07/10/2025
Musiwa 06 October munzvimbo yeHatcliffe, kune murume akapondwa akaonekwa Ari paborehole pamatombo achibuda ropa mumusoro paiva paneronda rakavhurika.
Chiitiko ichi chirikutaridza zvizere kuti munzvimbo yeHatcliffe mapinda njodzi ,mhondi dzawandisa mumusha,izvo zvavakuda isu tose sevagari vemuHatcliffe kuti tibatirane pamwe chete tichengetedzane munharaunda yedu pachedu.
Panechirongwa cheneighborhood watch chiri kutungamirirwa neVechididi vemuHatcliffe vebazi reDisaster Risk Response ,Ministry of youth empowerment development and vocational training,nezvikwata zvemaAssociations evechidiki anosanganisira Big Heart Association Of Zimbabwe,Never alone , Shinning empowerment progressive trust neamwe atisina kudoma.
Chirongwa cheneighborhood watch chiri kudiwa munhu wese akasununguka uye arikuona zvakafanira kuti Ave mumwe wevakuda kuchengetedza nharaunda.
Tikasachengetedza nharaunda is sevagari vemuHatcliffe vanorasikirwa nehupenyu uye nezvikoshwa tisu zvakare sevagari vemuHatcliffe.
Varikuda kuva vamwe vevachengeti venharaunda yeHatcliffe ,vakasununguka kunyoresa Zita sezvo pachava nechirongwa chekudzidziswa kwevanhu maringe nekuchengetedzwa kwenharaunda ,bazi reZRP ndiro richange richidzidzisa vanhu nezvekuchengetedzwa kwenharaunda
Varikuda chirongwa chayai nhare kana kumira message panumber dzinoteverera 0774073252.
Safe and Inclusive Cities
Dialogue on Shelter Trust
Plan International Zimbabwe
Big Heart-Association of Zimbabwe
Mbilez24
Copied from Hatcliffe Community Newspaper