi vakabvaruka nekuseka.
Makaita ruzha mubhazi pamwe naDriver akaseka, mheterwa dzikarira.

"Ehe chero mukandioa ndavaNgochani zivai kuti kutsvaga mari chete, kuno kuZimbabwe ndirimurume".
Kuzodaro futi vakadzi vaivamo vakatanga kupurudza, varume vakarova mheterwa izvo havana kuziva kuti vaa Jery manyawi.
Zvokwadi Jery akaratidza kuti aisa mufaro muvanhu vaiva mubhazi umu nekuti ayingova mazvakemazvake bhurugwa rinezvigamba.

"Yah ndirikutorevesa Kujoni kunoda vanhu vanehana uko kwete vanehana nhete sedzedatya, Izvozvi tinemahure emubhawa muno asi vatosiya varume nevana kumba, inhema here?".
Akaenderera mberi achidaro wanei avhiringa vanhu musoro, makasekwa mubhazi mukaita ruzha rwekuti chero conductor akapererwa.

"Zvamaona Joni siyanai nazvo, Kozoitawo vanonhuwa hapwa muJoni hamusi mavakutijairira here nhaimi vanhu, R10 chaiyo paJoni unonhuhwirira asi unowana munhu iripfugupfugu kunga unofamba uchibika fish pose pauri, haa imi kani pfirai mate pasi muti tirichapa kkkkkkk".
Rakabva zvaro ragegedzera kuseka Jery richitukirira vanhu.

Ruzha rwakaenderera Mubhazi zvekuti chero conductor deno anezvaaida kutaura hapana ayimunza.
Bhazi rakangozokaruka nekumira ndipo pakanyarara vanhu vachida kunzwa kuti chii chirikuitika.

"Vasina maPassport vese burukai, burukai nekukurumidza matononoka!".
Akadaidzira Conductor ndokubva taburuka tese naJery asi nechemumoyo ndakangotanga kuzvibvunza kuti ko Jery anomboita nezvei Joni uko nekuda kwenyaya dzake dzaakanga atanga mubhazi umu.

Magumo echitsauko 5

10/12/2024

JONI RAKANDIONESA CHITAVUKU

STORY BY V. MUTASA/MAFUSIRE

CHITSAUKO 4

Ndakanzwa mai vangu vavakudaidzira kuti "Tisvikewo!" ndokubva papindura inzwi rechikadzi rakati “Svikai", ndikanyatsonzwa kuti ava ndivo Mai Zengu.
Mai Zengurirai waiva muporofitan'anga wemuraini medu umu zvekuti vazhini vanenge vawirwa nedambudziko vaiendapo paMai Zengu.
Vaibatsira kubva kuchipfura, nhova nezvimwe zvakasiyanasiyana.
Ndingati vaiita zvese Mai Zengu nekuti kun'anga vaibatika pamwe nekuchiporofita.
Tichingopinda vakatangakupikitika vachidzungudza vachidzvova pamwe nekurira nendimi.
Ndakanga ndavakuziva zvangu nekuti takanga takura tichivashanyira kumba kwavo.

Ini vaizondibhohwa pakudzura, vaigona kukushunya mumusoro umu vobva vabudisa chibhora chakaita kunga chakamonerwa nezvuma.
Vakasakushunya vaikuruma nemazino avo chaiwo zvinova zvaizotibhohwa isu sevana asi vabereki vedu vaitoona zvichitifambira.

Vakarira nekudzvova kwekanguva kakatikuti uye takanga tisati tatomhoresana ndokubva vazoti mhoo kunga chikari chegusha chapora.
Vakanditarira ndokubva vaseka havo.

"Eeeeh hwapera ka hurovha nhai Ronie, aiwa basa ririko mberi mwanangu asi rinoda uzvibate uye uzvichengetedze, ukasadaro chete ndaona wadzoka urimubhokisi".
Vakataura Mai Zengu ndikada kuseka hangu asi ndakazozvibata.

Vakataura twakawanda uye vakanga vavakupindurana namai vangu ini ndichigutsurira musoro.
Ndakapihwa mvura yandakanzi ndigeze nayo ndisati ndasimuka ndokubva zvapera zvakadaro zvepaMai Zengurirai
Tisu avo dhuu zvedu kubuda mumba mavo takananga kwedu ini naMai vangu.

"Wazvinzwaka Ronie, wondozvibata ikoko mwanangu kwete kuita serwaivhi wazvika ikoko.
Unozviziva ka zvinoita rwaivhi, runochinja ruvarwa parwadira"
Vakadaro Mai vangu ndikaziva kuti ndichandosvika kumba ndichingopangwa nekuti zvekuraira vaizvida.

Ndakaramba ndinyrere ndichingodavira pandinenge ndabvunzwa chete kusvika tasvika pamba.
Ndakaurairwa kahuku kekuonekana tikava nemufaro pamwe nekahanzvadzi kangu.

Ndisingadi hangu kuvanza mufaro wandaiva nawo, zveshuwa kahana kairoverera rwendo rweJoni.
Kunaka kwehuku yakabikwa namai vangu handina kukunzwa nekuti dzangu pfungwa dzakanga dzazara mugwagwa.
Ndaitoora tirimumagetsi eJoni.

