22/01/2025
JONI RAKANDIONESA CHITSVUKU
STORY BY V.MUTASA//MAFUSIRE
CHITSAUKO 5
Takanga zvino tachingoti dzutu dzutu maziso sezvo takanga tapererwa.
Panguva iyi pakanga pasingadi kubvunza umwe kuti ko chii chirikuyitika nekuti wega waingoona kuti mari yashaikwa sezvo iriyo yaida kubudiswa muhomwe umu.
Munyori wematikiti akanditarisa ndokubva atarisa kunaJery kwakuti "Zvadiizve nhai mukoma?".
Ipapo Jery ayiratidza kuti aiva kunyika irikure mupfungwa dzake, ayiratidza kupererwa chaiko, uso hwake hwakanga hwatosuruvara.
Asati adavira Driver Jery akanditarisa ndokubva anyemwerera, kunyemwerera kwake kwakawedzera ndokubva ati pwaati zvake kuseka.
Akaseka Jerry zviya zvamai sekai asi ini handina kuona chaietsa nekuti ndaida zvekuenda Joni.
"Wapererwa ka Ronie, haa ndakubata wakaura mupfana kkkkkk, iripo mari usatya hako, akabva ati wii ruoko mubhurukwa ndokubva abudisa chitsama chemari.
Ndakangodzungudza musoro ndikaona munyori wemaTikiti achidzungudzawo nekuti Jerry akanga atitamba yakaipa.
"Usazodaro wangu".
Ndakadaro asi iye akanga atova mubishi kuverenga mari achisekerera.
Nechemumoyo ndakangoti iri zimwana iri.
Takabvunzwa Mazita tikanyorerwa matikiti umwenaumwe akabata rake asi taingoseka naJerry nenyaya yaakanga abva kuita.
"Exactly 12:30 bhazi rakasvika, uno musvesvenenga waro, ngarikure Bhazi revanhu apa raiva nemaketeni pamahwindo.
Nechemumoyo ndakangangoti ndatopinda Joni ini.
Takapinda zvedu mubhazi ndokusvikogara pachigaro apo takandoti tende tirivaviri ini naJerry, Mubhazi makangamakati zii kuita runyararro, waizongonzwa maphone achirira chete.
Tisu avo Bikita minerals tsvai, paMutendi tsvai, hezvo Roy takasvikomira ipapo.
Vamwe vakatenga tushiri netumichero ipapo asi isu takaramba tiri zii zvedu uye ini ndakanga ndisina kana kobiri zvaro.
Harina kunyanya kumira paRoy bhazi rakabva razvambura pasi isu tirimukati ndokundoti paTollgate pfee haaa ndiye ngori muMasvingo,.
Semunhu akanga asingazive nzvimbo ndaiita zvekuudzwa naJerry kuti tavapakati.
PaExor takadzika mumbazi ini ndirimumashure maJerry ndokubva tandopinda mumaToilet.
Chero chikafu ungadyiramo, makanga makanaka uye makanga makachena.
Takabuda paya ndokubva Jery atenga chikafu, chicken yakapiswapiswa.
Akatenga Pfuko zvibhotoro zvina pamwe nezvisuper zvitatu ndokubva tadzokera mubhazi.
"Ndisati ndakanganwa Ronie, bata apa mwana wamai, ikozvino tavakuenda kumapiripiti, kundongwavha".
Akataura Jerry achibudisa R200 ndokubva andipa.
"Waita bhoo wangu"
Ndakadaro ndichitambira mari iya.
"Pachedu".
Akadavira zvake Jerry ipapo bhazi rakabva rakasimuka
Rakarohwa Dutavanhu riya remanzeve makuru veduwee ini ndaifunga kuti kana urimuya unenge uchinzwa mutinhiro waro wese asi bodo, hazvina kudaro.
Ndaingonzwa kuti shiiii richienda bhazi.
Tisu avo ngundu pfacha nyaya dzaitsva nemukomana Jery aiva free spirity zvake.
Ayiti akati garegare omboti dzvutu doro rake raakanga abva naro paExor.
Ini ndaiita ndichizviona kuti umwe wangu wakuita achibatwa naro doro nekuda kwenyaya dzaakanga avakutaura.
Kwakanga zvino kwasviba mubhazi makati ziii, makanga munerunyararo zvekuti ini naJerry tisu tainzikwa kutaura mubhazi umu.
Takasvika paToll gate rekundopinda paBeightbidge ndokubva Jerry ati nyamwi kusimuka kwakurovarova madziro ebhazi nembama.
"Right Vabereki, special announcement from your boy Jerritaldo Sondombia, Kana tavambuka, tavaJoni uko mukandiona ndavan'anga siyanai neni handiti ka, zveJoni ndezveJoni, zvekuZim ndezvekuZim".
Akataura zvake achiratidza kurevesa asi vanhu vese vaiva mubhazi vakabvaruka nekuseka.
Makaita ruzha mubhazi pamwe naDriver akaseka, mheterwa dzikarira.
"Ehe chero mukandioa ndavaNgochani zivai kuti kutsvaga mari chete, kuno kuZimbabwe ndirimurume".
Kuzodaro futi vakadzi vaivamo vakatanga kupurudza, varume vakarova mheterwa izvo havana kuziva kuti vaa Jery manyawi.
Zvokwadi Jery akaratidza kuti aisa mufaro muvanhu vaiva mubhazi umu nekuti ayingova mazvakemazvake bhurugwa rinezvigamba.
"Yah ndirikutorevesa Kujoni kunoda vanhu vanehana uko kwete vanehana nhete sedzedatya, Izvozvi tinemahure emubhawa muno asi vatosiya varume nevana kumba, inhema here?".
Akaenderera mberi achidaro wanei avhiringa vanhu musoro, makasekwa mubhazi mukaita ruzha rwekuti chero conductor akapererwa.
"Zvamaona Joni siyanai nazvo, Kozoitawo vanonhuwa hapwa muJoni hamusi mavakutijairira here nhaimi vanhu, R10 chaiyo paJoni unonhuhwirira asi unowana munhu iripfugupfugu kunga unofamba uchibika fish pose pauri, haa imi kani pfirai mate pasi muti tirichapa kkkkkkk".
Rakabva zvaro ragegedzera kuseka Jery richitukirira vanhu.
Ruzha rwakaenderera Mubhazi zvekuti chero conductor deno anezvaaida kutaura hapana ayimunza.
Bhazi rakangozokaruka nekumira ndipo pakanyarara vanhu vachida kunzwa kuti chii chirikuitika.
"Vasina maPassport vese burukai, burukai nekukurumidza matononoka!".
Akadaidzira Conductor ndokubva taburuka tese naJery asi nechemumoyo ndakangotanga kuzvibvunza kuti ko Jery anomboita nezvei Joni uko nekuda kwenyaya dzake dzaakanga atanga mubhazi umu.
Magumo echitsauko 5