Tindoe

Tindoe ๐’๐ญ๐จ๐ซ๐ฒ๐ญ๐ž๐ฅ๐ฅ๐ž๐ซ ๐Ÿ“š๐Ÿ“˜๐๐จ๐ฏ๐ž๐ฅ๐ฌ๐Ÿ”Ž ๐Ÿ๐ข๐ฅ๐ฆ๐ฌ๐ŸŽฅ๐ƒ๐จ๐œ๐ฎ๐ฆ๐ž๐ง๐ญ๐š๐ซ๐ฒ
(1)

15/12/2025

Zvinoitawo here k*ti munhu ane 32 years...

Vachisvika kumahofisi kuye vakashamisika vachiona ๐—ฃ๐—ฎ๐—ฟ๐˜ ๐Ÿฎ  vachitambidza svimbunuro dzemotokari yavo,pek*tanga vakambofun...
14/12/2025

Vachisvika kumahofisi kuye vakashamisika vachiona ๐—ฃ๐—ฎ๐—ฟ๐˜ ๐Ÿฎ vachitambidza svimbunuro dzemotokari yavo,pek*tanga vakambofunga k*ti majokosi ndopavakazoendwa navo kwayainge yakafugidzwa wanike ichokwadi vakapembera,nguva yavaipembera kudaro pane vaizama kuvafonera asi nemufaro wavainge vainawo havana chavakanzwa vachipedza kusaina mapepa emotokari yavo,vakapinda mumotokari vachifara havana kunge vatarisa nhare yavo k*ti vaone kana paine ainge ambochaya nhare kana kuisa tsamba,vachisvika kumba vaiva nemufaro wakapetwa,gedhi richivhurwa vachipinda wanike hama dzimwe dzirimo dzakasuruwara,vehukama vachiona mudziyo mutsva vakatarisana vakabva vabuda vese panguva imwechete vamwe vachiridza tsamwa,Mukoma wababa vaFatima vachidzika mumotokari k*ti vanzwisise k*ti zvirikufamba sei,vanhu vainge vatoenda.

Ndopakazobuda mwana wavo mumba achitsanangura nezvekufa kwainge kwaita munin'ina wavo,Mukoma vachingonzwa nhau iyi vakabva vamhanya kunogeza vachipedza vakabuda vakananga kumusika vakatenga hupfu,madomasi,tsvigiri,chingwa nezvimwe zvek*ti vanhu vashandise panhamo,havana chavasina k*tenga vachisvika kunhamo,pane vakomana vainge vakamira panze vakatumwa kunzi vadzikise zvinhu,dzimwe hama padzakaona zvinhu zvichiuya dzakabvunza ndokunzwa k*ti bamukuru vauya,vakomana vaye vakanzi dzorerai zvinhu kumotokari,Bamukuru vachiona zvichidzoka vakaenda kwainge kwabva mashoko wanike hama dzirikupopota dzichiti,"arimupenyu maitadza nei kumubatsira",mamwe mashoko achiti ndiwe wapedza hama,vakamboda kumira vachida kuonesana navo,varipak*taura pane tsvimbo yainge yaparadza maziso avo yavakanzvenga ndok*tendeuka ndiye tandee vakananga kumotokari vatozoona k*ti vanhu varik*touya nehukasha vamwe vakabata huni dzaipfungaira hutsi,vamwe migwara vamwe vakangobata chavainge vangoona panguva yacho,vachipinda mumotokari ndiye hutuu kumba kwavo,zvisinei vainge vaita rombo rakanaka vainge vaenda vari vega,mhuri yainge yasara kumba ichiti irik*tevera,vachipinda mugedhi vakakiya ndokupinda mumba vachidikitira,mudzimai wavo achiona rume richidikitira vakabvunza kwakanaka here?"ndadzingwa kunhamo" vakapindura.Vanhu varipamariro kudaro ndozuva rakaonekwa Fatima naamai vake k*ti ava nepamuviri,vakashaya zvekuita apa vainge vagara varipakuchema vanhu ndovakatozovanyaradza hama dzaive p**o dzakatora Fatima ndiye naye kumuridzi wemimba vachisvika mukomana haana kuramba akavakumbira k*ti vambodzokera naye vovapa mazuva vozouya munezvakanaka,hapana akange aziva k*ti mukomana ainge atobatwa nemweya warigiyoni,vakazosara vosvika kumba mukomana azvisungirira hapana akaziva chikonzero nei akava nepfungwa yakadaro.

