19/12/2025
Mifananidzo yegungano raitwa paChikukwa Research Trust -Chikukwa Culture Centre raitwa nechinangwa chekuita hurukuro yekudzoreredza tsika dzechinyakare munharaunda yaMambo Chikukwa pamwe nekuchengetedzazve kuti tsika idzi dzirambe dzichitevedzwa
......................................................................
Dare raMambo Chikukwa roita Hurukuro yekudzoreredza tsika dzechinyakare dzenharaunda yeChikukwa
By Learny Mwandirozva live
Nhasi kwaChikukwa paChikukwa Culture Centre paitwa gungano rapindwa namudzviti wedunhu rino Amai Mateta avo vange vakamiririrwa neanoshanda muhofisi yavo vaChimupini ,Mambo Chikukwa vange vakamiririrwawo naMutape Patty Chikukwa ,Madzisabhuku anoshanda aripasi paMambo Chikukwa,kwotiwo vabva kumahofisi ehurumende anoona nezvetsika nemagariro aMai Mvududu, vabvawo kuAgritex , Vanoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka neMasango, Masvikiro , Madzitete neMadzibaba muhuMambo hwaMambo Chikukwa kusanganisira vagari vekwaChikukwa vakatsigirwa neSangano reChikukwa Ecological Land Use Organization kana kuti CELUO muchidimbu.
Gungano iri raive rehurukuro yange ichiitwa pakati pehutungamiriri hwaMambo Chikukwa nehutungamiriri hwedunhu rino reChimanimani rakatungamirirwa nehofisi yaMudzviti.
Hurukuro iyi yaiva maringe nekudzoreredzwa kwetsika dzechinyakare dzaiitwa munharaunda yeChikukwa dzakaita sekubika doro remakoto, doro raMambo ,doro redzimbahwe,doro rekuchenura, nzira dzinoitwa kupedza hudyi hunoparadza zvirimwa mumaminda , zvinoitwa kana munharaunda iyi maitika rufu , Magarai, Chisi , Zvinoera , miripo inoitwa kana munhu achinge atyora mutemo wamambo,nzira dzinotorwa kana munhu achida kupisa moto munharaunda iyi ,kuchengetedzwa kwenzvimbo dzinokosha dzakaita sezvinyuka,masango pakati pezvimwe. Kuitwa kwehurukuro iyi paChikukwa Research Trust kwapa mukana kuhofisi yaMudzviti kuti ibude nechinyorwa chinogara chiine nhoroondo yetsika yemitemo muhumambo hwemunzvimbo yeChikukwa.
Vachitaura nemutori wenhau vange vakamiririra Mambo Chikukwa Mutape Petty Chikukwa vati hurukuro yaitwa nhasi yakakosha uye yapa mukana wekuti vanhu vazive tsika dzekwaMambo Chikukwa, nzira dzechivanhu dzinotevedzwa muhumambo hwavo uye vazivisa kuti zvose zvaiitwa nemadzibaba avo kusanganisirawo dzimwe tsika zvichiri kutevedzwa uye vanemuono wekuti dzirambe dzichidzoreredzwa.
Rimwe resvikiro pasi paMambo Chikukwa Mbuya Rupiya muhurukuro nemutori wenhau vazivisa kuti ivo sesvikiro rakabatsira pakupedza hondo yenyoka nenzuzu dzairambidza kucherwa kweDiamond muzvimbo yeChikukwa pamuganhu unogura nharaunda yaMambo Chikukwa naMambo Ngorima vapihwewo rubatsiro iri nzira yekutenda basa ravakabata sezvo nzvimbo iyi iri kucherwa vamwe vachirarama asi ivo sesvikiro havana chavakawana . Mbuya Rupiya vazivisa kuti vasharukwa varipamuviri pavo varikuvanetsa kuti ivo vakaita basa mukuchenura nharaunda asi hapana chavakapihwa sekutenda kuti mashai avo avewo nemufaro..
Vange vakamiririra mudzviti vaChimupini vagamuchira zvikumbiro zvose pamwe nezvichemo vakatenda hutungamiri hwaMambo Chikukwa nokuda kwechirongwa chekudzoreredza tsika dzemwaChikukwa vakati vane chivimbo chekuti mamwe madziMambo achabudawo nehurukuro idzi idzo dzinoita kuti tsika dzichengetedzwe.
Vachitaura pachiitiko ichi zvekare,vange vakamiririra hurumende kubva kuHofisi yetsika nemagariro aMai Mvududu vakurudzira hutungamiri hwaMambo Chikukwa kuti hurambe huchikwanisawo vechidiki muhurukuro dzakaita seidzi sezvo variwo vachange vachitungamirira nharaunda mangwana.
Zvichakadaro, Video reHurukuro iri rese richatumirwa pano paChimanimani Face book