Kwakaidza zvakaoma kudaro nguva dzekusimuka dzikakwana zveshuwa Jerry akauya pamba pedu akanditi handei.
Tisati tasimuka takatanga tafugama namai vangu pamwe naJery ndokubva tanamata.

Takasimuka zvedu ndiye hutu takananga kuSilveira Misssion uko kwataizondowana zvimota zvinotisvitsa kwaNyika kumugwagwa mukuru.
Umwenaumwe akanga akabereka kaSatchel kake kumusana nyaya dzichitsva.

Tichindondoti paTambara ndiye dhuma neKombi yeumwewo mukomana wekumaraini kwedu akati pindai tiende kwaNyika vakomana pakuzivana kwedu.
Haa kuzodaro manje ndakanzwa hwenze huchiuya.
Chero zvayo yaipinza dust mukati asi ndakaziva kuti tichakurumidza kusvika kwaNyika.

Takavaza pese pamudzaswa paDzvetsverere paya kundobata Silveira mission, tisu avo paCharamba paChikoro tsvai ndichindobata maregere.
Yaifamba zvayo ichitakura vamwe Kombi asi yakanga yakabatwa kunzi dzvii.
Hezvo Muvhuti dari ndiye pfacha paNyika growth point.

Ndakanzwa mudumbu mangu mavakuti kukurururuku kunga mukono wedatya urikutsvaga mukadzi.
Shuwa ndakanzwa tsvina yese yaiva mudumbu ichidzika ndikanzwa muchiuno mavakurumaruma.

"Jerry ini ndotomboda toilet wena".
Ndakadaro ipapo ndaknga ndatokiiwa kuti keche chaiko.

"Kkkk asi mudumbu mavhunduka bhazi here, don't worry tofanira kuenda kumatoilets uko timbondodopukutapukuta tozouya totenga maticket".
Akapindura achiseka zvake Jerry asi ndakanga ndatosungikana, ndakanga ndonzwa kuda kutobudisa matoto ini.

Takaenda asi ini ndakanga ndofamba kunga munhu akamanika bhotoro remafuta pakati pemakumbo. Zvisinei hazvo ndakazokwanisa kusvika ndokupedza zvandaifanira kuita ndokubva taenda kwaitengeswa maticket ipo paGomba paya ndipo patakasvika tikabvunza Bhazi.

Bhazi rakanzi ririkuuya asi mari yakabva yanzi R1800 pamunhu kana musina mapepa akakwana.
Zvakaratidza kuti Jerry ayiziva zvake nekuti haana kuita nharo kana kukumbira kudzisirwa.
Akango bata homwe yake ndokubudisa ruoko rusina chinhu, akabata homwe yekunerimwe divi asi akabudisazve asina chinhu.
Ndakaona achitanga kushatisa kumeso ndikaziva kuti patoshata apa.

Akaburutsa kaSatchel kake akavhura homwe dzese asi akaratidza kuti arikushaya zvaaitsvanga.
Ndakatura mafemo mushure mekunge ndatoona kuti rwendo rwakona urwu nekuti Jerry akaratidza kuti pose paaifunga kuti angava aisa mari akatsvaga akashaya.

Magumo echitauko 4

30/11/2024

JONI RAKANDIONEA CHITSVUKU

STORY BY V.MUTASA/MAFUSIRE

CHITAUKO 3

Ndaingoita zvekunzwa team yandaitamba nayo pamagrocer kana tichiona bhora.
Saka waizoti kana team yaunosapota ikadyiwa wainzwa vavakuti nhasi unondorara nebhutsu.
Taizvitaura mukutamba asi musi uyu ndakazvionera pamhino sefodya.
Ehe chokwadi zviriko, Musi uyu ndakarara neshangu kuti wii mumafgumbeze ndiye zwii ndakadaro.
Ndainzwa pamoyo pangu pachidumbirwa ndichifunga Jerry nekuganza kwake asi mashoko aMai vangu ndiwo ayizondinyaradza.

Hope dzakazondiba kwatoedza kuma5 izvo zvakaita kuti ndimuke na8 zuvava ravakurova tsiye dzemaziso.
Ndakamuka ndokumhanya kuchirugwi chembunzi ndokudzivhurira kuti dziende kumafuro sezvo yaiva nguva yechirimo.
Nyatera rangu rakanga rachiti shishishi mutsoka apo ndakanga ndafunga kundoswera ndichivhima hangu musango.

"Ronnie! Ronnie mwanangu mvura yapera iyi! ".
Ndakanzwa Mai vangu vachidaidzira ndikaziva kuti handina sarudzo kunze kwekumhanya kuchibhorani nebhara.
Nguva dzakanga dzandidya semunhu aida kutiza pamba apa ndichitiza iye Jerry nepamuromo pake pasingamharwi nenhunzi.

Ndakatarisa nguva pawatch yangu ndokuona zveshuwa 8:20
Kurambira nyakutumbura kwakanga kusingaite saka ndakamhanya ndokumhikura bhara rangu ipapo ndakakanda zvigubhu zvangu zvina mubhara ndokurigundurusa ndichienda.