Baba vachiradzikwa,Fatima anotorwa nasisi vake votanga kumuonesa gehena panyika apa iye akazvitakura,anozopedzisa zvidzidzo achibva kumba nemhaka yek*ti painge pashaya aimubhadharira mari yekuchikoro( boarding ).Fatima achingosununguka mwanasikana wake akabva aita mhanza yekuwana basa kukambani yaainge akambotsvaga basa,asi akabva anzi basa rabudira kuZimbabwe kunova ndokwaiva nemamwe emahofisi avo,Kambani yavo yaiita zvemafuta edzimotokari Fatima ainge asina sarudzo k*ti arege kuenda moyo wake wairwadza achisiya mwana wake nasisi vake nekuziva moyo wavo k*ti wainge wakasindimara .Fatima akashanda kwemakore maviri akamboita k*ti mwana wake waakasiya arikasvava auye amuoine nekuda kwechikonzero chek*ti iye k*ti afambe zvairema nek*ti nguva yake zhinji vaidiwa kubasa.Kamwana aka kaisachema chema zvek*ti arimudiki vanhu vakatombofunga k*ti zvimwe pane zvakasarira paari.Kuyambuka kwemunhu akauya nemwana kuZimbabwe raive shura nek*ti mwana aisava nemapepa ekufambisa,asi zvisinei vakasvika naye Fatima akaona mwana wake,moyo wake wakava nomufaro kwazvo vakatombodhonza chinguva dzamara adzokera zvakare kunzvimbo yeChimoio.

Kwapera makore maviri zvinhu zvainge zvakufamba zvakanaka muhupenyu hwaFatima ndopaakabva asangana neumwe mukomana akati anoda kufambidzana naye,akamubudira pachena k*ti anemwana wake vakanzwanana,vaviri ava vakaroorana zvakanaka,mukomana akaroora Fatima ainzi Munyaradzi.Munyaradzi aiva aine moyo wakanaka, Fatima nekunzwa nhau yemwana wake k*ti ainge akungorwara rwara uyezve pane kakubatwa batwa kainge kakuitwa mushonga (husherektwa) pamwana wake,paakaudza murume wake haana kufara nazvo akabva ataura naFatima achiti," ko mwana adii kungouya kuZimbabwe togara tese nevamwe vana panzvimbo imwechete,mwana haana kuzotora nguva akabva auya zvachose kunogara kuZimbabwe panguva yacho mwana anga avanemakore mapfumbamwe.Achingopinda muZimbabwe hazvina k*tora nguva vachifambira mapepa emwanasikana,Mwana ainzi Janet ,mapepa achingoita akabva atanga kuendendera mberi nechikoro zvinhu zvikatanga kufamba mugwara rakanaka,dambudziko rakazotanga mushure mekunge amai vaMunyaradzi vashanya ndokuona k*ti ahhhh.... tibatane pachikamu chinotevera ๐—–๐—ต๐—ถ๐—บ๐˜‚๐—ธ๐—ผ ๐—ฝ๐—ฎ๐—ฟ๐˜๐Ÿฏ kana mati tienderere mberi follow for more

14/12/2025

Zvirimudzimba

๐…๐š๐ญ๐ข๐ฆ๐š aiva musikana wek*ti ukangomutarisa wainzwa kuda kuramba uchimutatisa nekuda kwechimiro nerunako rwake (๐—ฃ๐—ฎ๐—ฟ๐˜ ๐Ÿญ) a...
13/12/2025

