Tineyi Group Novel

Tineyi Group Novel Leisure reading

13/04/2025

https://whatsapp.com/channel/0029VaOWYho4o7qOnZJ3fs2s



T I N E Y I S S N 0️⃣9️⃣

🎩🎩🎩🎩🎩


THE


️‍ ☠️☠️☠️☠️☠️

👣

SATANIC VERSES


🎩🎩🎩🎩🎩🎩🎩🎩


DARK SECRETS

Written by tc ( Chino )
+263 773 046 013

CHAPTER 0️⃣1️⃣

ELLEN

It was more than twenty years ago tichiri ku secondary pandakatanga kudanana na Mikel Makura uye taidzidza pa Nyamhunga High School kwa Nyamhunga. Ipapo ndaiva musikana mutsvuku ndiri mupfupi zvishoma uye ndiine muviri wainge wakati simbei.

Tainge takabvira kudzidza tose tiri ku Primary school ende mazuva acho kwainge kusati kwava nezvema ECD izvi saka taitoenda kuchikoro munhu uchingokwanisa six or seven years chaidzo kwakutoita grade one.

Regai nditangire nyaya yangu ku secondary school pandakatanga kudanana na Mikel chaipo ndave mu form two uye zita ndoitwa Ellen Rungano.

Raive rimwe zuva apo kwainge kuine mutambo webhora pachikoro pedu tichitamba nechimwe chikoro chekuMagunje chainzi Charles Clarke High School chinova chaiva chikoro che Salvation Army. Ini ndaitamba netball ndiri shooter ende ndaifarirwa nevanhu vakawanda kunyanya vakomana ava.

Makore iwayo mutambo webhora wainakidza mhani kwete zvava kuitwa mazuvano izvi. Kwainzi kukanzi kune bhora chikoro chakati chiri kutamba nechakati hakwaidanawa anonzwa uye vanhu vose vemuraini kusanganisira nevakuru chaivo vaiuya kuzowokera mutambo uyu.

Kwaitanga mateams aive mu Group B kwese kuvakomana nekuvasikana then after lunch kozopinda vasikana Group A then na 3pm kozotamba vakomana vakuru Group A yacho apo vanhu vese vanenge vave kuwokera team dzavo.

Asi kwaiti paitamba ma Group B vakomana vazhinji vaiuya kuzoona netball vachinakirwa neuniform yataipfeka pamazuva acho ndofunga munoiziva yekuti zvima short zvacho zvainge zviri zvipfupi zvichisiya zvidya zvedu panze.

Isuwo va

07/03/2025
07/03/2025

https://chat.whatsapp.com/EpOYTsaxfjQ7khB5s7IdUx



T I N E Y I S S N 8️⃣

🔰🔰🔰🔰🔰


THE


️‍ 🔰🔰🔰🔰🔰


OMEGA


🔰🔰🔰🔰🔰🔰🔰🔰


CLOSED CHAPTERS

Written by tc ( Chino )
+263 773 046 013

CHAPTER 1️⃣2️⃣

SHAMISO

" Maswera sei baba."

Ndakadaro nekutya mukati ndichivakwazisa uye vaiva vega mumota. T-1 ainge ari padivi pangu akazvityora akabva atiwo :

" Makadini zvenyu baba."

Vakaramba vakamutarisa ndokungogutsurira musoro. Hameno kuti vaifungei uye vakabva vati kwandiri:

" Get in."

Handina kuda kumirira kuudzwa kechipiri nekuda kwe expression yaiva pameso pavo saka ndakabva ndangoti:

" See you T-1."

Ndakapinda mumota vachibva vakwidza hwindo ndokubva tasimuka. Ndakaona T-1 nepa view mirror akabata muchiuno akatarisa mota and he was soon lost behind a curve.

" Ndiye here?"

Vakaerekana vadaro baba vakatarisa mberi uye vainge vasiri kusekerera sezvavaisimboita tiri tese.

" Hongu ndiye."

" I see."

Ndakatotya kubvunza kuti mama vainge vasarepi ne serious yavainge vakarova.

Takasvika pamba pasina ataudza mumwe ndokupinda mugedhi. Vakanopaka mota pamberi pegarage asi havana kuidzima ndokubva vaburuka ini ndichiburukawo.

Ndakatevera shure kwavo tichipinda mumba vachibva vananga kubedroom kwavo. Ndakasvikogara mudinning wondering what was happening.

Mushure mechinguva vakabva vabuda vakabata bag ramama raiva ne preperation vachibva vati:

" Rumbi aripi?"

" Handisati ndamuona ndofunga haasati asvikawo kubva kuchikoro tapesana pakudzoka."

" Okay. Mama venyu vabatwa Bp uye vari kurwadziwa. Vanogona vatove mu labour period asi vanenge vakurumidza ne 2 months saka ndavasiya kuchipatara doctor ati ndiuye nepreperation just incase."

" Hoo okay I hope she will be okay."

" I hope so too. Ehh tell that young man I want to see him tomorrow. Handidi kukuona uri muroad kunge nzenza nemukomana, you hear me?"

" Okay daddy."

" Good. Let me go see your mother. I will call kana pane zvisina kuzomira mushe but she will be fine."

" Okay daddy."

" Keep the doors locked nhaika?"

" Okay daddy."

Naiwayo vakabva vabuda ndikanzwa mota yave kubuda gedhi. Ndakatura mafemo ndokusimuka ndichienda kuroom kwedu. Ndakasvikozviwisira pamubhedha ndokubata kumeso ndichinzwa kufefeterwa zvishoma. Ndainge ndarohwa nehana kwazvo pavakamisa mota padivi pangu zvandainge ndisina kutarisira.

Mushure mechinguva ndakamuka ndokupinda mubath to freshen up nekuchinja mushure ndichibva ndaenda kukicheni kunotsvaga chekudya. Foni yangu yakabva yarira ndokuona ari T-1.

" Hi babs."

" Hi sweetheart."

" You are sounding low, I hope all is well. Kwanzii nababa vako?"

" Nothing much. Vada kukuona mangwana."

" Nguvai?"

" Not sure, something came up mama havasi kunzwa mushe vari kuchipatara kuma avenues."

" Ohh, ko indava?"

" Some pregnancy complications but hanzi it's not serious."

" Okay vanopora don't worry. Just checking kuti zvinhu zvese bhoo here."

" I'm fine thank you."

" Okay babs, see you tomorrow then. I already miss you."

" Me too, thanks."

" I love you, bye."

" Love you too bye."

Ndakadarowo ndichinyemwerera foni ichikata. Ndakatura mafemo ndokumbotarisa mudenga ndichinzwa kamwe kakufara so kuseri. I never knew being in love was this sweet.

Zvisinei ndakazobika zvangu tea and toast kumbodzora nzara mushure ndokutanga kubika zvemanheru. Rumbi akazouyawo mushure mechinguva asi kwainge kwatodoka. Ndakamuudzawo zvamama ndokubva tafona uye takaudzwa kuti mama vainge vachiri kubatikana ne Bp yainge yakakwira uye daddy vainge vari kurarako kuchipatara kwacho.

