11/02/2026
https://chat.whatsapp.com/DdxNqturbeFJwuxZhRJn4G
âī¸đ
°ī¸ÂŠī¸ 5ī¸âŖ
đŦđŦđŦđŦđŦ
đŠī¸đŠī¸đŠī¸đŠī¸đŠī¸
TERA-BITES
ī¸â đŦđŦđŦđŦđŦ
đŠī¸đŠī¸đŠī¸đŠī¸đŠī¸
THE
MISSING EPISODES
Written by tc ( Chino )
+263 773 046 013
For comments use whatsapp link above:
CHAPTER 0ī¸âŖ3ī¸âŖ
" Lieutenant Reynolds, you call me that, got it?"
" Yes."
" You are a fool. What did I just tell you?"
" Am sorry. Yes Lieutenant."
" You will be more sorry loverboy. Now get in, we have no time to waste - officer !"
Akaerekana adaro nezwi raiva pamusoro ndikavhunduka. I was not used to these shoutings and intimidations in the military. Ndainzwa ma nerves angu achiti zhrrrr kunge munhu avhundutswa neshumba musango.
I still couldn't understand how Marcia had become an Army captain in such a short time. Ko akazenge apinda chisoja rinhi munhu wandaiziva kuti aingogara achigadzira nzwara nekumeso pamwe nekudya mari dzababa vake. Everything didn't seem correct and out of place.
Why was she assigned to me as my fitness trainer? Didn't we have our own training facilities at NASA? Why had I been incorporated into the army? Mibvunzo yese iyi yaingoita chamuhwiriri mumusoro mangu zvekuti ndakashaya shumo yazvo.
Marcia ainge asimba and looked more mascular than when I last saw her or how I knew her. What was she doing here anyway? Ndakamboda kubvunza asi ndakatya sezvo ndainge ndatove pasi pemutemo we military- never to ask orders but to always obey them.
Ndakapinda mumota muya, a very poweful looking badge-coloured Military Humvee vehicle with two giant aerials, one at the front and one at the back.
The High Mobility Multipurpose Wheeled Vehicle (HMMWV or in short, Humvee) is a light, four-wheel drive, military truck . It has largely replaced the roles previously performed by the original jeep, and others.
Primarily used by the United States military, it is also used by numerous other countries and organizations and even in civilian adaptations- the Hammer. Vazhinji munoiziva ka Hammer I hope so.
So mhando yemota idzi ndiko kunova kwakabva iwo amunoti ma Hammer akati kuuya aya nekudhura kwawo. Haiwa mota yakasimba zvayo iyoyo zvekuti inopinda pese like musango, mumakomo nenzvimbo dzose dzamungafungira kuti dzinonetsa kupinda. Kana muri muma deserts ndidzo chaidzo mota dzavanoshandisa kuchiuto.
So ndakapinda ndokukanda bag rangu kumashure ini ndokugara padivi pavo Lieutenant Reynolds vacho, ahh imi ! Ko ndaigodini zvangu ivo vaida kukudzwa !
Nekuda kwebasa rainge ravapo ndainge ndotomudaidza nezita rebasa kwete zvekuti Marcia zviya. Ko nyembe dzakaoma ka. Seni zvangu ndaiva musungwa ipapo ndakatozviziva kuti kungopikisana chete nemitemo yacho kwainge kuri kuzvigokera moto muziso.
Mumota umu maikwana vanhu four chero hazvo taingova vaviri chete.
Yaisangova mota njee bedzi asi yainge iine hungwandangwanda hwe communication and navigation equipment.
Kwaiti GPS map, compass, radar, mine detection console nezvimwewo zvainge zvakangowandawanda. Zvose izvi ndakakwanisa kuzviona nenguva pfupi sezvo zvaingova familiar nekuda kwebasa rangu randainge ndagara ndichiita uye painge pasina chitsva ipapo.
Takasimuka kubva mu underground bay mataiva ndokubuda kunze after passing through several security check points. Ma guards aiva pama boom gates vaingorova sarupu ku mwanasikana uyo ainge akapfeka maboniboni matema. Ndakatoona kuti airemekedzwa zvikuru pabase apa uye kuti aizikanwa nevazhinji. Marcia chaiye?! Ndakatadza kuzvinzwisisa ndokusiyana nazvo.
Takabuda munharaunda ye Fort Irwin iyi tiri mumugwagwa mukuru ndokuzousiya tave kunanga kumakomo aiva kumavirira kwe base redu.
Tiri mukufamba kudaro Lieutenant Reynolds vakabva vatanga kutaura pa radio comms uye uku vari busy kutyaira mota iyo yainge isina kusiyana nekuva mundege sezvandambotaura. Nguva zhinji vainge vachingotarisatarisa pamwe nekubaya zvima buttons kana kutenderedza zvima dials zvakangosiyana siyana uye nekuongorora zvaibuda pa GPS map.
I could easily see what was happening like where we were going and coming from so I didn't need to ask her kuti taiendepi. She had punched in the coordinates into the GPS map and I could see that we were destined for the highest point of the desert some fifty or so kilometres away.
" I will brief you as we go loverboy !"
Ndakangomutarisa asi handina chandakataura. Iye ainditi loverboy asi iye achida kuti ndimuremekedze nekuti Lieutenant, nxaa ! Ndakamutuka nechemumoyo zvese nanambuya pamwe nana sekuru vake asi chekuita painge pasina. Ndiye aiva shefu wangu ipapo.