Ndaifamba zviya zvekuti ndikurumidze kudzoka ndikwanise kutiza Jerry nekuti ndaiziva kui kana arimunhu anofunga haaizomukirawo kumaraini makuseni akadai.

Ndakasvikochera mvura yangu pachibhorani ndichiringaringa kunge mbavha yemombe.
Romborakanaka ndakasvika pachibhorani pasina vanhu.
Ndini uyo tote munzira ndakananga kumba.

Ndichiri kunze kwechivanze ndakanzwa hirihiri pamba asi pakanga panenzwi rechirume raibudikira nemuimba yedu yekubikira.
Ndakafamba zvishoma nezvishoma ndichida kunzwa kuti ndivanani nekuti ndaiziva kuti Jerry haangasvike pamba mangwanani akadai.

Kwaani waniko, ndiro haro Jerry rakanga ratoti kweda pachibhenji chemukitchen yedu.
Zvisinei hazvo vakuru vanoti yadeuka yadeuka, ndakarongedza zvigubhu zvemvura ndokupinda mumba maiva naJerry naMai vangu.
Takakwazisana zvakanaka asi chakandinetsa ndechekuti Jery akanga akadzikama chose kunge muboora wachavachirwa nenemugoti wakadzemuka.

"Auya uyu Mhamha, Zvandanga ndichitotaura zviya ndanga ndichirevesa".
Jerry akataura akatarisa Mai vangu ndikaona kuti vanhu ava vakanga vatotaura zvakawanda kureva kuti Jerry akanga asvika pamba pedu ndichangobvapo.

"Hero shoko Ronie mwanangu, izvi zvinoda imi mubvumirane murivaviri, hanzi naJerry kana wakasununguka toenda Joni kundotsvaga basa".
Vakataura Mai asi ndisati ndadavira Jerry akabva apindirawo.

"Don't worry chibaba, mari yebhazi ndinayo yakakwana yangu neyako, ndinoziva wanga uchazoda kuti hee handina mari yebhazi kkkk".
Akataura achiseka hake asi ini ndakanga ndavakure, ndakanga ndava nyikamukanza, ndakanga ndava kutoona magetsi, nyika yakati ngwee ndirimuziflat nemubhedha unemasheet machena ndichiitira tsvina mumba imomo yobva yaenda nemvura.
Ndakanga ndavakutozviona ndakapfeka hembe dzakanga dakapfekwa naJerry nezuro.
Ende muchigoona musi uyu akanga akapfeka white from top to bottom, aiwa Jerry ayichena hake ende uye hembe dzacho dzaimufita.

"Ah ndinoda ini, aah ndingaramba here nenhamo yandatamba muno muMbirashava iyi".
Ndakapindura asi nerimwe divi ndakaona zvinhu zvataironga izvi zvisingabudiriri.
Handizivi nei hangu asi zvaiita kunge ndirikurota.

Ndaingunozvibvunza mupfungwa kuti ini here Ronald kuenda Joni.
Aiwa denga rakanga randirangarira.

"Saka worongedzera ka Ronie nekuti kusimuka ndimangwana.
Hakutakurwi hembe dzakawanda kana ungori nekasecho unongokandira mapeya maviri chete.
Saka mangwana na10 tosimuka neh.
Ndakatarisa Jerry achitaura ndichida kuona kuti munhu uyu anorevesa here asi zveshuwa ayitoratidza kurevesa.
Kuzoda nekutinditi nditakure hembe shoma kunge ndaiva nedzakawanda.

Zvisinei hazvo Jerry akawoneka mushure mekumwa tea tose ndikamuperekedza asi ayiti arikuda kundoona vatete vake saka handina kuda kuenda kure naye.
Ndakamusiya ndokudzokera kumba ndichiita kunzunzutira apa ndaida kundoonzwa kuti Mai vangu vanoti kudii nenyaya iyi.
Ndakafambisa ndokusvikoti ngori mumba maiva naMai vangu.

"Warangarirwazve mwanangu?".
Mhamha vangu vakataura vachisekerera ndokubva ndavatarisawo.

"Ndikunzwa sekuti ndirikurota Mhamha".
Ndakapindura.

"Ndisati ndakanganwa Ronie mwanangu ndinekwandinoda kuti timbosvika saka tichingopedza kumwa tea totoenda.
”Vakadaro Mhamha" .
Handina kuda kubvunza kuti kuenda kupi nekuti ndaiziva hangu kuti vangu Mai vanondida uye zvose zvavaita vaiita kuti tirarame.
Form 4 chaiyo ndakapedza zvemutsurundundu Mai vangu vachiita maricho. Ndakatombovati Mhai regai maricho ndigare asi vakazviramba nekuti vaida ndipedze form 4 saka chero pakataurwa chirugu ndaisarasika hangu zvakanyanya uye ini wacho ndaitsayatsaya.

Vakarongedza vakapedza ndokubva tatungamidzana namai vangu ini kumashure ivo kumberi
Ndakada kuseka mushure mekunge tapota seri kwechikomo takananga pamwe pamusha.
Musha uyu ndaiuziva nevanhu vaigarapo ndaivaziva saka zvakandinetsa kuti Mai vangu vandifungirei.