Takazonorara zvedu mushure mekutandara uye ndichiudza Rumbi zvainge zvavapo pakati pangu na T-1.

Zuva rakatevera waiva mugovera saka taisaenda kuchikoro uye ndiro zuva rataiita mawashen nezvimwe zvese. Takazviita kubva kuseni kusvikira masikati uye patakafona kuchipatara daddy vainge vatori munzira kudzoka namama kumba vachiti Bp yainge yadzikira. Taifunga kuti pamwe vainge vabetserwa mwana asi vainge vasati sezvo vainge vachiri pa seven months.

Vakazosvika zvavo kuma past 2pm uye vairatidza kuti kumeso makumbo nemaoko zvainge zvakambozvimba zvisati zvanyatsoserera uye kufamba kwainge kuri kuvaremera. Iro dumbu racho makuriro aro raitoita kunge rainge ratove ku nine months chaiko asi riri mu seven. Maybe aiva ma twins hameno, ndakadaro nechemumoyo.

Mushure mekudya zvishoma vakabva vati vaida kumbonorara ndokubva vaenda kuroom kwavo tikasara tiri mu dinning na Rumbi. Hana yangu yaingorova sezvo ndiro zuva iro mukoma Tineyi vaiuya uye daddy ndipo vainge vati vaida kuona T-1.

Ndakazovhunduka pavakadzoka mu dinning daddy asi vakati mukoma Tineyi vainge vakundikana kuuya nekuda kwebasa.

" Well, I guess ndakutongomuona ndiri ndega hanzvadzi yako ati ane ma investors asvika nhasi ku mine saka haachakwanise kuuya. I need to see your so called street father friend, wakati anonzani zviya?"

Ndakambokakama zvishoma ndichida kuti T-1 asi ndakazokurumidza kufunga zita randainge ndakavaudza paya ndokuti:

" Anonzi Tonde."

" Good. Mufonere auye izvozvi nekukasika ndoda kubuda."

" Ehoyi daddy. Regai nditore foni kuroom kwedu."

Ndakasimuka ndokuenda kuroom kwedu kuya uye ndakabva ndarangarira kuti ndainge ndisina kuzobvunza zita chairo kuna T-1. Nekukasika ndakabva ndamufonera ndokuti:

" T-1 kwanzi huya izvozvi daddy vari kuda kubuda but ndaikumbirawo favour sha. Ndakavati unonzi Tonde coz ndaisaziva zita rako chairo."

Akabva aseka zvake kunge zvandainge ndataura zvaiva funny.

" Kkkkk, okay babs that's my other name wakabaya dede nemukanwa. That's why ndichinzi T-1 for Tonderai. Asi hausi serious wena. Unoreva kuti nguva yese iyi waisaziva zita rangu?"

" Ko wakambondiudza here? Ndaingoziva kuti unonzi T-1 ini."

" Wakadini kubvunza?"

" Ahh hameno iwe."

" Kkkk anyway iri bho rega ndiuye kwacho."

Ndakatura mafemo nemufaro imi. Ko zvayaitova coincidence nhaimi ! Hameno kuti chii chainge chandifemera kuti nditaure zita rakadaro. Ndakamboda kubvunza kuti rimwe racho rainzi ani asi ndakanzwa daddy vave kundidaidza ndichibva ndatooneka mumwe wangu.

" Okay bye sha ukasire."

" Ndakutouya izvozvi, give me five minutes."

" Okay."

Ndakabva ndadzokera ku dinning kuya ndokusvikogara pasofa pandaiva.

" Call him."

" Ndatofona kare."

" Okay. So kana auya uzondidaidza kuroom kwangu nhaika?"

" Ehoyi daddy."

Vakabva vasimuka ndokuenda kuroom kwavo. Ndakasara ndichitura mafemo zvakare uye ndichinzwa kaye kamudumbu kemunhu anenge ari nervous.

Ndakasimuka ndokubuda panze ndakananga kugedhi kunogarirako sezvo ndaitadza kugarisika mumba macho.

Handina kuita nguva refu ndichangosvika pagedhi pakabva paridzwa bhera remota ndokubva ndavhura kagedhi kadiki ndichidongorera. Aiva iye T-1 ainge auya neiya taxi yeshamwari yake yaakambondiperekedza nayo musi uya waakandinunura kuna Alfred.

Ndakamuvhurira achibva apinda mukomana wetaxi ndokudzokera. Takambundirana ndichinzwa hana yangu kurova asi ndakambosticker paakabuda mumota ndave kumushaya T-1 nedressing yaainge akarova ipapo.

He was formally dressed kunge munhu wemu office uye ainge akapfeka maspecs and he looked more of a scholar than a car-washer.

He had on a light blue shirt with gold pins on the scarfs and a navy blue formal trouser but he did not have a tie. Bhutsu dzaiva formal zvakare and to say the least he was immaculately dressed complimented by his English haircut.

" Waal ! Ohh my God !"

" What?"

Ndakadaro ndakabata muromo ndakamutarisa uye iye ainge akaisa maoko muhomwe and smilling romantically. I had never seen him like this before and to say I was surprised would be an understatement. I was actually shocked because it was not the T-1 I used to know. Here was the T-1 from a big multinational conglomaret ! Jesus, I didn't know T-1 was this handsome mufunge !

" What's up with this office dressing? Don't tell me you dressed like this just to see my father?"

Akabva asekerera ndokusvika pandiri achibva andipa a warm hug. He was smelling nice and I almost kissed him on his lips asi ndakazonyara. Ndaisazviziva ini zvema kisses sezvo ndainge ndisina kumbozviita but what I felt inside me can be better imagined than described. I told myself I had made the right choice of a man whom I had personally transformed from zero to one hundred. He gave me a peck on the chick ndikanzwa muviri wangu kumerera, Jesus !

" No, I am just coming from that meeting I told you about nemu vet uya. Handina kuzoenda kuseni sezvo ainge ari busy so tazoita meeting yacho masikati ano."

" Okay okay. So zvafamba hazvo here kumeeting kwacho?"

" I will tell you about it later, first things first."

"Okay , but eish ,you are looking good sha ! I didn't know wakafitwa ne formal kudaro."

Akabva anyemwerera akanditarisa and he held my shoulders looking me straight into my eyes. I blushed and looked away laughing.

" You are making me blush T-1. Come on let's go, my father is waiting."

" After you my love."

Ndakanyemwerera ndichinzwa shoko raitapira kudaro ndokufamba ndiri pamberi ndakamubata ruoko.

" Pamba penyu pakanaka wena hey."

He said admiring the house and the yard.

" Yaa zviri nani."

Takabva tapinda padoor ndokunanga mudinning umo ndakamuratidza pekugara.

" What do I offer you?"

