22/11/2022
Vakangwara havana nhamo chokwadi
Hakusi kuti ndiri munhu anofarira kunwa maningi kana kuti nditori chidhakwa chaicho, asi kuti zvinhu zvinongoitikawo munozviziva imi. Hwahwa handitonwe pese pese futi, ndinowanzonwa zvangu Muvhuro kusvika Chishanu chete, pamwe pese apa handibate. Ende yaisambova mhosva yangu futi pazvakaitika. Kambani huru zvakadaro kushaya firigi? Ndiani asina firigi muHarare? Kunyangwe mufudzi wemombe chaiye. Yangu? Aewa ka, ini ndichiri bhachura kaini, firigi ndoidii zera rangu iri. Tangai manzwa zvakaitika chete imimi.
Aive masikati eChipiri ndatopedza zvangu kupukuta mabhotoro maviri eWhiskey. Musi uyu ndaisada kunyanya kunwa zvakanyanya, saka ndakanga ndangouya zvangu nemabhotoro mana (4). Dai asiri Ropafadzo zvake wandakazoyeuka ndikatya kuti angazviziva kuti ndonwa, ndingadai ndakamakokota ose. Nguva iyi vamwe vashandi vakanga vaenda kunodya, saka wakabva waita mukana wakanaka wekuita svomhu dzangu. Ndakatora mabhojwera maviri aye akanga asati avhurwa ndokumaisa muchipepa chitema ndichibva ndabuda muhofisi mangu. Ndagutsikana kuti hapana aindiona ndakabva ndadzika mastairs ndakananga kucoldroom. Semunhu akanga ajaira kuzviita mazuvaose ndisingabatwe, hana yangu yaisamborova kana.
Gonhi recoldroom raiva resimbi uye richirema zvokuti, zvichida nenyaya yechando chaibva mukati. Ndakarivhura zvinyoro-nyoro kusvika ranyatsoti haradada nekuti ndaisada kuti rivharike ndirimo sezvo raivhurika nekunze bedzi. Ndakatsveta chipepa chaive nemabhotoro aye mukati menyama imomo kuitira kuti hwahwa hwangu hunyatsoome nechando. Ndapedza ndakabva ndabuda zvangu ndakananga kwaiva nevamwe. Ndave mupassage yemahofisi edu, ndiye dhuma-dhuma naRopafadzo.
"Maswera sei," akandikwaziva achityora muzura.
"A-a zvaRopafadzo vakomana. Ungabva wandiremekedza zvakadaro, handisati ndave nezvigayo ka ini, itonditi iwe." Akabva aseka zvake nenyadzi.
"Aaa ndizvo zvinenge zvakatondirerukirawo zve, regai ndichidzokera kubasa." Akada kufamba ndichibva ndamubata ruoko.
"Nhai Ropa shamwari, saka urikuti ndisvike rinhi ndakangomirira. Chimbondiudzawo shamwari, asi chiso changu chinoita kunge chemunhu asingaroori? Kana kuti ndakanyanya kuipa kani?" Akabva atanga kurwisana neruoko rwangu kuti ndimusiye. "Kukusiya ndichakusiya hangu asi ndokunge wapindura zvandiri kubvunza. Ende ruoko rwako rwakapfava zvokuti."
"Imi ndisiyei ndiende kubasa kwangu mhani, ndanonoka." Akada kunyepera tuhasha ndichibva ndamukwevera pedyo neni chaipo.
"Inzwa Ropa. Unozviziva iwewe kuti ndakakuda kubva zuva rawasvika pano uchitsvaga basa. Unozviziva futi kuti basa pano pakanga pasina asi ndakatobvisa mumwe munhu zvaunoziva iwe. Ende unozviziva futi kuti mari yaunotambira yakawanda kudarika yevamwe vashandi. Chinangwa chiri chekukuratidza kuti wakakosha kwandiri sei, asi iwe zvese izvi hauzvione. He-e? Nhai bhebhi? Chimbondiudzawo zvaunenge uchifunga mukasoro kako aka. Ende wakanaka unoziva?" Ndakadaro ndave kuhwandisa hasha dzangu. Pakabva pambonyararwa kwekanguva sezvo mazwi evamwe vashandi akanga onzwika chinhambwe.
"Chindisiyai ndozokuudzai zuvarovira."