"Asi Nhai Mhamha?".
Ndakadaro ipapo takanga tasara padiki pekupinda muchivanze.

"Ronie mwanangu, kunze kwashata uku".
Ndomhinduro yavakandipa tichipinda muchivanze chevaridzi

Magumo wechitsauko 3

21/11/2024

JONI RAKANDINEA CHITSVUKU

STORY BY V.MUTASA/MAFUSIRE

CHITSAUKO 2

Hongu kuganza ayigadza hake Jery kubva tirivadiki asi apa akanga andiyanyira.
Chero vanhu vese vaiva apa vakatanga kungoti ah..ah kuratidza kusabvumirana naye Jerry asi akabva atopwatika zvake nekuseka.

"KKKkkkkkkk haiwa tibvirwe zvedu, Mapenyatsela muchinda wangu uyu mhani takabva kure naye uyu zvekuti angatsamwira tumalame joke, haahwa, munofunga kuti ndingarevesa here kani?.
Gara apa mhani Ronie timwe doro, haa ini ndakazotendeuka zve ini kukereke yechibuku uko kwatakatambirwa nemaoko maviri".
Akanga asati achinja Jerry, kutaura pamwe nekungobatanidza nyaya achienda mberi.
Panguva iyi hapana akamupindura achiropoka kutaura ega kudaro.

"Iya ko makazotama paya pamaigara nhai?".
Akabvunza achinditambidza doro asi ndakaramba.

"Ehe tavakugara mujinga megomo reMbirashva umu".
Ndakapindura ndakamutarisa kumeso.

"Hoo ndatonzwa naMuchembere kuti makatama saka ndangoti aiwa tichasangana zvedu nemukomana tigokurukura".
Akataura achidzvutura doro rake ndokutsveta pasi.

Pakanga pachizara vanhu achitenga Doro Jerry, akanga asina husimbe ende uye izvi taizviona kuti mari iripo.
Madrink akauya akaita fararira zvokwadi takamamwa kusvika huro dzorwadza.

Nyaya dzaitsva uye ndiye ayingotaura Jerry ini ndakanga ndakanyarara zvangu.
Akanga zvino adhakwa hake mwana wekwa Matoposi achitiudza nyaya dzeJoni.
Nechamumoyo ndaingoti Joni kunenge kunehuchi nemukaka sekuCanaan.

Nekasiyanwa Jery akandikwenya kuratidza kuti aida kutaura neni zvakavanzika.
Ndakati nyamwi kusimuka ndokufamba ndichitevera kwaaienda.
Takapota seri kwebhawa ndokubva ati...."Musi wafe deke vana nyama vanoita mutakura, zvaguma nhasi zvekutengera vanhu doro, Handei kumba Ronie".
Ndakanga ndangova muswe kuteverera kurikuenda mutumbi, ndaiti ndikada kumupindura atopinza imwe nyaya saka nechemumoyo ndakangoti regai tione kunowira tsvimbo nedohwe.

Ndakanga ndongogutsurira kunge dambakuro ririkudziya mushana.
Kubvuma zvese zvataurwa nekuti ndakanga ndisina rangu remuromo.
Dzedu nyaya dzemumarayini dzekuroya kwanaTsverukeni hadzaizopinda pakadai.

"Wakaroora here Ronie?"
Akabvunza Jerry.

"No iih handina wena".
Ndakapindura.

"Okay, ko zvimoko zvacho zvirimo here muno?".
Akabvunzazve.

"Dutu wangu, muno makazara kuti taa".
Ndakapindura uye imwe mibvunzo ndaingopindura kuti zvindibve.

"Hehede, ndodyiroko, ndirikungoda one chekusiya ndamitisa hangu asi handidi kurumwa".
Akataura Ronie tikabva taseka tese, munongoziva nyaya dzemunhu akadhakwa neasina hazvinyatsopindirana asi ndaizodiiwo nekuti anebenzi ndeanerake, rikadzana iwewo tsenhura mhururu.

"Iwewe dont worry, svika peden mangwana ndokusotera, Pamela chiripo paChiramba apo chakabva Harare last week".
Ndini uyo ndakanga ndoitawo kunge dzadambuka.

"Hauchionizve, aika unepfone here zviya iwe undipe number dzako".
Akabvunza.

"Handina".
Ndakapindura ende zvokwadi phone akaga anebvomvo rayo.
ndaingoona chete kuti iSumsang asi ndakatadza kuziva kuti iSumsang chii.

Nyaya dzakatsva, takakurukura naJerry asi nekuda kwekuti akanga akadhakwa taingotaura nyaya dzekare nekuyeudzirana vamwe vanhu vaakanga akanganwa.

Takananga kumba kwavo ndikasvika ndikadarika kunanga kwedu asi kwakanga kwatosviba saka ndakasvikorongedza mipini yangu yandakanga ndaswera ndichikwenenzvera.
Ndakananga kuchirugu chembudzi dzangu ndokudzivharira sezvo dzakanga dzatozorora.
Ndini uyo pesu ndakananga muimba yekubikira makanga munamai vangu nekahanzvadzi kangu sezvo Baba vakanga vakashaya vakangotisiya tirivaviri naMai vedu vachitatu.