" Nothing, thank you."

" Okay. Rega ndivadaidze."

Ndakadaro ndokufamba ndichienda kuroom kwana daddy. Ndakasvikonoka zvinyoronyoro vachibva vadavira daddy vari mukati.

" Ndiani?"

" Ndini Shami. Auya."

" Okay ndiri kuuya."

" Ehoyi."

Ndakabva ndadzokera asi ndakananga kukicheni uko kwaiva na Rumbi ndichibva ndamuudza kuti T-1 ainge auya. Takabuda tese kuti anomumhoresa uye naiyewo akashamisika achiona mukomana wangu manakire aainge akaita musi uyu. She later told me kuti ainge arohwa nehana achifunga kuti pamwe ndainge ndaunza mumwewo munhu to cover up for the street father whom T-1 was but she was equally surprised like me.

Anyway vakazouya daddy Rumbi achibva abuda. Vachingogara pasofa mama vakabva vapindawo ndokubva vambotaudzana zvishoma daddy vachiti vaisafanira kunge vauya asi kuti vaifanira kuzorora sekutaura kwachiremba.

Ndakazoziva zvangu pava paya kuti Bp yavo yainge yakwidzwa nekuda kwangu pavakanzwa kuti ndainge ndiri kuita hushamwari nemu street father izvo zvainge zvazokonzeresa kuti ndiitwe kidnapp nana Alfred. Ndofunga kana nemiwo munogona kuzvinzwisisa kuti munhu akaita seni ne status yandaiva nayo ndiwanikwe ndichindenderedzana nezvigunduru, kana uri mubereki unototanga kufunga kuti kasi imweya yemadhimoni here inenge yave kubata basa pamwana.

Asi musi uyu ndakafara zvisingaite as I had proved everybody wrong about their perception on the destitutes. Munhu kuva chigunduru hazvireve kuti haasi munhu. Kunongove kushaya chete pamwe ne environment yavanenge vari kurarama vari asi vazhinji vatori vanhu kwavo mufunge.

Pavakapinda daddy T- 1 akabva asimuka seruremekedzo uye neniwo ndakabva ndasimuka. Tainge takagara pasofa rimwe chete zvekuti kutiona waifunga kuti pamwe imombe dziri kumirira kuiswa pademo. Ndofunga taitonzwisa tsitsi nekuzvityora kwatainge takaita.

" Maswera sei baba , makadini amai."

Akadaro T-1 akabatanidza maoko achichonjomara. Daddy vakabva vatiti tigare pasi. Vakaramba vakatarisa T-1 as if vainge vari kumuona for the first time.

" Ndiwe wandakaona nezuro here iwe?"

" Hongu ndini sir."

" Bvisa maglass ayo tione."

Akabva abvisa uye ainge aine ka smile kaiva faint kaya kemunhu ainge asiri kunyatsoziva fate yake.

" Okay, ndanga ndakushaya. So you are?"

" Tonderai Chirandu sir."

"Well, don't tell me you are the same guy my daughter told me about kuti uri mu street father? I hope you have not dressed like this to deceive me because you don't look like a street father to me."

Ndakabva ndakurumidza kudavira ipapo uye ndainge ndabata T-1 ruoko assuring him that all was going to be okay. Daddy vainge vari serious kunge musoja and it was my second time kuvaona vakadaro. Mazuva ose he was always a smilling father.

" Ugmmm pamusoroi daddy namama. Uyu anonzi Tonderai sezvaataura uye ishamwari yangu."

" Wakadini hako Tonde?"

Vakadaro mama vachimukwazisawo asi vairatidza kuti vainge vachiri vakabatikana.

" Ndinofara zvangu mama. Chekutanga ndine hurombo nezvakaitika uye ndinozvipa mhosva kuti ndini ndaka--."

Daddy vakabva vasimudza ruoko kumunyaradza vachibva vati:

" Chimbomira kuita nhoroondo dzako mukomana. Chekutanga ndoda kuti uzive kuti I am only talking to you because of my daughter here who assured me kuti uri munhu kwaye otherwise I would have dealt with you in my own way so please don't mistake my nobility for weakness nhaika?"

" Hongu baba. I am very sorry for everything."

" Now I need to know exactly what happened kusvikira mwana wangu azoitwa kidnapp pabasa pako neshamwari dzako. And what is the relationship between you two because I am still failling to understand how my daughter an undergraduate came to be friends with a rif-rough like you. Ndiri kuzviziva kuti wangopfeka zvawakaita izvi to impress me and my wife but let me warn you that I cannot be taken for a ride, you hear me?"

Vakadaro vachimunongedza nechigunwe.

" Yes sir."

" Good, now talk."

" Okay sir. Ugmmm actually zvakatanga mumwe musi........"

Akabva atanga kutsanangura T-1 kubva musi watakatanga kusangana ndichida kubatwa nema street kids aye iye T-1 akazondinunura. Akatsanangura zvese kubatsira kwandakamuita kumuita set up on his business, kumutsvagira imba and everything.

He also explained about Alfred uye neniwo ndakabva ndamubatsirawo kutsanangura nyaya ya Alfred na Matemba uye ndakavaudzawo kuti mukoma Tineyi vainge vari kuzviziva sezvo ndakambovaudza kuti lecturer wangu ainge ari kundishungurudza.

Ndakatsanangurawo zvakaitika musi wandazobatwa ndikaendwa neni kwandaisaziva uye nekuuya kwakazoita T-1 nepolice ndikanunurwa hapana chatakasiya takatsanangura zvese.

Patakazopedza ndakaona daddy face yavo kuti yainge yachinja vave kuratidza kunzwisisa nyaya yacho yese mamiriro ayainge yakaita ndikanzwa kunyevenuka zvishoma.

" Hmmm, very interesting. So you are telling me kuti mwana wangu uyu actually set you up in your business and did all that? Shami ndizvo here?"

" Hongu daddy."

" This is unbelievable."

" Ichokwadi daddy."

" So how much did you spend nhaiwe Shamiso?"

" Ummm handisati ndazviita calculate daddy."

"And Tonde how much do you think your business is now worth?"

Vakadaro kuna T-1 uyo akabva akwenya musoro ndokuti:

" Handisati ndanyatsoona but it's doing quite well and today I signed another contract nemumwe murungu ari pana Samora Machel apo. Ndatobva kumeeting naye that's why I am dressed like this sir. Ndichavhura imwe car wash pabasa pake vanoita zve wheel alignment and he has agreed to give me a loan to set up equipment yacho. Infact he is actually going to buy the equipment from SA then ndozoita ndichibhadhara back mari yake zvishoma nezvishoma because he wants to maintain his standards."

Daddy vakabva vazembera sofa vachipuruzira chirebvu chavo uye vachigutsurira musoro.

" Well very interesting indeed. Very interesting. I am impressed."

" Thank you sir."

" Hameno mai mwana muri kuionawo sei nyaya yaShamiso iyi nemukomana uyu?"