" I can see you are still looking stupid Mac but don't you fu***ng worry. You will know very soon, hear me?!"
Aitaura nezwi raiva pamusoro nekuda kweruzha rwemota rwaibuda mu engine. Ndakangomutarisa ndokugutsurira musoro umo ndainge ndakaisa military helmet. Ndakatora ma headphones ndokubayirira munzeve and turned on the comms. I could hear some crackles and mixed voices and commands from other military channels.
I quickly switched on to our frequency which was marked on the console panel and those other crackles disappeared. I indicated to her to do the same and she complied.
" I was fu***ng going to ask you to put it on Mac ! Next time wait for my orders you hear me?"
Nhai Mwari, nekupfeka intercom kwese here ?! Ndakazvibvunza nechemumoyo ndikangoti hayaas, hukuru hwakazopiwa vamwe vanhu rwendo rwuno, ende ndaichiona naka !
" Yes Lieutenant."
I said softly adjusting the volume uye tave kunyatsonzwanana manje pasina kudanidzira kukuru asi iye aingodanidzira kunge munhu anopenga.
Tainge tabuda mutara tave mu gravel uye mota yaimhanya kumashure uku kuchingombumuka guruva zvekuti ndaisaona chinhu nepa rear view mirror. Mamhanyiro aaiita she was a good driver, ndakadaro nechemumoyo admiring how she was handling this beast of a monster desert truck.
" Now listen carefully ! "
She shouted dispite the comms we were putting on.
" Our destination is Alpha Zero Three Niner ! On that map , can you see it? That beacon ! And this mission is classified , do you hear me?!"
" Yes Lieutenant."
" Good !"
Ndaiziva zvazvaireva ndokuti mwii kunyarara. It meant that I would talk to noone about where I was nor what I was doing, not even my mother or my girlfriend. Ndiko kuti chiri mumoyo chiri muninga kureva kwevakuru vakare !
Takamboti fambei takanyararidzana. Infact I had nothing to talk about sezvo ndaisaziva kwataienda or chataiendera kuti kwaiva nei chaizvo uye panguva iyi zuva rainge rorereka rave kuda kuenda muna mai varo. Ko ndaitaurei ini ndainge ndanzi ndisawane chekubvunza kana kureva?
Zvisinei takazotanga kuita setainge tave kukwidza mukata kwaitangira makomo uye mota yainge isisachamhanye. Mugwagwa wacho wainge wave mudiki uye waimonyoroka uchingokwira kumusoro.
Takabva tazodzika zvakare maiita kunge mu valley muine makomo marefu maviri rimwe uku rimwe uku kusara kamupata kadikidiki so kaikwana mota chete.
Akabva amisa mota pakati pekanzira kaye ndokuti :
" I beleive you got your gear?"
" Yes Lietenant."
" Good. Now get out !"
Ndakavhunduka nekatauriro kaakaita ipapo. My God, this girl had a lot of command !
" What?"
Ndakabvunza ndichiratidza kusanzwisisa.
" I said get out !"
Veduwe pane pamwe paunoita kunge chidzoi ne confusion. Ndakatarisa nzvimbo yataiva uye kusviba kwainge kwave kuita kunze ndikatadza kuzwisisa kuti aida kutii chaizvo Marcia.
" Sorry I don't understand. Are we--."
" I said get out ! Are you deaf?! Get your bag and get out !"
Ndakatendeuka ndokusvavarira military satchel bag rangu ndokubva ndabuda panze. Ndichingovhara door bedzi akabva aisimudza mota achidaidzira.
" Meet you at the top mother fu**er !"
Jesus ! This girl was she nuts ?! Ndakafunga kuti kwaiva kutambaka nyamba kwaisava. Mota yakambumura guruva ichitoenda ini ndokusara ndakangoti tumbi kumira kunge muroyi ashaya kwekuenda nako.
Ndaisatomboziva pandaiva zvichienderana nenzvimbo yataida kuenda yacho. We had done so many turns and I had lost all directions. Zuva chairo rainge ratonyura uye kuti ndizive pekutangira ndakatoshaiwa. Chokwadi Marcia pandaizomubata tisisiri pabasa ka ! Handina kuzopedzisa asi ndakanzwa hasha naye ipapo zvekuda kumudzipa chaiko.
I looked up and down the rugged walls of the rocky sides on either side of the valley and felt my stomach turning. I was deep in the heart of the Mojave and it looked like I was inside a cannyon. This cannyon extended to where I was supposed to be going and I could not see its end as it was fast getting darker by each second. There was no sound of any night bird or animal or even any sign of any bats. It was like I was in noman's land and I felt a cold chill running down my spine.
Ndisingafungire kunze kwakabva kwangoita dark as if zuva rainge rangovharwa chiriporipotyo. Ndakanzwa kutya nekudedera ndokupinza ruoko mune imwe homwe yebag umo maiva ne torch yainge yakakura uye ichiti remei ndokubva ndaibatidza. I then picked up the satchel ndichibva ndaribereka kumusana ndokutanga kufamba ndichienda nekwainge kwaenda na Lieutenant Reynolds !
End of chapter 3
Chaptet 4 loading......
đđđđđđđđđ