30/10/2025
Hurumende yabuda pachena kuti hapana chikonzero chekuti vanhu vatye kukwira kwemutengo wechingwa, zvichitevera kuunzwa kweStatutory Instrument (SI) 87 ya2025.
Mirau mitsva iyi inotarisana nekupinza uye kutenga kwema grains uye oilseeds munyika, ichisimbisa hurongwa hunoda kuti vanogadzira zvinhu vawedzere zvishoma nezvishoma kutenga zvinhu kubva kuvarimi vemunyika.
●●●●●●●●●●●●●
Kana muri kuSouth africa tengerai hama neshamwari dziri kuZimbabwe ✅️airtime ✅️data ✅️magetsi kana kubhadhara ✅️DSTV pa WhatsApp. Send Hello to +27 74 978 6238 and register
●●●●●●●●●●●●●●
Vakuru vakuru vanoti chinangwa chemurau uyu ndechekudzivirira varimi vemunyika nekuvimbisa kuti vachawana vatengi, kana kuti off-takers, vakavimbika vezvavanenge varima. Zvisinei, wheat haina kubatanidzwa muSI iyi.
Vachitaura nevatori venhau vehurumende neChitatu panguva yekuvhurwa kweAI-powered smart silos paGrain Marketing Board depot kwaMutare, Permanent Secretary weMinistry of Lands, Agriculture, Water, Fisheries and Rural Development, VaObert Jiri, vakati hapana chikonzero chekuti mitengo yechingwa ikwire, sezvo wheat isina kubatanidzwa mumirau mitsva.
Verengai nhau pa WhatsApp.
Follow our WhatsApp Channel for free news and more updates. Use this link
https://whatsapp.com/channel/0029Vb61hkl0AgW5pJah8R1y