Vakadaro daddy kuna mama avo vainge vasina kumbotaura anything kubva pakutanga.

" Ugmmm, yaa zvakaoma hazvo handina chekutaura ini. Ndongoda chete kuti nyaya iyi ipere zvakanaka kuma courts uko. Ndodawo kuziva futi hushamwari hwenyu kuti hushamwari chete here kana kuti pane zviripo?"

Ndakabva ndanyara ndokutarisa pasi ndichishaya kuti ndodavira kutii. Pakamboita karunyararo zvishoma.

" Handisati ndakambonzwa nyaya dzakadai kusara kwemuma African movies chete. Kuzvinzwa unototi i drama chairo nekudzikama kwako Shamiso? Aiwa nhasi wandipedza mwana iwe !"

Vakadaro mama vachibva varovanisa maoko ndokuita kachikuwe kavo vega.

" Hongu toda kuziva kuti hushamwari hwenyu huri kugumira papi nekuti mwangwana pakawana chinowana mwana wangu zvakare ndoziva kwekunanga kana wekubvunza."

Vakadaro daddy vari serious ndokubva ndatarisa T-1 apa ndichitya kutaura kuti taidanana.

Ndakazorovera moyo kudombo ndokubva ndati nezwi raiva pasi:

" Ugmmm, tiri kuwirirana "

" Kuwirirana kwekudini? Nyatsotsananguraka tizive. Ukangoti tiri kuwirirana hazvireve chinhuka."

Vakadaro mama vakanditarisa. Veduwe kana ndakambodedera musi uyu ndakatya handidi kunyepa. Mai vangu vaiva munhu aisada zvinhu zvisina basa kubvira nekubvira.

" Well ndoreva kuti- T-1 ugmmm mu-mukomana wangu."

Ndakadaro ndakatarisa pasi nekunyara. Munhu wandainyanya kunyara ndi daddy.

Pakamboita karunyararo zvishoma mushure daddy vachibva vazoti:

" I hope hausi kutora advantage yemwana wangu Tonde?"

" Haa no sir. Ichokwadi chaataura asi zvakatanga manjemanje hazvo. Ndingangoti tava ne three days. Pese apa taingova ma friends chete."

Mama vakabva vaseka vachirovanisa maoko ndokuti:

" Haiwa musada kutinyepera apa kkkk. Munozvinzwawo here nhai baba T zvinotaurwa nevana venyu kkkkk. Haisi mhosva tiri kuda kungoziva chete otherwise makura imi hatingakurambidzei kuita relationship. Ini chandinoda chete handidi matakanana. Unondinzwa Tonde?"

" Hongu mama."

" Handidi zvangu kunzwa zvisina basa pamwana wangu uyu. Kubva pane zvamatsanangura she has done a lot for you saka pliz handidi kunzwa musi waanouya achichema newe. Ipapo uchaona kushata kwangu kwese unondinzwa?"

" Hongu mama. Ndinokuvimbisai kuti ndichachengetedza rekationship yangu na Shamiso uye handizoite kuti adonhedze misodzi. Ibenzi roga risingazive kwarinenge rakabva."

" Good. Handina zvakawanda hangu. Ini ndiri mai vako kana pane zvanetsa pano wave kupaziva asi handidi zvangu kunzwa kuti pane zvawaita mwana wangu unondinzwa?"

" Hongu mama."

" Ndapedza newe."

" Ichokwadi chiri kutaurwa namai venyu ende ini handide zvevanhu vanomira muroad. Ipapo tinopesana. Munhu ari straight forward anosvika pamba asi hazvireve kuti takupa freedom yekuita zvaunoda pano nhaika? Ukatiremekedza tichakurenekedzawo ende ndichada kuzoziva kwaunogara uye kune vabereki vako, kumusha, hama dzako everything. But not today, uchaudza Shamiso anozondiudza, tiri tese?"

" Hongu baba uye ndinotenda nekundigamuchira. Ndinokuvinbisai kuva mwana ari straight forward and I hope ndichakufadzai."

" Good. You have our blessings, both of you , handizvo here mai mwana?"

Vakadaro daddy kumudzimai wavo vachibva vatenderana kuti ini na T-1 tienderere mberi nerelationship yedu.

Takazotaurawo nezvekuzoenda kwangu ku court uye tainge tave kufara zvedu tose pamwe na Rumbi uyo ainge auyawo.

Takagara pakudya kwemanheru tichitandara uye pano neapo daddy vaimbobvunza T-1 one or two things asi ndaiona kuti zvimwe zvacho aisadavira zviri straight. Anenge aiita kakuvanza zvimwe zvacho asi ndakangosiyanawo nazvo.

Ndaizotsvagirwa lawyer uye daddy vakati ivo vaizotaura na Tineyi kuti azotaura iye na Primrose. Vakataurirana pafoni uye Tineyi aizouya musi waipinda nyaya mudare.

T-1 akazooneka ndokufonera shamwari yake ye taxi iya. Takamubuditsa na Rumbi kusvika pagedhi ndokuzodzokera mukati pakauya taxi yacho asi akandibvunza mumwe mubvunzo asati aenda ndokuti:

" Hanzvadzi yako anonzi Tineyi? Anogarepi uye aripi?"

" Pano pamba pake uye ari kuMhangura."

" Hoo, okay."

Haana zvaakazotaura but he looked worried nekuti akamboramba achiti Tineyi Tineyi as if aiyedza kurangarira kuti ainge akamborinzwepi zita iroro.

" Nei wabvunza kasi unomuziva?"

"Haa kwete, handisati ndakamborinzwa."

Hatina kuzoenderera mberi nenyaya yacho sezvo taxi yake yainge yasvika ndokubva akwira ndokuenda.

Mazuva akafamba vhiki rikazopera musi we court ndokubva wasvika. Ndainge ndazodaidzwa ku office kwaPrimrose uyo ainge ari kuzomirira nyaya yangu mudare musi wekutanga. Ndakamutsanangurira zvose zvaaida kuziva uye naiyewo ainge akazopiwawo copy ye docket raiva nenyaya yose.

She had been very busy nemamwe macases aainge ari kuita aiva nechekuita ne politics zvekuti case yangu chaiyo akazoipa mumwe mu junior wake. Aive mumwe musikana wechidiki ainge achangopinda basa pamazuva acho ainzi Advocate Hilda Bepura. Ndiye wandaizonopinda naye mu court musi uyu.

Pa office pa Primrose apa painge pari patsva sezvo vainge vakatama kubva pavaisimbori kare. Vainge vambori kuKarigamombe apa vainge vave pa Netone building muna Kaguvi.

Hilda akazodaidzawo zvakare T-1 sezvo ndiye aiva main witness panyaya yacho. Akatorawo ma statements aaida ndokugadzira case yangu uye musi wedare zvose zvainge zvaringana.

Takamuka mangwanani emusi weChipiri apo paizopinda nyaya yangu na 10 o'clock mu Court No 6 asi T-1 akanonoka kusvika.

