NationalFM Zim

NationalFM Zim The station offers entertainment, info and education. Broadcasts in 16 Zimbabwe indigenous languages.
(5)

06/06/2026

Vanotungamira sangano rinoona nekurwisana ne HIV ne AIDs re National AIDS Council ku Bulawayo, Mai Sinatra Nyathi vachizivisa nezvehuhwandu hwevanhu varikurarama ne HIV mu Zimbabwe.

Vatura kuti:

1. Mu Zimbabwe kune vanhu varikurarama ne HIV vanosvika *1,296,000*.
2. Vakashaya nezvirwere zvine chekuita ne AIDS muna 2024 vanosvika 16 700. Vakati i number yakakurisa asi zviri nani pane kumakore ekuma2000 paishaya vanhu vanodarika 100,000 pagore

4. 95-95-95. Kubudikidza ne zvirongwa zvinoitwa nehurumende ichishandidzana nemasangano anosanganisira NAC, Zimbabwe yakatodarika pakatarwa nepasi rese pe 95-95-95, vakati vanhu vanoziva kuti vari HIV+ vanosvika pa 95%,
Vari pama ARV vanosvika 98%,
Vane utachiona hwakadzvanywa vanosvika 96%.

Kubudikidza nezvirongwa zve hurumende ichishandidzana ne National AIDS Council nemamwe masangano, Zimbabwe yadzikisa ndufu dzinechekuita ne AIDS, zvekare yadzikisa nehuhwandu hwevanhu varikutapurirwa HIV. Zvirongwa zvinosanganisira kukurudzira kuongororwa, kushandisa zvidziviriro zvepabonde, kudzivirira kutapurirwa kwemwana achirinhumbu nezvimweo zvabatsiridza kudzikisa dambudziko iri. Zvichakadaro, Zimbabwe imwe yenyika shoma dzagona kusvika pakatarwa nepasi rese kuti pachinosvika 2030 nyika dzese dzinge dzasvika.

🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥
06/06/2026

🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥

06/06/2026

🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥

06/06/2026
Full Time:FC Hunters 3-1 Bulawayo Chiefs
05/06/2026

Full Time:

FC Hunters 3-1 Bulawayo Chiefs

05/06/2026

Ma party aiitwa neve chidiki ema Vuzu aimbova nemukurumbira ku Bulawayo, akuitirwa mumaKombi, zvinova njodzi itsva yekutapurirana HIV kunevechidiki. Ma party aya anoitirwa mumaKombi anonzi 'Mjeje party", anopindwa nevechidiki vakasangana vakomana nevasikana vachimwa doro nekushandisa zvinodhaka pamwe nekuita bonde zvinova zvinodzosera kumashure zvirongwa zve hurumende ne National AIDS Council zvekurwisana ne HIV AIDS mu Zimbabwe.
Vachitaura ne National FM ku Bulawayo, Programs Officer veNAC ku Bulawayo, va Douglas Moyo, vati vechidiki veku Bulawayo vakaona kuti mapurisa akuziva nezvema Vuzu party ndosaka vakuita zve Mjeje party. Vati NAC aisikupeta maoko asi irikushanda nemapurisa kurwisa dambudziko iri.

Zvichakadaro, va Moyo vazivisa kuti vechidiki vanosvika 3,713 vari pakati pe makore 15 kusvika 24 vari kurarama neHIV kuBulawayo.

NAC inezvirongwa zvakasiyana siyana zvinosanganisira che Brother2Brother, Sister2Sister, Dreams nezvimweo zvakanangana nekubvisa vechidiki munjodzi dzinosanganisira kutapurirwa HIV nekushandisa zvinodhaka.

05/06/2026

with Teacher vasina shamhu 🔥🔥🔥

05/06/2026

Mathias Mhere arikutsikisa new album musi wa 13 June 🔥🔥🔥
Advantage
Mweya mutsvene
Ndiperekedze kudombo
Ndibvumbamireyi
Panesimba
Nyengetera uwone
Fambe Fambe
Nguva
Ndipeiwo meso
Vakuru

05/06/2026

Mathias Mhere pfeeeee paChimuti 🔥🔥🔥🔥

05/06/2026


Mati Mudzimai wekuBanket aite sei? Ayende kunoreport kuti akabatwa chibharo, murume wake asungiwewo kuti akaba chibage kana kuti asiyane nazvo zvivharane ?

Address

HG 444 POCKETS Hill HIGHLANDS HARARE
Harare

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when NationalFM Zim posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to NationalFM Zim:

Share