๐…๐š๐ญ๐ข๐ฆ๐š aiva musikana wek*ti ukangomutarisa wainzwa kuda kuramba uchimutatisa nekuda kwechimiro nerunako rwake (๐—ฃ๐—ฎ๐—ฟ๐˜ ๐Ÿญ) aiva nemakore gumi nematanhatu ekuberekwa,aigara nemhuri yavo munzvimbo yeChimoio KuMozambique,Amai vaFatima vaiva VekuZimbabwe baba ndovaiva vekuMozambique,Fatima aive arimwana wechikoro,zvisinei nerimwe zuva arimunzira kubva kuchikoro akasangana neumwe mukomana ainge akanaka pachiso nepachimiro asi mukomana uye ainge abva zera,pane zvaakataura kuna Fatima asi Mwanasikana achisvika kumba haana waakaudza,zvisinei mukomana uye akatanga kumirira Fatima panzira imweyo yaaibva nayo kuchikoro dzamara akwanisa kunyengera Fatima k*ti ave musikana wake,Fatima akambotanga achiramba nekuda kwechikonzero chek*ti ainge asati amboita mukomana uyezve mukomana wacho aiva muhombe kwaari,mukomana akazokwanisa k*tora pfungwa dzemwanasikana vaviri ava vakaita musikanzwa,zvadaro Fatima paakaona k*ti zvaakunzwa ainge asati ambozvinzwa mumeso,nemupfungwa make akaona irimimba akaudza mukomana wake k*ti ndozvavapo mukomana haana kuramba sezvo aiziva k*ti ndiye mumwechete ainge atanga kusangana nemwanasikana ,naizvozvo mukomana aona k*ti ndozvavepo akabudira mwanasikana pachena k*ti vainge vauya kubasa munyika yavo,akabva abudira mwanasikana pachena zvakare k*ti anogara KuNamibia,uyezve mazuva avo ekudzokera ainge avap**o Fatima achinzwa izvi haana kuda kuzosiyana nemukomana wake nek*ti ainge avanek*tya k*ti anogona k*tizwa akazoshaya zvekuita akabva aenda naye kumba kwaaigara,pasina mazuva vaviri, vakasimuka vachienda kunyika yemukomana,Fatima ainge asina mapepa ekufambisa mukomana akakwanisa kufamba nemwanasikana dzamara vasvika nzvimbo yavaigara kuOmusati.Vachisvika hama dzake vakamutambira nomufaro Fatima akavawo nemufaro asi ainge akuzvibvunza k*ti zvaabva pasina arikuziva vanhu vachafungei,uyezve ko pakaitika zvinoitika ariega kunyika isina hama aizoitasey?Akatanga achidzamisa pfungwa mazuva ek*tanga ndokuzopedzisira atongogamuchira k*ti ndozvavepo,akazonozviudza mumoyo make k*ti vachaona zvekuita k*ti vazozivisa vanhu kumba maererano nezvainge zvavepo,zvese zvaifamba negwara rakanaka murume wake aimupa zvose zvaaida uye aimubata zvakanaka dzamara papera masvondo maviri pakauya hama yemurume zvinhu hazvina kuzofamba zvakanaka nemhaka yek*ti,chivanhu chavo vaiti hama yemurume ikashanyirwa kana yakaroora mudzimai wayo anosangana nehama yake zuva raasvika iroro husiku hwacho zvinova zvisina kuitira Fatima zvakanaka,Fatima akarambirana nazvo ndokuudzwa k*ti ndozvatinoita kuno,vakazama zuva rachona kumuonesa zvikaramba Fatima nekuona k*ti haangazvikwanise haana kumbofunga ruviri akatanga kufunga k*ti zvoreva here k*ti hama dzemurume wangu dzese padzichauya ndinofanira kusangana nadzo,hazvina kumuitira zvakanaka ndiye dhuuuu...ainga asati akwamisa mwedzi,akangoti kuchichena nerimwe zuva murume wake aenda kumushando akatora mari yese yaainge akachengeta nemapepa ekufambisa emurume wake ndiye sarai akananga kuZimbabwe.Achisvika pamusika waikwirirwa mabhazi akataura nhau yake ndokunzwikwa semumhu ainge amboona