Takamumirira tiri panze pa door re Court 6 uye Prim akabva asvikawo achibva ku Court 21 kwaaiita case yake. Tainge tiripo tese kuchiti inini, Rumbi , mama, daddy mukoma Tineyi, mupurisa akaita nyaya yangu pamwe na Hilda.

" Aizve ko makamirirei pano?"

Akadaro Prim uyo ainge akapakatira ma files muruoko rwake.

" Hi Prim long tine hey."

Vakadaro mukoma Tineyi vachibva vakwazisana uye takavakwazisawo tose. Hilda akabva ati:

" Hi mam. Am just waiting for my first witness eish ende anonoka apa kwasara five minutes. Let me call him."

Akadaro achiburitsa foni yake asi asati afona T-1 akabva asvika achiita kufemuruka nekumhanya kwaainge aita. He was formally dressed like the other day but today he was putting on a tie and a formal jacket.

Ndakanyemwerera paakasvika ndichinzwa moyo wangu kufara sezvo ndainge ndave kufungira kuti ainge asisachauyi nyaya yangu ikashaya witness.

Ndakamuchingura uye akabva akwazisa vamwe vose ne respect. Like the other day also he was putting on his specs zvakaita kuti ainge student.

Paakasvika pana Prim akabva asticker akatambanudza ruoko uye ndakaona naiyewo Prim achiramba akamutarisa kuti ndee. Vakaramba vakatarisana kwezvima seconds tese tikatoshaya kuti ko chii chainge chiri kutora nzvimbo uye Prim ainge afinyamisa kumeso.

Ndakatarisa T-1 ndikaona ave kubuda kaye kadikita kepamhanza uye face yake yainge yaita kakupusa so. Then he regained his composure and said:

" Well ugmmm, makadini madam Prim?"

" Shame , what the hell....... Hausiwe Shame here iwe?"

Pakarepo uya gadhi wemu court akabva adaidzira kuti tainge tave kudiwa mukati.

" Tamirirwa let's go in."

Akadaro Hilda achitofambisa kupinda mucourt isu tichitevera.

Takangosiya Prim akambomira na mukoma Timeyi vose vachiratidza kushamisika. Zvairatidza kuti vatatu ava vainge vazivana na T-1. Zvakandinetsa kuti ko sei Prim ainge amuti hausiwe Shame here iwe?

Ndakaita mibvunzo hobho asi nguva dzainge dzatokwana dzedare saka ndaizozviona after court !

End of chapter 12

Chapter 13 loading.....

🔰🔰🔰🔰🔰🔰🔰🔰🔰

07/03/2025

https://chat.whatsapp.com/EpOYTsaxfjQ7khB5s7IdUx



T I N E Y I S S N 8️⃣

🔰🔰🔰🔰🔰


THE


️‍ 🔰🔰🔰🔰🔰


OMEGA


🔰🔰🔰🔰🔰🔰🔰🔰


CLOSED CHAPTERS

Written by tc ( Chino )
+263 773 046 013

CHAPTER 1️⃣1️⃣

SHAMISO

Ndakangotaimira apo mama nadaddy vakapinda mumba mavo ndokuvharirana imomo ndokubva ndabuda panze kuenda kuseri kwemba nefoni yangu. Ndaida kufonera T-1 kuti ndimutsanangurire zvainge zviri kuitika kumba kwedu. I looked up his number and dialed. Yakabva yangopikwa ipapo.

" Heloo T-1 , uri kupi?"

Ndakadaro nezwi raiva pasi ndichitya kuti ndaizonzwikwa kunyange zvazvo bedroom yana mama yaiva parefu.

" Hey Shami, are you all right? Ko wanga uchitaura zvechikoro--."

" Yaa I know sha pane zvanga zviri kuitika saka ndanga ndichitoda kuvhara moms namudhara. Uri kupi?"

" Pamashops, ndiri kugeza mota."

" Okay ndosvikapo manjemanje, bye."

Ndakadaro ndichikata foni asati apindura ndokudzokera mumba. Hana yangu yainge isina kugadzikana nezvainge zviri kuitika. I needed to see T-1 kuti ndinzwe kuti nyaya yainge yanzi kudini ku court kwaainge aenda.

Ndakapinda mukicheni umo Rumbi ainge ari kugadzirira zvekubika uye akabva anditarisa pandakapinda. I wasn't actually myself handidi kunyepa ende musoro wangu chaiwo wainge uri kutotenderera.

" Chii nhai Shami?"

" Ndoda kunoona T-1 pama shops, ndaikumbirawo kuti undikavhirewo usaudza mama nadaddy. Ndodzoka manjemanje."

Akabva amira kusuka ndiro yaainge akabata ndokuti:

" Hausi serious, after zvawabva kutsiurwa manjemanje kuti usaenda futi kuna T-1 ?"

" Yeah I know sha but pliz ndokumbirisawo. Hazviite kuti mama na daddy vamuone ndisati ndataura naye."

Akamboti zii achifunga mushure ndokuzoti:

" Saka ndovaudza kuti chii kana vakakubvunza?"

" Ndakarara mu room ndiri ku period vasandimutsa."

" Kkkk hayaa, horaiti kwacho but ukasire coz ini handizogoni kukumiririra kana vakada kuzokutsvaga muroom imomo mama."

Akazopedza kutaura ndatove padoor. Ndakaita kumhanya ndakananga ku gedhi sezvo ndaida kudzoka vasati vatanga kunditsvaga. Mota ndakasiya nekuti vaizoinzwa saka ndakafunga kuenda netsoka.

Kwaisava zvako kure sezvamunoziva zvekuti mushure me ten minutes ndainge ndasvika pama shops ndokunanga pabasa pa T-1 uyo ndakawana achipukuta Benz yaainge abva kugeza.

Paakandiona ndichisvika ndichifambisa akabva amira zvaaiita akanditarisa. Ndainge ndiri kufemeruka pamwe nekudikitira semunhu ainge auya achimhanya.

Ndakasvikogara pachair yaivepo iyo yaimbove seat remota kare mheno kwaainge akaiwana.

" Kutsvene? Kuzenge uri kutandaniswa? Ko mota wasiyepi?"

" Ndasiya kumba saka ndoda kukasira kudzokera sha zvinhu zvacho mahwani."

" Ko indava?"

" Mama na daddy haa vari kuvava wena. Tatombosvika pano vachida kukuona paya pawazofona tanga tichitobva pano."

" Okay, I hope kuri right zvako?"

" Hakusi sha."

" Ko indava futi?"

Ndakasimuka ndokubva ndatanga kumutsanangurira mamiriro azvainge zvakaita uye kuti vabereki vangu vaida kumuona ende vainge vasiri kufara nekushamwaridzana kwangu naye.

" Okay handina dambudziko nazvo ndovaona. Ndouya kumba here or vanouya kuno?"

