30/04/2026
Vagari veChimanimani vokumbira kuti kanzuru yeChimanimani RDC ipe nhepfenyuro yeChimanimani FM nzvimbo yayo yekuvakira dzimba dzekushandira muzita reChimanimani FM kuitira kuchengetedza nhaka iyi munharaunda nekusingaperi.Zvichakadaro Cde Machingauta mumwe wevagari weChimanimani vakamiririra vamwe vachitaura pa fieldday yakaitwa muChimanimani ward 15 vanoti nzvimbo iyi ikavapo nharaunda yakazvipira kubatsirana kuvaka nzvimbo iyi kuitira kuti nhepfenyuro yeChimanimani FM irambe ichishanda yakasununguka sezvo irikubatsira mukudzidzisa ,kutandadza pamwe nekufambisa mashoko muzvikamu zvakatsaukana izvo zviri kusimudzira nharaunda yeChimanimani nedzimwe nzvimbo pasina munhu arikusarira kumashure muzvirongwa zvebudiriro takanangana nemuono we Vision 2030