zvaiitika pakuuya.Arimunzira aiva arimubishi rekuruka nyaya k*ti ndosvika ndichiti chii kumba,zvisineiwo mbatya dzaainge ainadzo zuva raatadza kudzoka kumba aive ainadzo munhava yake.Achisvika muChimoio akapfeka mbatya dziye mapepa ekufambisa emunhu waanga akugara nawo ndoakazenge akushaya k*ti oitasei nawo akazofunga zano raakafunga,imwe nhau yainge yavepo yaive nhau yenhumbu ndoyaive yakumutemesa musoro,semumhu ainge achine mari yaainge aive nayo akaenda kunoona Chiremba ndokumuudza nhau yake akanyeba k*ti ndakabatwa chibharo naizvozvo ainge akukumbira k*ti abviswe pamuviri, zvisineiwo Chiremba akabva ati rega titange tatarisa k*ti yakurasei wanike mwana haana pamuviri ainge angojambira mazuva ake ek*tevera Fatima achinzwa izvi akafara asi nhau yainge yasara zvakare ndeyek*ti anonoudza vabereki k*ti ndainge ndiripi kwemasvondo maviri nezvimazuva? ..akaruka zano rake ndok*tsvaga shamwari yake yaakasira mari nemapepa ekufambisa emunhu waainge akugara naye.Akabva apinda munzira kuenda kumba,achisvika pamba achivhura gonhi repamba vanhu vese vainge varimumba vakaita sevachadambuka makumbo nek*tiza,zvisinei vechikuru vakazogara naye pasi ndokuona k*ti kwavainge vakambofamba vachinzi mwana wenyu akatsakatiswa vainge vasina kuona chaizvo,iye akazongovaudzawo nyaya yaakavaudza vakabva vazvitambira,hupenyu ndok*tanga kuenderera mberi sepasina zvakamboitika,Zvisinei baba namai vaFatima vakaendesa Fatima kuchikoro chek*ti anodzidza achigarira ikoko *(Boarding school)* k*ti akwanise kuenderera mberi nefundo dzake pasina chinomuvhiringa,havana kunge vaziva k*ti ndopachatangira nyaka nyaka yese,Fatima ane mukomana waakatanga kufambidzana naye aripachikoro kudaro mimba ikabva yabata zvemachokwadi,Babamukuru vaFatima vaive munhu aingova nemabhizimusi asi zvakadaro aisada kubatsirawo munin'ina wavo baba vaFatima,Baba vaFatima vaishanda pane imwe kambani yaiita zvemafuta ekuzora,vaisada k*ti mwana wavo anzi atadza kuenda kuchikoro vaishingirira chero zvinzi zvakaoma,zvisinei rimweni remazuva kune mafuta ainge anzi arikuuya zuva rinoterarungwanani nganani ivo vakanzi vararireko kana k*ti vamukire pabasa,ivo nekuona k*ti kumukira kwaigona kuzovanonotsa vakafunga zano rekurarira pabasa,kuchichena Baba vafatima vakaonekwa vakagara pachigaro vanhu vakavadaidza varikure vachiti vauye vabatsirane nevamwe havana kudaira kusvika p**o wanike munhu chaive chatovechando vakagara kudaro zvinova zvakashamisa ruzhinji k*ti zvafambasei,hapana pek*ti tinoti vakatsikirirwa kana k*ti vakabaiwa kana kurohwa painge pasina zvakasiya ruzhinji ruine mibvunzo pakambani k*ti zvafambasei?Mukoma vababa vaFatima zvisineiwo motokari yavo yavainge vakatenga mhiri kwamakungwa ichingonetsa kupinda munyika vachingoudzwa nhorowondo vasati vanzwa shoko rerufu rwemunin'ina wavo vakabva vafonerwa nekambani yakavabatsira k*ti motokari yavo ipinde munyika vachinzi vauye kumahofisi,Vchisvika kumahofisi kuye wanike ahhhh.... tibatane pachikamu chinotevera ๐‚๐ก๐ข๐ฆ๐ฎ๐ค๐จ ๐ฉ๐š๐ซ๐ญ๐Ÿ kana mati tienderere mberi chimbosiyai malikes tione ,like,share,comment and follow for more