" Handizive ndichavanzwa mangwana asi mmm ndiri kutya ini sha."

" Kutyei?"

" Ahh, zvese zviri kungoitika so."

Ndakadaro ndichinzwa kuda kutochema mufunge. Akazviona ndokusvika pedyo ndokundibata mafudzi and he was looking me into the eyes achibva ati zvinyoronyoro:

" Don't worry hmmm? Everything will be alright. I will be there for you saka usatya hanti?"

He said it so gently and softly zvekuti I almost cried ndokuzoperera mukukwiridzira madziwa chete. Ndakamutarisawo kumaziso ndokubva ndati:

" Thank you so much for caring about me."

" No , I should be the one to say thank you for all that you did for me and I am so sorry that you are going through all this because of me. Handife ndakakukanganwa Shami, never."

Ipapo ndakakundikana misodzi yangu ndokuti mokoto mumaziso. Akabva andimbundira ndokundiisa musoro pachest pake achindibhabhadzira kunge kamwana kacheche. Ndainzwa hana yangu kurova not kuti kwaiva kutya asi kuti hameno zvandaingonzwa so ndiri paari.

" Thank you so much T-1. I - I--."

Ndakabva ndashaya mazwi ndokunyarara.

" You what?"

" Never mind."

Ndakadaro ndichizvibvisa paari ndokuti:

" Saka kwanzi kudini ku court kwacho?"

" Seven days from today ndipo pachapinzwa nyaya yacho mudare. Am sure vachakufonera kuti uchazodiwa musi wacho. Nhasi vanga vachingopa vapari vemhosva nyaya yavo kudare asi manje vabvisa bail. Vanga vaina lawyer wavo."

" What?"

" Yeah, Alfred akatsvaga lawyer ranga rakamirira iye na Matemba so vapiwa bail kuti vasaiswe ku remand."

Ndakabva ndabata musoro ipapo nekupererwa. Pfungwa dzangu dzakamhanya kwakawanda ipapo kungofunga bedzi kuti varume ava vainge vasina kuvharirwa. Akazviona T-1 kuti ndainge ndavhunduka achibva ati:

" Don't worry, hapana zvavanokuita nekuti vari mumaoko edare redzimhosva saka havana mvumo yekusvika pedyo newe. Vakangodaro chete inenge itori imwe mhosva."

" Okay, okay kwacho asi mmmm, ndiri kutya ini. Ko vakafunga kuda kuita revenge ndinozodini nhai T-1?"

" Shami, hapana zvavanokuita as long as ndiri mupenyu. Ndingatouraye munhu ndikaenda ini kujeri kwacho."

Akadaro nezwi raiva nekahukasha ndikatovhunduka ndokubva ndamutarisa.

" Shuwa here?"

" Yes, I mean it and I really care for you so I will protect you at whatever cost."

Ndakaramba ndakamutarisa ndikaona kuti airevesa zveshuwa. Akaswedera pedyo neni ndokundibatazve pamafudzi nemaoko maviri akanditarisa achiyedza kundisimbisa ndokuti:

" You mean so much to me Shami that I don't want anything to happen to you."

" Really?"

" Yes, I mean it."

" Meaning?"

Akamboti zii zvishoma achitadza kuburitsa mazwi asi ndakaziva zvaaida kutaura. Ndakaramba ndakamutarisawo kumaziso and I wanted him to say it ndichinzwa. Ndainge ndagumbata maoko ndakangomutarisa nemaziso aida mhinduro.

" Well, I - I- I don't know what you think Shami about me but ini hangu- well- not because I am taking adavantage of you but chokwadi ndechekuti I- I- eversince I met you Shami-."

Aitotadza kududza izwi racho kani asi ndaitoziva hangu ende iniwo I was ready asi ndaingoda kuti iye ataure ega nemuromo wake. Ndaizviona zvangu kuti taifungirana asi zvaisaita kuti ini musikana nditaure mashoko acho. Ndaizoita kunge nzenza.

" Shami, I like you so much and I-."

" And-?"

" I mean you are so nice to me and I can't imagine living without you. You are in this situatuon because of me and izvozvo zvoga zvinoreva kuti you also care about me. Ndokuda Shami uye ndingafara kwazvo ukave musikana wangu. Please do not say no."

Akadaro zvaiva soft ndikanzwa mabvi angu kudedera uye ndakabva ndanzvengesa meso angu. It was my first time kunzwa mazwi aitapira achifadza moyo wangu kudaro. Handina zvandakataura asi kuti ndakangotendeuka ndokuti:

" Ndokuona mangwana rega ndiende kumba ndingasvikorohwa."

" Okay but zvandataura wazvinzwa ka? I mean it."

" Tozotaura mangwana, bye."

Ndakabva ndatofambisa kubva paari. I had wasted enough time already ende pfungwa dzangu dzainge dzatove kumba kuti ndainosvikotukwa zvakare ndikawana vanhu vaye vabuda mumba mavo. Mashoko ake T-1 ainge andinzwisa kupera simba kutomerera chaiko saka ndakabvapo nekukasika kuti asaone ma goose bumps ainge amerera mumaoko mangu.

Kunze kwainge kwatodoka pandakapinda pagedhi uye ndakanopinda nedoor rekuseri kuti ndisaonekwa. Ndakanyahwaira ndokupinda muroom medu ndichibva ndapinda mumagumbeze. Hana yangu yaingorova kuti pamwe vainge vauya vakandishaiwa.

Mushure mechinguva ndakazonzwa vave kudarika nemupassage vachienda ku dinning. Ndakamukawo ndokuzvuva makumbo ndichiendawo ku dinning ikoko uye ndichiratidza semunhu ainge ari kubva mukurara kuti zvityise kkkk.

Ndakasvikovasweresa ndokunanga kukicheni uye hapana zvavakataura kuratidza kuti vainge vasina kumbozviziva kuti ndainge ndambobuda. Ndakazonyatsozorora apo Rumbi akanditi vainge vasina kumbobuda mumba mavo kubva zvandakaenda ndikanzwa moyo wangu kugadzikana.

Takazobatsirana kupedza kubika ndokudya tose mu dinning uye mama vakati mukoma Tineyi vainge vari kuuya kusweramangwana sezvo vainge vavapira nyaya yacho kuti vazoisa misoro pamwe.

Zuva rakatevera ndakamukira kuendawo kuchikoro. Kwaingovawo kuenda zvangu asi pfungwa dzangu chaidzo dzaipiringishana. Zvizhinji zvandaisaziva kuti zvaizopera sei.

Kwaiti nyaya yeku court iyi ini hangu ndaingonzwa kutya kunomira pamberi pedare redzimhosva kunyange zvangu ndirini ndaiva victim. Nyaya yekubuda pa social media ndiyo yandaisada ende nyaya dzepa UZ dzinotenderera kana mozogara.

Ndainyatsonzwa kunyara chaiko pandakasvika pachikoro ndichingofunga kuti pamwe yainge yave kutozivikanwa asi hapana kana chandakambonzwa.

