10/12/2025
🔥
🔥Rusape Gandanzara mufundisi vakaita zvibhakera parufu rwa Hwindi asi zvakazowandira kuna mufundisi apo mufundisi vaive vakapfeka nhumbi dzebasa..
🔥Mutoko kune murume anemakore makumi maviri nemapfumbamwe nemukadzi nevana vana. Akaenda kuchigayo achidzoka kwakatanga kunaya zvishoma akatyira hupfu akavanda mvura pamusha waive pedyo ari ipapo akarohwa nemheni padoor repamusha uyu ,vakaudza mapurisa vakati takurai munhu aende kumortuary asati atorwa pakauya imwe hama yechirume ikaita wiwi ipapo vanhu vakatarisa ,vanhu nanhasi havasi kuziva kuti wiwi ndeyeyi uye hapana akabvunza kuti komaitireyi wiwi pamunhu akafa..
🔥Karoi kuna baba vakamwa mushonga unouraya mushure mekuti mwana ataura mashoko ekurumbidza mai vake achiti kuvanhu ava ndivo vanonzi vakadzi chaivo pazvose achibva ati imbotendererai vanhu vanyatsoona iye achiti hona hona hona kani ,saka baba vaivepo uye mwana uyu mukadzi wake aivepowo zvekare ,mutambo wakapera vachisvika mumba baba vakamwa mushonga asi vakasiya vanyora tsamba yekuti kana mwana achitaura mashoko aya kuna mai vake ko ini ndichataurei ,baba avagare pamba vanoshandira kukariba,nemuroora mukadzi wemwana uyu akaenda kumba kwavo achiti gara namai vako ndivo mukadzi chaiye pazvose,chinorwadza achitaura aubata pamafudzi amai vake ,baba vakaramba kuonekwa muchipatara nemukadzi wavo nemwana wavo ndipo pavakazoona tsamba ,ndichitaura nemuroora anoti ndakamboshaya pant remurume wangu ndikawana vakariwacha riripakati pebembe dzavo ,asi ndakazowana rave mumba mangu asi handina kubvunza