12/12/2025

Zvirimudzimba,mukadzi wasahwira

Yaive tsika yangu k*ti pese pandinenge ndakunorara,ndaitenderera imba yose ndichitarisa k*ti ndainge ndavhara mahwindo h...
12/12/2025

Yaive tsika yangu k*ti pese pandinenge ndakunorara,ndaitenderera imba yose ndichitarisa k*ti ndainge ndavhara mahwindo here nemagonhi semunhu aigara imba yese arioga, ndaive munhu wek*ti ndaizorara mazizi ak*tanga kuchema,uye vanofamba nerusero kana mapere vavepabasa,zvakadaro ndaiva nehwindo randaizopedzisira k*tarisa rinova remuimba mandaiitira basa rangu ndiro zvakare rek*ti kungodongorera wak*toona motokari mainogara,zvakare ndaiva nekatsika kek*ti arimanheru kudaro ndaingoti wewuu pacurtain k*ti ndione munorara motokari k*ti murisei,iyi yaive tsika yangu,handina kuzenge ndaziva k*ti nerimwe zuva muk*tanda makudo ndichasangana nehohwa,nerimwe zuva ndaita zvandaisiita mazuva ose imwe pfungwa yakabva yanditi nhasi imbosiyanawo nekudongorera hapana chinenge chimboripo,musi iwowo ndakabva ndanzwa chidokwa dokwa chek*tomhanya pakarepo zvisinei ndakangoti ndichiti wewuuu curtain wanike ahhh.... for now chimboonai drama ratakugadzirirai iri muchimirira nguva yedu yamazuva ose...

lmba yamaiBetty yoparara mushure mekunge murume wavo anzwa chikonzero nei mainini vakatiza murume.... Zimbabweanmovie ...

12/12/2025

Zvirimudzimba,chakafukidza dzimba matenga

11/12/2025

Zvirimudzimba๐Ÿ’”

10/12/2025

๐Ÿ ๐๐ซ๐จ๐ญ๐ก๐ž๐ซ๐ฌ ๐ง๐š๐Œ๐š๐ข๐

10/12/2025

kisimusi sifikile Zvadirwa shuga very cheap

09/12/2025

Chakafukidza dzimba matenga,zvirimudzimba

Achisvika patollgate akasvika ๐๐š๐ซ๐ญ ๐Ÿ๐Ÿ achisekerera zvek*ti vaakatanga kusanganisana navo maziso zvakatovanetsa k*t baba ...
09/12/2025