Kwaizotiwo handaiziva kuti mama na daddy vaizoti kudini pamusoro pa T-1 apa ndainge ndisina kumubvunza zvakare zita rake nhaimi. Ndainge ndavanyepera zita racho saka pavaizoziva zita chairo haa hameno kuti vaizoti kudini neni.

Huru yadzo ndiyo yaainge ataura kuti aindida asikana imi ! Kutaura chokwadi T-1 had transformed kubva muhu street father into a very handsome gentleman. Hawaitombomufungira kuti ndoozvaaimbova. Iniwo ndainge ndamudawo uye ndainyatsonzwa kuti ndiye wangu. He was my first crush ende hameno zvandaingonzwa so kusada kumushaya dispite all that was happening.

Ko ivo mama na daddy vaizobvuma here relationship yangu naye? Zvakandipa kushaya appetite zuva rose ende zvatakadzidza musi uyu hazvina kana kupinda munzeve mangu.

Ndakarangarira masanganirano atainge taita kubva pakutanga and something told me kuti we were meant for each other. How come ndiye aingondirwira pose pandaiwira mudambudziko?

Saipapa ndaidai ndaka repwa na Alfred na Matemba asi akauya akandirwira so kana ndimiwo maidawo kuti ndifungei chaizvo? Pakutanga paye ndiye akandinunura futi kuma street kidz aye saka ahh, ndakamuda ini coz aigona kundi protector.

Ndidzo nyaya dzaindishaisa mufaro idzodzi asi ndakangozviudza kuti all was going to be well ndokubva ndanokwira lift kuenda kumba.

Musi uyu ndainge ndasiya mota sezvo daddy vaida kuishandisa. Mheno kwavaida kuenda namama ku scan ende ndakazoziva kuti vainge vafambira nyaya dzenhumbu yavo idzodzi. Mheno zvainetsa saka vaida kunoitwa ma scan kuma Avenues.

Ndakadzikira pama shops ndokunanga pabasa pa T-1. Ndainzwa kunyara uye ndaitya kumuudza pfungwa dzangu panyaya yaainge ataura nezuro. Yes ndaimuda asi kuti ndimuudzewo kuti neniwo ndaimuda mmmm asikanaka, zvandainzwa kuti rurimi rwunorema kuburitsa mashoko erudo aya ndaiti kunyepa. Ndakangoendawo hangu asi ndainge ndakatoomerwa.

Hana yangu yakatanga kurova the moment I set my foot down from the Kombi. Ndakazvigadzirisa skirt yangu ndokunyatsobata bag rangu re laptop ndichibva ndatanga kufamba zvishoma nezvishoma ndakananga pabasa pake trying to gather my confidence.

Ndakati fambe fambe ndokumbomira zvishoma ndichizeza kusvika. Ainge akamira nemumwe murungu vachitaura nyaya uye mumwe mukomana ainge ari kugeza Landcruiser truck yemurungu wacho. Ndivo vaya varungu vakambouya kare paya vari vaviri. Ndakanzwa kunyara kusvika ndokubva ndafamba kuenda pa Nandos apo ndakanogara sezvo paiva nema chair aiva panze paiwanzogarwa nevaisada kugara mukati vachidya zvavo.

Ndakaburitsa foni yangu ndokubva ndamufonera uye haina kunonoka kudavirwa.

" Hi T-1 waswera here?"

" Hi babs."

Ndakabva ndakachidzwa ipapo uye hana yangu yakarova paakanditi babs. Zvaitoita sekunge tainge tisati tamboonana mufunge.

" Ahh iwe unopenga here?"

" Ko ndadini?"

" Handisi babs wako ini. Zvakatanga rinhi izvozvo?"

"Zvatanga nhasi."

" Ahh iwe siyana neni."

" Saka wafonerei manje?"

" Hapana."

Akabva aseka zvake mushure ndokuti:

" Urikupi so?"

" Ndakagara paNandos apo."

Akabva acheuka ndokutarisa pandaiva achibva asimudza ruoko.

" Okay ndouya ipapo manjemanje, let me just finish with my client."

" Okay."

Akabva akata foni iniwo ndokutura mafemo. Ndakaona achienderera mberi nekutaura nemurumgu uya akaisa maoko muhomwe.

After some ten minutes ndipo murungu uya akazobva ave kuenda iye achibva afamba kuuya pandaive. Paakasvika akabva anyemwerera ndikanzwa muviri wangu kumerera. He looked very happy ndikatoshaya kuti ko chii chainge chamufadza kudaro.

" Sorry to keep you waiting babs."

Ndakabva ndaridza tsamwa zvenhando ndakaita kutsamwirira asi mukati memoyo ndainge ndaparara nemufaro. Ndainge ndisati ndakamboda mukomana semadiro andainge ndave kuita T-1.

" Ko chii?"

" Hapana."

Ndakadaro ndichitadza kumutarisa kumeso ende ndaitoziva kuti nhasi ndaifanira kumupa answer yake.

" Okay, ndokutengera chii?"

" Hapana."

" Ahh, hakuna zvakadaro. Just a minute let me order something for you."

Akabva asimuka ndokuenda pa Pizza Inn apo akazodzoka akabata ka receipt kainge kaine order ye large Pizza ne two ma can. Akasvikogara opposite ndokundibata maoko kuzvigunwe uku.

" Today is the happiest day of my life. Seeing you and you being my best friend makes my life complete again after so many days of sorrow. I know it may not be a good time for you Shami but I take it as the best moment for us. Love born out of sorrowful moments is much stronger. Pliz don't say no to me."

Akadaro zvinyoronyoro akanditariaa mumaziso wanike ini handichagoni kana nekudavira kwacho. His words had melted my heart so much that I felt paralyzed inside me. Kutaura chokwadi iyi yaisava nguva yekuti ndimboita zverudo nemamiriro ainge akaita zvinhu kwandiri asi ko ndaigodini? Chinhu chinonzi rudo chakaoma hama dzangu kana mozogara.

Paainge akandibata kutwugunwe uku ndainzwa magetsi muviri wangu wese and I felt powerless. Ndakaramba ndakanyarara achibva ati zvakare:

" Shami?"

" Hee?"

" Wati chii sha?"

" Ahh neiko?"

" Ndinokuda sha uye ndoda uve munyaradzi wemoyo wangu. Wakandinhonga ndiri rombe asi nhasi uno hona zvandava. Rudo rwako harwusi rwemanyepo nekuti hakuna munhu anoda munhu anogara kumarabi. Vasikana vazhinji vanoda vakomana vane mari nemota asi iwe hauna kutarisa izvozvo. You made me what I am today so please my love, just tell me you feel the same for me."

Ndakashaya pekupinda nekunyara uye kuti ndimuudzewo ndainzwa rurimi rwangu rwuchiramba wanike ndave kungoruma muromo ndichida kuvhara kusekerera kwandaida kuita. Ndainzwa kutekenyedzwa pese paaitaura mazwi erudo aya.