"Handikusiye Ropa, ndinokudawo haivave kutaura. Chingondipindurawo kani." Akamboda kutsika-tsika asi akazoona kuti kwaiva kuparadza nguva uye kuti vamwe vashandi vakanga vave kudzoka.
"Lee kutaura chokwadi hangu handigone kudanana nemunhu anonwa doro kana kusvuta fodya. Sori hako."
"Ko anonwa doro ndiani?" Apa chakanga chave chijana changuwo chekunyara. Ko akanga azviziva sei kuti ndinonwa? Saka zvaireva kuti vashandi vaipota vachindinyeya ka? "Ndinopinda AFM ini, hatibate zvinodhaka." Nemashoko iwayo akabva anditarisa neziso raipokana nemazwi angu. Ziso raiita seraiona zviriseri kwemaziso angu, neche mukati-kati maibikwa manyepo ese aya.
"Haikonai kunyepa, doro munonwa imi."
"Kana! Handibate. Kunwa ndakambonwa hangu, zviye zvemusikanzwa kuchikoro asi rakatondiramba."
"Umm ichokwadi here ichi?"
"Serious bhebhi, I promise. Ukandiona ndichinwa doro zvinobva zvapera hazvo. I promise."
"Hoo tomboti, asi kana muchinyepa ndinokubatai chete."
Ndakaswera ndichifara zuva rese, kusvika pakubatidza zvese heater nefan. Ndaizviziva hangu kuti kunyangwe akazozviziva hake tave kudanana haaizondiramba. Zuva rakatizvino rave kunovira, vashandi vave kubuda, pfungwa dzangu dzakabva dzaenda kuhwahwa hwangu. Semazuvaose ndakatanga ndagutsikana kuti hapana aiona ndichibva ndati sveerere ndakananga kucoldroom kuya. Ndiri munzira ndaingotsemura nyemwerero yerufaro. Handina kuzomboziva kuti ndakasvika sei kana kuti ndakapinda sei mucoldroom macho. Hwahwa ndakahwuwana hwave chando chega chega. Ndakanga ndichambogona here? Ndakatozoita zvekuvhunduka ndanzwa ruzha shure kwangu. Ndipo pandakazoyeuka kuti ndakanga ndakoshiwa kunyatsovhura gonhi kuti risavharike roga. Ndakasvetukira ikoko ndokumboshiringinya ndiripo ndichiti pada richavhurika, asi yakanga yadeuka kare yemuguchu. Chakanga changosara kudzikamisa hana ndakamirira kusvika kwerufu.
Ndakatora hwahwa hwangu ndokunogara pasi ndakazembera madziro. Muviri wangu wakanga watotanga kare kugwagwadza nechando. Semunhu akanga ave kufa ndakavhura zvangu bhotoro rekutanga ndokutanga kunwa misodzi ichidzika nematama. Zvaiva nani kwazvo kufa ndakadhakwa hangu nekuti ndagara ndaizongonotongerwa kudhakwa mberi. Chainyanya kundibaya moyo ndechekuti chokwadi here kufa ndisina kana budzi panyika. Dai ndaivawo nemwana ndaiti ndaizorangarirwa wo ndaenda. Ndakayeuka wo kambwa kangu kandakanga ndasiya ndavharira mubhini nenyaya yekuwetera mugadheni. Ndiani aizokavhuriramo? Kana kuti kwaingovawo kutonga kwavo Musiki kuti tose taizongofa nenzira imwe.
Hama dzadiwa rufu rwunouya nechinono rwunorwadza fani. Ndakasvika pakuoma zvekutadza kana kusimudza bhotoro rehwahwa risina kuzara. Ndakatanga nekunzwa simba richibuda mandiri zvishoma nezvishoma nekutanga kutandadza ndiripo. Dai rufu aiva munhu ndingadai ndakatarisana naye nguva imwecheteyo, asi wandakaona ipapo aisava rufu. Akangoshama kamwe chete achibva amhanya kunondikwevera kunze. Kubva pakavhurwa gonhi, chimiro chaRopafadzo chichinomira pamukova, maziso angu akanga oita zvekuonera kure kure chaiko. Ndichiburitswamo ndakaradzikwa pasi, Ropa achibva amhanya kunotora heater. Nenguva pfupi akanga atodzoka nemaheater maviri. Ese akabva ataridziswa kwandiri, imwe nechekumusoro imwe kuzasi. Awa rese rakadarika tiri ipapo. Kuzoti pava paya ndipo pandakatanga kunzwawo tusimba zvishoma. Ropafadzo akandibatsira kusimuka tichibva tandenderedzana takananga kuhofisi kwangu. Chiringazuva chekumadziro chemuhofisi mangu chaitaura kuti 07:23pm. Dzakatozoti dzave kuma8 ndipo pandakazonzwa simba rese kudzoka.