Achisvika patollgate akasvika ๐๐š๐ซ๐ญ ๐Ÿ๐Ÿ achisekerera zvek*ti vaakatanga kusanganisana navo maziso zvakatovanetsa k*t baba ava varikunakirwa nei chaizvo varivega, mupfungwa make ainge atoona afuratira ijipita avekupinda munyika yehuchi nemukaka sezvo mari yese ainge aenda nayo achitiza mukadzi, paakanzi mari yek*tti vakwanise kupfuura patollgate semunhu ainge asisisna mari inoti yake akavhomora chimari chaakazvomora pamari yeroora iye akabva audza aitambira mari wacho k*ti unogona kusara hako neinenge yasara nemhaka yek*ti hasi izuva rangu rekungofara,waakatambidza achiona mari iye akamutarisa baba vakasekerera akaitarisa zvakare akasimuka paainge akagara akadana vainge varip**o vakatarisawo mari iye zvakare,murume haana chaakaisa mupfungwa panguva yacho nemhaka yek*ti aiva aine mufaro wakawedzera,vakabva vanzi tinokumbira murambe makamira,panguva yavakanzwaro vakabva vangoti nechemumoyo"vanhu ava vanoziva here k*ti ndogona kungovasira zvimari vese",pasina nguva vakazongoona kurutivi kwainge kwakagara mai vaOliviah kwapinda murume ainge akashinga kumeso akabva ati handei nechepamberi tibve patimire vamwe vakwanise kupinda vakaudzwa pekumisa motokari yavo,vachimisa motokari yavo padivi pavainge vanzi vamise,kurutivi rwavo kwainge kwatomira rino zirume zidema dema rakapfeka sutu dema nemagirazi matema zvakare vachitarisa nechemberi wanike kune ainge amira zvakare,kanguva kacho vakabva vaita kakuvhiringika vachishaya k*ti zvirikumbofambasei,pavakati vavhure muromo wavo vataure zvavaida k*taura,vakabva,vanzi neanga arikuhwindo,murikubvepi,baba pfungwa dzikamhanya mhanya ndiye dhuu vakabva vanyeba kwavainge vachibva, vane zvavainge vafunga pavakamhanyisa njere dzavo k*ti vati kumaroro zvainetsa zvakare nek*ti katsamba kainge kasara namai vaOliviah,vakabvunzwa kepiri vakataura saizvozvo,umwe wevamwe akabva ati tinokumbira mumbodzika mumotokari yenyu tine,chirongwa chatiinacho (operation) Havana kumboramba kudzika,vachidzika vakomana vakangoti umwe wacho achiisa musoro achisanganidzana nenhava yainge yakazara mari akaibata bata pasina nguva akabuditsa musoro akabvunza zvaakabvunza baba vakati ndirimuzvina bhizimusi ndirikubva kupurazi kwangu ndokwandirikubva nemari,murume uye akabvunza zvakare vakataura zvimwezvo,murume akazoti saka"mari yese imari yenyu"vakadaira k*ti hongu,akabva audza vamwe nemusoro k*ti tarisaiwo mari Iyo,vachitarisa,baba vakazongoona marikiti akubuditswa ndiye ngaaa.Vachiti vabvunze k*ti zvirikumbofambasei ndopavakabva vaudzwa kunzi takusungirai mari yenyu nemhaka yek*ti haisi mari chaiyo,pfungwa dzababa ava dzakamboit sedzamira kufunga panguva yacho ndopavakazongoti dhuuu vega pavakada k*ti vavhure muromo wavo k*ti vati ndaipihwa pamarooro ndokwandirikubva imwe pfungwa yakabva yati"wambotaura k*ti urikubva kupurazi"imwe ikabva yati ndikadzoka kana vati tidzoke tese zvinenge zvangofanana ndinogona k*topinda munyaka nyaka zvakare vakatarisa varume vainge varipo vaine kakuvayera kavaitovaita,vachipedza vakabva vati umweni wacho aive mutete bhutsu mudumbu achinowira uko umwe vakaita sevari munhandare yenhabvu umwe akazongoona avepasi aita zvek*tungwa nemusoro,zvese izvi zvakaitika pasina nguva kwakangova kubwaira kweziso,vanhu vainge varipo vakaona bhaisikopu kanguva kadikisa ikako,kunyangwe zvazvo vasina kukwanisa kuwana mukana wek*ti vatore zvakaitika nemanharembozha avo, pavakaona k*ti vainge vakonzeresa nyaka nyaka