"Nhai Ronie chii chirikukunetsa nhasi mwanangu kubva wati zii kudaro?".
Mai Vangu vakabvunza shuwa ndakanga ndakanyarara musi uyu.
Jerry akanga andipinza chando, chero pandakasvika pamba pavo musi uyu ndakanzwa hwema hwemari, painhuhwirira pamba pavo hameno chakanga chabikwa ipapo.
Ndaingunofunga kuti zvino zvatiri vezera rimwe ini ndichipfeka mabenga kudai nhai Mwari wangu muchandinzwawo riini.

"Hii Mhamha zvandaona nhasi zvakaoma, Jerry akauya, haa anoratidza kuti zvirikumuitira hake".
Ndakataura ndokubva Mai vangu varamba vakanditi ndee mumaziso chaimo.

"Ronie Mwanangu, ndakakutarisa ndinoona godo pauri, usarwadziwe mwanangu, yako nguva ichasvika.
Mwari akakuisa ipapo pauri nekuziva kuti ndipo paunofanira kunge uri, vanechinangwa nehupenyu hwako saka usava neruchiva nezvevamwe.
Usagodoka mwanangu kana yako nguva ichisvika ichasvika, rarama hwako hupenyu
Wakamborara pano nenzara here?".
Vakapedza kutaura nemubvunzo Mai vangu.

"Aiwa handina Mhamha".
Ndakadavira.

"Yah izvozvo chete zvakaringana mwanangu zvizhinji zvichauya kana tirivapenyu".
Vakadaro Mhamha vangu ndikagutsurira musoro kuratidza kubvurana navo.
Mai vangu ndaivaziva zvavo nekuti vakanga vasina nguva yekunyengerera munhu.

Zveshuwa sadza rakabikwa tikadya asi ini harina kunyatsopinda.
Ndakazviona ndirimunhu asiri chinhu panevamwe.
Ndakanyatsoona nhamo yangu yese.
Takasvika pakuparadzana ini ndichienda mugota rangu Mai vachienda kundorara naTsitsi wavo.

Kutaura chokwadi hadzina kuuya hope, Ndakafunga kusangana kwandakanga ndaita naJerry nezvose zvaakanga akapfeka pamwe nenyaya dzaaitaura ndikazviona ndisiri munhu akaperera.

Ndakati dhuu hangu ndikaziva kuti Jerry achamuka achiuya pamba pedu kuti ndizomuratidza Pamela.
Ndakaona zvisingaiti asi chaizotoita apa kumuka ndakatiza pamba ndonoswera hangu kure kwandaisazosangana naJerry ndodzoka manheru.
Ndakaona ririzano rakanaka nekuti ndaitya kunyara kana ndazosangana naJerry nemaganzo ake.

Magumo echitauko 2

18/11/2024

JONI RAKANDIONESA CHITSVUKU

STORY BY V.MUTASA/MAFUSIRE

CHITAUKO 1

"Trrrr....trrr...trrrr...."
Ndakanzwa tambo yandakanga ndakabata achidavirirA, hongu yairatidza kuti yoda kudambuka.

Hana yakarova, kutya kukandibata, ziya rakatanga kubuda nekuti ndiko kwakanga kwava kupera kwehupenyu hwangu.
Ndakanga ndambozvinzwa nevamwe izvi asi ndaifunga kuti zvaizogumira ikoko kwevamwe.
Zvino musi uyu ndakanga ndatarirana narwo rufu mboni nemboni.
Ndakatanga kufunga mai vangu pamwe nehanzvadzi yangu yandakanga ndavimbisa kuti ndichamubharira chikoro kusvika apedza.
Nechemumoyo ndaingoti hai Mwari mati ndidii.
Ndakanamata munamato mupfupi ndirimumhepo imomo asi ndaisava hangu munhu wekunamata.

Ndakatarisa zasi kwandaienda asi handina kuona pandaizogumira chaipo, ndakatarira kurutivi ndikaona kuti hapana kana padiki pekubatira.
Pandaiva pakanga pakaita parima asi ndakanzwa donhwe richiti taa paruoko rwangu, Ndakabatidza torch yaiva pahuma ndokutorira wanei iropa.
Kuzodaero ndakanzwa tsvina ichiuya.

Regai nditi, Ndakanga ndatambura kutsvaga basa munyika yedu asi basa rakaramba kubuda.
Ndakagara makore anenge maviri ndisingashandi asi ndakazofara musi wandasangana naJerry pamaGirosa ekumusha kwedu painzi paTambara.
Ndakamboramba ndakamuti ndee kumutarisa Jerry nekuti akanga asati andiona.
Akanga akapfeka kaSun hat kejean kakanga kakanzi RJ
T'shirt yakanga iritema uye yakanyorwazve kunzi Relay Jeans pachifuva.
Kuzasi akanga akapfeka trousers rakanga rakaita Side pocket riridema futi.
Mutsoka akanga anemateckie machena akanga anekapikicha kegarwe.
Mumahasvo maJerry maiva makagara black label rakanga ratomwiwa kuda raiva pakati.