"Hapana arikuziva zvaitika handiti?" Ndakabvunza ndave kutya kurasikirwa nebasa rangu. Ropafadzo akanditarisa kwekanguva achibva agutsurira musoro.
"Waita hako Ropa chokwadi, dai usiriwe dai ndafa ini. Ndiwe watoita Mwari wangu apa, uye wagona zvakare kuti hauna kuzoudza vanhu, ndainyarirepi? Asi ndirikuda kuti undiudze chokwadi, kucoldroom wanga uchitsvagei pawazondiona."
Chiso chake chakabva chasanduka zvandakaona. Ndakabva ndaziva kuti pane chaakanga akavanza. Akambotarisa pasi kwechinguva ndokuzonditarisa zvakare. Maziso ake akanga otopenya nemisodzi yakanga yajenga maari.
"Ndokumbirawo kuregererwa hangu, handizive kuti chii chaindibata. Zuva rega rega ndai...ndaipota ndichiendako ndichi...ndichinotora...ndichinotora nyama. Shuwa ndiregererei ndinozviziva kuti hubenzi hwangu. Handichafe ndaka..."
"Ropafadzo." Akabva amira kuchema kwaaiita ndokunditarisa.
"Ini ndiri manager pano ndine simba rekukudzinga basa unozviziva handiti?"
"Hongu."
"Basa rako uchiri kurida?"
"Hongu."
"Pakanaka, saka iwewe uchirikuda basa, asi waita chinhu chinodzingisa basa. Asi wakumbira kunzwirwa tsiye nyoro naizvozvo ndakunzwisisa. Unozviziva zvakare kuti inini ndinokuda nemoyo wakaperera asi wandibata ndichiita chinhu chawakati haudi kundiona ndichiita, ndizvo ka? Ehe, iwe uchirikuda basa rako, ini ndichiri kudawo rudo rwako naizvozvo tese tachenurwa."
Akabva anditarisa neziso raitaura chinyararire kuti, "vakangwara havana nhamo chokwadi."
"Plus chimwe chinhu shamwari, handidi zvekuti urambe uchinditi imi, ndambokuudza paya. Izvozvo unozviita paine vanhu chete tirikuwirirana?"
"Ndichaedza."
Nguva dzakanga dzaenda asi pakanga pasina dambudziko sezvo Ropafadzo ndaizonomusiya kumba kwake nemota. Tave kuda kubuda ndipo pandakayeuka kuti hwahwa hwangu hwakanga hwasara kucoldroom pamwe chete nemaheater aye. Takabva tananga ikoko tese. Tichiri munzira takanzwa mutsindo wemunhu tichibva tatanga kunyahwaira tichida kuona kuti aive ani. Tese takashama kuona gonhi repacoldroom rakavhurika kuti haradada chaiko. Takamira tichida kuona kuti aive ani, wanike munhu wekuziva chaiye. Muruoko ainge akabata chipepa chitema chakazara nyama kuti ta-a. Achingotiona akabva aoma aripamukova.
"Ma...ma..maswera sei?"
"Huya hako pedyo utaure nyaya yako." Akabva afamba zvinyoro-nyoro achiuya kwataiva. Naguard uyu taiwanzoonana mazuva andainge ndanonoka kuenda kumba nekuwanda kwebasa nekuti aive wemanheru. Taiwirirana zvedu nekuti iye aifarira Man U yandaifarirawo. Saka dzimwe nguva, chikwata chedu ichi pachaive ne game, ndaitomumirira kusvika kwasviba kuti timbokurukure zvedu.
"Ndiregerereiwo VaKafesu, hanzi mbudzi inodya payakasungirirwa. Inhamo iyi baba, ndiregerereiwo chokwadi."
"Unoregererwa sei iwe uchitaura zvembudzi zvako izvo?"
"Ndosaka ndati soriyi zvenyu ndakumbira. Handiti tese tiri vaviri pano tirikutsvaga kudya nyama here. Imi yenyu ndoyamakamira nayo ipapo, ini yangu ndoirimuchipepa ichi?"
NaRopafadzo takabva tangotarisana. Vakangwara havana nhamo chokwadi.