vakazama k*ti vatize vachijambira mumotokari vakasungwa maoko kudaro vachimutsa motokari vakazongonzwa mugotsi mavo manongedzerwa nepfuti vakabva vangozvidonhedzera dambama ravo pamudhiraivo.Mai vaOliviah zvakavatorera kunetsa k*tenda k*ti chokwadi ndozvainge zvaitika here,vakati kwete regai nditsvage motokari nditevere zvimwe majokosi arikuitika,pakazongopfura chimotokari chakadarika vakamirirwa mainge nemurume vachipinda vakanzi vakwidzire chivhara muromo nemhuno chavo vakapihwa mushonga wek*ti vazore(sanitizer) motokari ichisimuka murume aive avakwidza akabvunza masvikasei pamamakamira,mai vaOliviah vakatsenga tsenga mukanwa murume akazongoti pakanakai,pasina nguva vavatosvika patollgate wanike motokari dzakawanda dzakamira parikuita sepanechiitiko, murume uye akazongobvunzawo vamwe akabva anzwa k*t pana baba vabatwa vaine mari dzisiri dzechokwadi apa yakawanda, vakaramba vachitaura asi mai Oliviah Havana kuzomboterera zvakazotaurwa mberi vakazongonzwa papakunongedzerwa zvichinzi" vane motokari irikumberi uko,mai Olivia zvakare panguva yacho havana kuzviisa mumusoro vaingoti hamheno nemhaka yek*ti vaizvibvunza mibvunzo mizhinji nezvainge zvaitika.Motokari dzakazovhurirwa dzikatanga kufamba, vachiswedera p**o wanika mapurisa aungana vachinyora zvavainyora k*tarisa kudai wanike murume wavo uye hana ndiye tsemu vakatanga kusagadzikana,aityaira panguva yacho ndok*ti ndiye murume aachitaurwa uyu,vachiswedera p**o naye akavhura hwindo rekudivi kwamai Oliviah achida kunyatsoona chiso chemurume uye mai oliviah vakashaya zvekuita ndokuzongonyarara vakuda kupfura painge paine murume uye,vakabva vasanganisa maziso nemurume,murume wavo nechemumoyo akati handiendi ndega kuchizarira.Vanhu varipakati pekufara vachitamba,vamwe vachidya,Tindo nevekwake vakadaidzwa nababa vaOliviiah,vachipinda mavainge vadanwa vakavatambidza mari yose yavainge vakawirirana,Baba vaOliviah vakatenda nebasa guru rainge raitwa nemukwasha wavo rekuchengetedza mari chaiyo vachibuditsa isiyo,baba vaOliviah vakazobvunza vachiseka vachiti makazvifambisa sei k*ti muve nemari yek*ti ukaitarisa unoona sek*ti ndiyo,Tindo akadaira achiti baba ndakakuudzai nezuro paye k*ti musatye,ndakatozoitenga imwe yacho ndikapihwa nevakomana vanoita zvemafirimu ndomari dzavanoshandisa pamunoona mumafirimu dzichibvira,baba vakati saka imarii yawakashandisa k*tenga ndiwane kudzora...vekwaTindoe vakasekaa zvavo vachiti vanaTezvara musazvinetsa henyu,zvisineiwo baba vaizviti vaOliviah vakanongedzera mapurisa achiti ini nemukadzi uyo tiripamwechete,mai Oliviah vakabva vatopfeka chiso chebasa nek*ti vainge vatoona k*ti vakaita zvek*tamba vanosarapo,vainge vatozoona k*ti ainge ava manyama amire nerongo,vakatarisa kuna mutyairi vachiti asi munomuziva arik*taura ani,mapurisa akaramba akatarisa kwechinguva,umwe wevainge vambobatwa huyanga nemurume uyu akabva avanyararidza achiti vaisei mumotokari vasati vatikonzeresera zvakawanda pano,vakaiswa mumotokari musoro wavo uchiita seuchaputika nehasha,chekuita painge pasisina vakazama kurova rova hwindo k*ti vanzwikwe asi panguva yacho vainge vak*tonzi musavatedzere,Mai Oliviah vachingobva patollgate vakatura befu risina kunzwisiswa nemurume wavainge vainaye,Havana kuzoenderera mberi nerwendo vakabva vakumbira kudzika vati fambei chinhambwe kubva patollgate.Vachidzika vakambonoumburuka kumahuswa arip**o nemugwagwa zvek*ti vakavaona vakambofunga k*ti munhu