Zvakandishamisa nekuti naJerry takanga tapedzisira kuonanana makore mashanu akanga apfuura mushure mekunge arega chikoro tiriform 2.
NaJerry taiva tichiwirirana samare kuchikoro kusvika azotorwa naMukoma vake kuenda Joni uye takanga tisingamwi hunodhaka tose, takanga takahuvenga asi Jerry akanga atochinja.

"Jerry!"
Ndakadana zita ndichinamura nhambwe ndakananga paaiva.
Ndakanga nditori hangu nesavasi uku bhurukwa randakanga ndakapfeka ndakanga ndakatokwinyira, mateckie andakanga ndakapfeka ayisonekwa kuti aiva erudzii netsvina pamwe nekubvaruka.

"Aaah!! Mapenyatsela! Mape! Mape! Ndiwe here Ronie?".
Akadaidzira nenzwi raiva pamusoro Jerry apa akatanga kudana zitadunhurirwa rangu rekuchikoro.
Mukomana akaratidza mufaro zvinova zvakandisunungura.

Akasimuka paaiva agere Jerry ndokuuya kunditi mbundee.
Vanhu vose vaiva apa vakanga vachingotitarira nekuti hapana ayisaziva kuti ini naJerry taiva bhurugwa nebhande kare kedu.

Ndakanzwa kahwemha kainaka kachipinda mumhino dzangu ndikati yes, murume uyu avakudhidha mumari.
Takaregedzana hedu asi ini ndakanga ndichada kuramba ndakabatwa ndichinzwa kamunhuhwi kaibuda nepana Jerry.

"Mofa nenhamo zve muJiri muno?.
Savasi kuzara kudai, haaa Ronie ita serious shar.
Oh kuita kuwunduka nenhamo kudai".
Takanga tisati tapedza kumhoresana nekusekererana asi akanga atochinja Jerry.

Magumo echitsauko 1

My girls
06/08/2024

My girls

Big shout out to my newest top fans! 💎 Kudzu BoteDrop a comment to welcome them to our community,
17/07/2024

Big shout out to my newest top fans! 💎 Kudzu Bote

Drop a comment to welcome them to our community,

12/07/2024

Varoyi vaya vatanga, Network yeCell C haichabatizve 🤣🤣🤣🤣

11/07/2024

Chirungu handichinzwe hangu asi kana Tinashe Mugabe akati 0% ziva kuti mwana haasi wako

08/07/2024

EVIL SISTER

STORY BY V.MUTASA

CHITSAUKO 49
Final

+27626831225

Ndakaramba kubvuma zvandaiona nemaziso angu, Jaya rangu raivapo zvaro rakati dzii kumira nechepakakwirira.
Kuti akanga abva nepi Justrice achisvika apa handizivi uye akanga akamira pakaita paStage saka ndakafamba ndakabatirwana kukwira paaiva.

Akanga akachena kani Justice, suit yake nga nebhutsu dzaiita kuvaima.
Ndichingosvika ndakaona Justice achiti gwadagwa pasi achivhura chibox chaiva nering.

Handina kuwana mukana wekumumhoresa kana kumumbundira ndakanzwa mashoko aya achibuda mumuromo make.
"Masciline Muganga will you make me the happiest man in the world?".

Ndisati ndapindura pfungwa dzakanga dzichiri confused, kubhodhereka chaiko kuti ibirthday raBamukuru baba Kim neEngagement party yangu here kana kuti chiiko ichi.
Misodzi yaiyerera pamatama.
Achitaura kudaro Justice akanga akaisirwa Mic pamuromo naMC.
Inini ndakanga ndakabatwa uku nekuku ndobva ndaisirwawo Mic pamuromo zvekuti zvose zvataitaura zvese zvainzikwa negumi nefararira revanhu vaiva apa.

"Yes..."
Ndakadavira ndakazara misodzi pamatama angu ndikanzwa vanhu vachiita ruzha rwekupembera nemufaro.
Mimhanzi yakatanga kudandauka ipapo pakamboita ruza takambundirana naJustice.

"Its our weddding day babe, i decided to surprice you, harisi birthday raBamukuru".
Akataura munzeve dzangu ndikarohwa nehana.
Ndisati ndapindura kana kubvunza kuti wakazvironga sei Mimhanzi yakabva yanyaradzwa.

"Yeah yea yeaaah, our bride has arrived and yes yes she doesnt know that it it is her weddding day....vaEngage ka vanhu ava!!!"
Akadaidzira kuda ndiye MC wakanga watsvagwa asi ini ndaisamuziva.
Vanhu vakabva vamboita ruzha akanyarara zvake MC uya.

Ruzha parwakandoti mhoo akabva atanga kutaura.
"Yah Yah nhasi tauya kuzopemberera muchato wa Justice Muchawaya naMasciline Muganga.
Eh Mondiregererawo Maiguru ndinoziva kuti imi makaudzwa kuti murikuuya kuBirthday raBamukuru asi bodo bodo, chaunga chese ichi chafambira imimi pano".