" My love?"

" Hmmm?"

Ndakaerekana ndadavira nhaimi kunzi my love ! Ahh saka ndainge ndatobvumaka nhai? Ndakanzwa kunyara hama dzangu iiii imika !

" Pliz chingondidavirawo sha."

" Ndozokuudza mangwana."

" Kwete. Ndiudze nhasi. Ndoda kuzouya kumba kwenyu so that kana ndichirohwa ndorohwa ndichiziva kuti ndiri kuroverwa zviripo."

" Ahh , unorohwa nani kuti wadini?"

" Izvozvi zvandiri kuita ndozvichandirovesa."

" Ahh hameno hako unongorohwa kwacho."

" No problem kana ndikaroverwa iwewe zvakanaka kwazvo. I will die for you Shami. Please tell me you love me also."

Ndakaramba ndakanyarara ndakaruma muromo ndakatarisa divi ende iye ainge achakangondibata twugunwe.

" Shamiso."

" Hmmm?"

" Ndati ndokuda sha. Uri kutii nazvo?"

Ndakaramba ndakanyarara iye ndokuramba akanyatsonditarisa kumeso. Haa imika ndakazongoita zvivindi ini asikana !

" Horaiti kwacho."

" Horaiti kwacho kudini?"

" Wazvinzwa T-1."

" Handina chandanzwa ini. Kuti horaiti kwacho ndokuti chii manje?"

" Ahh iwe ahh ndakuenda ini kumba."

" Kana usina kundiudza handikusiye."

Akadaro achibva anyatsondibata maoko acho ese nhaimi. Ndainge ndave kunyara vanhu vainge varimo kunyange zvazvo pasina aiita hanya nesu. Ndakaona kuti zvechokwadi aisandisiya kana ndisina kumuudza zvaaida kunzwa saka ndakabva ndati:

" Horaiti ndazvinzwa T-1."

" Kuti chii?"

" Neni-ndokudawo kkkk ahhh iwe chindisiya hanti ndakuudza."

Ndakadaro ndakatsikitsira pasi nekunyara asi akaramba akandibata maoko.

" Chindisiya."

" Okay. Thank you so much Shami. I promise I will love you till death do us part."

T-1 aiva very fluent ne English yake ende ainge azvitanga nezuro zvekutaura nechirungu izvi. Pese pataisangana aingotaura shona. Zvakandishamisa nekuti aisawanza hake kutaura nechirungu.

" I love you Shami , so so much."

" Me too."

" Thanks my love. Ehee , waona murungu wanga ndiinaye uyo?"

" Ehe?"

" Ati ndizosvika kubasa kwake mu town. Vanoita zve wheel alignment muna Samora uko kuna 7th uko asi muri muna Samaora Machel."

" Okay kwakanaka?"

" Ane business proposal yaainayo. He wants me to open a car wash pabasa pake so that ma customers avanenge vaitira basa ndovasukira mota dzavo. Anga achiti vazhinii vanosvikapo shamwari dzake kuti dzizouya kuno kurikuvarebera so hanzi ndiuye ndizoona nzvimbo yacho then totaurirana ma terms acho."

" Ohh really?"

Ndakadaro nemufaro ndichibata muromo nekushamisika. This was the second sweetest news I had heard musi uyu apart from mazwi erudo andainge ndaudzwa.

" Yes babs and thanks to you mostly."

" Hiiii inga aita zvake ! I am so so happy for you T-1 ! Waonaka zvinoita Mwari anovhura mamwe ma doors zvausingafungire."

" Taura hako wena so mangwana ati na 9'oclock ndinge ndasvika. Haneno kuti ma parents ako ari kuda kundiona nguvai?"

" Okay thats good wena. Haa ende futi ! Ndichavanzwa kana ndasvika kumba then ndokufonera."

"No problem. So that's why ndatsvaga uyo mukomana uyo anga achisuka mota uyo."

" Wamuwanepi?"

" Well, I don't hold grudges nevanhu. Aishandira Matemba ende ndiye munhu one pa crew raMatemba aindifarira. Anonzi Japhy. He's very humble so angouya achitsvaga basa ndobva ndamutora coz pana Matemba apo zvakatodhakwa. Ma clients ake ese ave kuuya pano."

" Hoo okay. Hazvina kuipa waita zvakanaka as long ari munhu kwaye."

Order yaainge atenga yakadaidzirwa achibva asimuka ndokunotora pizza iya. Ndakangodya one piece ndokubva ndamuti ndainge ndaguta. Ndainzwa kunyara ini saka ndaida kuzonoidyira kumba naRumbi.

" Ndave kuenda kumba kwakudoka."

" Okay rega ndikupushe."

" Don't worry."

" No I insist."

" Okay kwacho but unodzokera padhuze. Handidi kuti tisangane na daddy na mama."

" Ko vanotyisei?"

" Aiwa iii. Ndichiri pamahwani kani."

" Hapana mahwani auri nekuti ndiwe victim"

" Mahwani ndeekuti sei ndakashamwaridzana na street father."

Akabva aseka zvake akaisa maoko muhomwe ndokuti:

" Well, street father munhuwo handizvo here?"

" Ehe asi vanhu havazvinzwisise."

" Vachazvinzwisisa zvavo kuti paya painzi rudo ibofu zvaireva kuti rudo harutsvagi kuti uyu mu street father uyu haasi. Runongomera pese pese kunge howa."

Takabva taseka tose uye ndainge ndave kuita ndichimujaira. Zvaitondiitira funny mufunge kuti munhu wandaitamba naye mazuva ose aya ainge ave kuita semunhu mutsva kwandiri.

Ndaitonzwa kuti this was a new chapter in my life ende ndiye aiva mukomana wangu wekutanga ndichizwa kuti ndainge ndiri murudo for the first time. Ko ndaimboziva here kuti kudanana nemukomana kwaitapira kudaro?

For a moment I forgot all my problems not thinking anything else except my T-1. Ahh imi hameno zvazvaingondiita mufunge.

Takazoerekana tapinda muraini medu tichinanaidzana kudaro nekuyemerana zvekuti ndakazovhunduka pakaridzwa bhera remota apa ndaitove busy kuseka zvangu zvataitaura.

Pandakati cheu ndakaona iri Discovery ndikanzwa mudumbu kuti gruuu. Daddy vainge vandimirira nechepamberi pedu zvishoma.

" S**t ! Ibva wadzokera T-1 ndi moms na daddy."

" No, rega ndivakwazise."

" What?! Ahh hazvi-."

" Don't worry."

Akabva andibata ruoko ndokufamba neni uye tichinosvika pamota paya ndainge ndave kudedera nekutya !

End of chapter 11

Chapter 12 loading......

🔰🔰🔰🔰🔰🔰🔰🔰🔰

Address

Harare

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Tineyi Group Novel posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share