anopenga vainge vari pakuchema vachishaya k*ti voitasei uyezve voendakupi,k*ti vadzoke kumba kwainetsa nyadzi dzachona dzainge dzakukunda rufu.Nezuva retatu manheru Oliviah ainge asati aenda kumurume wake vainge vakawirirana k*ti anozouya kwapera svondo,Oliviah akagara pasi nababa vake akavati moyo wangu hauna kugadzikana handizivi amai k*ti kwavari k*tsvene here,baba vakataura zvimwezvo vachiti hongu k*tadza tinotadzirana asi tinofanira kunzwa k*ti varisei uye varipi varipakukurukura vakanzwa gonhi richigogodzwa baba vakaenda kugonhi vachivhura gonhi wanike ndimai vaOlivia vainge vakuita kunge munhu anorasa njere nenhau yehembe dzavo dzainge dzaita marengenya uye ivo pachezvavo zvainge zvisisina kumira zvakanaka,Oliviah akabvunza baba k*ti"ndian"vakabva vavhura gonhi Oliviah achiona amai vake akamhanya akavambundira zvek*ti vainge vavanekamunhuhwi haana chaakanzwa baba vakabva vanogara pasi.Oliviah akavhara gonhi mai vainge vavekunyara nyara vakanopfugama vakatanga kuchema vachikumbira ruregerero vachiti ndiregereiwo handina kunge ndaziva k*ti murume uye aitondishandisa aingoda mari yemaaroro,haasiye baba vako Oliviah vakataura zvese vakabuda misodzi yeropa baba vaOliviah vakangonyarara zvavo pamwechete nemana wavo,vapedza kuchema vachikumbira ruregerero baba vaOliviah vakabuda mumba vakanorara asi hope hadzina kuuya vachidzamisa pfungwa.Oliviah akazosara akaita k*ti mai vageze vachinje vakarara muimba make.Kuchichena nhau yemurume wemari yekunyeba yainge yazara pese pese semweya wetsvina mumapepanhau,muzvivhitivhiti,kwese achinzi akatongerwa makore aakapiihwa.Nguva yekunwa putugadzike yakasvika Tindo akauya Oliviah akazivisa patsva mai vake kuna Tindoe vakakumbira ruregerero zvakare,Nguva yekunwa putugadzike yakakwana patafura vanhu vaingove zii uchingonzwa k*tsenga kwemazino nekukurungwa kwayo mukomichi.Tindo akaudza baba k*ti achamboenda nemudzimai wake kunotenga zvemumba,vaviri ava vakasara voga,pakamboita chinguva vanyerere,Oliviah akazobvunza Tindoe k*ti nei wanditora uchiziva mamiriro enyaya pana baba namai,Tindo akangopindura achiti"vanhu vane mwana vese ava uyezve vakura"zvakare yeuka chinhu ichi "mvura payakamboyerera napo....Tindoe ainge asina hurongwa hwekunotenga kana chipunu zvacho akaenda nemudzimai wake kumba kwake vakaita mazuva matatu nhare mbozha dzakadzima vasingabude,zuva rechina Tindo akangomuka achiseka akabva audza Oliviah k*ti ndine hope dzandarota asi ndokumbira tiende kumba pane zvandoda k*tanga ndaona ndisati ndataura,vakagadzirira vakaenda vachisvika kumba wanike hezvoooo vanhu varikufadaya murudo,Oliviah achiona baba namai vake vakunzwanana zvakare akafara akakangamwa zvainge zvakaitika akatarisa Tindo akabvunza hope dziye tindoe akanongedzera kune shiri mbiri achiti ndohope dzacho....naizvozvo tinoti titende nevakabva nesu kubva pachikamu chek*tanga kusvika patiri pano nevakatibatira panzira nevachazotiona,naizvozvo ndinoti ndaperera pano,Tisangane pachikamu chinotevera Mwari vachitiitira zvakanaka,T for Titend.... Mashoko maviri matatu aungade kupa ndakaterera ndirimo mu comment section...follow for more......๐„๐ง๐

Address

Harare

Opening Hours

Monday 09:00 - 17:00
Wednesday 09:00 - 17:00
Friday 09:00 - 17:00
Sunday 09:00 - 17:00

Telephone

+263715748977

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Tindoe posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to Tindoe:

Share

Category