Ndakatenderedza maziso angu akanga akaputirwa nemisodzi sezvo hana yangu yairova zvekumhanya chaizvo.
Ndakatarisa asi vamwene vangu, vatete vangu baba Vangu vekumusha vese vanhu ava handina kukwanisa kuvaona.

Handina kuwana mukana wekutaura kana kubvunza hangu Justice kuti zvirikufamba sei panapa asi ndaiva nemibvunzo yakawandisa.
Zvakanga zvachibatana zvino mufaro pamwe nekubhodhereka pfungwa.

"Saka now, nguva ino tichaipa kuvachati vedu kuti vandogadzirira, vapfeke dzemuchato, vozouya tichitangidza program yedu".
Akaenderera mberi achidaro shuwa Mercy akandibata ruoko ndokubva tapinda mukati umo mandakasvika hama dzedu dzese dzirimo. Ndakwazisa vose vaiva umu nemufaro uye vose vairova mhururu imomo, Baba vangu vekumusha vaiita kuridza muridzo.

Ndakakandopinzwa maiva nerimwe kamuri maiva neWedding Gown, Tete Mai Kim vaivamo, uye ndakatambirwa imomo zvakanaka.
Munin'ina wangu mwana waBamunini vekumusha aivamo.
Vamwene vangu vaivamo,mufaro wandakava nawo wakanga wakanyanyisa asi wakandichemedza.
Ndakazotoona kuti Hall yataga tapinda iyi yakanga inemakamuri akawanda zvekuti hama dzose dzaikwana imomo.
Maivazve neziBig screen rekuti zvose zvaiitika panze zvose zvaionekwa.

Mukamuri mandakapinzwa ndakangosvikogara ndigotangwa patsva kubatwabatwa kumeso musoro zvese kani.
Vamwe vaipfanyapfanya tsoka dzangu uku waingonzwa "relax...reax Massie, izuva rako nhasi unofanira kufara".
Mercy akanga ari leader wevanhu vaiva umu.

Ndichipedza kubatwabatwa ndakati gown rangu wii, imi kani, waizomboda here.
Rakanga rakandifita nemimba yangu kudero, ndainzwa misodzi ichiti ngarangara mumaziso asi hana yairoverera ndichizvibvunza mumoyo kuti shuwa ndini here uyu.

Ehe chaiva chokwadi kuti ndaiva ndiri ini nekuti ndakazvitsunya ndikanzwa kurwadziwa.
Mimhanzi yaiva dhindidi panze
Wainzwa kuti parikutambwa vanhu vachipemberera.

NdapedzaTete Mai Kim vakadanwa nekuti vakanga vambobuda vakauya vakagara pasi.
"Massie mwanangu, nhasi izuva rako, nhasi tose pano nehuwangu hwedu tauya kupemberera iwe.
Murume wako ndiye akaita zvose izvi, kumusha kwakaenda bhazi kuti ritakure vanhu vese vaida kuuya pano.
Vanhu vabuda nehuwandu hwavo kuti vazofara newe.
Chirega kufunga zvekumashue, wofunga zvekumberi.
Kanganwa zvose ende uye bamukuru vako Baba Eze takavatumira invitation havana kupindura asi iwe siyana nezvisina basa rangarira chakakosha chirimumaooko ako.
Now tichapinda mukati umo munevanhu vese uchatorwa imomo naIrvine wakananga kundoiswa mumaoko emurume wako".
Vakataura Tete ndichingunogutsurira hangu ndaibvuma zvose zvavaitaura nekuti chaiva chokwadi ende uye ndaida kuti ndimbonzwa mashoko esimbiso ndisati ndabuda panze paiva nevamwe.

Ndakabuda panze panguva iyi ndakanga ndavakunzwa kuti ndini uyu, pfungwa dzakanga dzadzokedzana.
Mufaro wakanga wavapo zvekuti chero vanhu ndakanga ndavakukwanisa kuona kuti uyu ndinhingi uyu ndinhingi.

Ndichisvika Maiva makaungana vehukama ndakanzwa mhururu dzichirira, mheterwa nekoko.
Veduwee mufaro wacho wakanga wakanyanyisa kani.
Vanhu vese vaindikurudzira nekundisimbisa kuti ndive nemufaro.
Zvakanga zvatumwa wabvira zvokwadi chembere kutumwa mutsago wanei iyo yondopereka nendiro.
Ndakazobuda umu ndabatwa ruoko naIrvine uku Bamunini vekumusha vakanga varipowo vakabva vandibata kunerimwe divi tichifamba tichibuda paiva nevanhu.
Tichisvika padoor Bamunuini vakabva vadzokera ndokubva taramba tichienda naIrvine.
Ndaifamba ndakatsikitsira asi ndaiita ndichibiridzira kutarisa Justice, nyemwerero yake yaibva yandipedza mafuta.
Ndakatombokanganwa kuti ndinepamuviri nemufaro.

Takasvika ndokubva Irvine andisiya mumaoko aJustice.
Pastor vaivapo apo Justice akandivhura kaveil kanga kakandivhara kumeso.
Ndakaona misodzi ichiti mokoto mumaziso ake
Aiwa takava nenguva yakanaka pamuchato wangu chero yakanga iri surpriceasi ndakafara zvikuru.
Hana yairova nemufaro ipapo kaJustice kadiki kaitamba zvako mudumu.
Takaita zvese zvingadiwa kutwa pamuchato ndokuzobva apa tichipinda mumota ndiye hutu takananga kwandaisaziva.

Mota yataifamba nayo handina kutomboziva kuti ndeyani kana kuti yakanga yawanikwepi.
Taingunozemberana naJustice pasina zvakawanda zvaitaurwa
Kuda kwakanga kuri kuneta uye nekuda kwedumbu randakanga ndakatakura ndakabva ndati kwati pachifuva chaJustice hope dzikati tasvikawo changamire.
Dzakandirova ndikazomuka kunze kwatosviba uku mota ichirova pasi.

"Mamukasei?".
Akadaro Justice.

"Ndamuka daddy, but why kusandinyeurirawo nyaya yakakura kudai".
Ndakabvunza.

"Did you enjoy the surprise babe?".
Akabvunza apa achitadza kupindura wangu mubvunzo.

"Hongu i had a good day Daddy but why usina kundiudzawo shar".
Ndakadzokorora wangu mubvunzo.

"Babe usanditsamwira hako, Ini ndaitoda kukuudza at first but sisi vako insisted kuti at least ikaita surprise zvinogona kukunakidza".
Jussie uyo.

"Oh so iplan yaMercy yese iyi".
Ndakabvunza.

"Babe she is trying, your sister is trying by all means to make you happy.
She knows she wroged you big time and she is up for corrections.
Takaumba a very big company yekutengesa maparts emota and it has four branches akamirira kuvhurwa once tabva kuHoneymoon.
I weanted it to be a surprise again but ndaona kuti unemibvunzo yakawanda.
We used Mukoma, murume waMaiguru Mercy ndiye akaita run around kuti zvose zvizobuda.
Yesterday we visited all the branches and everything is set.
Munhu akauya neIdea ndiBamukuru baba Kim saka yes i am the Majority Shareholder but Baba Kim vanechidimbu chavovo.
Then Bamukuru ndovachange vachiona kuti all these four branches are running smoothlty and he showed that he is Capable.
We need to uplift them, they are humans after all.
Iwewe uchingozvara tirikuenda zvedu UK nekuti ini im not ready kumira basa plus kuvako kuUk kwangu kuchabatsira business redu kuti every part inenge ichidiwa ndinokwanisa kumhanya ndonoitenga ndotounza kuZim".
Akataura Jussie ndakanyarara uku mota ichingoenda.

Moyo wangu wakarwadza shuwa ndikaona kuti Mercy arikuzama zvekurevesa.
Ndakavhomora nhare yangu ndokubva ndafonera Mercy.

"Mainini murisei, Mafamba zvakanaka here?".
Akadavira achidaro Mercy.

"Ndiribho ini yah tirikufamba zvakanaka hedu....."
Ndakambonyarara ndokubva ndazoti "Sisi Mercy!".
Akabva ati "Yes matii Mainini".

"I forgive you and thanks for everything that you have done for me in the past few days".
Hongu aiva seri kweNharembozha Mercy asi ndakanzwa achitura mafemo.

"Thank you Mainini and i will never dissapoint you mwana wamai vangu".
Akadaro Mercy ndokubva tatanga kutaura nyaya dzakasiyana zvedu panhare asi ayindiudza marongero avakaita muchato naTete mai Kim.

"Nhasi kanochiona kumupfana kako nhasi tichingopinda muHotera ini kata pamusoro handibvipo".
Justice akabva apindira nyaya dzedu akanga atoonakuti tavakuwirirana.

"Hii imika, musashungurudza mupfana wangu zivai kuti akazvitakura ka uyo".
Mercy akapindura achiseka, takazotauravo naBamukuru aiwa ukama hwedu hwakanga hwadzoka zvino.
Takanga tavakuwirirana uye neni mumoyo ndakanga ndazvitambira kuti Mercy ndivakoma vangu.

"Takaenda kuVictoria Falls tikandofara ikoko kwevhiki yese. ndokubva tazodzoka.
Chokwadiwo tichidzoka Bamukuru ndivo vakatitakura tichishanyira JC car parts mabranches avo ese arimana.
two aiva muHarare one raiva Masvingo rechifour raiva KwaMutare
Akavhura ese akatanga kushanda zvaimwisa mvura.

THE END

Ndichingobatsirwa mwanasikana wangu ndakabva ndazoenda UK kundogara nemurume wangu asi kushusha taigara tichiuya zvedu.
Irvine akanga azovakisa ziimba rakanga rakanaka kumusha nekuti Chikoro akazoendeswa naJustice.
Mercy akavakawo yake imba muHarare makare asi mwana akaramba kuuya.
Best ayikwatura chikoro kwete zvekutamba.

Address

Roodepoort

Telephone

+27626831225

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when V. Mutasa stories posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to V. Mutasa stories:

Share